Chitsauko 3
Zuva raJehovha—Nyaya Inokosha
1, 2. (a) Vaprofita vose 12 vanotaura nezvenyaya ipi inokosha? (b) Vamwe vevaprofita vacho 12 vakataura sei zvakananga nezvezuva raJehovha?
“ZUVA guru raJehovha rava pedyo. Rava pedyo, uye riri kukurumidza kwazvo.” (Zefaniya 1:14) Vaprofita vaMwari vakanyevera vanyeverazve nezvezuva raJehovha raiuya. Kakawanda, vakataura kuti kuuya kwaro kunofanira kuitei paupenyu hwezuva nezuva hwevanhu, tsika dzavo, uye maitiro avo. Zvavaizivisa zvairatidza nguva dzose kuti pane zvaifanira kukurumidza kuitwa. Kudai wakanga wanzwa mashoko aya nenzeve dzako pachako, ungadai wakaita sei?
2 Paunenge uchiverenga vaprofita 12, uchaona kuti vose zvavo, nenzira yakananga kana kuti isina kunanga, vakataura nezvezuva raJehovha.a Saka, tisati takurukura muzvitsauko zvinotevera mashoko anokosha akataurwa nevaprofita ava, funga nezvenyaya inodzokororwa yadzokororwazve: zuva raJehovha. Vatanhatu vevaprofita vacho vakashandisa zvakananga mashoko iwayo kana kuti mashoko akafanana nawo. Joeri akarondedzera zvakajeka “zuva guru nerinotyisa raJehovha.” (Joeri 1:15; 2:1, 2, 30-32) Amosi akaudza vaIsraeri kuti vagadzirire kusangana naMwari wavo, nokuti zuva raJehovha raizova rerima. (Amosi 4:12; 5:18) Gare gare, Zefaniya akataura mashoko ari mundima 1. Uye Jerusarema rava kuda kuparadzwa, Obhadhiya akanyevera kuti: “Zuva raJehovha rokurwisa marudzi ose rava pedyo.”—Obhadhiya 15.
3. Chikonzero nei tingati vaprofita vakashumira pashure pokutapwa vakataura nezvenyaya yezuva raJehovha?
3 Uchaonawo kuti vaprofita vaviri vakatumwa kuvaJudha pashure pokunge vadzoka vachibva kwavakanga vatapwa vakashandisa mashoko akafanana. Zekariya akataura nezvezuva raizotsakatiswa marudzi ose aiuya kuzorwisa Jerusarema. Akatsanangura zvakajeka zvaizoitika pa“zuva rimwe chete rinozivikanwa seraJehovha.” (Zekariya 12:9; 14:7, 12-15) Uye Maraki akaita kuti vanhu vaMwari vazive nezvokuuya kwe“zuva guru nerinotyisa raJehovha.”—Maraki 4:1-5.
4. Vamwe vevaprofita 12 vanotaura sei nezvezuva raJehovha?
4 Kunyange zvazvo vasina kushandisa mashoko okuti “zuva raJehovha,” vamwe vevaprofita vacho 12 vakataura nezvezuva iroro zvisina kunanga. Hosiya akataura nezvokugadzirisa nyaya kwaJehovha naIsraeri uye gare gare naJudha. (Hosiya 8:13, 14; 9:9; 12:2) Kakawanda mashoko aya aiva nechokuita nezvakaitwa naJehovha kare mumazuva iwayo. Somuenzaniso, Jona akazivisa kutonga kwaMwari Ninivhi, uye Mika akatsanangura zvaizoitika Mwari paaizoparadza vanhu vaipandukira. (Jona 3:4; Mika 1:2-5) Nahumi akavimbisa kuti Jehovha aizotsiva vavengi Vake. (Nahumi 1:2, 3) Habhakuki akachemera kururamisira uye akarondedzera “zuva rokutambudzika.” (Habhakuki 1:1-4, 7; 3:16) Mamwe mashoko mumabhuku aya zvechokwadi aitaura nezvezviitiko zvaizosanganisira vaKristu vechokwadi. Somuenzaniso, Hagai, mumwe wevaprofita vakashumira vanhu vadzoka kwavakanga vatapwa, akafanotaura nezvokuzununguswa kwemarudzi. (Hagai 2:6, 7) Muapostora Pauro akataura mashoko aHagai 2:6 kuti akurudzire vaKristu kuti vave mumamiriro ezvinhu anogamuchirika Mwari paachabvisa denga rakaipa rokufananidzira.—VaHebheru 12:25-29; Zvakazarurwa 21:1.
