Famba Uchitya Jehovha
“Sezvo [ungano] yakafamba ichitya Jehovha nomukunyaradza kwomudzimu mutsvene yakaramba ichiwedzera.”—MABASA 9:31, “NW.”
1, 2. (a) Chii chakaitika apo ungano yechiKristu yakapinda munhambo yorugare? (b) Kunyange zvazvo Jehovha achibvumidza chitambudzo, chiizve chaanoita?
MUMWE mudzidzi akanangana nomuedzo mukuru. Aizochengeta perero kuna Mwari here? Hungu, zvamazvirokwazvo! Iye akanga afamba achitya Mwari, norutyo rwoMuiti wake, uye aizofa sechapupu chakatendeka chaJehovha.
2 Muchengeti weperero iyeyo anotya Mwari akanga ari Stefano, “murume akazara nokutenda nomudzimu mutsvene.” (Mabasa 6:5, NW) Kuurawa kwake kwakanyandura chitambudzo, asi pashure paikoko ungano yomuJudhea yose, Garirea, uye Samaria yakapinda munhambo yorugare uye yakavakwa mumudzimu. Uyezve, “sezvo yakafamba ichitya Jehovha nomukunyaradza kwomudzimu mutsvene yakaramba ichiwedzera.” (Mabasa 9:31, NW) SeZvapupu zvaJehovha nhasi, tinogona kuva nechokwadi chokuti Mwari achatikomborera kana tikawana rugare kana kuti chitambudzo, sezvinoratidzwa muna Mabasa ganhuro 6 kusvika ku 12. Naizvozvo ngatifambei murutyo rwokuremekedzwa kwaMwari pakutambudzwa kana kuti kushandisa zorodzo ipi neipi muchitambudzo nokuda kwokuvakwa mumudzimu nebasa rokushingaira zvikuru kwaari.—Dheuteronomio 32:11, 12; 33:27.
Akatendeka Kusvikira Kumugumo
3. Chinetsoi chakakundwa muJerusarema, uye sei?
3 Kunyange kana zvinetso zvikamuka munguva dzorugare, kuronga kwakanaka kungabetsera kuzvipedza. (6:1-7) VaJudha vanotaura chiGiriki muJerusarema vakanyunyuta kuti chirikadzi dzavo dzaifuratirwa mukugoverwa kwezvokudya zvezuva nezuva kuchidiwa vatendi vechiJudha vaitaura chiHebheru. Chinetso ichi chakapedzwa apo vaapostora vakagadza varume vanomwe kutarisira “iri basa riri madikanwa.” Mumwe wavo akanga ari Stefano.
4. Stefano akaita sei kupomero dzenhema?
4 Zvisinei, Stefano anotya Mwari akakurumidza kutarisana nomuedzo. (6:8-15) Vamwe varume vakamuka avo vakaitirana nharo naStefano. Vamwe vakanga vari ve“Sinagoge raVasununguki,” zvichida vaJudha vakabatwa navaRoma uye gare gare vakasunungurwa kana kuti vaproserite vechiJudha vaichimbova varanda. Vasingagoni kukurira mukurwisana nouchenjeri nomudzimu izvo Stefano akataura nazvo, vavengi vake vakamuendesa kuSanhedrini. Ikoko zvapupu zvenhema zvakati: ‘Takanzwa uyu munhu achitaura kuti Jesu achaparadza tembere ndokuchinja tsika dzatakapiwa naMosesi.’ Bva, kunyange vashori vake vaigona kuona kuti Stefano akanga asiri muiti wezvakaipa asi akanga ane chitarisiko chakaterama chengirozi, nhume yaMwari ine chokwadi chetsigiro yake. Akasiana sei nezviso zvavo, zvakazadzwa nouipi nemhaka yokuti vakazvipa vamene kuna Satani!
5. Mapfundoi akaita Stefano achipupurira?
5 Abvunzwa noMuprista Mukuru Kayafasi, Stefano akapa uchapupu hwokusatya. (7:1-53) Kuhwirudzura kwake nhau yavaIsraeri kwakaratidza kuti Mwari akaronga kubvisa Mutemo nebasa retembere apo Mesia akauya. Stefano akataura kuti Mosesi, mununuri muJudha ari wose aiti anoremekedza, akarambwa navaIsraeri, kunyange sezvo zvino vasina kugamuchira Uyo anounza kununurwa kukuru zvikuru. Kupfurikidza nokutaura kuti Mwari haagari mudzimba dzakaitwa namaoko, Stefano akaratidza kuti tembere netsika yayo yokunamata zvaizopfuura. Asi sezvo vatongi vake vakanga vasingatyi Mwari kana kuti kuda kuziva kuda Kwake, Stefano akati: ‘Vanhu vane mitsipa yakaoma, nguva dzose munodzivisa mudzimu mutsvene. Muporofitai uyo madzibaba enyu asina kutambudza? Vakauraya avo vakadeya kutaura kuuya kwoMutsvene, imi makava vashambadzi navaurayi vake.’
6. (a) Pamberi porufu rwake, ndichinoitikai chinosimbisa kutenda chakava naStefano? (b) Nei Stefano aigona kuti nenzira yakarurama: “Ishe Jesu, gamuchirai mweya wangu”?
6 Kutaura kwokusatya kwaStefano kwakatungamirira kukuurawa kwake. (7:54-60) Vatongi vakatsamwiswa nouku kufumurwa kwemhaka yavo murufu rwaJesu. Asi kutenda kwaStefano kwakasimbiswa sei apo ‘akatarisa mudenga ndokuona kubwinya kwaMwari nokwaJesu amire kurudyi Rwake’! Stefano aigona zvino kutarisana navavengi vake ane chivimbo chokuti akanga aita kuda kwaMwari. Kunyange zvazvo Zvapupu zvaJehovha zvisina zviono, tinogona kuva norunyararo rwakafanana rwunopiwa naMwari apo tinotambudzwa. Pashure pokukandira Stefano kunze kweJerusarema, vavengi vake vakatanga kumutaka namabwe, uye iye akaita chikumbiro: “Ishe Jesu, gamuchirai mudzimu wangu.” Ikoku kwakanga kwakafanira nemhaka yokuti Mwari akanga apa Jesu simba rokumutsira vamwe kuupenyu. (Johane 5:26; 6:40; 11:25, 26, NW) Akapfugama, Stefano akadanidzira, achiti: “Jehovha, musavapa mhosva yechivi ichi.” Ipapo akavata murufu somufiri kutendeka, sezvakaita vateveri vazhinji kwazvo vaJesu chifo chenguva iyeyo, kunyange munguva dzazvino uno.
Chitambudzo Chinoparadzira Mashoko Akanaka
7. Chii chakava muuyo wechitambudzo?
7 Rufu rwaStefano zvomenemene rwakaguma nokuparadzirwa kwamashoko akanaka. (8:1-4) Chitambudzo chakaparadzira vadzidzi vose kunze kwavaapostora muJudhea rose neSamaria. Sauro, uyo akatendera kuurawa kwaStefano, akakuvadza ungano sechikara, achivhozhokera imba imwe pashure peimwe kuti akwevere kunze vadzidzi vaJesu nokuda kwokuiswa mutorongo. Sezvo vadzidzi vakaparadzirwa vakapfuurira kuparidzira, rongedzero yaSatani yokumisa vazivisi voUmambo vanotya Mwari kupfurikidza nokuvatambudza yakadziviswa. Nhasiwo chitambudzo kazhinji kazhinji chakaparadzira mashoko akanaka kana kuti chakadanira ngwariro kubasa rokuparidzira Umambo.
8. (a) Chii chakaitika somuuyo wokuparidzira kwakaitwa muSamaria? (b) Petro akashandisa sei kiyi yechipiri iyo Jesu akanga amupa?
8 Muevhangeri Firipo akaenda kuSamaria “kundoparidzira Kristu.” (8:5-25) Mufaro mukuru wakatekeshera muguta iroro sezvo mashoko akanaka akaziviswa, midzimu isina kuchena yakadzingwa, uye vanhu vakarapwa. Vaapostora vaiva muJerusarema vakatumira Petro naJohane kuSamaria, uye apo vakanyengetera ndokuisa maoko avo pamusoro paavo vakabhapatidzwa, vadzidzi vatsva vakagamuchira mudzimu mutsvene. Yaichimbova n’anga ichangobva kubhapatidzwa Simoni akaedza kutenga iri simba, asi Petro akati: ‘Sirivha yako ngaipere newe. Mwoyo wako hauna kururama pamberi paMwari.’ Audzwa kuti atendeuke ndokukumbira Jehovha kanganwiro, akakumbira vaapostora kumunyengeterera. Ikoku kunofanira kusunda vatyi vose vaJehovha kunyengetera nokuda kwebetsero youmwari mukuchengeta mwoyo. (Zvirevo 4:23) (Muchinoitika ichi makabva shoko rokuti “simony,” “kutengwa kana kuti nokutengeswa kwenzvimbo yechechi kana kuti kukwidziridzwa kwavakuru vakuru vorudzidziso.”) Petro naJohane vakazivisa mashoko akanaka mumisha mizhinji yeSamaria. Nokudaro, Petro akashandisa kiyi yechipiri iyo Jesu akamupa kuti azarure suo rezivo nebanza zvokupinda muUmambo hwokudenga.—Mateo 16:19.
9. Ndiani akanga ari muEtiopia akapupurirwa kwaari naFiripo, uye nei murume wacho iyeyo aigona kubhapatidzwa?
9 Ngirozi yaMwari ipapo yakapa Firipo mugove mutsva. (8:26-40) Mungoro munzira yaibva Jerusarema ichienda kuGaza maiva ne“ngomwa,” mutarisiri wepfuma yamambokadzi weEtiopia Kandase. Akanga asiri ngomwa yokunyama, yakadziviswa muungano yechiJudha, asi akanga aenda kuJerusarema kundonamata somuproserite akadzingiswa. (Dheuteronomio 23:1) Firipo akawana ngomwa ichirava mubhuku raIsaya. Akokwa kukwira mungoro, Firipo akakurukura uporofita hwaIsaya ndo“kumuzivisa mashoko akanaka pamusoro paJesu.” (Isaya 53:7, 8) Nokukurumidza muEtiopia akadanidzira, kuti: “Tarirai! Heyi mvura; chii chingandidzivisa kuti ndirege kubhapatidzwa?” Hapana chakadaro, sezvo aiziva pamusoro paMwari uye zvino akanga ava nokutenda muna Kristu. Naizvozvo Firipo akabhapatidza muEtiopia, uyo ipapo akaenda panzira yake achifara. Ko chinhu chipi nechipi chinokudzivisa kubhapatidzwa here?
Mutambudzi Anotendeutswa
10, 11. Chii chakaitika kuna Sauro weTarso ari panzira achienda Dhamasko uye nokukurumidza pashure paikoko?
10 Munguvayo, Sauro akatsvaka kuita kuti vateveri vaJesu varambe kutenda kwavo mutyisidziro yokuiswa mutorongo kana kuti rufu. (9:1-18a) Muprista mukuru (sezvingabvira Kayafasi) akamupa tsamba dzokuenda nadzo kumasinagoge omuDhamasko okumupa simba rokuunza vakasungwa kuJerusarema varume navakadzi ve“Nzira Iyo,” kana kuti mutoo woupenyu wakavakirwa pamuenzaniso waKristu. Anenge masikati makuru pedyo neDhamasko, chiedza chakapenya chichibva kudenga uye inzwi rakabvunza, kuti: “Sauro, unonditambudzireiko?” Avo vaiva naSauro vakanzwa “kutinhira kweinzwi” asi havana kunzwisisa chakataurwa. (Enzanisa naMabasa 22:6, 9.) Kuziviswa kuduku ikoko kwaJesu akapiwa mbiri kwakanga kwakakwana kupofumadza Sauro. Mwari akashandisa mudzidzi Ananiasi kudzorera kuona kwake.
11 Pashure porubhapatidzo rwake, aichimbova mutambudzi akava nyajambwa wechitambudzo. (9:18b-25) VaJudha vaiva muDhamasko vaida kuparadza Sauro. Usiku, zvisinei, vadzidzi vakamuburutsa napamwena waparusvingo, sezvingabvira ari mudengu guru rakarukwa rakaitwa netambo kana kuti tsotso dzakarukwa. (2 VaKorinte 11:32, 33) Mwena ungave windo romusha womudzidzi rakavakirwa parusvingo. Chaisava chiito choumbwende chokunzvenga vavengi ndokupfuurira kuparidzira.
12. (a) Chii chakaitika kuna Sauro muJerusarema? (b) Ungano yakaita sei?
12 MuJerusarema, Bharnabhasi akabetsera vadzidzi kugamuchira Sauro somutendi biyavo. (9:26-31) Ikoko Sauro akakakavadzana nokusatya navaJudha vanotaura chiGiriki, avowo vakaedza kumuuraya. Dzichicherechedza ikoku, hama dzakamuendesa kuKesaria ndokumutumira kuTarso, taundi rokumusha kwake muKirikia. Ungano muJudhea yose, Garirea, uye Samaria ipapo “yakapinda munhambo yorugare, ichivakwa” mumudzimu. Sezvo ‘yakafamba ichitya Jehovha nokunyaradza kwomudzimu mutsvene, yakaramba ichiwedzera!’ Ikoku muenzaniso wakaisvonaka zvakadini nokuda kweungano dzose nhasi kana dzichizogamuchira chikomborero chaJehovha!
Vamarudzi Vanova Vatendi!
13. Zvishamisoi izvo Mwari akagonesa Petro kuita paRidha neJopa?
13 Petrowo akanga achiramba akabatikana. (9:32-43) PaRidha (zvino Lod) muBani reSharoni, akaporesa Eneasi akanga akafa mitezo. Uku kurapa kwakaparira vazhinji kutendeukira kuna Ishe. MuJopa, mudzidzi anodiwa Tabhita (Dhorkasi) akarwara ndokufa. Apo Petro akasvika, chirikadzi dzaichema dzakamuratidza nguvo idzo Dhorkasi akanga aita uye idzo dzingave dzakanga dzakapfeka. Iye akadzorera Dhorkasi kuupenyu, uye apo mashoko aikoku akapararira, vazhinji vakava vatendi. Petro akagara muJopa naSimoni musuki wamatehwe, akanga ane imba yaiva pedyo negungwa. Vasuki vamatehwe vainyika makanda emhuka mugungwa ndokuagadzira neraimu vasati vapara mvere. Matehwe aichinjwa kuva zvikumba kupfurikidza nokuasuka mumvura yaibva mumiti yakati.
14. (a) Ndiani akanga ari Kornerio? (b) Chii chakanga chiri chechokwadi pamusoro peminyengetero yaKornerio?
14 Panguva iyoyo (36 N.V.), kwakanga kune chinoitika chinokosha kune imwe nzvimbo. (10:1-8) MuKesaria maigara Kornerio waVamarudzi anoshingaira, mukuru wezana weRoma aitungamirira vanenge varume vane zana. Aitungamirira “hondo yeItaria,” sezviri pachena yaiumbwa navakanyorwa vaibva pakati pavagari veRoma navasununguki vomuItaria. Kunyange zvazvo Kornerio aitya Mwari, akanga asiri muproserite wechiJudha. Muchiono, ngirozi yakamuudza kuti minyengetero yake yakanga “yakwira sechiyeuchidzo pamberi paMwari.” Kunyange zvazvo Kornerio panguva iyeyo akanga asati azvitsaurira kuna Jehovha, akagamuchira mhinduro kumunyengetero wake. Asi sezvo ngirozi yakaraira, akatumira Petro.
15. Chii chakaitika apo Petro akanga achinyengetera pamusoro pedenga reimba yaSimoni?
15 Munguvayo, Petro akava nechiono apo iye akanga achinyengetera padenga reimba yaSimoni. (10:9-23) Akabatwa, akaona chichiburuka kudenga chinhu chakaita somucheka chakazara nezvisikwa zvisina kuchena zvine makumbo mana, zvinhu zvinokambaira, uye shiri. Arairwa kubaya ndokudya, Petro akati akanga asina kutongodya chinhu chipi nechipi chakasvibiswa. “Chakanatswa naMwari usati chine tsvina,” akaudzwa kudaro. Chiono chakakatyamadza Petro, asi akatevera nhungamiro yomudzimu. Nokudaro, iye nehama nhanhatu dzechiJudha vakaperekedza nhume dzaKornerio.—Mabasa 11:12.
16, 17. (a) Petro akaudzei Kornerio naavo vakanga vakaungana pamba pake? (b) Chii chakaitika apo Petro akanga achiri kutaura?
16 Zvino vamarudzi vokutanga vakanga vodokunzwa mashoko akanaka. (10:24-43) Apo Petro navasonganiri vake vakasvika muKesaria, Kornerio, hama dzake dzokunyama, uye shamwari dzake dzapedyo vakanga vakamirira. Kornerio akawira patsoka dzaPetro, asi muapostora nenzira yokuzvininipisa akaramba ruremekedzo rwakadaro. Akataura nezvamazodzere akaita Jehovha Jesu nomudzimu mutsvene nesimba saMesia uye akatsanangura kuti munhu ari wose anoisa kutenda maari anowana kukanganwirwa kwezvivi.
17 Jehovha zvino akaita chiito. (10:44-48) Apo Petro akanga achiri kutaura, Mwari akaisa mudzimu mutsvene paVamarudzi ivavo vanotenda. Pakarepo, vakaberekwa nomudzimu waMwari uye vakafuridzirwa kuti vataure mitauro yechienzi ndokumurumbidza. Nokudaro, vakabhapatidzwa nenzira yakafanira muzita raJesu Kristu. Naizvozvo kwakadaro kuti Petro akashandisa kiyi yechitatu kuzarurira vamarudzi vanotya Mwari suo rezivo nerebanza rokupinda muUmambo hwokudenga.—Mateo 16:19.
18. Hama dzechiJudha dzakaita sei apo Petro akatsanangura kuti Vamarudzi vaka“bhapatidzwa mumudzimu mutsvene”?
18 Gare gare, muJerusarema, vatsigiri vokudzingiswa vakaitirana nharo naPetro. (11:1-18) Apo akatsanangura kuti Vamarudzi “vakabhapatidzwa mumudzimu mutsvene” sei, hama dzake dzechiJudha dzakabvuma ndokurumbidza Mwari, dzichiti: “Zvirokwazvo, Mwari wakapa kutendeuka nokuda kwedonzo roupenyu kuvanhu vamarudziwo.” Isuwo tinofanira kuva vanogamuchira apo kuda kwaMwari kunojekeswa kwatiri.
Ungano yaVamarudzi Inotangwa
19. Vadzidzi vakasvika sei pakudanwa kuti maKristu?
19 Ungano yokutanga yaVamarudzi zvino yakanga yaumbwa. (11:19-26) Apo vadzidzi vakaparadzirwa nedambudziko rakamuka pamusoro paStefano, vamwe vakaenda kuAntiokia, Siria, yakanga yakakurumbira nokuda kwokunamata kusina kuchena uye uipi hwetsika. Sezvo vaitaura mashoko akanaka kuvanhu vanotaura chiGiriki ikoko, “ruoko rwaJehovha rwakanga rwunavo,” uye vazhinji vakava vatendi. Bharnabhasi naSauro vakadzidzisa ikoko kwegore, uye “vadzidzi vakatanga kunzi maKristu muAntiokia kupfurikidza negadziriro youmwari.” Pasina panikiro Jehovha akatungamirira kuti vadanwe kudaro, sezvo shoko rechiGiriki khre·ma·tiʹzo richireva kuti “kudanwa kupfurikidza negadziriro youmwari” uye rinoshandiswa nguva dzose muMagwaro pamusoro peicho chinobva kuna Mwari.
20. Agabho akadeya kutaurei, uye ungano yeAntiokia yakaita sei?
20 Vaporofita vanotya Mwari vakauyawo kuAntiokia vachibva kuJerusarema. (11:27-30) Mumwe akanga ari Agabho, uyo akaratidzira “kupfurikidza nomudzimu kuti nzara huru yakanga yodokuuya pamusoro papasi rose rinogarwa.” Uporofita ihwohwo hwakazadzikwa mukati mokutonga kwamambo weRoma Kraudio (41-54 N.V.), uye wezvenhau Josephus anonongedzera kuiyi “nzara huru.” (Jewish Antiquities, XX, 51 [ii, 5]; XX, 101 [v, 2]) Yasundwa norudo, ungano yeAntiokia yakatumira mupiro kuhama dzaishaiwa muJudhea.—Johane 13:35.
Chitambudzo Hachina Maturo
21. Chiitoi icho Herodhe Agripa I akaitira Petro, asi nomuuyoi?
21 Nhambo yorugare yakaguma apo Herodhe Agripa I akatanga kutambudza vatyi vaJehovha muJerusarema. (12:1-11) Herodhe akauraya Jakobho nomunondo, zvichida achimugura musoro somuapostora wokutanga akafira kutenda. Achiona kuti ikoku kwakafadza vaJudha, Herodhe akapinza Petro mutorongo. Muapostora wacho sezviri pachena akasungirirwa nengetani kumurwi parutivi rumwe norumwe, apo vamwe vaviri vairinda torongo rake. Herodhe akaronga kumuuraya pashure pePaseka namazuva ezvingwa zvisina kuviriswa mbiriso (Nisani 14-21), asi minyengetero yeungano nokuda kwake yakapindurwa munguva chaimo, kunyange sezvinoitwa yedu kazhinji kazhinji. Ikoku kwakaitika apo ngirozi yaMwari nenzira yenenji yakasunungura muapostora wacho.
22. Chii chakaitika apo Petro akaenda kuimba yamai vaMarko, Maria?
22 Nokukurumidza Petro akanga ava paimba yaMaria (mai vaJohane Marko), sezviri pachena nzvimbo yokusonganira yechiKristu. (12:12-19) Murima, mubatirisikana Rodhe akaziva inzwi raPetro asi akamusiya pasuo rakakiiwa. Pakutanga vadzidzi vangave vakafunga kuti Mwari akanga atumira nhume yengirozi ichimirira Petro uye ichitaura neinzwi rakafanana nerake. Pavakapinza Petro, zvisinei, akavaudza kushuma kununurwa kwake kuna Jakobho nehama (zvichida vakuru). Ipapo akaenda ndokuhwanda asingazivisi kwaakanga achienda kuti adzivise kuvapinza mungozi kana kuti iye amene kana vakabvunzwa. Kutsvaka Petro kwaHerodhe kwakanga kusina maturo, uye varindiri vakarangwa, zvimwe kunyange kuurawa.
23. Kutonga kwaHerodhe Agripa I kwakaguma sei, uye chii chatinogona kudzidza muna ikoku?
23 Muna 44 N.V., kutonga kwaHerodhe Agripa I kwakaguma nokukurumidza muKesaria apo akanga ava namakore 54 ezera. (12:20-25) Akanga ari muchimiro chokurwisana navaFenikia veTire neSidhoni, vakafumba muranda wake Brasto kuti varonge musangano pavaizogona kukumbira rugare. Pa“zuva rakanga ratarwa” (uyewo mutambo wokuremekedza Kraudhio Kesari), Herodhe akafuka nguvo dzoumambo, akagara pachigaro chorutongeso, uye akatanga kupa hurukuro yavose. Mumhinduro vateereri vakadanidzira, vachiti: “Inzwi ramwari, harizi romunhu!” Nokukurumidza, ngirozi yaJehovha yakamurova “nemhaka yokuti haana kurumbidza Mwari.” Herodhe aka“dyiwa nehonye uye akafa.” Uyu muenzaniso wenyevero ngautisunde kupfuurira kufamba tichitya Jehovha, tichidzivisa rudado nokumupa mbiri nokuda kwezvatinoita savanhu vake.
24. Chii icho chinyorwa chomunguva yemberi chicharatidza pamusoro pefutunuko?
24 Pasinei zvapo nechitambudzo chakaitwa naHerodhe, “shoko raJehovha rakaramba richikura nokupararira.” Kutaura idi, sokuratidza kuchaita nyaya yomunguva yemberi, vadzidzi vaigona kukarira imwe futunuko. Neiko? Nemhaka yokuti “vakafamba vachitya Jehovha.”
Ungapindura Sei?
◻ Stefano akaratidza sei kuti aitya Jehovha, sezvakaita vazhinji vavabatiri vaJehovha kubvira panguva iyeyo?
◻ Rufu rwaStefano rwakava nomuuyoi pamubato wokuparidzira Umambo, uye ikoku kune wirirano yomuzuva razvino uno here?
◻ Mutambudzi Sauro weTarso akava sei mutyi waJehovha?
◻ Ndivanaani vaiva vatendi vokutanga vaVamarudzi?
◻ Mabasa ganhuro 12 inoratidza sei kuti chitambudzo hachimisi vatyi vaJehovha?
[Mufananidzo uri papeji 16, 17]
Chiedza chakapenya chichibva kudenga uye inzwi rakabvunza, kuti: “Sauro, Sauro, unonditambudzireiko?”