‘Tinoziva Kuti Ivo Vachamuka Murumuko’
MWARI WAMASIMBA ose akapa rudzi rwomunhu upenyu. Iye anogonawo kuhudzorera kuvanhu vakafa. Kwaariwo kwakabva manyuko akavimbika zvikurusa amashoko pamusoro poupenyu norufu: Magwaro echiHebheru neechiGiriki echiKristu, zviri zvikamu zviviri zvinoumba Bhaibheri. Iro rine shoko rakavakirwa pamaidi rokuti vazhinjisa vavakafa vanogona uye vachadzokera.—Johane 5:28, 29.
Kuenzanisira, rangarira nhauro yenhau yaRazaro weBhetania, uyo akanga achizivikanwa zvikuru kuna Jesu Kristu. Razaro akanga ave achirwara, uye ipapo akafa. Pashure paikoko, Jesu akaudza hanzvadzi yaRazaro Marta, kuti: “Hanzvadzi yako [yakafa] ichamuka.” Iye akapindura, achiti: “Ndinoziva kuti uchamukazve pakumuka nezuva rokupedzisira.” (Johane 11:23, 24) Hungu, iye aikuziva. Kuchivakirwa pamashoko akavimbika, iye akanga asina panikiro yokuti hanzvadzi yake inodiwa Razaro yaizodzoka “nezuva rokupedzisira.”
Sezvaunorava chinyorwa chenhau chiri muna Johane ganhuro 11, uchawana udzame hwechakaitika panguva iyeyo. Jesu akadzorera murume iyeyo kuupenyu, kunyange zvazvo Razaro akanga ave akafa kwamazuva mana. Rumuko irworwo chitendiso chokuti Mwari anogona kuzadzika zvipikirwa zvake zvokudzorera vakafa “nezuva rokupedzisira.” Asi Marta aikarira kuonazve Razaro kupi? Ndokupi uko vamwe vaJudha vakatendeka vakafungidzira kuti rumuko rwuri kuuya rwaizoitika?
‘Nyika Isingadzokerwi’?
Pasi rakasarudzwa naMwari kuva musha womusikirwo nokuda kwomunhu. Wezvamapisarema anokutaura naawa mashoko: “Kudenga denga ndiko kudenga kwaJehovha; asi pasi wakapa vanakomana vavanhu.” (Pisarema 115:16) Hapana chinhu muMagwaro Matsvene chinoratidzira kuti kudai Adhama naEvha vakanga varamba vakatendeka kuna Mwari, vangadai vakava noupenyu husingagumi kune imwe nzvimbo panzvimbo papamusoro papasi. Kutaura idi, ko “muti woupenyu” wakanga usiri pano pasi pano here, muParadhiso iyo vaviri vokutanga vohunhu vakafarikanya vasati vapinda munzira yokusateerera kuna Mwari? (Genesi 2:9; 3:22) Sezvo kwakanga kusina mashoko akabva kuna Mwari anopesana, vabatiri vake vakatendeka kunze kwebindu reEdheni (kuvambira pamwanakomana anotya Mwari waAdhama Abheri zvichienda mberi), chaizvoizvo, vangadai vakabatanidza rumuko nomusha bedzi uyo ivo vaiziva nezvawo nokuda kwomunhu—pasi.
‘Zvino, imbomira,’ vamwe vanhu vakarovedzana neBhaibheri vangaramba vachiti, ‘ko Jobho haana here kutaura muganhuro 16, ndima 22 (NW), kuti iye aizo“enda” “nenzira iyo” iye “aisazodzokera nayo”? Uye pana Jobho 7:9 iye akaonesa kuti: “Unoburukira kuSheori [guva], haangazokwirizve.” Jobho akawedzera mundima 10, kuti: “Haangazodzokeri kumba kwake, nenzvimbo yake haingazomuzivi.”’
Naizvozvo, sezvinotaura dzimwe nyanzvi, ko ndima idzodzo nokutaura kwakafanana hadziratidzi here kuti Jobho airangarira rufu se‘nyika isingadzokerwi’? Ko kutaura kwakadaro kunoreva here kuti Jobho aisadavira murumuko rwomunguva yemberi? Nokuda kwemhinduro, tinofanira kurangarira aya mashoko mumugariro wawo, tichiaenzanisawo nemimwe mifungo iyo Jobho akataura pamusoro penhau yacho.