ZUVA RAJEHOVHA—CHII?
5, 6. Maererano nevaprofita, zuva raJehovha richange rakaita sei?
5 Une chikonzero chakanaka chokushamisika kuti zuva raJehovha richange rakaita sei. Ungabvunza kuti, ‘Zuva raJehovha rine chero chii zvacho chokuita nemararamiro angu iye zvino uye nguva yangu yemberi here?’ Sezvakaratidzwa nevaprofita, zuva raJehovha inguva apo Jehovha achatonga vavengi vake, zuva rehondo. Zuva iroro rinotyisa zvimwe richange riri zuva rine zviitiko zvinoshamisa mumatenga. “Zuva nomwedzi zvichasviba, uye nyeredzi hadzizopenyi.” (Joeri 2:2, 11, 30, 31; 3:15; Amosi 5:18; 8:9) Chii chichaitika panyika patinogara? Mika akati: “Makomo achanyunguduka pasi [paJehovha], uye mapani achatsemuka, sezvinoita namo pamoto, sezvinoita mvura iri kudururirwa pamawere.” (Mika 1:4) Kurondedzera uku kungava kwokufananidzira, asi tinogona kugumisa kubva pakuri kuti zvichaitwa naMwari zvichaunza migumisiro ine njodzi panyika nevagari vayo. Zvisinei, kwete pavanhu vose zvavo. Vaprofita ivavo vakataura nezvezvikomborero zvakawanda zvichawanikwa nevaya ‘vanotsvaka zvakanaka,’ voramba vachirarama.—Amosi 5:14; Joeri 3:17, 18; Mika 4:3, 4.
6 Vamwe vevaprofita vacho 12 vakarondedzera zvakajeka zuva raJehovha. Habhakuki akarondedzera zvakajeka kuputsa kuchaita Jehovha “makomo asingagumi” oparadza “zvikomo zvinogara nokusingagumi,” kufananidzira kwakakodzera masangano evanhu, ayo angaita seanogara kwenguva refu. (Habhakuki 3:6-12) Chokwadi, zuva raJehovha “izuva rokushatirwa kukuru, zuva rokutambudzika nerokurwadziwa, zuva redutu nerokuparadzwa, zuva rerima nerokusviba, zuva remakore nerezarima.”—Zefaniya 1:14-17.
7. Kutambura kukuru kupi kwakafanotaurwa, uye kungazadzika sei?
7 Funga nezvokutambura kukuru kuchauya pane vaya vanorwisana naMwari! “Nyama yomunhu ichaora akamira netsoka dzake; uye maziso omunhu achaorera mumakomba awo, uye rurimi rwomunhu ruchaorera mukanwa make.” (Zekariya 14:12) Zvisinei nokuti zvakaratidzwa izvi zvichazozadzika sezvazviri chaizvo kana kuti kwete, unogona kuona kuti zvinoratidza dambudziko kune vakawanda. Kunyange kana kuzadzika kwacho kukasazova sezvazviri chaizvo, rurimi rwevavengi vaMwari ruchaora mupfungwa yokuti kutaura kwavo kwokushora kuchanyaradzwa. Uye pfungwa chero ipi zvayo yavanoronga vakabatana yokurwisa vanhu vaMwari ichaitwa kuti ikundikane.
CHIKONZERO NEI MWARI WORUDO ACHIITA CHIMWE CHINHU
8, 9. (a) Kuti unzwisise chikonzero nei Jehovha achizoparadza vakaipa, chii chaunofanira kufunga nezvacho? (b) Kuvimbika kwako muupenyu hwezuva nezuva kwakabatana sei nezvichaitwa naJehovha?
