Upenyu
Tsanangudzo: Mamiriro ezvinhu anoita kuti zvinomera, mhuka, vanhu, nezvisikwa zvomudzimu zvisiyane nezvinhu zvisina upenyu. Kakawanda zvinhu zvipenyu zvinooneka zvinokwanisa kukura, kushandisa chikafu kuti zviwane simba, kubereka, uye zvine zvazvinoita maererano nezvakazvipoteredza kana kuti zvinenge zvichiitika. Zvinomera zvine upenyu asi kwete upenyu semweya une pfungwa. Mumweya yepanyika, mumhuka nevanhu mune simba roupenyu rinoita kuti zvirarame uye mhepo yokufema inotsigira simba iroro.
Upenyu mupfungwa izere, kana tichitaura nezvevanhu vakangwara, kurarama upenyu hwakakwana vaine kodzero yacho. Mweya womunhu unofa. Asi vashumiri vaMwari vakatendeka vane tariro yokurarama nokusingaperi vakakwana, vakawanda vavo pasi pano, uye “boka duku” kudenga sevagari venhaka yoUmambo hwaMwari. Pavanomutsirwa kuupenyu hwomudzimu, ava veboka roUmambo vanopiwawo upenyu hwokusafa, husingatsigirwi nechinhu chero chipi zvacho chakasikwa.
Chinangwa choupenyu hwevanhu ndechei?
Chinokosha pakuva kwedu nechinangwa muupenyu kuziva kwahunobva. Kudai upenyu hwakangoerekana hwavapo pasina pfungwa dzakashandiswa kuti huvepo, kuvapo kwedu kwaizongova kusina chinangwa, uye paisazova neramangwana rakajeka rataizorongera zvokuita. Asi Mabasa 17:24, 25, 28 inotiudza kuti: “Mwari akaita nyika nezvinhu zvose zviri mairi . . . anopa vanhu vose upenyu nemhepo yokufema nezvinhu zvose. Nokuti naye tine upenyu, tinofamba uye tiripo.” Zvakazarurwa 4:11, ine mashoko anenge achitaurirwa Mwari, inowedzera kuti: “Jehovha, imi Mwari wedu, makakodzera kuti mugamuchire kukudzwa nokuremekedzwa nesimba, nokuti makasika zvinhu zvose, uye nemhaka yokuda kwenyu zvakavapo uye zvakasikwa.” (Onawo mapeji 258-264, pasi pemusoro mukuru unoti “Mwari.”)
Kusafara kunobva pamararamiro anopesana nezvinodiwa neMusiki uye zvaanoti ndizvo zvinounza mufaro. VaGaratiya 6:7, 8 inonyevera kuti: “Musatsauswa: Mwari haasi wokuseka. Nokuti zvinodyarwa nomunhu, ndizvo zvaachakohwa; nokuti anodyara nokuda kwenyama yake achakohwa kuora kunobva panyama yake.”—Uyewo VaGaratiya 5:19-21. (Onawo musoro mukuru unoti “Kuzvitonga.”)
Kuwana chivi kwakaita vanhu kubva kuna Adhamu kunovatadzisa kunakidzwa noupenyu zvizere iye zvino sezvaidiwa naMwari pakutanga. VaRoma 8:20 inotaura kuti somugumisiro wokutonga kwaMwari pashure pokunge Adhamu atadza, “zvisikwa [vanhu] zvakaitwa kuti zvive zvisina zvazvinobatsira.” Achitaura nezvemamiriro ake ezvinhu somunhu ane chivi, muapostora Pauro akanyora kuti: “Ndiri wenyama, ndakatengeswa kuti ndive muranda wechivi. Nokuti zvakanaka zvandinoda handizviiti, asi zvakaipa zvandisingadi ndizvo zvandinoita. Ndinofarira mutemo waMwari maererano nomunhu wandiri nechomukati, asi ndinoona munhengo dzangu mumwe mutemo uchirwisana nomutemo wepfungwa dzangu uye uchinditungamirira ndiri nhapwa kuenda kumutemo wechivi uri munhengo dzangu. Ndiri munhu wenhamo!”—VaR. 7:14, 19, 22-24.
Tinowana mufaro mukuru chaizvo ungawanika iye zvino uye upenyu hwedu hunova nezvahunonyatsoreva patinoshandisa zvinotaurwa neBhaibheri totanga kuita zvinodiwa naMwari. Hatina chatinobatsira nacho Mwari nokumushumira; iye ndiye anotidzidzisa ‘zvinotibatsira.’ (Isa. 48:17) Bhaibheri rinopa zano rokuti: “Ivai vakasimba, musingazununguki, muchigara muine zvizhinji zvokuita mubasa raShe, muchiziva kuti basa renyu harisi pasina munaShe.”—1 VaK. 15:58.
