Kupenya Kwechiedza Munguva Dzavaapostora
“Chiedza chimene chakapenyera akarurama, nokufara kunyange nokuda kwavakarurama mumwoyo.”—PISAREMA 97:11, NW.
1. Zvapupu zvaJehovha nhasi zvakafanana sei navaKristu vapakuvamba?
ISU, savaKristu vechokwadi, tinonzwisisa sei mashoko ePisarema 97:11! ‘Chiedza chakatipenyera chatipenyerazve.’ Zvirokwazvo, vamwe vedu takaona kuvhenekera kunopenya kwaJehovha kwamakumi amakore. Zvose izvozvi zvinotiyeuchidza Zvirevo 4:18, iyo inorava, kuti: “Gwara ravakarurama rakaita sechiedza chamambakwedza, chinoramba chichiwedzera kubwinya kusvikira pamasikati makuru.” Mukukoshesa kwedu Magwaro panzvimbo pegamuchidzanwa, isu Zvapupu zvaJehovha takafanana navaKristu vapakuvamba. Chimiro chavo chendangariro chinogona kuonwa zvakajeka mumabhuku enhau eMagwaro echiKristu echiGiriki nomutsamba dzawo, dzakanyorwa mukufuridzirwa kwoumwari.
2. Chii chakanga chiri pakati pokupenya kwokutanga kwechiedza icho vateveri vaJesu vakagamuchira?
2 Pakati pokupenya kwokutanga kwechiedza uko vateveri vapakuvamba vaJesu Kristu vakagamuchira kwakanga kuri uko kwaiva nechokuita naMesiya. Andreasi akaudza mukoma wake Simoni Petro, kuti: “Tawana Mesiasi.” (Johane 1:41) Nguva yakati gare gare, Baba vari kudenga vakagonesa muapostora Petro kupupurira murangariro iwoyo apo akati kuna Jesu Kristu: “Ndimi Kristu Mwanakomana waMwari mupenyu.”—Mateo 16:16, 17; Johane 6:68, 69.
Chiedza Pamusoro Pebasa Ravo Rokuparidza
3, 4. Pashure pokumutswa kwake, ivhenekeroi iyo Jesu akapa vateveri vake pamusoro pomubato wavo womunguva yemberi?
3 Pashure porumuko rwake, Jesu Kristu akajekesa musengwa waiva pavateveri vake vose. Sezvingabvira zvikurusa kwakanga kuri kuvadzidzi 500 vakaungana muGarireya kwaakati: “Endai naizvozvo, mudzidzise marudzi ose, muvabhapatidze muzita raBaba, neroMwanakomana, neroMweya Mutsvene; muvadzidzise kuchengeta zvose zvandakakurayirai imi; tarirai, ndinemi mazuva ose, kusvikira pakuguma kwenyika.” (Mateo 28:19, 20; 1 VaKorinte 15:6) Pashure paikoko, vateveri vose vaKristu vaifanira kuva vaparidzi, uye basa ravo rokuparidza raisafanira kuganhurirwa ku“makwai akarashika eimba yavaIsraeri.” (Mateo 10:6) Uyewo vaisafanira kuita rubhapatidzo rwaJohane muchiratidzo chorupfidzo rwokukanganwirwa zvivi. Panzvimbo pezvo, vaifanira kubhapatidza vanhu “muzita raBaba, neroMwanakomana, neroMweya Mutsvene.”
4 Nokukurumidza Jesu asati akwira kudenga, vaapostora vake 11 vakatendeka vakabvunza, kuti: “Ishe, modzosera ushe kuna vaIsraeri nenguva ino here?” Panzvimbo pokupindura mubvunzo iwoyo, Jesu akapa mimwe mirayiridzo pamusoro pebasa ravo rokuparidza, achiti: “Muchapiwa simba, kana Mweya Mutsvene wauya pamusoro penyu; ipapo muchava zvapupu zvangu paJerusarema, napaJudhea rose, napaSamaria, nokusvikira kumugumo wenyika.” Kusvikira panguva iyeyo, vakanga vave vari zvapupu zvaJehovha oga, asi zvino vaizovawo zvapupu zvaKristu.—Mabasa 1:6-8.
