‘Muzita Romudzimu Mutsvene’
“Endai naizvozvo muite vadzidzi vavanhu vamarudzi ose, muchivabhapatidza muzita . . . romudzimu mutsvene.”—MATEO 28:19, NW.
1. Kutaurai kutsva uko Johane Mubhapatidzi akashandisa pamusoro pomudzimu mutsvene?
MUGORE ra 29 reNguva yedu yaVose, Johane Mubhapatidzi akanga achishingaira muIsraeri kugadzirira nzira Mesia, uye muushumiri hwake, akazivisa chimwe chinhu chitsva pamusoro pomudzimu mutsvene. Chokwadika, vaJudha vaitoziva icho Magwaro echiHebheru akataura pamusoro pomudzimu. Ivo vangave vakashamiswa, kunyanguvezvo, apo Johane akati: “Ini ndinokubhapatidzai nemvura, mutendeuke; asi unouya shure kwangu, . . . uchakubhapatidzai no[mudzimu, NW] mutsvene.” (Mateo 3:11) ‘Rubhapatidzo nomudzimu mutsvene’ kwakanga kuri kutaura kutsva.
2. Kutaurai kutsva uko Jesu akatanga kunobatanidza mudzimu mutsvene?
2 Aiuya akanga ari Jesu. Mukati moupenyu hwake hwapasi, Jesu haana chaizvoizvo kubhapatidza munhu upi noupi nomudzimu mutsvene, kunyange zvazvo akataura nezvomudzimu kakawanda. Uyezve, pashure porumuko rwake, iye akanongedzera kumudzimu mutsvene muimwezve nzira itsva. Iye akaudza vadzidzi vake, kuti: “Endai naizvozvo muite vadzidzi vavanhu vamarudzi ose, muchivabhapatidza muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene.” (Mateo 28:19, NW) Kutaura kwokuti “muzita ra” kunoreva “mukuzivikanwa kwa.” Rubhapatidzo rwomumvura mukuzivikanwa kwaBaba, Mwanakomana, uye mudzimu mutsvene rwaifanira kuva rwakasiana norubhapatidzo mumudzimu mutsvene. Kwakanga kuriwo kutaura kutsva kunobatanidza mudzimu mutsvene.
Kubhapatidzwa Mumudzimu Mutsvene
3, 4. (a) Rubhapatidzo rwokutanga mumudzimu mutsvene rwakaitika rini? (b) Kunze kwokuvabhapatidza, mudzimu mutsvene wakashanda sei kuvadzidzi vaJesu paPentekosta 33 N.V.?
3 Kana rwuri rubhapatidzo mumudzimu mutsvene, Jesu akapikira vadzidzi vake pamberi chaipo pokukwira kwake, kuti: “Muchabhapatidzwa no[mudzimu mutsvene, NW], mazuva mazhinji asati apera.” (Mabasa 1:5, 8) Nokukurumidza pashure paikoko chipikirwa ichocho chakazadzikwa. Mudzimu mutsvene wakaburukira pavadzidzi 120 vakaungana mukamuri rapamusoro muJerusarema sezvo Jesu, ari mudenga, akaita rubhapatidzo rwake rwokutanga mumudzimu mutsvene. (Mabasa 2:1-4, 33) Nomuuyoi? Vadzidzi vakava rutivi rwomuviri womudzimu waKristu. Muapostora Pauro anotsanangura kuti, “nokuti mu[mudzimu, NW] mumwe isu tose takabhapatidzirwa mumuviri mumwe.” (1 VaKorinte 12:13) Panguva imwe cheteyo, ivo vakazodzwa kuva madzimambo navaprista vomunguva yemberi muUmambo hwokudenga hwaMwari. (VaEfeso 1:13, 14; 2 Timotio 2:12; Zvakazarurwa 20:6) Mudzimu mutsvene wakabatirawo sechisimbiso nechiratidzo chokutanga zvenhaka iyoyo ine mbiri yomunguva yemberi, asi ikoko kwakanga kusati kuri iko bedzi.—2 VaKorinte 1:21, 22.
4 Makore mashomanene pamberi pezvi, Jesu akanga ati kuna Nikodhimo: “Kana munhu asingaberekwi kutsva, haangaoni ushe hwaMwari. . . . Kana munhu asingaberekwi nemvura no[mudzimu, NW], haangagoni kupinda muushe hwaMwari.” (Johane 3:3, 5) Zvino vanhu 120 vakanga vaberekwazve. Kupfurikidza nomudzimu mutsvene, ivo vakanga vagamuchirwa savanakomana vomudzimu vaMwari, hama dzaKristu. (Johane 1:11-13; VaRoma 8:14, 15) Mibato yose iyoyi yomudzimu mutsvene iri munzira yayo inoshamisa zvikuru kupfuura manenji. Uyezve, kusafanana namanenji apaimwe nguva, mudzimu mutsvene hauna kuguma pashure porufu rwavaapostora asi wakapfuurira kushingaira neiyi nzira kusvikira kuzuva redu. Iropafadzo yeZvapupu zvaJehovha kuva nemitezo yokupedzisira yakabhapatidzwa nomudzimu yomuviri waKristu pakati pazvo, uye ivava vanobatira so“muranda akatendeka naakachenjera” kugovera zvokudya zvomudzimu munguva yazvo yakafanira.—Mateo 24:45-47, NW.
