-
Mudzimu waJehovha Unotungamirira Vanhu VakeNharireyomurindi—1992 | September 15
-
-
Kubetsera Kunoita Mudzimu
9. (a) Mudzimu mutsvene unobatira sei so“mubetseri”? (b) Tinoziva sei kuti mudzimu mutsvene hausati uri munhu? (Ona mashoko omuzasi.)
9 Jesu Kristu akadana mudzimu mutsvene kuti “mubetseri.” Somuenzaniso, iye akaudza vateveri vake, kuti: “Ndichakumbira Baba uye ivo vachakupai mumwe mubetseri kuti ave nemi nokusingaperi, mudzimu wezvokwadi, uyo nyika isingagoni kugamuchira, nemhaka yokuti haiuoni uyewo haiuzivi. Munouziva, nemhaka yokuti unoramba unemi uye uri mamuri.” Pakati pezvimwe zvinhu, “mubetseri” iyeyo aizova mudzidzisi, nokuti Kristu akapikira, kuti: “Mubetseri, mudzimu mutsvene, uyo Baba vachatumira muzita rangu, iwoyo uchakudzidzisai zvinhu zvose ndokukuyeuchidzai zvinhu zvose zvandakakuudzai.” Mudzimu waizopupurirawo pamusoro paKristu, uye iye akavimbisa vadzidzi vake, kuti: “Kuri nokuda kwokubetserwa kwenyu kuti ndiri kuenda. Nokuti kana ndisingaendi, mubetseri haasati achizotongouya kwamuri; asi kana ndikaenda, ndichamutumira kwamuri.”—Johane 14:16, 17, 26; 15:26; 16:7, NW.a
10. Mudzimu mutsvene wakabvumikisa kuva mubetseri munzirai?
10 Ari mudenga, Jesu akadurura mudzimu mutsvene wakapikirwa pavateveri vake pazuva rePentekosta muna 33 N.V. (Mabasa 1:4, 5; 2:1-11) Somubetseri, mudzimu wakavapa nzwisiso yakawedzerwa yokuda kwaMwari nedonzo uye wakavazarurira Shoko rake rouporofita. (1 VaKorinte 2:10-16; VaKorose 1:9, 10; VaHebheru 9:8-10) Mubetseri iyeyo akasimbisawo vadzidzi vaJesu kuti vave zvapupu mupasi rose. (Ruka 24:49; Mabasa 1:8; VaEfeso 3:5, 6) Nhasi, mudzimu mutsvene unogona kubetsera muKristu akazvitsaurira kukura muzivo kana achizviyamura amene negadziriro dzomudzimu dzinoitwa naMwari kupfurikidza no“muranda akatendeka naakachenjera.” (Mateo 24:45-47, NW) Mudzimu waMwari unogona kugovera betsero kupfurikidza nokugovera ushingi nesimba zvinodikanwa kupupurira somumwe wavabatiri vaJehovha. (Mateo 10:19, 20; Mabasa 4:29-31) Zvisinei, mudzimu mutsvene unobetserawo vanhu vaMwari mudzimwe nzira.
-
-
Mudzimu waJehovha Unotungamirira Vanhu VakeNharireyomurindi—1992 | September 15
-
-
a Kunyange zvazvo uri “mubetseri” anotaurwa somunhu, mudzimu mutsvene hausati uri munhu, nokuti shoko rinomirira zita rechiGiriki risingarevi chinhurume kana kuti chinhukadzi (rinoshandurwa kuti “u”) rinoshandiswa kumudzimu. Mashoko anomirira zita echiHebheru echinhukadzi anoshandiswa nenzira yakafanana kuuchenjeri hunotaurwa somunhu. (Zvirevo 1:20-33; 8:1-36) Uyezve, mudzimu mutsvene waka“dururwa,” uko kusingagoni kuitwa nomunhu.—Mabasa 2:33.
-