NYAYA YEKUDZIDZA 10
Kuda Jehovha Kunoita Kuti Ubhabhatidzwe
“Chii chinganditadzisa kubhabhatidzwa?”—MAB. 8:36.
RWIYO 37 Kushumira Jehovha Nemweya Wese
ZVICHADZIDZWAa
1-2. Sezvinoratidzwa pana Mabasa 8:27-31, 35-38, chii chakaita kuti mukuru mukuru wekuItiopiya abhabhatidzwe?
UNODA kubhabhatidzwa kuti uve mudzidzi waKristu here? Vakawanda vakasarudza kudaro zvichibva pakuda Jehovha uye pakukoshesa zvaakavaitira. Funga nezvemumwe mukuru mukuru aishandira mambokadzi weItiopiya.
2 MuItiopiya wacho akakurumidza kuita zvaakanga adzidza muMagwaro. (Verenga Mabasa 8:27-31, 35-38.) Chii chakaita kuti adaro? Zviri pachena kuti aikoshesa Shoko raMwari, nekuti paaiva parwendo ari mungoro, aiverenga mavhesi ari mubhuku raIsaya. Uye Firipi paakataura naye, akaonga chaizvo zvaakaitirwa naJesu. Asi chii chakanga chaita kuti murume uyu aende kuJerusarema? Akanga ava kutoda Jehovha. Tinozviziva sei? Ainge achibva kuJerusarema kunonamata Jehovha. Zvinoita sekuti ainge asiya chitendero chaaimbopinda uye ainge abatana nerudzi rwainge rwakatsaurirwa kuna Mwari wechokwadi. Kuda Jehovha ndiko kwakaita kuti atore rimwe danho rinokosha rekubhabhatidzwa kuti ave mudzidzi waKristu.—Mat. 28:19.
3. Chii chingatadzisa munhu kubhabhatidzwa? (Ona bhokisi rakanzi “Mwoyo Wako Wakafanana Neivhu Ripi?”)
3 Kuda Jehovha kunoita kuti uve nechido chekubhabhatidzwa. Asi kuda zvimwe zvinhu kungakutadzisawo kubhabhatidzwa. Zvingaitika sei? Funga zvinotevera. Unogona kunge uchida chaizvo hama neshamwari dzako dzisingashumiri Jehovha uye unganetseka kuti kana ukabhabhatidzwa dzichakuvenga. (Mat. 10:37) Kana kuti ungadaro uchifadzwa nezvimwe zvinhu zvaunoziva kuti zvinovengwa naMwari, uye ungangodaro uchiomerwa nekuzvisiya. (Pis. 97:10) Kana kuti unogona kunge wakakura uchipemberera mazororo akabatana nedzidziso dzenhema. Zvimwe unonakidzwa nezvinoitwa pamhemberero idzodzo. Saka zvingakuomera kuti urege kuita zvinhu zvisingafadzi Jehovha. (1 VaK. 10:20, 21) Unofanira kuzvibvunza kuti: “Chii chandinonyanya kuda? Ndiani wandinonyanya kuda?”
NDIANI WATINOFANIRA KUNYANYA KUDA?
4. Ndechipi chikonzero chikuru chekuti ubhabhatidzwe?
4 Une zvinhu zvakanaka zvakawanda zvaunoda uye zvaunokoshesa. Semuenzaniso, pawainge usati wadzidza neZvapupu zvaJehovha, zvimwe wairemekedza Bhaibheri zvikuru. Uye unogona kunge wakatanga kuda Jesu. Sezvo wava kuziva Zvapupu zvaJehovha, unogona kunge uchifadzwa nekuwadzana nazvo. Asi kuda zvinhu zvakanaka izvozvo hakusi iko hako kunoita kuti ude kuzvitsaurira kuna Jehovha wobhabhatidzwa. Kuda Jehovha Mwari pachake ndicho chikonzero chikuru chekuti ubhabhatidzwe. Paunoda Jehovha kupfuura zvimwe zvinhu zvese, hauzoregi chero chii zvacho chichikutadzisa kumushumira. Kuda Jehovha kuchaita kuti ubhabhatidzwe uye kuchakubatsira kuramba wakatendeka kwaari kana wabhabhatidzwa.