5, 6. Kupenyai uko vadzidzi vaJesu vakagamuchira paPentekosta?
5 Mazuva gumi chete gare gare, kupenya kwechiedza kwakajeka zvakadini uko vateveri vaJesu vakagamuchira! Pazuva rePentekosta ra 33 C.E., kwenguva yokutanga, vakanzwisisa revo yaJoere 2:28, 29, inoti: “[Ini Jehovha] ndichadurura Mweya wangu pamusoro penyama yose; vanakomana venyu navanasikana venyu vachaporofita, vatana venyu vacharota hope, namajaya enyu achaona zviratidzo; ndichadururawo Mweya wangu pamusoro pavaranda napamusoro pavashandiri namazuva iwayo.” Vadzidzi vaJesu vakaona mudzimu mutsvene, muchimiro chemarimi akaita seemoto, wakagara pamisoro yavo vose—vanenge varume navakadzi vane 120—vakaungana muJerusarema.—Mabasa 1:12-15; 2:1-4.
6 Uyewo pazuva rePentekosta, vadzidzi vakatanga kunzwisisa kuti mashoko ePisarema 16:10 aishanda kuna Jesu Kristu akamutswa. Wezvamapisarema akanga ati: “[Jehovha Mwari] hamungasiyi mweya wangu muSheori; hamungatenderi mutsvene wenyu kuti aone kuora.” Vadzidzi vakaziva kuti mashoko iwayo aisagona kuve akashanda kuna Mambo Dhavhidhi, nokuti guva rake vakanga vanaro kusvikira kuzuva iroro. Hakushamisi kuti vanenge 3 000 vaavo vakanzwa ichi chiedza chitsva chichitsanangurwa vakapwiswa kwazvo zvokuti vakabhapatidzwa zuva iroro rimene!—Mabasa 2:14-41.
7. Chiedzai chakajeka icho muapostora Petro akagamuchira mukati meshanyo yake kumukuru mukuru weuto reRoma Kornerio?
7 Kwamazana amakore akawanda, vaIsraeri vakanzwisisa izvo Mwari akanga ataura pamusoro pavo, kuti: “Ndimi moga vandakaziva pakati pamarudzi ose enyika.” (Amosi 3:2) Naizvozvo zvirokwazvo kwakanga kuri kupenya kwakajeka kwechiedza uko muapostora Petro naavo vakamukumbanira kumba kwemukuru wehondo weRoma Kornerio vakagamuchira apo mudzimu mutsvene kwenguva yokutanga wakaburukira pavadaviri Vamarudzi vasina kudzingiswa. Kunokosha kucherekedza kuti iyi ndiyo yakanga iri nguva bedzi iyo mudzimu mutsvene wakapiwa rubhapatidzo rusati rwaitika. Asi kwaifanira kuva kwakadaro. Nezvisizvo, Petro angadai asina kuziva kuti ava Vamarudzi vasina kudzingiswa vaikwaniriswa nokuda kworubhapatidzo. Achinzwisisa zvizere revo yeichi chiitiko, Petro akabvunza, kuti: “Kune munhu here ungadzivisa mvura, kuti ava [Vamarudzi], vakapiwa Mweya Mutsvene sesu, varege kubhapatidzwa?” Chokwadika, hapana munhu aivapo aigona kuramba zvakarurama, naizvozvo rubhapatidzo rwaava Vamarudzi rwakaitika.—Mabasa 10:44-48; enzanisa naMabasa 8:14-17.
