Zuva Rokuyeuka
“Ndakareva izvozvi kwamuri, kuti muve norugare mandiri. Panyika munotambudzika; asi tsungai mwoyo, ini ndakakunda nyika.”—JOHANE 16:33.
1, 2. Izuvai rimwe munhau rinotanhamara pamamwe mazuva ose, uye nei?
NYIKA nhasi ine zvakawanda zvokutaura pamusoro porugare. Pamugumo weHondo yeNyika II, rugare rwakabatanidzwa neV-E Day neV-J Day.a Gore rimwe nerimwe, Krisimisi inoita kuti vanhu vafunge nezvo‘rugare pasi pano.’ (Ruka 2:14) Asi pane zuva rimwe munhau yose yomunhu rakatanhamara pamamwe ose. Izuva apo Jesu Kristu akataura mashoko anokorwa pamusoro apa. Mumazuva ana mamirioni maviri namamwe ayo rudzi rwomunhu rwararama pano pasi pano, ndiro zuva rimwe iro rakachinja chose chose nzira yorudzi rwomunhu nokuda kwenakirwo yarwo isingagumi.
2 Zuva iroro rinokosha zvikuru rakanga riri Nisani 14 pakarenda yechiJudha. Mugore ra 33 reNguva yedu yaVose, Nisani 14 akatanga pakudeuka kwezuva pana April 1. Ngatirangarirei zvinoitika zvezuva iroro rinokosha zvikuru.
Nisani 14!
3. Jesu akashandisa sei aya maawa okupedzisira?
3 Sezvo madekwana anosvika, jenaguru rakaisvonaka sezvingabvira rinojeka sechiyeuchidzo chokuti Jehovha anosarudza nguva nemwaka. (Mabasa 1:7) Uye chii chiri kuitika mukamuri riya rapamusoro umo Jesu navaapostora vake 12 vaungana kuchengeta Paseka yechiJudha yegore negore? Sezvo Jesu anogadzirira ‘kubuda munyika ino kuenda kuna Baba, iye ari kuratidza rudo nokuda kwevake amene kusvikira kumugumo.’ (Johane 13:1) Anoita sei ikoku? Kupfurikidza neshoko romuromo uye kupfurikidza nomuenzaniso, Jesu anopfuurira kupinza muvadzidzi vake mavara achavabetsera kukunda nyika.
Kupfeka Kuzvininipisa Norudo
4. (a) Jesu akaratidzira sei kuvadzidzi vake vara guru? (b) Tinoziva sei kuti Petro akadzidza kukosha kwokuzvininipisa?
4 Vaapostora vachigere kuzvibvisira vamene mwero wakati wegodo roungandiveni norudado. Naizvozvo Jesu anozvisunga amene netauro uye anopfuurira kushambidza tsoka dzavo. Ikoku hakusati kuri ratidzirwo yokuzvininipisa kwokuzvidza, sezvinoitwa muRoma gore rimwe nerimwe napapa wechiKristudhomu. Aiwa, zvamazvirokwazvo! Kuzvininipisa kwechokwadi kuzvipa umene uko kunobva mu‘kuzvininipisa kwendangariro inorangarira vamwe kuva vakuru.’ (VaFiripi 2:2-5) Pakutanga, Petro anopotsa pfundo racho, achiramba kubvumira Jesu kushambidza tsoka dzake. Pakururamiswa, iye anokumbira Jesu kushambidza muviri wake wose. (Johane 13:1-10) Zvisinei, Petro anofanira kuva akadzidza chidzidzo. Makore akati gare gare, tinomuwana achipa zano vamwe nenzira yakarurama. (1 Petro 3:8, 9; 5:5) Kunokosha sei nhasi kuti tose zvedu tibatire Kristu mukuzvininipisa!—Onawo Zvirevo 22:4; Mateo 23:8-12.