5. Tichapindura mibvunzo ipi?
5 Jesu akati tinofanira kuda Jehovha nemwoyo wedu wese, nemweya wedu wese, nepfungwa dzedu dzese uye nesimba redu rese. (Mako 12:30) Ungadzidza sei kuda Jehovha uye kumuremekedza zvikuru? Kufungisisa nezvekudiwa kwatinoitwa naJehovha kunoita kuti timudewo. (1 Joh. 4:19) Kana wava nerudo irworwo runonyanya kukosha, ndezvipi zvimwe zvinobva zvaitika?b
6. Maererano naVaRoma 1:20, ndeipi imwe nzira yatinodzidza nayo nezvaJehovha?
6 Dzidza nezvaJehovha kubva pane zvaakasika. (Verenga VaRoma 1:20; Zvak. 4:11) Fungisisa nezveuchenjeri hunooneka pazvinhu zvakadai semiti nezvimwewo zvinomera uye mhuka. Wana nguva yekudzidza nezvekushamisa kwemasikirwo emuviri wako. (Pis. 139:14) Funga nezvesimba rakaiswa naJehovha muzuva, uye yeuka kuti zuva rinongova imwe yemabhiriyoni enyeredzi.c (Isa. 40:26) Paunofunga zvakasikwa naJehovha, unowedzera kumuremekedza. Asi kuziva kuti Jehovha akachenjera uye ane simba kunongova chimwe chezvinhu zvinokosha pakusimbisa ushamwari hwako naye. Kuti uwedzere kumuda, pane zvimwe zvaunofanira kuziva nezvake.
7. Kuti ude Jehovha zvakadzama, unofanira kuva nechokwadi chei?
7 Unofanira kutanga wava nechokwadi chekuti Jehovha anokuda chaizvo. Zvinokuomera here kubvuma kuti Musiki wedenga nenyika anoziva kuti uripo uye kuti ane hanya newe? Kana zvakadaro, yeuka kuti Jehovha ‘haasi kure nemumwe nemumwe wedu.’ (Mab. 17:26-28) “Anoongorora mwoyo yese,” uye sezvakaudzwa Soromoni naDhavhidhi, anokuvimbisa kuti “kana ukamutsvaga, achaita kuti umuwane.” (1 Mak. 28:9) Chikonzero chiri kuita kuti utodzidza Bhaibheri iye zvino chakataurwa naJehovha paakati, “Ndakakukweva . . . kuti uuye kwandiri.” (Jer. 31:3) Paunowedzera kunzwisisa zvese zvawakaitirwa naJehovha, unowedzerawo kumuda.
8. Ungaratidza sei kuti unoonga rudo rwaJehovha?
8 Imwe nzira yekuratidza nayo kuonga rudo rwaJehovha ndeyekutaura naye mumunyengetero. Kuda kwaunoita Mwari kuchakura paunomuudza zvinokunetsa uye paunomutenda nezvese zvaanokuitira. Uye ushamwari hwako naJehovha huchawedzera kusimba paunoona kupindura kwaanoita minyengetero yako. (Pis. 116:1) Uchava nechokwadi chekuti anokunzwisisa. Asi kuti uswedere pedyo naJehovha, unofanira kunzwisisa mafungiro ake. Uye unofanira kuziva zvaanoda kuti uite. Nzira imwe chete yekuti uwane ruzivo irworwo ndeyekudzidza Shoko rake Bhaibheri.
9. Ungaratidza sei kuti unokoshesa Bhaibheri?
9 Dzidza kukoshesa Shoko raMwari Bhaibheri. Bhaibheri chete ndiro rinotaura chokwadi nezvaJehovha uye chinangwa chaakakusikira. Unoratidza kuti unokoshesa Bhaibheri nekuriverenga zuva rega rega, kugadzirira zvidzidzo zvaunoita neanokudzidzisa Bhaibheri, uye kushandisa zvaunenge wadzidza. (Pis. 119:97, 99; Joh. 17:17) Une purogiramu yekuverenga Bhaibheri here? Unotevedzera purogiramu iyoyo uchiva nechokwadi chekuti wariverenga zuva rega rega here?
