Bhuku Rechipiri reMakoronike
9 Mambokadzi weShebha+ akanzwa mashoko pamusoro paSoromoni, saka akauya kuJerusarema kuzoedza Soromoni nemibvunzo yakaoma.* Aiva nevanhu vakawanda vaimuperekedza, nengamera dzakanga dzakatakura mafuta ebharisamu negoridhe rakawanda chaizvo+ nematombo anokosha. Akapinda maiva naSoromoni akamubvunza zvese zvaiva mumwoyo make.+ 2 Soromoni akabva amupindura mibvunzo yake yese. Hapana chakanga chakaomera* Soromoni kuti amutsanangurire.
3 Mambokadzi weShebha paakaona uchenjeri hwaSoromoni,+ neimba yaakavaka,+ 4 nezvekudya zvaiiswa patafura yake,+ nekugara kwevashandi vake patafura, nebasa revashandi vake vaiuya nezvekudya patafura, nezvipfeko zvavo, nevadiri vake nezvipfeko zvavo, nezvibayiro zvake zvinopiswa zvaaigara achipa paimba yaJehovha,+ akashaya neremuromo.* 5 Saka akati kuna mambo: “Mashoko andakanzwa nezvenyu ndiri kunyika yangu pamusoro pemabasa amakaita* uye pamusoro peuchenjeri hwenyu aiva echokwadi. 6 Asi handina kutenda mashoko acho kusvikira ndauya ndikazvionera nemaziso angu.+ Zvandakaudzwa hazvitombosviki pahafu yeuchenjeri hwenyu hukuru.+ Munopfuura nekure mashoko andakanzwa.+ 7 Vanofara varume vanoita basa renyu, uye vanofara vashandi venyu vanomira pamberi penyu nguva dzese, vachiteerera uchenjeri hwenyu! 8 Jehovha Mwari wenyu ngaarumbidzwe, uyo akakufarirai akakugadzai pachigaro chake cheumambo kuti muve mambo anomiririra Jehovha Mwari wenyu. Mwari wenyu anoda vaIsraeri,+ ndokusaka akakugadzai kuti muve mambo wavo anotonga zvakanaka uye zvakarurama kuti vaIsraeri varambe varipo nekusingaperi.”
9 Akabva apa mambo matarenda* 120 egoridhe+ nemafuta ebharisamu akawanda chaizvo nematombo anokosha akawanda chaizvo. Hakuna kuzombounzwa mafuta ebharisamu akaita seakapiwa Mambo Soromoni namambokadzi weShebha.+
10 Uyewo, varanda vaHiramu nevashandi vaSoromoni avo vakauya negoridhe kubva kuOfiri,+ vakauyawo nematanda emiarigamu nematombo anokosha.+ 11 Achishandisa matanda acho emiarigamu, mambo akagadzira masitepisi eimba yaJehovha+ neeimba yamambo,*+ uyewo udimbwa nezviridzwa zvine tambo zvevaimbi.+ Matanda akadaro akanga asati amboonekwa munyika yeJudha.
12 Mambo Soromoni akapawo mambokadzi weShebha zvese zvaaida uye zvaakakumbira, zvaipfuura zvaakanga* aunza kuna mambo. Akabva asimuka akadzokera kunyika yake, pamwe chete nevaranda vake.+
13 Uremu hwegoridhe raiuya kuna Soromoni mugore rimwe chete hwaiva matarenda 666,+ 14 tisingabatanidzi raiunzwa nevanhu vaifamba vachitengesa nevamwe vaiita zvekuchinjanisa zvinhu, nemadzimambo ese evaArabhu nemagavhuna enyika aiunza goridhe nesirivha kuna Soromoni.+
15 Mambo Soromoni akagadzira nhoo huru 200 achishandisa goridhe rakanga rakasanganiswa nedzimwe simbi+ (nhoo imwe neimwe yakaiswa mashekeri* 600 egoridhe rakasanganiswa nedzimwe simbi),+ 16 nenhoo diki* 300 dzegoridhe rakasanganiswa nedzimwe simbi (nhoo diki imwe neimwe yakaiswa mamaina* matatu egoridhe). Mambo akabva adziisa muImba yeSango reRebhanoni.+
17 Mambo akagadzirawo chigaro chikuru cheumambo nenyanga dzenzou, akachiisa goridhe rakanatswa.+ 18 Paiva nemasitepisi 6 aikwira kuchigaro chacho, uye paiva nechekutsika chegoridhe chaiva chakabatana nechigaro chacho, uye kumativi ese echigaro chacho kwaiva nezvekutsamidzira maoko, uye shumba mbiri+ dzakanga dzakamira pedyo nezvekutsamidzira maoko. 19 Paiva neshumba 12+ dzakanga dzakamira pamasitepisi acho 6, sitepi rimwe nerimwe riine shumba kumativi aro maviri, pamasitepisi acho ese 6. Hapana humwe umambo hwakanga hwambogadzira chigaro chakadaro. 20 Midziyo yese yekunwira yaMambo Soromoni yaiva yegoridhe, uye midziyo yese yeImba yeSango reRebhanoni yaiva yegoridhe rakanatswa. Pakanga pasina chakagadzirwa nesirivha, nekuti sirivha yaisamboonekwa sechinhu mumazuva aSoromoni.+ 21 Nekuti ngarava dzamambo dzaienda kuTashishi+ dziine varanda vaHiramu.+ Kamwe chete pamakore matatu ega ega, ngarava dzeTashishi dzaiuya dzakatakura goridhe nesirivha, nyanga dzenzou,+ tsoko, nemapikoko.
22 Saka Mambo Soromoni aiva nepfuma neuchenjeri+ kupfuura mamwe madzimambo ese epanyika. 23 Uye madzimambo ese epanyika aida kutaura naSoromoni* kuti anzwe uchenjeri hwake, hwakanga hwaiswa mumwoyo make naMwari.+ 24 Mumwe nemumwe aiuya nechipo: zvinhu zvesirivha, zvinhu zvegoridhe, nguo,+ zvombo, mafuta ebharisamu, mabhiza, nemanyurusi, uye izvi zvairamba zvichiitika gore negore. 25 Soromoni aiva nematanga 4 000 emabhiza ake nengoro, nemabhiza* 12 000,+ uye akaita kuti zvirambe zviri mumaguta engoro uye pedyo namambo muJerusarema.+ 26 Aitonga madzimambo ese kubva kuRwizi* kusvika kunyika yevaFiristiya uye kusvika kumuganhu weIjipiti.+ 27 Mambo akaita kuti sirivha yaiva muJerusarema iwande sematombo, uye akaita kuti matanda emusidhari awande semiti yemitsamvi iri muShefera.+ 28 Vaiunza mabhiza kuna Soromoni vachibva nawo kuIjipiti+ nekune dzimwe nyika dzese.
29 Kana iri nhoroondo yese yaSoromoni,+ kubva painotangira kusvika painoperera, haina kunyorwa here pamashoko emuprofita Natani,+ muuprofita hwaAhija+ wekuShiro, uye muzvinyorwa zvezvinhu zvakaratidzwa muoni Idho+ pamusoro paJerobhoamu+ mwanakomana waNebhati? 30 Soromoni akatonga Israeri yese muJerusarema kwemakore 40. 31 Soromoni akabva aradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ake. Saka vakamuviga muguta rababa vake Dhavhidhi;+ uye mwanakomana wake Rehobhoamu akava mambo panzvimbo pake.+