8 Ungave wakanzwa vanhu vachibvunza kuti: ‘Mwari ane rudo angaunza sei njodzi yakadaro pavavengi vake? Mwari anofanira kuparadza vanhu panyika saizvozvo here? Jesu haana kukurudzira kuti tirambe tichida kunyange vavengi zvobva zvaratidza kuti tiri vanakomana vaBaba vari kumatenga here?’ (Mateu 5:44, 45) Kuti upindure, ungataura nezvezvakaitika pakutanga-tanga chaipo pematambudziko evanhu. Mwari akasika vanhu vaviri vokutanga nomufananidzo wake uye vakafanana naye—vakanga vakakwana. Zvisinei, vakapinza chivi norufu mumhuri yevanhu uye saizvozvowo muupenyu hwedu. Vakatsigira Satani Dhiyabhorosi panyaya yokuti ndiani ane kodzero hurusa yokutonga vanhu. (Genesisi 1:26; 3:1-19) Kwemazana emakore, Satani aedza kuratidza kuti kana vanhu vakanyengerwa kuti vasiye Jehovha, havazomushumiri. Unoziva kuti Satani akundikana. Jesu Kristu nevamwe vashumiri vaJehovha vakawanda vakaramba vakavimbika kuna Mwari uye vakaratidza kuti vanomushumira nokuti vanomuda. (VaHebheru 12:1-3) Haungafungi nezvevakawanda nemazita avo vari kushumira Mwari vakavimbika here?
9 Uyezve, iwe urimowo munyaya iyi ichaguma nokubvisa kwaJehovha uipi. Somuenzaniso, sezvaunoverenga mabhuku aya 12, uchaona kuti vamwe vevaprofita vacho vakataura nezvemararamiro oumbozha evanhu vakanga vachiregeredza kunamata Jehovha. Vaprofita vacho vakarayira vanhu vaMwari kuti ‘mwoyo yavo ifunge nezvenzira dzavo’ vochinja upenyu hwavo. (Hagai 1:2-5; 2:15, 18; Amosi 3:14, 15; 5:4-6) Chokwadi, vaprofita vacho vakanga vachiratidza vanhu nzira yokurarama nayo. Vaya vakagamuchira kurayira ikoko vakaratidza kuti Jehovha ndiye Changamire wavo, vachiratidza kuti Satani murevi wenhema. Jehovha acharatidza kuti akavimbika kuvanhu vakadaro paachatsakatisa vavengi vake.—2 Samueri 22:26.
10. Zvakataurwa naMika zvinowedzera sei chikonzero chokuti Jehovha aite chimwe chinhu?
10 Pane chimwe chikonzero nei Mwari achizoparadza vanhu. Chimbodzosa pfungwa dzako kuzana remakore rechisere B.C.E., Mika paaiprofita muJudha. Achitaura sokuti ndiye aiva rudzi rwacho, anofananidza mamiriro acho ezvinhu nomunda wemizambiringa kana kuti munda wemiti yemichero pashure pokukohwa, isisina kana mazambiringa anenge asara kana kuti maonde. Ndizvo zvazvakanga zvakaita munzanga yeJudha, umo vanhu vakarurama vaisagona kuwanikwa. VaIsraeri vakanga vachivhima vamwe vavaigara navo muguta, vachivandira kuti vateure ropa. Vatungamiriri vavo nevatongi vakanga vakatsunga kuwana pfuma noudyire. (Mika 7:1-4) Kudai wairarama mumamiriro ezvinhu akadaro, waizonzwa sei? Zvimwe, waizonzwira urombo vanhu vasina mhosva vaiitirwa izvozvo. Saka, Jehovha anonzwira urombo zvikuru sei vakadzvinyirirwa! Mazuva ano Jehovha anoongorora vanhu. Unofunga kuti anowanei? Vadzvinyiriri vari kushandisa vamwe zvakaipa uye vari kurwisa vavakidzani vavo nechisimba. Kana vari vakavimbika, panongova nevashomanana chete kana vachienzaniswa nevanhu vanogara panyika. Asi hatifaniri kuora mwoyo. Nemhaka yokuda vanhu vari kuitirwa izvozvo, Jehovha acharuramisira.—Ezekieri 9:4-7.
