7 “Upenyu hwemunhu panyika hahuna kufanana nebasa rekumanikidzwa here,
Uye mazuva ake haana kufanana neemunhu wemaricho here?+
2 Anosuwa mumvuri semuranda,
Uye anomirira mubhadharo wake semunhu wemaricho.+
3 Saka ndakapiwa mwedzi isina zvainobatsira,
Uye ndakaverengerwa usiku hwekutambudzika.+
4 Pandinorara ndinobvunza kuti, ‘Ndichamuka riini?’+
Asi usiku pahunenge huchifamba, ndinongoshanyarika kusvikira kwachena.
5 Nyama yangu yakazara nehonye nemakoko etsvina;+
Ganda rangu razara makwati neurwa.+
6 Mazuva angu anomhanya kupfuura chirukiso chemuruki,+
Uye anoguma pasina tariro.+
7 Yeukai kuti upenyu hwangu imhepo,+
Kuti ziso rangu harichafi rakaona mufaro zvakare.
8 Ziso riri kundiona iye zvino harichazondionizve;
Maziso enyu achanditsvaga, asi ndinenge ndaenda.+
9 Segore rinoparara ronyangarika,
Munhu anopinda muGuva haabudimo.+
10 Haazodzokizve kumba kwake,
Uye imba yake haizomuzivizve.+
11 Saka ini handisi kuzodzora muromo wangu.
Ndichataura ndichitambudzika;
Ndichanyunyuta ndichirwadziwa!+
12 Ndiri gungwa kana kuti zimhuka remugungwa here,
Zvamuri kundiisira murindi kuti andirinde?
13 Pandinoti, ‘Mubhedha wangu uchandinyaradza;
Mubhedha wangu ucharerutsa kutambura kwangu,’
14 Munobva maita kuti ndirote zvinhu zvinotyisa
Uye munondivhundutsa nezviratidzo,
15 Zvekuti ndingatosarudza kutadza kufema,
Kusarudza kufa pane kuramba ndiine muviri wangu.+
16 Ndinosema upenyu hwangu;+ handidi kuramba ndichirarama.
Siyanai neni, nekuti mazuva angu akafanana nekungofema kamwe chete.+
17 Munhu chii kuti muzvinetse nezvake
Uye kuti mufunge nezvake?+
18 Nei muchimuongorora mangwanani ega ega
Uye muchigara muchimuedza?+
19 Nei musingambobvisawo maziso enyu pandiri
Kuti mumbondipawo mukana wekumedza mate?+
20 Kana ndakatadza, ndingakuitai chii, imi Mucherechedzi wevanhu?+
Nei mangoti nangananga neni?
Ndava kukuremerai here?
21 Nei musingaregereri kudarika kwangu
Mokanganwira kukanganisa kwangu?
Nekuti ndava pedyo kurara muguruva,+
Uye muchanditsvaga, asi ndinenge ndaenda.”