Kubhapatidzwa “Muzita ra . . . Mudzimu Mutsvene”
5, 6. Rubhapatidzo rwokutanga mumudzimu mutsvene rwakatungamirira sei kurubhapatidzo rwomumvura?
5 Asi zvakadiniko nezvorubhapatidzo rwomumvura rwakapikirwa muzita raBaba, Mwanakomana, uye mudzimu mutsvene? Vadzidzi ivavo vokutanga vakabhapatidzwa mumudzimu havana kuva norubhapatidzo rwomumvura rwakadaro. Ivo vakanga vatogamuchira rubhapatidzo rwomumvura rwaJohane, uye sezvo irworwo rwakanga rwuchigamuchirika kuna Jehovha panguva iyoyo chaiyo, ivo havana kufanira kubhapatidzwazve. Asi paPentekosta 33 N.V., boka guru remweya rakagamuchira rubhapatidzo rutsva rwomumvura. Ikoku kwakaitika sei?
6 Rubhapatidzo rwavane 120 mumudzimu mutsvene rwakanga rwaperekedzwa nokutinhira kukuru uko kwakakwezva mapoka. Ivava vakakatyamadzwa nokunzwa vadzidzi vachitaura nendimi, ndiko kuti, mumitauro yokumwe yainzwisiswa naavo vaivapo. Muapostora Petro akatsanangura kuti iri nenji rakanga riri ufakazi hwokuti mudzimu waMwari wakanga wadururwa naJesu, uyo akanga amutswa muvakafa uye zvino akanga akagara paruoko rworudyi rwaMwari mudenga. Petro akakurudzira vateereri vake, kuti: “Zvino imba yose yavaIsraeri ngaizive kwazvo, kuti uyu Jesu wamakarovera pa[danda, NW], Mwari wakamuita Ishe naKristu.” Ipapo iye akagumisa nokuti: “Tendeukai, mumwe nomumwe wenyu abhapatidzwe nezita raJesu, kuti mukanganwirwe zvivi, mupiwe chipiwa cho[mudzimu, NW] mutsvene.” Mweya inenge 3 000 yakagamuchira.—Mabasa 2:36, 38, 41.
7. Vane 3 000 vakabhapatidzwa munzirai paPentekosta 33 N.V. muzita raBaba, Mwanakomana, uye mudzimu mutsvene?
7 Kunogona kutaurwa here kuti ava vakabhapatidzwa muzita ra (mukuzivikanwa kwa)Baba, Mwanakomana, uye mudzimu mutsvene? Hungu. Kunyange zvazvo Petro asina kuvaudza kubhapatidzwa muzita raBaba, ivo vaitoziva Jehovha saChangamire Ishe, sezvo vaiva vaJudha vokunyama, mitezo yorudzi rwakazvitsaurira kwaAri. Petro akati: ‘Bhapatidzwai muzita roMwanakomana.’ Naizvozvo rubhapatidzo rwavo rwakaratidzira kuziva kwavo Jesu saIshe naKristu. Zvino ivo vakanga vava vadzidzi vake uye vakabvuma kuti kanganwirwo yezvivi yakanga iri kupfurikidza naye kubvira panguva iyoyo zvichienda mberi. Pakupedzisira, rubhapatidzo rwakanga rwuri mukuzivikanwa kwomudzimu mutsvene, uye rwakaitwa mukugamuchira chipikirwa chokuti vaizogamuchira mudzimu sechipo chapachena.
8. (a) Mukuwedzera kurubhapatidzo rwomumvura, ndirumwe rubhapatidzoi urwo maKristu akazodzwa akagamuchira? (b) Ndivanaani kunze kwe 144 000 vanogamuchira rubhapatidzo rwomumvura muzita romudzimu mutsvene?
8 Avo vakabhapatidzwa mumvura pazuva rePentekosta 33 N.V. vakabhapatidzwawo mumudzimu, vachiva vanozodzwa samadzimambo navaprista vomunguva yemberi muUmambo hwokudenga. Mukuwirirana nebhuku raZvakazarurwa, kunongova bedzi navane 144 000 vaivava. Naizvozvo avo vakabhapatidzwa mumudzimu mutsvene uye pakupedzisira ‘vakaiswa chisimbiso’ savadyi venhaka voUmambo vanosvika 144 000 bedzi. (Zvakazarurwa 7:4; 14:1) Zvisinei, vadzidzi vose vatsva—pasinei hapo netariro yavo—vanobhapatidzwa mumvura muzita raBaba, Mwanakomana, uye mudzimu mutsvene. (Mateo 28:19, 20) Ipapoka, rubhapatidzo muzita romudzimu mutsvene runorevei nokuda kwamaKristu ose, angave e“boka duku” kana kuti a“mamwe makwai”? (Ruka 12:32, NW; Johane 10:16) Tisati tapindura ikoko, ngaticherechedzei mimwe yemibato yomudzimu munguva yechiKristu.