11. (a) Zuva raJehovha rinorevei kune vaya vanomutya? (b) Shoko rokunyevera raJona rakachinja sei vaNinivhi?
11 Zvakajeka kuti zuva raJehovha rinoreva kuparadzwa kwevavengi vake uye kununurwa kwevaya vanomutya uye vanomushumira.b Mika akafanotaura kuti marudzi aizodirana achienda kugomo reimba yaJehovha, zvichiguma norugare uye kubatana munyika yose. (Mika 4:1-4) Kare munguva iyoyo, kuzivisa kwaiita vaprofita zuva raJehovha kwakaita kuti vanhu vachinje zvakanyanya upenyu hwavo here? Vamwe vakachinja. Yeuka kuti Jona paakazivisa kutongwa kwaizoitwa Ninivhi, vanhu vaigara muguta iroro vaiva nechisimba, vakanga vakaipa “vakatanga kutenda muna Mwari,” uye “vakatendeuka panzira yavo yakaipa.” Somugumisiro, Jehovha akarega kuunza dambudziko racho panguva iyoyo. (Jona 3:5, 10) Shoko raiva nechokuita nezuva rokutonga kwaJehovha rakanga richiuya rakachinja upenyu hwevaNinivhi!
ZUVA IRORO RINOITEI PAURI?
12, 13. (a) Vaprofita 12 vakaprofita pamusoro pavanaani? (b) Nei tingataura kuti mashoko ouprofita evaprofita vacho 12 aitaura zvikuru nezvenguva yemberi?
12 Mumwe angapikisa achiti, ‘Asi vaprofita ivavo vakararama mazana emakore akapfuura. Mashoko avo pamusoro pezuva raJehovha anei chokuita neni?’ Ichokwadi kuti vaprofita ivavo vakararama makore akawanda akapfuura kunyange Jesu asati aberekwa, asi tinofanira kufunga kuti mashoko avo ane chokuita nezuva raJehovha anokosha zvakadini muzana remakore rechi21. Ndezvipi zvinhu zvinobatsira zvatinogona kuwana kubva pane zvavakataura nezvezuva guru raJehovha? Pane chinhu chinokosha chinotibatsira kuona kukosha uye kubatsirwa kwatinoita neshoko ravo. Icho kuziva kwedu kuti vaprofita vacho vakanyevera nezvezuva raJehovha pana Israeri, Judha, marudzi akanga akapoteredza, uye mamwe masimba enyika epanguva yacho.c Chinhu chinokosha ndechokuti uprofita ihwohwo hwakazadzika! VaAsiriya vakapinda muSamariya nechisimba, Judha yakaparadzwa muna 607 B.C.E., uye marudzi aiva noutsinye akanga akapoteredza akakurumidza kuparadzwa. Pakupedzisira, masimba enyika, reAsiriya nereBhabhironi akakundwa, zvose zvichizadzisa uprofita hwakananga.
13 Iye zvino chifunga nezvezuva rePendekosti ya33 C.E., nguva refu hwakawanda hwouprofita ihwohwo hwazadzika kokutanga. Pazuva iroro, muapostora Petro akashandisa mashoko ouprofita hwaJoeri pakudururwa kwakaitwa mudzimu mutsvene waMwari. Petro akabva ataura mashoko ari mubhuku raJoeri, okuti: “Zuva richasviba uye mwedzi uchava ropa zuva guru nerakakurumbira raJehovha risati rasvika.” (Mabasa 2:20) Izvi zvinoratidza kuti paizova nokumwe kuzadzika kwouprofita hune chokuita nezuva raJehovha. Kana huri uprofita hwaJoeri, hwakazadzika kechipiri muna 70 C.E. uto reRoma parakaparadza Jerusarema, uye iyi zvechokwadi yaiva nguva yerima uye yeropa.
14, 15. (a) Nei tingataura kuti uprofita hunotaura nezvezuva raJehovha hune chokuita nesu mazuva ano? (b) Ndirini patinogona kutarisira kuvapo kwezuva raJehovha?
