Upenyu hwaJesu Noushumiri
Kuoneka Kwokupedzisira, Uye Pentekosta 33 N.V.
PANE imwe nguva Jesu anoita gadziriro dzokuti vose 11 vavaapostora vake vasangane naye pagomo rakati muGarirea. Vamwe vadzidzi sezviri pachena vanoudzwa pamusoro pomusangano wacho, uye hwerengedzo yavanhu vanopfuura 500 inoungana. Iyoyi inobvumikisa kuva kokorodzano inofadza zvakadini apo Jesu anooneka uye anovamba kuvadzidzisa!
Pakati pezvimwe zvinhu, Jesu anotsanangura kuboka guru kuti Mwari akamupa simba rose mudenga napasi pano. “Endai naizvozvo,” iye anoraira kudaro, “muite vadzidzi vavanhu vamarudzi ose, muchivabhapatidza muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene, muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurairai.”—NW.
Funga nezvako! Varume, vakadzi, uye vana vose vanogamuchira mugove mumwe cheteyu wokugoverana mubasa rokuita vadzidzi. Vashori vachaedza kumisa kuparidzira kwavo nokudzidzisa, asi Jesu anovanyaradza, achiti: “Tarirai! Ndinemi mazuva ose kusvikira pamhedziso yetsika yezvinhu.” (NW) Jesu anoramba ane vateveri vake kupfurikidza nomudzimu mutsvene, kuti avabetsere kuita ushumiri hwavo.
Jesu anozviratidza amene ari mupenyu kuvadzidzi vake kwenhambo yamazuva 40 pashure porumuko rwake. Mukati mouku kuoneka, iye anovaraidza pamusoro poUmambo hwaMwari, uye anosimbisa iri mitoro yavo savadzidzi vake. Pane imwe nhambo iye anotooneka kumunun’una wake kuna mai Jakobho uye anopwisa uyu aichimbova asingatendi kuti Iye zvamazvirokwazvo ndiKristu.
Vaapostora vachiri muGarirea, Jesu sezviri pachena anovaraidza kudzokera kuJerusarema. Pakusangana navo ikoko, anoti kwavari: “Musabva muJerusarema, asi rambai muchimirira icho Baba vakapikira, chamakanzwa nezvacho kwandiri; nemhaka yokuti Johane, zvamazvirokwazvo, akabhapatidzwa nemvura, asi imi muchabhapatidza mumudzimu mutsvene asiri mazuva mazhinji pashure paikoku.”—NW.
Gare gare Jesu anosangana zvakare navaapostora vake uye anovabudisa kunze kweguta kusvikira kure seBhetania, iyo iri pamawere okumabvazuva eGomo reMiorivhi. Nenzira inoshamisa, pasinei zvapo nechinhu chiri chose chaakataura pamusoro pokukurumidza kuenda kwake kudenga, ivo vanongodavira kuti Umambo hwake huchagadzwa pasi pano. Naizvozvo vanobvunza, kuti: “Ishe, modzorera umambo kuna Israeri panguva ino here?”—NW.
Panzvimbo pokuedza zvakare kururamisa mirangariro yavo yakaipa, Jesu anongopindura zvake, kuti: “Hazvina kufanira kuti muzive nguva kana misi yakatarwa naBaba vamene nesimba ravo.” Ipapo, achisimbisa zvakare basa ravanofanira kuita, anoti: “Muchagamuchira simba apo mudzimu mutsvene unosvika pamuri, uye imi muchava zvapupu zvangu mose muri muviri muJerusarema nomuJudhea rose nomuSamaria nokusvikira kurutivi rwuri kure zvikurusa rwapasi.”—NW.
Vachiri kutarira, Jesu anovamba kukwira akananga kudenga, uye ipapo gore rinomuvanza kuchiono chavo. Pashure pokubvisa muviri wake wenyama, anokwira kudenga somunhu womudzimu. Sezvo vane 11 vanopfuurira kutarira mudenga, varume 2 vakapfeka nguvo chena vanooneka parutivi pavo. Idzi ngirozi dzakapfeka miviri yavanhu dzinobvunza, kuti: “Varume veGarirea, makamirireiko muchitarira mudenga? Uyu Jesu akagamuchirwa achibva kwamuri achipinda mudenga achauya saizvozvo nomutoo mumwe chetewo sezvamamuona achipinda mudenga.”—NW.
Mutoo uyo Jesu achangobva kusiya nawo pasi hauna chinoitika chavose uye navateveri vake vakatendeka bedzi vachicherechedza. Naizvozvo iye achadzokera nomutoo wakafanana—pasina chinoitika chavose uye navateveri vake bedzi vakatendeka vanonzwisisa kuti iye adzokera uye avamba kuvapo kwake musimba roUmambo.
Vaapostora zvino vanoburuka muGomo reMiorivhi, vanoyambuka Mupata waKidroni, uye vanopinda muJerusarema zvakare. Ivo vanogaramo mukuteerera murairo waJesu. Mazuva gumi gare gare, paMutambo wechiJudha wePentekosta 33 N.V., apo vanenge 120 vavadzidzi vanoungana mukamuri rapamusoro muJerusarema, kutinhira kwakafanana chaizvo nemhepo inovhuvhuta nesimba kunozadza kamwe kamwe imba yose. Ndimi dzakaita somwoto dzinooneka, uye rumwe runomhara pamumwe nomumwe waavo varipo, uye vadzidzi vose vanovamba kutaura nemitauro yakasiana-siana. Uku ndiko kudururwa kwomudzimu mutsvene uko Jesu akanga apikira! Mateo 28:16-20; Ruka 24:49-52; 1 VaKorinte 15:5-7; Mabasa 1:3-15; 2:1-4.
◆ Ndikuna vanaani uko Jesu anopa miraidzo yokuonekana pagomo rakati muGarirea, uye chii chiri iyi miraidzo?
◆ Inyaradzoi inogovera Jesu nokuda kwavadzidzi vake, uye acharamba sei anavo?
◆ Jesu anooneka kuvadzidzi vake kwenguva yakareba sei pashure porumuko rwake, uye chii chaanovadzidzisa?
◆ Kumunhui, uyo sezviri pachena akanga asiri mudzidzi pamberi porufu rwaJesu, uko Jesu anooneka kwaari?
◆ Misanganoi miviri yokupedzisira inova naJesu navaapostora vake, uye chii chinoitika paidzi nhambo?
◆ Kunodaro sei kuti Jesu achadzokera nomutoo mumwe chetewo waanoenda nawo?
◆ Chii chinoitika paPentekosta 33 N.V.?