10. Chii chinoita kuti Bhaibheri risiyane nemamwe mabhuku?
10 Bhaibheri ndiro rega rine mashoko akataurwa nevanhu vakaona Jesu. Ndiro chete rine mashoko akarurama anotsanangura zvawakaitirwa naJesu. Paunodzidza zvakaitwa naJesu uye zvaakataura, uchada kuva shamwari yake.
11. Chii chichakubatsira kuti ude Jehovha?
11 Dzidza kuda Jesu, uye kuda kwaunoita Jehovha kuchawedzera. Sei zvakadaro? Nekuti Jesu ainyatsotevedzera Baba vake. (Joh. 14:9) Saka paunodzidza zvakawanda nezvaJesu, unowedzera kunzwisisa Jehovha uye kukoshesa zvaanokuitira. Funga kuti Jesu airatidza sei tsitsi kune vaya vaitarisirwa pasi nevamwe nekuti vaiva varombo, vairwara kana kuti vainge vasina simba. Fungawo nezvemazano aanokupa uye kuchinja kunoita upenyu hwako paunoshandisa mazano acho.—Mat. 5:1-11; 7:24-27.
12. Kudzidza nezvaJesu kungaita kuti ude kuitei?
12 Kuda kwaunoita Jesu kunogona kuwedzera paunofungisisa kuzvipira kwaakaita kuti zvivi zvedu zviregererwe. (Mat. 20:28) Paunonzwisisa kuti Jesu aiva nechido chekukufira, zvinogona kuita kuti ude kupfidza zvivi zvako, wotsvaga kuregererwa naJehovha. (Mab. 3:19, 20; 1 Joh. 1:9) Uye paunosvika pakuda Jesu naJehovha, zvinobva zvangoitika zvega kuti unodawo kuva pamwe chete nevaya vanoda Jehovha naJesu.
13. Jehovha akakupa chii?
13 Dzidza kuda vanhu vanoda Jehovha. Hama neshamwari dzako dzisiri Zvapupu dzingasanzwisisa kuti nei uchida kuzvitsaurira kuna Jehovha. Dzingatokupikisa. Jehovha anokubatsira nekukupa mhuri yevanamati vake. Kana ukaramba uri pedyo nevanhu ivavo, vachakuda uye vachakutsigira. (Mako 10:29, 30; VaH. 10:24, 25) Nekufamba kwenguva, vemumhuri mako vanogona kutangawo kushumira Jehovha uye kurarama maererano nezvaanoda.—1 Pet. 2:12.
14. Sezvakanyorwa pana 1 Johani 5:3, wakadzidzei nezvemirayiro yaJehovha?
14 Dzidza kukoshesa mirayiro yaJehovha uye kuishandisa. Usati wasvika pakuziva Jehovha, unogona kunge waiva nezvawaiti zvakanaka kana kuti zvakaipa, asi iye zvino wava kuona kuti zvinotaurwa naJehovha ndizvo zvakanaka. (Pis. 1:1-3; verenga 1 Johani 5:3.) Funga nezvemazano ari muBhaibheri anopiwa varume, vakadzi, vabereki uye vana. (VaEf. 5:22–6:4) Kushandisa mazano iwayo kuri kuita kuti mhuri yako iwedzere kufara here? Kuteerera mazano aJehovha pakutsvaga shamwari nekuchenjera kwakaita kuti uwedzere kuva munhu akanaka here? Mufaro wako wakawedzera here? (Zvir. 13:20; 1 VaK. 15:33) Kazhinji kacho mhinduro yemibvunzo iyoyo ndeyekuti hongu.
15. Zvii zvaunofanira kuita kana uchida kuziva kuti ungashandisa sei mazano eBhaibheri?
15 Dzimwe nguva zvingakuomera kuziva kuti ungashandisa sei mazano eBhaibheri auri kudzidza. Ndosaka Jehovha achishandisa sangano rake kuti akupe mabhuku anokubatsira kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa. (VaH. 5:13, 14) Paunoverenga uye kudzidza mabhuku aya, unogona kuona kubatsira kwaanoita, uye izvi zvinoita kuti ude kuva musangano raJehovha.
16. Jehovha akaronga sei vanhu vake?
16 Dzidza kuda sangano raJehovha uye kuritsigira. Jehovha akaronga vanhu vake kuti vave ungano, uye Mwanakomana wake Jesu ndiye musoro weungano dzacho dzese. (VaEf. 1:22; 5:23) Jesu akagadza boka diki revarume vakazodzwa kuti vatungamirire pakuronga basa raanoda kuti riitwe mazuva ano. Akati boka revarume ava ndiye “muranda akatendeka, akangwara,” uye vanoita nemwoyo wese basa ravo rekukupa zvekudya zvekunamata uye kukubatsira kuti urambe uri pedyo naMwari. (Mat. 24:45-47) Muranda akatendeka anovawo nechokwadi chekuti vakuru vakakodzera vanogadzwa kuti vakutungamirire uye vakudzivirire. (Isa. 32:1, 2; VaH. 13:17; 1 Pet. 5:2, 3) Vakuru vanoita zvese zvavanogona kuti vakunyaradze, uye vakubatsire kuramba uchiswedera pedyo naJehovha. Asi chimwe chinonyanya kukosha chavanokuitira ndechekukubatsira kuti udzidzise vamwe nezvaJehovha.—VaEf. 4:11-13.
17. Maererano naVaRoma 10:10, 13, 14, nei tichifanira kutaura nevamwe nezvaJehovha?
17 Batsira vamwe kuti vade Jehovha. Jesu akaudza vateveri vake kuti vadzidzise vamwe nezvaJehovha. (Mat. 28:19, 20) Tinogona kuteerera murayiro iwoyo nekungoti ndizvo zvatinofanira kuita. Asi paunowedzera kuda Jehovha, uchanzwa sezvakaita Petro naJohani, avo vakati: “Hatingaregi kutaura pamusoro pezvinhu zvatakaona nezvatakanzwa.” (Mab. 4:20) Zvinotifadza chaizvo kana tikabatsira mumwe munhu kuti ade Jehovha. Muevhangeri Firipi anofanira kunge akafara chaizvo paakabatsira murume wekuItiopiya kuti adzidze chokwadi chiri muMagwaro ndokubhabhatidzwa. Paunotevedzera Firipi, woteerera murayiro waJesu wekuparidza, unoratidza kuti unoda kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha. (Verenga VaRoma 10:10, 13, 14.) Ipapo unogona kubvunza mubvunzo wakabvunzwa nemuItiopiya wekuti: “Chii chinganditadzisa kubhabhatidzwa?”—Mab. 8:36.
18. Tichakurukurei munyaya inotevera?
18 Paunosarudza kubhabhatidzwa unenge watora danho rinonyanya kukosha muupenyu hwako. Sezvo iri risiri danho rekutamba naro, unofanira kunyatsofunga kuti zvii zvinobatanidzwa. Chii chaunofanira kuziva nezvekubhabhatidzwa? Zvii zvaunofanira kuita usati wabhabhatidzwa uye wabhabhatidzwa? Mibvunzo iyoyo ichapindurwa munyaya inotevera.
RWIYO 2 Jehovha Ndiro Zita Renyu
a Vamwe vanhu vanoda Jehovha, asi havana chokwadi kuti vakagadzirira here kubhabhatidzwa kuti vave Zvapupu zvake. Kana ari iwo manzwiro aunoita, nyaya ino ichakubatsira kuongororazve zvimwe zvaungaita kuti uzobhabhatidzwa.
b Vanhu vanosiyana, saka vamwe vangashandisa mazano ari munyaya ino zvakasiyana nemarongerwo aakaitwa.
c Mimwe mienzaniso iri mumabhurocha anoti: Was Life Created? uye The Origin of Life—Five Questions Worth Asking.
d KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Hanzvadzi iri kupa turakiti mukadzi wayaonana naye ichitenga.