5. Murairoi wakapiwa naJesu unoratidza kukosha kwerimwezve vara guru?
5 Mumwe wavane 12 haabetserwi nezano raJesu. Iyeyu ndiJudhasi Iskarioti. Sezvo chidyo chePaseka chinopfuurira, Jesu anonetseka mumudzimu, anozivisa Judhasi somushambadzi wake, uye anomudzinga. Kuri bedzi pashure paikoku apo Jesu anoudza vadzidzi vake vakatendeka 11, kuti: “Ndinokupai murairo mutsva, wokuti mudane; sezvandakakudai imi, nemi mudanewo saizvozvo. Vose vachaziva naizvozvi kuti muri vadzidzi vangu, kana muno rudo pakati penyu.” (Johane 13:34, 35) Iwoyu zvirokwazvo murairo mutsva, wakaenzanisirwa nomuenzaniso wakakwirira waJesu amene! Sezvo awa yorufu rwake rwechibairo inosvika, Jesu anoratidzira rudo rwakatanhamara. Anoshandisa miniti iri yose inokosha kudzidzisa nokukurudzira vadzidzi ivavo. Gare gare, anosimbisa ukoshi hworudo, achiti: “Uyu ndiwo murairo wangu, kuti mudane, seni ndakakudai imi. Hakuna munhu une rudo rukuru kuno urwu, kuti munhu arashire hama dzake upenyu hwake.”—Johane 15:12, 13.
“Nzira Nezvokwadi Noupenyu”
6. Inharidzanoi iyo Jesu anoisa pamberi pavadzidzi vake vapedyo?
6 Jesu anoudza 11 vakatendeka, kuti: “Musarega mwoyo yenyu ichinetswa. Shandisai kutenda muna Mwari, shandisaiwo kutenda mandiri. Muimba yaBaba vangu mune nzvimbo zhinji dzokugara. Kudai kusina kudaro, ndingadai ndakakuudzai, nemhaka yokuti ndiri kuenda kundokugadzirirai nzvimbo.” (Johane 14:1, 2, NW) Iyi nzvimbo ichava mu“umambo hwamatenga.” (Mateo 7:21, NW) Jesu anodudza kuti iri boka rapedyo ravadzidzi vakavimbika ringawana sei nharidzano yavo. Iye anoti: “Ndini nzira nezvokwadi noupenyu. Hakuna anouya kuna Baba kunze kwokupfurikidza neni.” (Johane 14:6, NW) Ikoku kunoshandawo kuna avo vorudzi rwomunhu vanowana upenyu husingaperi pasi pano.—Zvakazarurwa 7:9, 10; 21:1-4.
7-9. Neiko Jesu akazvirondedzera amene se“nzira nezvokwadi noupenyu”?
7 Jesu i“nzira.” Kusvika kumwe uye bedzi kuna Mwari mumunyengetero kuri kupfurikidza naJesu Kristu. Jesu amene anopikira vadzidzi vake kuti Baba vachavapa chipi nechipi chavanokumbira muzita raJesu. (Johane 15:16) Minyengetero inonangidzirwa kuzvifananidzo kana kuti “vasande” vorudzidziso kana kuti yakazara navanaAve Maria nokuimba kwokudzokorora—hakuna nomumwe waiyoyi unonzwiwa ndokugamuchirwa naBaba. (Mateo 6:5-8) Uyezve, pamusoro paJesu, tinorava pana Mabasa 4:12 (NW), kuti: “Hakuna rimwe zita pasi pedenga rakapiwa pakati pavanhu iro kupfurikidza naro tinofanira kuponeswa.”
8 Jesu i“zvokwadi.” Muapostora Johane akati nezvake: “Shoko rakazova nyama, rikagara pakati pedu, tikaona kubwinya kwake, kubwinya sokwowakaberekwa mumwe chete wababa, azere no[mutsa usakafanirwa, NW] nezvokwadi.” (Johane 1:14) Jesu akava zvokwadi yamazana amauporofita omuMagwaro echiHebheru kupfurikidza nokuazadzika. (2 VaKorinte 1:20; Zvakazarurwa 19:10) Iye akazivisa zvokwadi mukutaura kuvadzidzi vake namapoka akateerera, mugakava rake navafundisi vanonyengera, uye kupfurikidza nomuenzaniso wake mupenyu.
