Obhadhiya
1 Izvi ndizvo zvakaonekwa naObhadhiya:*
Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha pamusoro paEdhomu:+
“Pane shoko ratanzwa kuna Jehovha,
Pane nhume yatumwa kumarudzi kuti inoti:
‘Simukai, ngatigadzirirei kumurwisa.’”+
3 Wanyengerwa nemwoyo wako unozvikudza,+
Iwe anogara mumikaha yedombo,
Iwe anogara pakakwirira, uchiti nechemumwoyo,
‘Ndiani angandiburutsa pasi?’
4 Kunyange kana ukagara pakakwirira* segondo,
Kana kuti ukavaka dendere rako pakati penyeredzi,
Ndinongokuburutsa kubva ikoko,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
Dzaisazongoba zvadzinoda chete here?
Kana kuti kudai waizovingwa nevanhu vanotanha mazambiringa,
Vaisazosiya mamwe kuti azonhongwa here?+
6 Isau aongororwa kwazvo!
Pfuma yake yakavanzwa yatsvagwa yese!
7 Vaenda newe vakakusiyira kumuganhu.
Vese vawakabatana navo* vakunyengedza.
Varume vawaiva nerugare navo vakukunda.
Vaya vaunodya navo chingwa vachakuteya nemambure,
Asi hauzozvizivi.
8 Zuva iroro,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha,
“Handizoparadzi vakachenjera muEdhomu here+
Kana vaya vane ungwaru munyika ine makomo yaIsau?
9 Varwi vako vane simba vachavhundutswa,+ iwe Temani,+
Nekuti munhu wese ari munyika ine makomo yaIsau achaparadzwa.+
11 Pazuva rawakamira parutivi wakatarisa,
Pazuva rakatapwa uto rake nevatorwa,+
Vanhu vekune imwe nyika pavakapinda pagedhi rake, vachibva vakanda mijenya+ pamusoro peJerusarema,
Iwe wakatevedzerawo zvavaiita.
12 Haufaniri kufarira dambudziko remunin’ina wako,+
Haufaniri kufarira kuparara kwevanhu veJudha,+
Uye haufaniri kutaura mashoko ekuzvikudza pazuva rekutambudzika kwavo.
13 Haufaniri kupinda pagedhi revanhu vangu pazuva ravanowirwa nenjodzi,+
Haufaniri kufarira dambudziko rake,
Uye haufaniri kutora pfuma yake pazuva raanowirwa nenjodzi.+
14 Haufaniri kumira pamharadzano dzenzira kuti uuraye vanhu vake vanenge vachitiza,+
Uye pazuva redambudziko rake haufaniri kutora vanenge vapona uchivaisa mumaoko emuvengi.+
15 Nekuti zuva raJehovha rekurwisa marudzi ese rava pedyo.+
Zvawakaitira vamwe ndizvo zvauchaitirwawo.+
Mabatiro awakaita vamwe ndiwo mabatirwo auchaitwa.
Achainwa oipedza yese,
Uye zvichaita sekuti haana kumbobvira avapo.
17 Asi muGomo reZiyoni ndimo muchava nevachapukunyuka,+
Uye richava dzvene;+
Uye imba yaJakobho ichatora zvinhu zvayo.+
18 Imba yaJakobho ichava moto,
Imba yaJosefa ichava rimi remoto,
Uye imba yaIsau ichaita semashanga;
Vachavapisa vovaparadza,
Uye muimba yaIsau hamuzovi neanopona,+
Nekuti Jehovha pachake ataura.
Vachatora nyika yaEfremu nenyika yeSamariya,+
Uye Bhenjamini achatora Giriyedhi.
20 Nhapwa dzemurusvingo urwu runodzivirira,+
Ivo vaIsraeri, dzichatora nyika yese yevaKenani kusvika kuZarefati.+
Uye nhapwa dzekuJerusarema, dzaiva muSefaradhi, dzichatora maguta ekuNegebhu.+