Hapachinazve Kudzingiswa
8. Neiko vamwe vaKristu vapakuvamba vakakuwana kwakaoma kurega kudzingiswa?
8 Kupenyazve kwakajeka kwezvokwadi kwakaoneka maererano nomubvunzo wokudzingiswa. Muitiro wokudzingiswa wakava namavambo awo muna 1919 B.C.E. nesungano yaJehovha naAbrahama. Mwari panguva iyeyo akarayira Abrahama kuti iye navamwe vanhurume vose veimba yake vaifanira kudzingiswa. (Genesi 17:9-14, 23-27) Naizvozvo kudzingiswa kwakava chiratidzo chinozivisa chavazukuru vaAbrahama. Uye vaidada sei nouyu muitiro! Somugumisiro, “usina kudzingiswa” kwakava kutaura kwokuzvidza. (Isaya 52:1; 1 Samueri 17:26, 27) Kuri nyore kuona chikonzero nei vaKristu vechiJudha vapakuvamba vakati vaida kuchengeta ichi chiratidzo. Vamwe vavo vakava nekurukurirano huru nomuapostora Pauro naBharnabhasi pamusoro peiyi nhau. Kuti vaigadzikise, Pauro navamwe vakaenda kuJerusarema kunobvunza mutumbi unodzora wechiKristu.—Mabasa 15:1, 2.
9. Kupenyai kwechiedza kwakaziviswa kumutumbi unodzora wapakuvamba, sezvakanyorwa muna Mabasa ganhuro 15?
9 Panguva ino, vaKristu ivavo vapakuvamba havana kugamuchira chiedza chokuti kudzingiswa kwakanga kuchisiri chinodikanwa nokuda kwavabatiri vaJehovha kupfurikidza nechishamiso chiri pachena. Panzvimbo pezvo, vakagamuchira chiedza chakawedzerwa kupfurikidza nokunzvera Magwaro, vachitsamira pamudzimu mutsvene nokuda kwenhungamiro, uye vachinzwa zviitiko zvaPetro naPauro pamusoro pekutendeutswa kwaVamarudzi vasina kudzingiswa. (Mabasa 15:6-21) Chisarudzo chacho chakapiwa mutsamba iyo yairava murutivi, kuti: “Mweya Mutsvene nesu takati zvakanaka, kuti tirege kukutakudzai mutoro mukuru kune zvinhu izvi zvakafanira, zvinoti: Regai zvakabayirwa zvifananidzo, neropa, nezvakadzipwa, noupombwe.” (Mabasa 15:28, 29) VaKristu vapakuvamba nokudaro vakasunungurwa pamurayiro wokudzingisa uye pazvimwe zvinodikanwa zvoMutemo waMosesi. Nokudaro, Pauro aigona kuudza vaKristu veGaratia, kuti: “Kristu wakatisunungura kuti tive vakasununguka.”—VaGaratia 5:1.
Chiedza Muevhangeri
10. Ndokupi kwaiva kumwe kupenya kwechiedza kwakaziviswa muEvhangeri yaMateo?
10 Hapana kupokana kuti Evhangeri yaMateo, yakanyorwa munenge muna 41 C.E., ine kupenya kwechiedza kwakawanda nokuda kwokubetserwa kwavaravi vayo. Vashomanene zvikuru vevaKristu vomuzana rokutanga ramakore vakanga vanzwa vamene Jesu achitsanangura dzidziso dzake. Zvikurukuru, Evhangeri yaMateo yakasimbisa kuti musoro wokudzidzisa kwaJesu wakanga uri Umambo. Uye Jesu akanga asimbisa zvakasimba sei ukoshi hwokuva nevavariro yakarurama! Kupenya kukuru kwakadini kwechiedza kwakanga kuri muMharidzo yake yapaGomo, mumifananidzo yake (yakadai seiyo yakanyorwa Mat. muganhuro 13), uye muuporofita hwake hukuru muMat. maganhuro 24 ne 25! Zvose izvozvi zvakaunzwa kungwariro yavaKristu vapakuvamba munhoroondo yeEvhangeri yaMateo yakanyorwa anenge makore masere bedzi pashure pePentekosta ya 33 C.E.