9 Jesu “upenyu.” SoMwanakomana waMwari, Jesu akati: “Iye uyo unoshandisa kutenda muMwanakomana ane upenyu husingaperi; iye uyo asingateereri Mwanakomana haasati achizoona upenyu, asi kutsamwa kwaMwari kunoramba kuri paari.” (Johane 3:36, NW) Kutenda kunoshandiswa muchibairo chaJesu kunotungamirira kuupenyu husingaperi—upenyu husingafi mudenga nokuda kwe“boka duku” ramaKristu akazodzwa uye upenyu husingagumi muparadhiso yapasi nokuda kweboka guru ra“mamwe makwai.”—Ruka 12:32, NW; Ru 23:43; Johane 10:16.
Kutsungirira Chitambudzo
10. Neiko tichifanira ku‘kunda nyika,’ uye ikurudziroi iyo Jesu akapa muna ikoku?
10 Avo vanokarira kurarama mutsika itsva yaJehovha vanofanira kurwisana nenyika iyo “iri musimba rowakaipa,” Satani Dhiabhorosi. (1 Johane 5:19, NW) Anokurudzira sei, ipapoka, mashoko aJesu ari pana Johane 15:17-19! Iye anozivisa, kuti: “Ndizvozvi zvandinokurairai, kuti mudane. Kana nyika ichikuvengai, muzive kuti yakandivenga ini, isati yakuvengai imi. Kana maiva venyika, nyika yaida vayo; zvino zvamusati muri venyika, asi ini ndakakusanangurai panyika, saka nyika inokuvengai.” MaKristu echokwadi akavengwa kusvikira kugore rino 1992, uye tinofarira sei mienzaniso yakaisvonaka yaavo vanopfuurira kumira vakasimba, vachiwana simba nenzira yokuzvininipisa muruoko rune simba rwaMwari! (1 Petro 5:6-10) Tose zvedu tinogona kutsungirira miedzo kupfurikidza nokushandisa kutenda muna Jesu, uyo anogumisa kurukurirano yake naaya mashoko anofadza: “Panyika munotambudzika; asi tsungai mwoyo, ini ndakakunda nyika.”—Johane 16:33.
Kusuma Sungano Itsva
11. Jeremia akaporofitei pamusoro pesungano itsva?
11 Mukati mamadekwana iwayo, pashure pokunge kuchengeta Paseka kwaswedera pedyo nomugumo, Jesu anotaura nezvesungano itsva. Muporofita Jeremia akadeya kutaura iyoyi mazana amakore pachine nguva mberi, achiti: “‘Tarirai! Kuna mazuva anouya,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘uye ndichaita neimba yaIsraeri uye neimba yaJudha sungano itsva . . . Ndichaisa mutemo wangu mukati mavo, uye mumwoyo wavo ndichaunyora. Uye ndichava Mwari wavo, uye ivo vamene vachava vanhu vangu. . . . Ndichakanganwira chikanganiso chavo, uye chivi chavo handichazochiyeukizve.’” (Jeremia 31:31-34, NW) Pana Nisani 14, 33 N.V., chibairo chinosimbisa iyi sungano chinofanira kuitwa!
12. Jesu akatanga sei sungano itsva, uye inopedzei?
12 Jesu anoudza 11 vakatendeka kuti akashuva zvikuru kudya iyi Paseka navo. Ipapo anotora chingwa, anoonga, anochimedura, uye anochipa kwavari, achiti: “Ichi muviri wangu, unopiwemi; itai izvi, mugondirangarira.” Nenzira imwe cheteyo, anopfuudza mukombe wewaini tsvuku kwavari, achiti: “Mukombe uyu isungano itsva muropa rangu, rinoteurirwemi.” (Ruka 22:15, 19, 20) Sungano itsva inoitwa kuti ishande ne“ropa rinokosha” raJesu, roukoshi hukuru zvikuru kupfuura ropa remhuka raisaswa mukusimbisa sungano yoMutemo yaIsraeri! (1 Petro 1:19; VaHebheru 9:13, 14, NW) Avo vanopinzwa musungano itsva vanofarikanya kukanganwirwa kwachose chose kwezvivi. Nokudaro, vangakwanirisa kuva ve 144 000, avo vanogamuchira nhaka isingaperi saIsraeri womudzimu.—VaGaratia 6:16; VaHebheru 9:15-18; 13:20; Zvakazarurwa 14:1.
“Mukundirangarira”
13. (a) Tinofanira kurangarirei panguva yeChirangaridzo? (b) Ndivanaani bedzi vanofanira kudya zviratidziro, uye nei?