14 Zvisinei, uprofita hwaJoeri nohumwe uprofita hwaiva nechokuita nezuva raJehovha huchazadzikazve kokupedzisira, kuzadzika kwacho kunoshanda kwatiri isu tiri kurarama muzana remakore rechi21. Sei? Petro akarayira vaKristu kuramba va“chinyatsofunga nezvokuvapo kwezuva raJehovha.” Muapostora wacho akaenderera mberi achiti: “Kune matenga matsva nenyika itsva zvatakamirira maererano nezvaakapikira, uye kururama kuchagara mazviri.” (2 Petro 3:12, 13) Hapana matenga matsva (hurumende itsva yaMwari) pamwe chete nenyika itsva (vanhu vakarurama vakanga vachitongwa nehurumende iyoyo) zvakavapo pashure chaipo pokuparadzwa kweJerusarema muna 70 C.E. Saka mashoko acho ouprofita ane chokuita nezuva raJehovha anofanira kuzadzika zvakare. Chokwadi, uprofita uhwu hune chokuita nesu mazuva ano, isu tiri kurarama mu“nguva dzinonetsa”!—2 Timoti 3:1.
15 Kurondedzerwa kwose kwezuva raJehovha kunoitwa nemabhuku eBhaibheri aya 12 kunoita kuti tifunge nezvemashoko aJesu Kristu okuti: “Pachava nokutambudzika kukuru kusina kumboitika kubvira pakutanga kwenyika kusvikira zvino, aiwa, uyewo hakuzoitikizve.” Akataura kuti kutambudzika kukuru ikoko ‘kuchangobva’ kutanga, “zuva richasviba, uye mwedzi hauzobudisi chiedza chawo, nyeredzi dzichawa dzichibva kudenga, uye masimba okumatenga achazununguswa.” (Mateu 24:21, 29) Izvi zvinotibatsira kuziva nguva yezuva raJehovha. Iri pedyo zvikuru. Magwaro anoratidza kuti kutambudzika kukuru kuchaparadza “Bhabhironi Guru,” umambo hwenyika yose hwechitendero chenhema. Ipapo, kutambudzika kukuru pakunenge kwanyanya, zuva raJehovha richatsvaira vavengi vaMwari panyika.—Zvakazarurwa 17:5, 12-18; 19:11-21.
16. Uprofita hune chokuita nezuva raJehovha huchazadzika munzira ipi huru?
16 Zvapupu zvaJehovha zvakaziva zvakaita kuzadzika kwouprofita hwezuva raJehovha. Kakawanda uye nenzira dzakasiyana-siyana, Jerusarema rairamba kutenda, Samariya raipandukira, vaEdhomu vaiva noutsinye, vaAsiriya vaiva nechisimba, uye vaBhabhironi, vose vaifanofananidzira zvikamu zvechitendero chenhema. Chitendero chose chakadaro chichaparadzwa muchikamu chokutanga chokutambudzika kukuru. Mu“zuva guru nerinotyisa raJehovha” rinozotevera, vadiwa vacho vezvematongerwo enyika uye vezvokutengeserana vachaparadzwa.—Joeri 2:31.
IVA AKAGADZIRIRA
17, 18. (a) Nei Amosi akati vaya “vanoda kwazvo zuva raJehovha” vane nhamo? (b) Chii chaizoitika kune vaya vakanga vasina kugadzirira zuva raJehovha?
17 Mashoko okutongwa zvaanonyanya kushanda kuchitendero chenhema, vamwe vaKristu vangafunga kuti havazobatanidzwi pakuzadzika kwouprofita uhwu. Zvisinei, zvakaudzwa vaIsraeri naAmosi zvinoshanda kuvanhu vose, zvokuti: “Vane nhamo vaya vanoda kwazvo zuva raJehovha!” Vamwe vaIsraeri vomuzuva raAmosi vaifunga kuti zuva raJehovha raizongoreva kuwana kwavo zvikomborero, vachifunga kuti raizova zuva apo Mwari aizobatsira vanhu vake. Vaitoda kwazvo zuva iroro! Zvisinei, kune vaya vaingozvifunga chete, zuva raJehovha raizova “rima, kwete chiedza,” akaenderera mberi achidaro Amosi. Chokwadi, vaIsraeri ivavo vaizotsamwirwawo naJehovha!—Amosi 5:18.