11. Chii chinogona kutaurwa pamusoro pezviri mukati meEvhangeri dzaRuka naMarko?
11 Anenge makore 15 gare gare, Ruka akanyora Evhangeri yake. Nepo yakawanda yayo yakafanana nenhoroondo yaMateo, 59 muzana ndeyokuwedzera. Ruka akanyora zvitanhatu zvezvishamiso zvaJesu zvinowanwa bedzi mubhuku rake uye kakawanda kanopeta kaviri mienzaniso Yake isina kududzwa navamwe vanyori veEvhangeri. Sezviri pachena makore mashomanene chete gare gare, Marko akanyora Evhangeri yake, achiisa simbiso pana Jesu Kristu somunhu wechiito, muiti wezvishamiso. Nepo Marko akarondedzera zvikurukuru zviitiko zvakafukidzwa kare naMateo naRuka, akanyora mufananidzo mumwe uyo ivo vasina. Mumuenzaniso iwoyo, Jesu akafananidza Umambo hwaMwari netsanga inomera, ndokureba, uye inobereka michero zvishoma nezvishoma.a—Marko 4:26-29.
12. Evhangeri yaJohane yakagovera imwezve vhenekero kusvikira kutambanukoi?
12 Ipapo kwaiva neEvhangeri yaJohane, yakanyorwa anopfuura makore 30 pashure pokunge Marko anyora nhoroondo yake. Johane akajekesa zvakadini ushumiri hwaJesu, zvikurukuru kupfurikidza nenongedzero dzakawanda pakuvapo Kwake asati ava munhu! Johane bedzi ndiye anogovera nhoroondo yorumuko rwaRazaro, uye iye oga ndiye anotipa dzakawanda dzetsinhiro dzakaisvonaka dzaJesu kuvaapostora vake vakatendeka pamwe chete nemunyengetero wake unofadza pausiku hwokutengeswa kwake, sezvakanyorwa muJoh maganhuro 13 kusvika ku 17. Kutaura idi, kunotaurwa kuti 92 muzana yeEvhangeri yaJohane inowanwa mairi bedzi.
Kupenya Kwechiedza Mutsamba dzaPauro
13. Neiko vamwe vakarangarira tsamba yaPauro kuvaRoma sokunge kuti yaiva Evhangeri?
13 Muapostora Pauro akashandiswa zvikuru kujekesa zvokwadi kuvaKristu vairarama munguva dzavaapostora. Somuenzaniso, pane tsamba yaPauro kuvaRoma, yakanyorwa munenge muna 56 C.E.—inenge nguva imwe cheteyo iyo Ruka akanyora Evhangeri yake. Mutsamba iyoyi Pauro anosimbisa idi rokuti kururama kunopiwa somugumisiro wemutsa usakafanirwa waMwari uye kupfurikidza nokutenda muna Jesu Kristu. Kusimbisa kwaPauro urwu rutivi rwamashoko akanaka kwakaparira vamwe kurangarira tsamba yake kuvaRoma sokunge kuti yaiva Evhangeri yechishanu.
14-16. (a) Mutsamba yake yokutanga kuvaKristu muKorinte, Pauro akajekesei pamusoro pedikanwo yechinzwano? (b) Chiedzai chimwe pamusoro pomufambiro icho VaKorinte Wokutanga inacho?
14 Pauro akanyora pamusoro pedzimwe nhau idzo dzainetsa vaKristu vaiva muKorinte. Tsamba yake kuvaKorinte inobatanidza zano rakawanda rakafuridzirwa iro rakabetsera vaKristu kuburukira kuzuva redu. Kutanga, aifanira kuvhenekera vaKorinte pamusoro pechikanganiso chavakanga vari kuita mukuumba masekete akanangidzirwa pavanhu vamwe navamwe vakati. Muapostora akavaruramisa, achivaudza noushingi, kuti: “Zvino ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, nezita raShe wedu, Jesu Kristu, kuti imi mose mutaure chinhu chimwe, kuti pakati penyu kurege kuva nokupesana; asi kuti musonganiswe zvakanaka pamurangariro mumwe nokufunga kumwe.”—1 VaKorinte 1:10-15.