13 Chirangaridzo chegore negore chechi 1 960 chorufu rwaJesu chinosvika pana April 17, 1992. Sezvo musi iwoyo unosvika, tinoita zvakanaka kurangarira zvose izvo chibairo chakakwana chaJesu chinoita. Iyi gadziriro inorumbidza uchenjeri hwaJehovha norudo rwake rukuru nokuda kworudzi rwomunhu. Perero yakakwana yaJesu, kunyange kusvikira kurufu runotambudza, inoreverera Jehovha mukurwisana nokutuka kwaSatani kwokuti chisiko Chake chohunhu chine mhaka uye chichakundikana mumuedzo. (Jobho 1:8-11; Zvirevo 27:11) Neropa rake rechibairo, Jesu anoreverera sungano itsva, mutoo waJehovha wokusarudza nawo “rudzi rwakasanangurwa, uprista hwoumambo, rudzi rutsvene, vanhu vaakazviwanira.” Vachiri pasi pano, ivava “vanoparidza kunaka” kwaMwari wavo, Jehovha, uyo aka‘vadana kubuda murima kupinda muchiedza chake chinoshamisa.’ (1 Petro 2:9; enzanisa naEksodho 19:5, 6.) Nenzira yakafanira, ivo voga vanodya zviratidzo zveChirangaridzo gore rimwe nerimwe.
14. Mamirioni avacherekedzi anopfumiswa sei?
14 PaChirangaridzo chegore rapera, 10 650 158 vakapinda kupote pasi, asi pakati paivava 8 850 bedzi—vari pasi pechidimbu chimwe mugumi che 1 muzana—vakadya zviratidzo. Uku kuchengeta, ipapoka, ndokwebetseroiko kumamirioni avacherekedzi? Ndokwebetsero huru! Kunyange zvazvo vasingadyi, vanopfumiswa mumudzimu neiyi songanirano nouhama hukuru hwenyika yose, sezvavanonzwa nezvezvinhu zvakaisvonaka izvo Jehovha anoita kupfurikidza nechibairo choMwanakomana wake.
15. Vamwe kunze kwavakazodzwa vanobetserwa sei nechibairo chaJesu?
15 Kupfuurirazve, muapostora anotizivisa pana 1 Johane 2:1, 2, kuti: “Tine Murevereri kuna Baba, iye Jesu Kristu wakarurama; ndiye mudzikinuri wezvivi zvedu; haasi wezvivi zvedu bedzi, asi wezvivi zvenyika yosewo.” Hungu, chibairo chaJesu, nepo chichibetsera kutanga boka raJohane rinopinzwa musungano itsva, chinogoverawo kukanganwirwa kwezvivi zve“nyika yose.” “Chibairo chinodzikinura” (NW), nokuda kwezvivi zvavamwe vose venyika yorudzi rwomunhu vanoshandisa kutenda muropa rakadeurwa raJesu, iro rinovazarurira kariro inofadza youpenyu husingagumi muparadhiso yapasi.—Mateo 20:28.
“MuUmambo hwaBaba Vangu”
16. (a) Jesu navadyi nhaka biyake vanoratidzika zvino savanogoveranei? (b) Chii chinodikanwa nhasi kuvose vari vaviri vakasarira vakazodzwa neboka guru?
16 Achipfuurira kukurudzira vaapostora vake, Jesu anonongedzera kuzuva apo nenzira yokufananidzira iye achanwa chibereko chomuzambiringa chitsva navadzidzi vake muUmambo hwaBaba vake. (Mateo 26:29) Iye anovaudza, kuti: “Imi ndimi makagara neni pamiidzo yangu. Ndinokugarisai nhaka yo[umambo, NW] saBaba vangu vakandigarisa nhaka, kuti mugodya nokunwa patafura rangu mu[umambo, NW] hwangu; muchagara pazvigaro zvo[umambo, NW], muchitonga marudzi ane gumi namaviri avaIsraeri.” (Ruka 22:28-30) Sezvo Jesu akatora simba roUmambo mumatenga muna 1914, tingagumisa kuti chiverengero chikuru zvikuru chavadyi nhaka pamwe chete vaJesu, chakaunganidzwa mukati mamazana amakore, chakatomutswa, kuti “vagare pazvigaro zvoumambo” naye. (1 VaTesaronika 4:15, 16, NW) Zuva racho rinosvika nokukurumidza kuti ngirozi dzisunungure “mhepo ina” dze“dambudziko guru”! Panosvika nguva iyeyo, kuiswa chisimbiso kwavane 144 000 vaIsraeri womudzimu nokuunganidzwa kwamamirioni eboka guru kuchave kwapedzwa. Vose ivava vanofanira kuchengeta perero, sezvakaita Jesu, kuti vagamuchire mubairo woupenyu husingaperi.—Zvakazarurwa 2:10; 7:1-4, 9.