18 Amosi akabva arondedzera zvaizoitika kune vaya vaida kwazvo zuva raJehovha. Funga nezvomunhu anotiza shumba onosangana nemhuka inonzi bheya. Achitiza bheya, anotsvaka kwokupotera mumba. Achifemereka, anovhara suo ozembera madziro, obva arumwa nenyoka. Nenzira yakati, izvozvo ndizvo zvichaitika kune vaya vasina kunyatsogadzirira zuva raJehovha.—Amosi 5:19.
19. Munzira dzipi dzinobatsira matinofanira kugadzirira zuva raJehovha?
19 Unoona here kushanda kungaita nhoroondo iyi kwauri? Yeuka kuti Amosi akanga achitaurira mashoko ake vanhu vakanga vakazvitsaurira kuna Mwari. Zvisinei, pakanga paine zvinhu zvaiva nechokuita nezvavaiita uye mafungiro avo zvaifanira kugadziriswa. Hazvina kukodzera here kuongorora upenyu hwako kuti uone kana uri kuratidza kuti wakagadzirira zuva iroro rinokosha kana kuti kana uchifanira kugadzirisa zvimwe zvinhu? Ungaratidza sei kuti zvechokwadi wakagadzirira? Zviri pachena kuti hazviitwi nokuvaka imba, kuunganidza zvokudya zvinokosha, kudzidza kuchenesa mvura, kana kuti kuunganidza mari yendarama, sezvakaitwa nevamwe vaigadzirira kupona. “Sirivha yavo kana ndarama yavo hazvizokwanisi kuvanunura pazuva rokushatirwa kukuru kwaJehovha,” anodaro Zefaniya. Saka kuva akagadzirira kwaisazova nechokuita nokuunganidza zvinhu zvokunyama. (Zefaniya 1:18; Zvirevo 11:4; Ezekieri 7:19) Pane kudaro, tinofanira kuva vakamuka pazvinhu zvine chokuita nokunamata torarama zuva roga roga sevanhu vakagadzirira. Tinofanira kuva nemafungiro akanaka—uye mabasa anoenderana nemafungiro acho. Mika akati: “Asi ini, ndicharamba ndichitarira kuna Jehovha. Ndichamirira Mwari woruponeso rwangu.”—Mika 7:7.
20. Zvinhu zvipi zvisingachinji kumirira kwedu?
20 Kana wakamirira, ucharatidza kuti wakagadzirira, wakarindira zuva raJehovha. Hauzonetseki pamusoro pomusi ungauya zuva iroro kana kuti unofanira kurimirira kwenguva yakareba sei. Uprofita hwose hune chokuita nezuva iroro huchazadzika munguva yakakodzera yaJehovha uye hazvizononoki. Jehovha akaudza Habhakuki kuti: “Zvauri kuratidzwa ndezvenguva yakatarwa, zvinoramba zvichikurumidza zvakananga kumugumo, uye hazvizorevi nhema. Kunyange kana zvikanonoka [maererano nokuona kwevanhu], ramba wakazvimirira; nokuti zvichatoitika chete. Hazvizononoki [maererano nokuona kwaJehovha].”—Habhakuki 2:3.