Jobho akanga asingazivi zvikonzero zvaiva seri kwokutambura kwake. Kwenguva yakati akakanganisa kufunga kuti Mwari aiva nomutoro wedambudziko rake. (Jobho 6:4; 7:17-20; 16:11-13) Aodzwa mwoyo, iye akarangarira kuti nzvimbo yake bedzi yezororo rokukurumidza yakanga iri guva. (Jobho 7:21; 17:1; enzanisa ne Job.3:11-13.) Ikoko, mumurangariro wavararami vapanguva imwe cheteyo vake, haasati aizoonwa, haasati aizodzokera kuimba yake, haasati aizowana kumwe kuzivikanwa, haasati aizodzokera kana kuti kuva nekariro ipi neipi yokuita saizvozvo pamberi penguva yaMwari yakagadzwa. Vasiiwa vari voga pasina pindiro inoitwa naMwari, Jobho navamwe vose vavazukuru vaAdhama vakanga vasina simba rokumuka kubva kuna vakafa.a—Jobho 7:9, 10; 10:21; 14:12.
Chitendero Murumuko
Hatifaniri, kunyanguvezvo, kunzwisisa kusava nechokwadi kwaJobho pamusoro peizvo akanga achitambura netsinhiro dzake dzakakomba pamusoro penguva yake yemberi iri pedyo kureva kuti iye aisadavira murumuko. Kuti iye zvamazvirokwazvo aidavira murumuko rwomunguva yemberi kuri pachena kubva pana Jobho 14:13-15. Muchikamu ichocho, Jobho akataura nezvokushuva ku‘vanzwa muSheori’ uye pashure pezvo nezvo‘kuyeukwa’ naMwari. Uyezve, muna Jobho 19:25-27 uyu murume wokutenda neperero akataura nezvokuva no“mudzikinuri” uye gare gare nezvo‘kuona Mwari.’ Hungu, Jobho aidavira murumuko. Iye aidavira kuti Mwari aigona uye aizomudzorera kuupenyu, kunyange seizvo Abrahama kare akapwiswa nesimba raMwari ro‘kumutsa vakafa.’—VaHebheru 11:10, 16, 19, 35.
Munguva dzedu dzazvino uno chaimo, vaJudha vakadavira murumuko rwomunguva yemberi rwokuupenyu pasi pano. Encyclopædia Judaica (1971) inoti: “Chitendero chokuti pakupedzisira vakafa vachamutswa mumiviri yavo ndokurarama zvakare pasi pano” i“dzidziso huru” yechiJudha. Enisaikoropidhia yacho inopfuurira, ichiti: “Iyi pfungwa yakarangarirwa zvakakomba kwazvo uye chaizvoizvo zvokuti vaJudha vatsvene kazhinji kazhinji vanoitira hanya zvipfeko zvavanovigwa vakapfeka, kuvigwa kwakakwana kwemitezo yose, uye kuvigwa muIsraeri.”
Nenzira inofadza, Bhaibheri haritauri kuti murumuko Mwari achaunganidzazve miviri yavanhu yakaora yavakafa. Maatomu chaiwoiwo aavo vanguve vakafa akaparadzirwa chifo chenguva iyeyo pamusoro papasi rose uye kazhinji kazhinji somuuyo akapinzwa mumiti nemhuka—hungu, kunyange muvamwe vanhu, avo vakafa pashure paikoko. Kwakajeka kuti murumuko maatomu mamwe chetewo haangagoni kushandiswa nokuda kwaanopfuura munhu mumwe anomutswa. Panzvimbo pezvo, Mwari achaunza vanhu kuupenyu vane miviri yakakodzera, pasina mativi asipo nokumwe kuremara kwakatamburwa pamberi porufu, sezvaanoda.—Enzanisa na 1 VaKorinte 15:35-38.
