-
“Tinofanira Kuteerera Mwari Semutongi”Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
-
-
16. Vaapostora vakaratidza sei kuti vaiva nechido chakakura chekupa uchapupu hwakasimba, uye tinotevedzera sei zvaiitwa nevaapostora pakuparidza?
16 Vaapostora pavakangosunungurwa vakabva vatotanga kuparidza. Vakaramba kutyisidzirwa saka vakaenderera mberi “vachidzidzisa nekuzivisa mashoko akanaka pamusoro paKristu Jesu mazuva ese, mutemberi uye paimba neimba.”d (Mab. 5:42) Hapana chaitadzisa vaparidzi ava vaishingaira kuramba vachipa uchapupu hwakasimba. Cherechedza kuti vakatotanga kuparidzira vanhu kudzimba dzavo sezvavakanga vaudzwa naJesu Kristu kuti vaite. (Mat. 10:7, 11-14) Zvinofanira kunge zviri izvo zvakaita kuti vazozadza Jerusarema nekudzidzisa kwavo. Mazuva ano Zvapupu zvaJehovha zvinozivikanwawo nekutevedzera zvaiitwa nevaapostora pakuparidza. Patinoparidza paimba neimba tinenge tichiratidza kuti tinoda kupa uchapupu hwakasimba nekupa munhu wese mukana wekunzwa mashoko akanaka. Jehovha ari kukomborera ushumiri hwedu hwepaimba neimba here? Hongu! Mazuva ano ekupedzisira mamiriyoni evanhu akateerera mashoko eUmambo, uye vakawanda vakatanga kuanzwa vachiparidzirwa paimba neimba.
-