17 nebhokisi. (a) Kana wakazodzwa achifanira kurambwa saasina kuvimbika, ndiani nenzira ine mufungo angamutsiva? (b) Nyaya dzeNharireyomurindi muchiNgezi muna 1938 dzakapa jekesoi inofadza pakuvaka nokufutunuka kwapashure kwesangano roubati ushe hwaMwari pasi pano?
17 Zvakadiniko kana vamwe vakazodzwa vakakundikana kuva vachengeti veperero? Paawa ino yapashure, chiverengero chavanhu vakadaro vasina kuvimbika pasina panikiro chichava chishomanene. Nenzira ine mufungo, kutsiva kupi nokupi kwaizobva, kwete pakati pavachangobva kubhapatidzwa, asi pakati paavo vakaomerera naJesu mumiedzo yake mumakore mazhinji ebasa rokutendeka. Kupenya kwakajeka kwechiedza chomudzimu icho chakauya kupfurikidza neNharireyomurindi muchiNgezi muma 1920 nama 1930 kunoratidzira kuti kuunganidzwa kwavakasarira vavakazodzwa kwakadokupedzwa mukati menhambo iyoyo. Avo ‘vanosuka nguvo dzavo ndokudzichenesa muropa reGwaiana’ kubvira ipapo vane tariro yakasiana inofadza. Kupfurikidza naKristu, mudzimu waJehovha unovatungamirira ku“matsime emvura dzoupenyu” muParadhiso yapasi.—Zvakazarurwa 7:10, 14, 17, NW.
Munyengetero Womwoyo Wose Zvikurusa
18. Zvidzidzoi zvine simba zvatinodzidza mumunyengetero waJesu uri pana Johane ganhuro 17?
18 Jesu anogumisa kuungana kwake kweChirangaridzo navadzidzi vake nokupa munyengetero womwoyo wose wakanyorwa pana Johane 17:1-26. Iye anonyengetera kutanga kuti Baba vake vagomupa mbiri sezvaanochengeta perero kusvikira kumugumo. Neiyi nzira Jehovha achapiwawo mbiri, zita rake richitsveneswa—richibviswa ruzvidzo rwose. Nokuti, zvamazvirokwazvo, munhu akakwana Jesu anobvumikisa kuti chisiko chohunhu chaMwari chinogona kuva chisina mhaka, kunyange mumuedzo wakakomba zvikurusa. (Dheuteronomio 32:4, 5; VaHebheru 4:15) Uyezve, rufu rwechibairo rwaJesu runozarurira banza guru vana vaAdhama. Anoti Jesu: “Upenyu husingaperi ndihwo, kuti vakuzivei imi, Mwari uri woga wazvokwadi, naJesu Kristu, wamakatuma.” Kunokosha sei kuti tiwane zivo yakarurama yaJehovha Mwari neyoMwanakomana wake, Gwaiana raMwari, akapa upenyu hwake nokuda kwokurevererwa kwaJehovha uye nokuda kworuponeso rworudzi rwomunhu! (Johane 1:29; 1 Petro 2:22-25) Unoonga chibairo ichocho chorudo zvikurusa kusvikira kutambanuko yokutsaurira iwe wose kuna Jehovha nebasa rake rinokosha here?