Ko ava vanomutswa vachazivikanwa neshamwari dzavo nehama dzokunyama here avo vanodzorerwawo kuupenyu? Ikoko kunoratidzika kuva kuno mufungo, nokuti kudai tisingagoni kuziva vakafa vanomutswa uye ivo isu, taizoziva sei kuti vadiwa vedu vakafa vakanga vadzokera chaizvoizvo? Kunyange zvazvo muviri waRazaro wakanga wave uchiora, akazivikanwa nehama dzokunyama navazivikanwi pashure pokunge Jesu amumutsa. Nokudaro, isuwo tinogona kukarira kuti Jehovha Mwari nenzira yorudo achaita kuti tionane nokuzivana murumuko kuupenyu pasi pano.
Tariro Yokudenga Nokuda Kwavashomanene
Sezvatacherechedza, pasi ndiwo musha worudzi rwomunhu wakapiwa naMwari. Bva, Jesu Kristu akajekesa kariro yokuti chiverengero chinosarudzwa chinobva pakati porudzi rwomunhu chichamutsirwa kuupenyu husingaori, husingafi hwomudzimu naye mumatenga. (2 Timotio 1:10) Kwenguva yakati pashure pokunge Jesu azarura “nzira itsva nemhenyu” yokuupenyu hwokudenga, maKristu ose akanga achikumbirwa kugoverana mutariro iyoyo. (VaHebheru 9:24; 10:19, 20) Vangani vaizogamuchira tuso iyoyo pakupedzisira? ‘Chizaruro [chakafuridzirwa], icho Mwari akapa kuna Jesu kuti aratidze varanda vake zvinhu zvinofanira kuitika,’ chinoisa nhamba yacho pa 144 000, avo “vakadzikinurwa vachibva panyika.”—Zvakazarurwa 1:1; 7:4-8; 14:1, 3.
Neiko chiverengero chiduku zvikuru chakadaro chavanhu chichi“dzikinurwa vachibva panyika” nokuda kwoupenyu mudenga? Bhuku rimwe chetero raZvakazarurwa rinotipa chikonzero chechiverengero chakaganhurirwa. Tinorava muganhuro 20, ndima 5 ne 6, kuti: “Ndiko kumuka kwokutanga. Munhu uno mugove pakumuka kwokutanga wakaropafadzwa, mutsvene; rufu rwechipiri harune simba pamusoro paivava; asi vachava vaprista vaMwari naKristu, vachabata ushe pamwe chete naye makore ane gumi ramazana.”—Onawo Zvakazarurwa 5:9, 10.
Vadzorwi Vapasi vaMambo
Nenzira yakajeka zvikuru, havasi vanhu vose vachatonga samadzimambo navaprista, nokuti kudai vose vaiva madzimambo, vaizo“tonga” pana vanaani? Panzvimbo pezvo, iri boka rakasarudzwa chaizvo, rakavakirwa pavaapostora vakatendeka vaJesu, richatonga pamusoro papasi rinogarwa murutivi ne“boka guru” rinorondedzerwa muna Zvakazarurwa ganhuro 7, ndima 9 kusvikira ku 17 (NW). Mamirioni aivava zvino ari kukarira kusvika kunokurumidza kwe“hondo yezuva guru raMwari Wamasimba ose,” iyo ichabvisa papasi rino kusarurama kwose. Kupfurikidza nomutsa wakakomba waMwari, ivo vachapukunyuka dambudziko guru iroro pasina kutongotofa.—Zvakazarurwa 16:14, NW; 21:14; Zvirevo 2:21, 22.
‘Asi zvakadiniko nezvaavo vakafa, vakadai savadiwa vangu?’ ungasanobvunza kudaro. Jesu amene akaudza Marta kuti vamwe, ‘kunyange zvazvo vakafa, vachava vapenyu.’ (Johane 11:25) Ikoku kuchava murumuko rwapasi. Mukati mokutonga kwaKristu namadzimambo navaprista biyake vane 144 000 mumatenga, mamirioni mazhinji avakafa avo Mwari anoyeuka zvakanaka achamutswa uye achava nebasa rakazara rokudzidza kunamatwa kwechokwadi kwaJehovha. Kana vakatendeka, ivo vachawana tuso youpenyu husingagumi muparadhiso yapasi rose. Ikoku kuchava mukati me“zuva rokupedzisira” iro Marta akanongedzera kwariri sezvo akanga achibvumirana naJesu kuti hanzvadzi yake Razaro yaizomuka zvakare kuupenyu.—Johane 5:28, 29; 11:24; Ruka 23:43.