21. Ungabatsirwa sei nezvichakurukurwa mubhuku rino?
21 Mubhuku rino, uchadzidza nzira yaungaratidza nayo kumirira Mwari woruponeso. Ndezvipi zvaungatarisira kubatsirwa nazvo? Richanyanya kukurukura chikamu cheBhaibheri chaungave usinganyanyi kuziva—vanonzi nevanhu Vaprofita Vaduku 12. Naizvozvo, uchanzwisisa pfungwa dzinonakidza kwazvo. Somuenzaniso, muChikamu 2, uchadzidza kuti ‘ungatsvaka Jehovha’ sei woramba uchirarama. (Amosi 5:4, 6) Kubva mumabhuku aya 12, ungaona nzira yokusvika nayo pakuziva Jehovha zviri nani wowedzera maonero aunoita kumushumira, kunyange zvakatonyanya. Norubatsiro runobva muvaprofita ava, hazvina mubvunzo kuti uchawedzera kunzwisisa kwaunoita unhu hwake. MuChikamu 3, uchanyatsoona zvakajeka zvaunotarisirwa kuita naJehovha pane zvaunoita nenhengo dzemhuri yako uye nevamwe. Izvozvo zvingakubatsira kuva akagadzirira zuva rake guru. Pakupedzisira, muChikamu 4, uchaongorora zano revaprofita vacho panyaya yokuti mafungiro ako anofanira kuva akaita sei zuva raJehovha zvarinoswedera pedyo kwazvo, uchidzidzawo kuti zano racho rinoitei paushumiri hwako hwechiKristu. Hapana mubvunzo kuti uchafara chaizvo kudzidza shoko revaprofita vacho pamusoro pokuti nguva yako yemberi ingava yakaita sei.
22. Ungada kuitei nezano riri mumabhuku evaprofita 12?
22 Unoyeuka here mashoko aZefaniya ataurwa kwokutanga kwechitsauko chino anoratidza kuti pane zvaifanira kukurumidza kuitwa? (Zefaniya 1:14) Shoko rake rine zvarakaita paupenyu hwaMambo muduku Josiya. Paaingova nemakore 16, Josiya akatanga kutsvaka Jehovha. Paakazosvika makore 20, akatanga basa rokurwisa kunamata zvidhori, maererano nokukurudzira vanhu vomuJudha neJerusarema kwakanga kwaitwa naZefaniya. (2 Makoronike 34:1-8; Zefaniya 1:3-6) Nyevero ine chokuita nezuva raJehovha ine zvayaita here paupenyu hwako hwezuva nezuva sezvayakaita pane hwaJosiya? Ngationei kuti vaprofita vacho 12 vangabatsira sei mumwe nomumwe wedu.
[Mashoko Omuzasi]
a Isaya, uyo akararama panguva yakafanana neyeboka rokutanga revaprofita ava 12, naEzekieri, uyo akararama panguva yakafanana neyeboka rechipiri, vakanyeverawo nezvezuva raJehovha.—Isaya 13:6, 9; Ezekieri 7:19; 13:5; ona Chitsauko 2 chebhuku rino, ndima 4-6.
b Kuti uwane humwe uchapupu hwezvakanaka izvi, tapota verenga Hosiya 6:1; Joeri 2:32; Obhadhiya 17; Nahumi 1:15; Habhakuki 3:18, 19; Zefaniya 2:2, 3; Hagai 2:7; Zekariya 12:8, 9; uye Maraki 4:2.
c Vamwe vevaprofita 12 vakaprofitira, kwete rudzi rumwe chete, asi marudzi anoverengeka.
WADZIDZEI?
• Vaprofita vose 12 vanotaura nezvenyaya ipi inokosha?—Joeri 1:15; Zefaniya 1:7, 14.
• Zuva raJehovha richange rakaita sei?—Joeri 2:30, 31; Zekariya 14:12.
• Nei Mwari ane rudo angangoerekana aparadza vakaipa?—Mika 7:2-4; VaHebheru 12:1-3.
ZVAUNOBATSIRWA NAZVO
• Zuva raJehovha ringaitei pauri?—Mabasa 2:19, 20; 2 Petro 3:13.
• Ungatarisira kuti zuva raJehovha riuye rini?—Mateu 24:21, 29.
• Ungaratidza sei kuti wakagadzirira zuva raJehovha?—Amosi 5:4, 6; Habhakuki 2:3.
[Mufananidzo uri papeji 30]
Kufanana nedutu rinotyisa, “zuva guru raJehovha rava pedyo”
[Mufananidzo uri papeji 34]
Nei tingakurudzirwa nezvakaitwa nevaNinivhi kushoko raJona?
[Mufananidzo uri papeji 39]
PaPendekosti ya33 C.E., Petro akashandisa mashoko ouprofita hwaJoeri. Huri kuzadzikawo munguva yedu
[Mufananidzo uri papeji 40]
Kufanana naMika, ratidza kuti wakamirira Mwari woruponeso