15 Unzenza hwakakomba hwakanga huri kuregererwa muungano yechiKristu kuKorinte. Mumwe murume imomo akanga atora mudzimai wababa vake, nokudaro achiita ‘ufeve hwakadaro husina kutowanwa kunyange pakati pamarudzi.’ Nenzira yakajeka, Pauro akanyora, kuti: “Bvisai pakati penyu munhu uyo wakaipa.” (1 VaKorinte 5:1, 11-13) Ichocho chakanga chiri chimwe chinhu chitsva nokuda kweungano yechiKristu—kudzinga. Imwe nhau iyo ungano yeKorinte yaida vhenekero pairi yaiva nechokuita neidi rokuti vamwe vemitezo yayo vakanga vachiendesa hama dzavo dzomudzimu kumatare okunyika kuti vagadzikise nyunyuto. Pauro akavatsiura zvakasimba nokuda kwokuita ikoku.—1 VaKorinte 6:5-8.
16 Imwezve nhau iyo yakatambudza ungano muKorinte yaiva nechokuita nokuvatana. Muna 1 VaKorinte ganhuro 7, Pauro akaratidza kuti nemhaka yokupararira kwounzenza hwevatano, kwaizova kwakanaka kuti murume mumwe nomumwe ave nemudzimai wake amene uye mudzimai mumwe nomumwe murume wake amene. Pauro akaratidzawo kuti nepo vanhu vasina kuroora vachikwanisa kubatira Jehovha nokutsauswa kushomanene, havasi vose vaiva nechipo chokusaroora. Uye kana murume womukadzi akafa, aizosununguka kuroorwa zvakare “asi ngazviitwe munaShe.”—1 VaKorinte 7:39.
17. Pauro akajekesei pamusoro pedzidziso yorumuko?
17 Kupenya kwechiedza kwakadini uko Ishe akashandisa Pauro kujekesa pamusoro porumuko! VaKristu vakazodzwa vachamutswa nomuviri worudzii? “Unodzvarwa uri muviri wokuberekwa, unomutswa uri muviri womweya,” akanyora kudaro Pauro. Hakuna muviri wenyama uchaendeswa kudenga, nokuti “nyama neropa hazvingagari nhaka youshe hwaMwari.” Pauro akawedzera kuti havasi vose vakazodzwa vacharara murufu asi kuti mukati mokuvapo kwaJesu vamwe vachamutsirwa kuupenyu husingafi pakare pakarepo parufu.—1 VaKorinte 15:43-53.
18. Tsamba yaPauro yokutanga kuvaTesaronika yaiva nechiedzai pamusoro penguva yemberi?
18 Mutsamba yake kuvaKristu vaiva muTesaronika, Pauro akashandiswa kujekesa nguva yemberi. Zuva raJehovha raizouya sembavha usiku. Pauro akatsanangurawo, kuti: “Kana vachiti, Rugare nokugarika—ipapo kuparadzwa kuchakurumidza kuvawira, sokurwadzwa kwomukadzi une mimba; havangatongopukunyuki.”—1 VaTesaronika 5:2, 3.
19, 20. VaKristu vaiva muJerusarema neJudhea vakagamuchira kupenyai kwechiedza mutsamba yaPauro kuvaHebheru?
19 Kupfurikidza nokunyora tsamba yake kuvaHebheru, Pauro akajekesera vaKristu vapakuvamba vaiva muJerusarema neJudhea. Akaratidza ukuru hwetsika yechiKristu yokunamata nenzira ine simba sei pamusoro petsika yaMosesi yokunamata! Panzvimbo pokutevera Mutemo wakapiwa kupfurikidza nengirozi, vaKristu vane kutenda muruponeso rwakatanga kutaurwa neMwanakomana waMwari, uyo ari mukuru zvikuru kunhume dzengirozi dzakadaro. (VaHebheru 2:2-4) Mosesi akanga achingovawo zvake murindiri muimba yaMwari. Zvisinei, Jesu Kristu anotungamirira imba yose. Kristu ndiye muprista mukuru nomutoo waMerekizedheki, zvaane nzvimbo yakakwirira kupfuura youprista hwaAroni. Pauro akaonesawo kuti vaIsraeri vaisakwanisa kupinda muzuva raMwari rokuzorora nemhaka yokushayiwa kutenda nokuteerera, asi vaKristu vanopinda mariri nemhaka yokutendeka kwavo nokuteerera.—VaHebheru 3:1–4:11.
20 Ipapowo, sungano itsva ihuru zvikuru kusungano yomutemo. Sezvakaporofitwa kuchine makore 600 mberi pana Jeremia 31:31-34, avo vari musungano itsva vane mutemo waMwari wakanyorwa mumwoyo yavo uye vanofarikanya kukanganwirwa kwechokwadi kwezvivi. Panzvimbo pokuva nomuprista mukuru aifanira kupa zvibayiro gore negore nokuda kwezvivi zvake amene uye izvo zvavanhu, vaKristu vane soMuprista wavo Mukuru Jesu Kristu, uyo asina chivi uye akapa kamwe nokusingaperi chibayiro chezvivi. Panzvimbo pokupinda nzvimbo tsvene yakaitwa namaoko kuti ape chibayiro chake, akapinda mudenga rimene, ikoko kuti aoneke pamberi paJehovha amene. Uyezve, zvibayiro zvemhuka muMutemo wesungano waMosesi zvaisagona kubvisa zvivi chose chose, kana kuti zvaisazopiwa gore negore. Asi chibayiro chaKristu, chakapiwa kwenguva yose, chinobvisa zvivi. Zvose izvozvi zvinojekesa tembere huru yomudzimu, muvazhe madziri vakasarira vakazodzwa ne“mamwe makwai” vanobatira nhasi.—Johane 10:16; VaHebheru 9:24-28.
21. Iyi kurukurirano yaratidzei pamusoro pokuzadzikwa kwaPisarema 97:11 naZvirevo 4:18 munguva dzavaapostora?
21 Nzvimbo haibvumiri kupa mimwe mienzaniso, yakadai sokupenya kwechiedza kunowanika mutsamba dzomuapostora Petro neidzo dzavadzidzi Jakobho naJudha. Asi zvichangobva kududzwa zvinofanira kuringana kuratidza kuti Pisarema 97:11 naZvirevo 4:18 akava nokuzadzikwa kunoshamisa munguva dzavaapostora. Zvokwadi yakavamba kufambira mberi kubva pamifananidzo nemimvuri kuenda kukuzadzikwa nezvokwadi.—VaGaratia 3:23-25; 4:21-26.
22. Chii chakaitika pashure porufu rwavaapostora, uye nyaya inotevera icharatidzei?
22 Pashure perufu rwavaapostora vaJesu uye kutanga kwokuramba kutenda kwakafanotaurwa, chiedza chezvokwadi chakapfuta zvishomanene zvikuru. (2 VaTesaronika 2:1-11) Maererano nekupikira kwaJesu, zvisinei, pashure pamazana amakore akawanda Tenzi akadzoka ndokuwana “muranda wakatendeka, wakangwara” achipa ve“imba” zvokudya zvavo panguva yakafanira. Somugumisiro, Jesu Kristu akagadza muranda iyeyo kuva “mutarisiri wezvose zvaanazvo.” (Mateo 24:45-47) Kupenya kwakadini kwechiedza kwakatevera? Ikoku kuchakurukurwa munyaya inotevera.
[Mashoko Omuzasi]
a Ivhu pano rinonongedzera kumhoteredzo mairi muKristu anosarudza kusakurira mavara ounhu.—Ona Nharireyomurindi, December 15, 1980, mapeji 17-18.
Unoyeuka Here?
◻ Magwaroi eBhaibheri anoratidza kuti kunzwisiswa kwezvokwadi kunofambira mberi?
◻ Ndokupi kuri kumwe kupenya kwechiedza kwakanyorwa mubhuku raMabasa?
◻ Chiedzai chinowanwa muEvhangeri?
◻ Tsamba dzaPauro dzine kupenyai kwechiedza?