Bhaibheri rinotipa tariro youpenyu husingaperi tisina chivi kana tikatenda zvatinopiwa naJehovha kuti tirarame tofamba munzira dzake. Tariro iyoyo yakasimba chaizvo; haizoiti kuti tiore mwoyo; kuita zvinoenderana netariro iyoyo kungaita kuti upenyu hwedu huve nezvahunonyatsoreva kunyange iye zvino.—Joh. 3:16; Tito 1:2; 1 Pet. 2:6.
Vanhu vakasikwa kuti vangorarama kwemakore mashomanana vobva vafa here?
Gen. 2:15-17: “Jehovha Mwari akabva atora munhu [Adhamu], akamugarisa mumunda weEdheni kuti aurime nokuutarisira. Jehovha Mwari akarayirawo munhu kuti: ‘Ungadya miti yose yomunda kusvikira waguta. Asi usadya muti wokuziva zvakanaka nezvakaipa, nokuti nezuva raunoudya chokwadi uchafa.’” (Pano Mwari akataura nezvekufa somugumisiro wechivi, kwete semamiriro ezvinhu aisadzivisika. Akanga achikurudzira Adhamu kuti adzivise kufa. Enzanisa naVaRoma 6:23.)
Gen. 2:8, 9: “Jehovha Mwari akagadzira munda muEdheni, nechokumabvazuva, akaisamo munhu waakanga aumba. Nokudaro Jehovha Mwari akameresa miti yose inoyevedza panyika, yakanakira kudya uyewo muti woupenyu uri pakati pomunda.” (Maererano naGenesisi 3:22, 23, pashure pokunge Adhamu atadza, vari vaviri vakadzingwa muEdheni kuti vasadya muti woupenyu. Saka zvinoita sokuti kudai Adhamu akanga aramba achiteerera Musiki wake, pashure penguva yakati Mwari angadai akazomubvumira kudya muti iwoyo zvichiratidza kuti akanga akodzera zvino kurarama nokusingaperi. Kuvapo kwomuti woupenyu muEdheni kwairatidza tarisiro yakadaro.)
Pis. 37:29: “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagara mairi nokusingaperi.” (Chipikirwa ichi chinoratidza pachena kuti chinangwa chikuru chaMwari chine chokuita nepasi nevanhu hachina kuchinja.)
Onawo peji 305, pasi pomusoro mukuru unoti “Rufu.”
Asi kwatiri isu mazuva ano, kungovapo kwekanguva, kakawanda kacho tichitambura, ndizvo zvinofanira kunge zvakaita upenyu here?
VaR. 5:12: “Chivi zvachakapinda munyika nomunhu [Adhamu] mumwe chete uye rufu zvarwakapinda nechivi, saizvozvowo rufu rwakapararira kuvanhu vose nokuti vose vakanga vatadza.” (Izvozvo ndizvo zvatakapiwa nevabereki vedu, kwete kuti Mwari ndizvo zvaaida, asi pamusana pechivi chaAdhamu.) (Onawo musoro mukuru unoti “Kufanorongerwa Zvichaitika Muupenyu.”)
Job. 14:1: “Munhu, akaberekwa nomukadzi, anorarama kwenguva pfupi uye akamomoterwa nezvinhu zvinonetsa.” (Izvozvo ndizvo zvakanyanya kuita upenyu mumamiriro ano ezvinhu asina kukwana.)
Zvisinei, kunyange mumamiriro ezvinhu akadai, upenyu hwedu hungava hunogutsa chaizvo, huine chinangwa. Ona mashoko ari pamapeji 357, 358 ane chokuita nechinangwa choupenyu.
Kurarama pasi pano kunongova kuedzwa kuti zvionekwe kuti ndiani achaenda kudenga here?
Ona mapeji 67-73, pasi pomusoro mukuru unoti “Denga.”
Tine mweya usingafi unopfuurira kurarama pashure pokufa kwemuviri wenyama here?
Ona mapeji 265-269, pasi pomusoro mukuru unoti “Mweya.”
Chero munhu upi zvake angava sei netariro yokuwana upenyu hunopfuura hupfupi hwatiinahwo iye zvino?
Mat. 20:28: ‘Mwanakomana womunhu Jesu Kristu haana kuuya kuzoshumirwa, asi kuzoshumira nokupa mweya wake kuti uve rudzikinuro mukutsinhana nevazhinji.’
Joh. 3:16: “Mwari akada nyika kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga, kuti munhu wose anotenda maari arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.”
VaH. 5:9: “Pashure pokunge [Jesu Kristu] aitwa akakwana akava nesimba rokuponeswa kusingaperi kune vaya vose vanomuteerera.” (Uyewo Johani 3:36)
Zvatinotarisira muupenyu hwomunguva yemberi zvichazadzika sei?
Mab. 24:15: “Ndine tariro kuna Mwari, tariro iyo varume ava vanayowo, kuti kuchava nokumuka kwevakarurama nevasina kururama.” (Izvi zvichasanganisira vanhu vakashumira Mwari vakatendeka kare pamwe nevamwe vakawanda vasina kuziva zvakakwana Mwari wechokwadi kuti vabvume kana kuti varambe nzira dzake.)
Joh. 11:25, 26: “Jesu akati kwaari [hanzvadzi yomurume waakazomutsa]: ‘Ndini kumuka noupenyu. Anotenda mandiri, kunyange akazofa, achava mupenyu; uye munhu wose mupenyu uye anotenda mandiri haangambofi. Unotenda izvi here?’” (Saka, kunze kwetariro yokumuka, Jesu akataurawo chimwe chinhu chichaitika kune vaya vanenge vari vapenyu nyika yakaipa iripo iye zvino paichaguma. Vaya vane tariro yokugara pasi pano vachitongwa noUmambo hwaMwari vanotarisira kupona uye kusazombofa.)
Pane chero uchapupu hupi zvahwo here hwezvakaita muviri womunhu hunoratidza kuti akasikirwa kurarama nokusingaperi?
Vakawanda vanobvuma kuti pfungwa dzemunhu dzinogona kutakura zvakawanda kupfuura mashandisiro atinodziita muupenyu hwedu hwazvino, zvisinei nokuti tinorarama makore 70 kana kuti kunyange 100. Encyclopædia Britannica inotaura kuti pfungwa dzemunhu “dzinokwanisa kuita zvakawanda chaizvo kupfuura zvadzinoita muupenyu hwemunhu.” (1976, Vol. 12, peji 998) Mumwe musayendisiti anonzi Carl Sagan anotaura kuti pfungwa dzemunhu dzingakwanisa kuchengeta mashoko “angazadza mabhuku anokwana mamiriyoni makumi maviri, akawanda seari mumaraibhurari makuru enyika yose.” (Cosmos, 1980, peji 278) Imwe nyanzvi inodzidza nezvezvinhu zvine upenyu inonzi Isaac Asimov ichinyora nezvekuwanda kwezvinogona “kuchengetwa” nepfungwa dzemunhu yakati, “dzinonyatsokwanisa kudzidza chero zvinhu zvakawanda sei uye kuyeuka chero zvingaiswamo—uyewo kunyange zvakapetwa kane bhiriyoni.”—The New York Times Magazine, October 9, 1966, peji 146. (Nei pfungwa dzemunhu dzakasikwa dzichikwanisa kuita izvozvo kana dzaisafanira kushandiswa? Hazvina musoro here kuti vanhu, vanokwanisa kuramba vachingodzidza, zvechokwadi vakasikirwa kurarama nokusingaperi?)
Dzimwe nyika dzomuchadenga dzine zvinoraramako here?
The New York Times inoti: ‘Kutsvaka kana kune dzimwe nyika dzomuchadenga kuine vanhu vakangwara variko kwakatanga makore 25 akapfuura. Basa iroro guru guru, rinosanganisira kuongorora nyeredzi dzine mabhiriyoni, kusvika panguva ino hapana uchapupu hwakajeka hwarakabura hwokuti kune dzimwe nzvimbo dzisiri Nyika ino kune upenyu.’—July 2, 1984, peji A1.
The Encyclopedia Americana inoti: “Hapana dzimwe nyika [dzisiri dziya dzinotenderera zuva] dzakaonekwa. Asi panyika yoga yoga ingangovapo isiri imwe yedziya dzinotenderera zuva, pane mukana wokuti upenyu hwakatanga ipapo, hukashanduka-shanduka pakava nevanhu vakabudirira.” (1977, Vol. 22, peji 176) (Kubvira panguva iyoyo, dzimwe nyika dzisiri dziya dzinotenderera zuva dzakawanikwa, asi hapana chinoratidza kuti panyika idzodzo pane upenyu. Zvisinei, sezvinoratidzwa nemashoko ari pamusoro apa, kungava here kuti kuda kuwana uchapupu hwokutsigira dzidziso yokushanduka-shanduka ndiko kunonyanya kuita kuti vanhu vashandise mari yakawanda vachitsvaka kana nyika dziri muchadenga dziine upenyu, uchapupu hwokuti munhu haana kusikwa naMwari uye nokudaro haazvidaviriri kwaari?)
Bhaibheri rinoratidza kuti upenyu panyika pano hahusi ihwo chete upenyu huripo. Kune vamwe vanhu vomudzimu—Mwari nengirozi—vakangwara uye vakasimba chaizvo kupfuura munhu. Vakatokurukurirana nevanhu, vachitsanangura kutanga kwakaita upenyu uye chichapedza makomo ematambudziko ari panyika. (Ona misoro mikuru inoti “Bhaibheri” uye “Mwari.”)