RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • “Tinofanira Kuteerera Mwari Semutongi”
    Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
    • Murume nemudzimai vari kuparidza vachishandisa Bhaibheri nemabhuku anotsanangura Bhaibheri.

      Tinoparidza “paimba neimba” sezvaingoitawo vaapostora

      16. Vaapostora vakaratidza sei kuti vaiva nechido chakakura chekupa uchapupu hwakasimba, uye tinotevedzera sei zvaiitwa nevaapostora pakuparidza?

      16 Vaapostora pavakangosunungurwa vakabva vatotanga kuparidza. Vakaramba kutyisidzirwa saka vakaenderera mberi “vachidzidzisa nekuzivisa mashoko akanaka pamusoro paKristu Jesu mazuva ese, mutemberi uye paimba neimba.”d (Mab. 5:42) Hapana chaitadzisa vaparidzi ava vaishingaira kuramba vachipa uchapupu hwakasimba. Cherechedza kuti vakatotanga kuparidzira vanhu kudzimba dzavo sezvavakanga vaudzwa naJesu Kristu kuti vaite. (Mat. 10:7, 11-14) Zvinofanira kunge zviri izvo zvakaita kuti vazozadza Jerusarema nekudzidzisa kwavo. Mazuva ano Zvapupu zvaJehovha zvinozivikanwawo nekutevedzera zvaiitwa nevaapostora pakuparidza. Patinoparidza paimba neimba tinenge tichiratidza kuti tinoda kupa uchapupu hwakasimba nekupa munhu wese mukana wekunzwa mashoko akanaka. Jehovha ari kukomborera ushumiri hwedu hwepaimba neimba here? Hongu! Mazuva ano ekupedzisira mamiriyoni evanhu akateerera mashoko eUmambo, uye vakawanda vakatanga kuanzwa vachiparidzirwa paimba neimba.

      KUPARIDZA “PAIMBA NEIMBA”

      Pasinei nekuti vakanga varambidzwa kuparidza neSanihedrini, vadzidzi vakaramba vachiparidza uye vachidzidzisa “mazuva ese, mutemberi uye paimba neimba.” (Mab. 5:42) Asi zvinomborevei kuti “paimba neimba”?

      MuchiGiriki chakanyorwa nacho Bhaibheri, shoko rekuti katʼ oiʹkon rinoreva kuti “maererano neimba.” Vashanduri vanoverengeka vanoti shoko rekuti ka·taʹ rinoreva kuti vadzidzi vaiti vakaparidza pane imwe imba voenda pane inotevera. Shoko racho ndiro rakashandiswa pana Ruka 8:1, panotaurwa kuti Jesu akafamba “nemaguta ese uye nemisha yese,” achiparidza.

      Shoko racho rakashandiswa muuzhinji, katʼ oiʹkous, pana Mabasa 20:20. Muapostora Pauro akaudza vatariri vechiKristu kuti haana kurega kuvadzidzisa “paruzhinji nepaimba neimba.” Mashoko aakazotaura anoratidza kuti akanga asiri kureva kuti aingoenda kudzimba dzevakuru achivadzidzisa nekuti akati: “Asi ndakapa uchapupu hwakasimba kuvaJudha nevaGiriki nezvekupfidza zvivi pamberi paMwari uye kutenda munaShe wedu Jesu.” (Mab. 20:21) VaKristu ava vakanga vakatopfidza zvivi zvavo uye vaitotenda muna Jesu. Saka zviri pachena kuti kuparidza uye kudzidzisa paimba neimba kwaaitaura kwaiva kwekupa uchapupu kuvanhu vasingatendi.

  • “Tinofanira Kuteerera Mwari Semutongi”
    Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
    • MuchiGiriki chakanyorwa nacho Bhaibheri, shoko rekuti katʼ oiʹkon rinoreva kuti “maererano neimba.” Vashanduri vanoverengeka vanoti shoko rekuti ka·taʹ rinoreva kuti vadzidzi vaiti vakaparidza pane imwe imba voenda pane inotevera. Shoko racho ndiro rakashandiswa pana Ruka 8:1, panotaurwa kuti Jesu akafamba “nemaguta ese uye nemisha yese,” achiparidza.

      Shoko racho rakashandiswa muuzhinji, katʼ oiʹkous, pana Mabasa 20:20. Muapostora Pauro akaudza vatariri vechiKristu kuti haana kurega kuvadzidzisa “paruzhinji nepaimba neimba.” Mashoko aakazotaura anoratidza kuti akanga asiri kureva kuti aingoenda kudzimba dzevakuru achivadzidzisa nekuti akati: “Asi ndakapa uchapupu hwakasimba kuvaJudha nevaGiriki nezvekupfidza zvivi pamberi paMwari uye kutenda munaShe wedu Jesu.” (Mab. 20:21) VaKristu ava vakanga vakatopfidza zvivi zvavo uye vaitotenda muna Jesu. Saka zviri pachena kuti kuparidza uye kudzidzisa paimba neimba kwaaitaura kwaiva kwekupa uchapupu kuvanhu vasingatendi.

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe