Unofanira Kunyengetera kuna Jesu Here?
VAMWE vanhu vanokurangarira kuva kwakafanira kunyengetera kuna Jesu. MuGermany vakawanda vakadzidziswa savana kuti vasati vadya vanofanira kupeta maoko avo ndokuonga Jesu Kristu.
Maererano neBhaibheri, Jesu zvirokwazvo ane nzvimbo yakakwirira zvikuru mudenga. Ikoko, zvisinei, kunoreva here kuti tinofanira kunyengetera kwaari? Ungave uri pakati paavo, nemhaka yokuda Jesu, vanonangidzira minyengetero kwaari, asi Jesu amene anofungei pamusoro peminyengetero yakadaro?
Kutanga, neiko iyi mibvunzo ichimbomuka? Imhaka yokuti Bhaibheri rinotaura kuti Jehovha Mwari ndiye “Wokunzwa munyengetero.” Hakutongoshamisi, ipapoka, kuti vabatiri vaMwari munguva dzakare, vakadai savaIsraeri, vakanyengetera bedzi kuna Jehovha Mwari, Wamasimba ose.—Pisarema 5:1, 2; 65:2.
Zvinhu zvakachinja here apo Jesu, Mwanakomana waMwari, akauya kupasi kuzonunura rudzi rwomunhu muchivi norufu? Aiwa, minyengetero yakanga ichiri kunangidzirwa kuna Jehovha. Apo akanga ari pasi pano Jesu amene akanyengetera kazhinji kazhinji kuna Baba vake vokudenga, uye iye akadzidzisa vamwe kuita zvakafanana. Imbofunga zvako nezvomunyengetero womuenzaniso, pane dzimwe nguva unonzi Munyengetero waShe kana kuti Baba Vedu, uyo uri mumwe weminyengetero inozivikanwa zvikurusa munyika. Jesu haana kutidzidzisa kunyengetera kwaari; iye akatipa uyu muenzaniso: “Baba vedu vari kudenga, zita renyu ngarikudzwe noutsvene.”—Mateo 6:6, 9; 26:39, 42.
Zvino ngatinzverei nhau yacho zvakakwana zvikuru kupfurikidza nokunzvera chiri munyengetero chaizvoizvo.
Munyengetero Chii?
Munyengetero uri wose chimiro chakati chokunamata. The World Book Encyclopedia rinosimbisa ikoku, richiti: “Munyengetero chimiro chakati chokunamata umo mumwe munhu angapa kuzvipira, kuonga, kureurura, kana kuti chikumbiro kuna Mwari.”
Pane imwe nhambo Jesu akati: “Kwakanyorwa kuti, ‘ndiJehovha Mwari wako waunofanira kunamata, uye ndokwaari oga kwaunofanira kuita basa rinoyera.’” Jesu akanamatira kuzvokwadi huru yokuti kunamata—nokudaro minyengeterowo—kunofanira kupiwa bedzi kuna Baba vake, Jehovha Mwari.—Ruka 4:8, NW; Ru 6:12.
Kubvuma Jesu Muminyengetero Yedu
Jesu akafa sechibayiro chorudzikinuro nokuda kworudzi rwomunhu, akamutswa naMwari, uye akakwidzwa kunzvimbo yakakwirira. Sezvaungafungidzira, kwose ikoku kwakaparira chinjo pamusoro peminyengetero inogamuchirika. Munzirai?
Muapostora Pauro anorondedzera pesvedzero huru iyo nzvimbo yaJesu inoshandisa pamunyengetero sezvinotevera: “Saka Mwari wakamukudza zvikuru, akamupa zita rinopfuura mazita ose; kuti muzita raJesu mabvi ose afugame; avari kudenga navari panyika, navari pasi penyika, kuti ndimi dzose dzibvumire dziti, Jesu Kristu ndiyeShe, kuti Mwari, Baba, arumbidzwe.”—VaFiripi 2:9-11.
Ko mashoko okuti “muzita raJesu mabvi ose afugame” anoreva kuti tinofanira kunyengetera kwaari here? Aiwa. Chitsama chamashoko chechiGiriki chinobatanidzwa pano “chinoratidzira zita iro avo vanopfugama vanobatana pariri, pariri vakabatana (πᾶν γόνυ) vanonamata. Zita iro Jesu akagamuchira rinosunda vose kukuzvipira kwakabatana.” (A Grammar of the Idiom of the New Testament, rakanyorwa naG. B. Winer) Zvirokwazvo, kuti munyengetero uve unogamuchirika, unofanira kupiwa “muzita raJesu,” asi iwo, kunyanguvezvo, unotaurwa kuna Jehovha Mwari uye unobatira kupiwa mbiri kwake. Nokuda kweichi chikonzero, Pauro anoti: “Pazvinhu zvose, mikumbiro yenyu ngaiziviswe Mwari nokunyengetera nokukumbira, pamwe chete nokuonga.”—VaFiripi 4:6.
Sezvo nzira ichitungamirira kunharidzano, naizvozvo Jesu ndiye “nzira” inotungamirira kuna Mwari Wamasimba ose. “Ndini nzira, nezvokwadi, noupenyu; hapana munhu unouya kuna Baba, asi nokwandiri,” Jesu akadzidzisa vaapostora kudaro. (Johane 14:6) Nokudaro, tinofanira kupa minyengetero yedu kuna Mwari kupfurikidza naJesu uye kwete zvakananga kuna Jesu amene.a
‘Asi,’ vamwe vangabvunza kuti, ‘Bhaibheri harishumi here kuti vose vari vaviri mudzidzi Stefano nomuapostora Johane vakataura kuna Jesu mudenga?’ Ikoko ichokwadi. Izvi zviitiko, zvisinei, hazvina kubatanidza minyengetero, sezvo Stefano naJohane mumwe nomumwe akaona Jesu muchiono ndokutaura kwaari zvakananga. (Mabasa 7:56, 59; Zvakazarurwa 1:17-19; 22:20) Yeuka kuti kungotaura chete kunyange kuna Mwari makuri kumene hakuumbi munyengetero. Adhama naEvha vakataura kuna Mwari, vachipa pembedzo dzechivi chavo chikuru, apo Iye akavatonga pashure pechivi chavo muEdheni. Kutaura kwavo kwaari nenzira iyoyo wakanga usiri munyengetero. (Genesi 3:8-19) Nokudaro, kwaizova kusina kururama kududza kutaura kwaStefano kana kuti kwaJohane kuna Jesu soufakazi hwokuti tinofanira chaizvoizvo kunyengetera kwaari.
Zita raJesu ‘Rinodanwa’ Sei?
Une kupokana kunopfuurira here, uchingokurangarira kuva kwakafanira kunyengetera kuna Jesu? Mumwe mukadzi akanyorera hofisi yebazu yeWatch Tower Society, achiti: “Nenzira isingafadzi, ndichiri asina kupwiswa kuti vaKristu vapakutanga havana kunyengetera kuna Jesu.” Iye airangarira mashoko aPauro ari pana 1 VaKorinte 1:2, apo iye akadudza “vose vanodana pose pose zita raJesu Kristu.” Munhu anofanira kucherechedza, zvisinei, kuti mumutauro wapakuvamba, kutaura kwokuti “kudana” kunogona kureva zvinhu zvisiri munyengetero.
Zita raKristu ‘rakadanwa’ sei kwose kwose sei? Nzira imwe yaiva yokuti vateveri vaJesu veNazareta vakamubvuma pachena chena kuva Mesiya na“Muponesi wenyika,” vachiita mabasa akawanda anoshamisa muzita rake. (1 Johane 4:14; Mabasa 3:6; 19:5) Naizvozvo, The Interpreter’s Bible rinotaura kuti chitsama chamashoko chokuti “kudana zita raShe wedu . . . kunoreva kubvuma kuva kwake ishe panzvimbo pokunyengetera kwaari.”
Kugamuchira Kristu nokushandisa kutenda muropa rake rakadeurwa, iro rinoita kuti kanganwirwo yezvivi ibvire, kunoumbawo “kudana zita raShe wedu, Jesu Kristu.” (Enzanisa Mabasa 10:43 na 22:16.) Uye tinotaura chaizvoizvo zita raJesu panguva ipi kana ipi tinonyengetera kuna Mwari kupfurikidza naye. Naizvozvo, nepo richiratidza kuti tinogona kudana zita raJesu, Bhaibheri hariratidziri kuti tinofanira kunyengetera kwaari.—VaEfeso 5:20; VaKorose 3:17.
Icho Jesu Anogona Kutiitira
Jesu akapikira zvakajeka vadzidzi vake, kuti: “Kana muchikumbira chinhu kwandiri muzita rangu, ndichachiita.” Ikoku kunoda kunyengetera kwaari here? Aiwa. Kukumbira kunotaurwa kuna Jehovha Mwari—asi muzita raJesu. (Johane 14:13, 14; 15:16) Tinokumbira Mwari kuti Mwanakomana Wake, Jesu, ashandise simba rake guru nechiremera nokuda kwedu.
Jesu anokurukura sei navateveri vake vechokwadi nhasi? Rondedzero yaPauro yeungano yavaKristu vakazodzwa ingabatira somuenzaniso. Akaienzanisa nomuviri uye Jesu Kristu nomusoro. “Musoro” unogovera mitezo yomuviri womudzimu zvinodikanwa zvayo kupfurikidza “nezvisungo namarunda,” kana kuti mitoo negadziriro zvokugovera ungano yake zvokudya zvomudzimu nenhungamiro. (VaKorose 2:19) Nenzira yakafanana, Jesu nhasi anoshandisa “zvipo muvarume,” kana kuti varume vakakwaniriswa mumudzimu, kuti vatungamirire muungano, kunyange kupa ruramiso kana kukava kuri madikanwa. Hapana gadziriro yokuti mitezo yeungano ikurukure zvakananga naJesu kana kuti kunyengetera kwaari, asi iyo inofanira zvirokwazvo—hungu, inofanira—kunyengetera kuna Baba vaJesu, Jehovha Mwari.—VaEfeso 4:8-12, NW.
Unokudza Sei Jesu?
Pamusoro poruponeso rwavanhu, ibasa guru rakadini rina Jesu! Muapostora Petro akakuwa, kuti: “Hakuna kuponeswa kuno mumwe; nokuti hakuna rimwe zita pasi pedenga, rakapiwa pakati pavanhu, ratingasunungurwa naro.” (Mabasa 4:12) Unoziva here nezvoukoshi hwezita raJesu?
Kupfurikidza nokusanangidzira minyengetero kuna Jesu somunhu oga, hatisi kuderedza nzvimbo yake. Panzvimbo pezvo, Jesu anokudzwa apo tinonyengetera muzita rake. Uye sezvo vana vachikudza vabereki vavo kupfurikidza nokuteerera, tinokudza Jesu Kristu kupfurikidza nokuteerera mirayiro yake, zvikurukuru murayiro mutsva wokudanana.—Johane 5:23; 13:34.
Minyengetero Inogamuchirika
Unoshuva kupa minyengetero inogamuchirika here? Ipapo inangidzire kuna Jehovha Mwari, uye ita saizvozvo muzita roMwanakomana wake, Jesu. Svika pakuziva kuda kwaMwari, uye minyengetero yako ngairatidzire nzwisiso iyoyo. (1 Johane 3:21, 22; 5:14) Wana simba mumashoko ePisarema 66:20, anoti: “Mwari ngaongwe iye usina kuramba munyengetero wangu, kana kubvisa tsitsi yake kwandiri.”
Sezvataona, minyengetero chimiro chokunamata chaMwari Wamasimba ose zvakazara. Kupfurikidza nokutaura minyengetero yedu yose kuna Jehovha Mwari, tinoratidzira kuti tinorangarira zvakakomba nhungamiro yaJesu yokunyengetera, kuti: “Baba vedu vari kudenga.”—Mateo 6:9.
[Mashoko Omuzasi]
a Vamwe vanganyengetera kuna Jesu nemhaka yokuti vanodavira kuti iye ndiMwari. Asi Jesu akanga ari Mwanakomana waMwari, uye iye amene akanamata Jehovha, Baba vake. (Johane 20:17) Nokuda kwekurukurirano ine udzame yeiyi nhau, ona Ko Unofanira kudavira Utatu Here?, rakabudiswa neWatch Tower Society of New York, Inc.