Tariro Iri Pazvivimbiso
Rumuko rwakanyorwa muBhaibheri mienzaniso nezvivimbiso zvokunaka kwetariro yorumuko inopiwa naMagwaro Matsvene. Ichi chinyorwa chinotaura nezvorumuko rwakaitwa pasi pano navaporofita Eria naErisha munguva dzapamberi pechiKristu, noMwanakomana waMwari (kubatanidza urwo rwaRazaro), navaapostora Petro naPauro, uye zvikurukuru naJehovha Mwari mukumutsa Mwanakomana wake. Iwe unogona kurava mishumo yakadaro muBhaibheri rako pana: 1 Madzimambo 17:17-24; 2 Madzimambo 4:32-37; Mateo 28:1-10; Ruka 7:11-17; 8:40-56; Johane 11:38-44; Mabasa 9:36-42; 10:38-42; 20:7-12.b
Pahwaro hwetariro yorumuko yakasimbiswa nesimba zvakadaro, Pauro aigona kuvimbisa vaAtene, kuti: “Mwari . . . wakatara zuva, raachatonga nyika naro nokururama, nomurume waakagadza; akasimbisa shoko iro kuna vose, pakumumutsa kuna vakafa.”—Mabasa 17:30, 31.
Hungu, rumuko rwaJesu chivimbiso chikurusa chakasimba chokunaka kwetariro yorumuko. Naizvozvo isuwo tine hwaro hwakasimba hwokuvimba chose chose musimba nomurudo zvaJehovha Mwari. Isuwo tinogona kuratidzira kupwiswa uko Marta aiva nako: ‘Isu tinoziva kuti vakafa vachamuka murumuko pazuva rokupedzisira!’
Pashure pokunge vateereri vaPauro paGomo reMars vanzwa chipupuriro chake pamusoro po“kumuka kwavakafa,” vakakamurwa kuva mapoka matatu: “Vamwe vakaseka, asi vamwe vakati: ‘Tichazokunzwazve pamusoro paizvozvi.’ . . . Asi vamwe varume vakamunamatira, vakatenda.”—Mabasa 17:32-34.
Ndokupi kuri kuita kwako kutariro yorumuko? Jehovha achachengeta chipikirwa chake chokumutsa mamirioni, kunyange mabhirioni, achibva muna vakafa. Kana iwe uchizovako kuti uvaonezve, uye kuonwa navo, kunotsamira zvikurukuru paicho unoita. Unodisa here kudzidza pamusoro pako uye kurarama mutsinhirano nezvinodikanwa zvaMwari zvokuwana upenyu husingagumi? Zvapupu zvaJehovha zvichava zvinofara zvikuru kukupa mamwe mashoko pamusoro petariro yavakafa uye pamusoro penzira yaunogona kupukunyuka nayo mugumo wetsika ino yezvinhu.—Johane 17:3.
[Mashoko Omuzasi]
a Nenzira imwe cheteyo, wezvamapisarema anonyora neiyi nzira pamusoro pomugariro waivapo panguva iyoyo pamberi pepindiro ipi neipi yakaitwa naMwari: “Uye [Mwari] akaramba achirangarira kuti [vaIsraeri] vaiva nyama, kuti mudzimu [kana kuti simba roupenyu rinobva kuna Mwari] unobuda uye haudzokeri.”—Pisarema 78:39, NW.
b Unogona kuwana kurukurirano ine udzame zvikuru yorumuko munguva dzeBhaibheri nechipikirwa cheBhaibheri chorumuko rwuri kuuya mukati mokutonga kwaKristu muna Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi pano. Ganhuro 20 ine musoro unoti “Rumuko—Rwaani, uye Kupi?” Bhuku iri rinowanika kuZvapupu zvaJehovha zviri munharaunda yako kana kuti pahofisi dzakarongwa papeji 2 yamagazini ino.