19. Vakasarira neboka guru vangafarikanya sei chinzwano chinokosha?
19 Uyezve, Jesu anonyengetera kuna Baba vake Vatsvene kuti Vatarisire vadzidzi sezvavanozvibvumikisa vamene kusava rutivi rwenyika, kuomerera kushoko Rake sezvokwadi, uye kuchengeta humwe hunokosha naBaba noMwanakomana. Uyu munyengetero hauna kupindurwa nenzira inoshamisa here kuburukira kuzuva rino razvino sezvo vakasarira vakazodzwa neboka guru vanobatira pamwe chete vakabatana muzvisungo zvorudo, vachichengeta kusatora rutivi kunyika, masimba masimba ayo, uye uipi hwayo? Anokosha sei mashoko okugumisa aJesu kuna Baba vake, Jehovha! “Ndakavazivisa zita renyu, uye ndicharizivisa,” akadaro Jesu, “kuti rudo, rwamakandida narwo, ruve mavari, neni ndive mavari.”—Johane 17:14, 16, 26.
20. Neiko Nisani 14, 33 N.V., riri zvirokwazvo zuva rokuyeuka?
20 Achienda kubindu reGetsemani, Jesu anova neimwezve songanirano pfupi, inovaka navadzidzi vake. Ipapo vavengi vake vasvika! Mashoko anokundikana kurondedzera marwadzo omuviri aJesu, rusuruvaro rwake runoodza mwoyo paruzvidzo rwaitutirwa pana Jehovha, uye perero yake yomuenzaniso makuri kose. Jesu anotsungirira kusvikira kumugumo, muusiku uye mukati mamazhinjisa amaawa amasikati ezuva iroro. Anoratidzira zvakajeka Umambo hwake kusava rutivi rwenyika. Uye nokufema kwake kwokupedzisira, anodanidzira, kuti: “Zvapera!” (Johane 18:36, 37; 19:30) Kukunda kwake nyika kwapera. Nisani 14, 33 N.V., zvirokwazvo izuva rokuyeuka!
[Mashoko Omuzasi]
a Victory in Europe Day neVictory over Japan Day.
Waizopindura Sei?
◻ Chii icho Jesu akadzidzisa pamusoro pokuzvininipisa norudo?
◻ Jesu akava sei “nzira nezvokwadi noupenyu”?
◻ Chii chiri donzo resungano itsva?
◻ Chinzwanoi norudo zvinogoveranwa navakasarira vakazodzwa neboka guru?
[Bhokisi riri papeji 20]
Uchenjeri hwaSoromoni Mukuru
Nyaya dzine musoro unoti “Sangano” dziri muzvinyorwa zvaJune 1 naJune 15, 1938, zveNharireyomurindi muchiNgezi dzakasimbisa gadziriro huru youbati ushe hwaMwari iyo Zvapupu zvaJehovha zvinotevera kusvikira kuzuva rino. Idzo dzakasvitsa pakakwirira zvikurusa nguva inoshamisa yegadziridzo yedzidziso nesangano iyo yakavamba muna 1919. (Isaya 60:17) Mukuenzanisa nguva iyoyo yamakore 20 namakore 20 mukati mawo Soromoni akavaka tembere neimba yamambo muJerusarema, Nharireyomurindi yakati: “Magwaro anoratidza kuti, pashure pamakore ana makumi maviri egadziriro yokuvaka yaSoromoni . . . , akapinda mugadziriro yorudzi rwose yokuvaka. (1 Madz. 9:10, 17-23; 2 Mak. 8:1-10) Ipapo kwakauya mambokadzi weShebha ‘achibva kumativi ari kuresa apasi kuzonzwa uchenjeri hwaSoromoni’. (Mat. 12:42; 1 Madz. 10:1-10; 2 Mak. 9:1-9, 12) Ikoku kunokarakadza mubvunzo, unoti: Chii chiri munguva yemberi iri pedyo nokuda kwavanhu vaJehovha vari pasi pano? Nechivimbo chakazara tichamirira, uye tichaona.” Chivimbo ichocho hachina kuiswa pasakafanira. Musangano roubati ushe hwaMwari gadziriro huru yokuvaka mumudzimu yenyika yose yakaunganidza anopfuura mamirioni mana eboka guru. Kufanana namambokadzi weShebha, ivava vakabva kumativi ari kuresa apasi kuzonzwa uchenjeri hwaSoromoni Mukuru, Kristu Jesu—hunonangidzirwa kwavari kupfurikidza no“muranda akatendeka naakachenjera.”—Mateo 24:45-47, NW.