Chibereko Chomudzimu
9. Mubatoi womudzimu mutsvene unokosha kumaKristu ose?
9 Mubato unokosha womudzimu mutsvene uri mukutibetsera kukudziridza hunhu hwechiKristu. Chokwadi, nemhaka yokusakwana hatigoni kudzivisa kutadza. (VaRoma 7:21-23) Asi apo tinopfidza zvapachokwadi, Jehovha anotikanganwira pahwaro hwechibairo chaKristu. (Mateo 12:31, 32; VaRoma 7:24, 25; 1 Johane 2:1, 2) Uyezve, Jehovha anotikarira kurwisana nekombamiro yedu yokutadza, uye mudzimu mutsvene unotibetsera kuita ikoku. “Fambai no[mudzimu, NW],” Pauro akadaro, “ipapo hamungaiti kuchiva kwenyama.” (VaGaratia 5:16) Pauro akapfuurira kuratidza kuti mudzimu unogona kubereka mavara akaisvonakisisa matiri. Iye akanyora, kuti: “Chibereko chomudzimu ndirwo rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, mwoyo munyoro, runako, kutenda, unyoro, kuzvidzora.”—VaGaratia 5:22, 23, NW.
10. Chibereko chomudzimu chinokudziridzwa sei mumuKristu?
10 Mudzimu unoita sei kuti chibereko chakadaro chibvire mumuKristu? Hakusati kuchingozviitikira nemhaka bedzi bedzi yokuti tiri maKristu akazvitsaurira ndokubhapatidzwa. Tinofanira kushanda pakuri. Asi kana tikasonganira namamwe maKristu anoratidzira aya mavara, kana tikanyengetera kuna Mwari kuti mudzimu wake utibetsere kukudziridza mavara chaiwo, kana tikadzivisa songaniro dzakashata ndokufunda Bhaibheri nokuda kwezano nemienzaniso yakanaka, ipapoka chibereko chomudzimu chichakura matiri.—Zvirevo 13:20; 1 VaKorinte 15:33; VaGaratia 5:24-26; VaHebheru 10:24, 25.
Vanogadzwa Nomudzimu Mutsvene
11. Vakuru vanogadzwa nomudzimu mutsvene munzirai?
11 Pauro, pakutaura kuvakuru veEfeso, akazivisa mumwe mubato womudzimu mutsvene apo akati: “Zvichenjererei imi, neboka rose ramakaitirwa vatariri varo no[mudzimu, NW] mutsvene, kuti mufudze kereke yaMwari, yaakatenga neropa [roMwanakomana wake amene, NW].” (Mabasa 20:28) Hungu, vatariri veungano, kana kuti vakuru, vanogadzwa nomudzimu mutsvene. Munzirai? Mukuti vakuru vakagadzwa vanofanira kusvitsa zvikwaniriso zvakarongwa muBhaibheri rakafuridzirwa. (1 Timotio 3:1-13; Tito 1:5-9) Vanogona bedzi kukudziridza zvikwaniriso izvozvo nebetsero yomudzimu mutsvene. Uyezve, mutumbi wavakuru uyo unorumbidza mukuru mutsva unonyengeterera nhungamiro yomudzimu mutsvene kuti vanzwisise kana iye achisvitsa zvikwaniriso kana kuti kwete. Uye kugadza chaikoiko kunoitwa mutarisiro yomuranda akatendeka naakachenjera akazodzwa nomudzimu.
Tungamirirwa Nomudzimu
12. Mudzimu unogona sei kutipesvedzera kupfurikidza neBhaibheri?
12 MaKristu anoziva kuti Magwaro Matsvene akanyorwa mupesvedzero yomudzimu mutsvene. Nokudaro, ivo vanoanzvera nokuda kwouchenjeri hwakafuridzirwa nomudzimu, sezvakaita Zvapupu zvaJehovha zvapamberi pechiKristu. (Zvirevo 2:1-9) Vakaarava, vakaafungisisa, uye vakaarega achitungamirira upenyu hwavo. (Pisarema 1:1-3; 2 Timotio 3:16) Ivo nokudaro vanobetserwa nomudzimu ku‘nzvera zvinhu zvakadzama zvikuru zvaMwari.’ (1 VaKorinte 2:10, 13; 3:19) Kutungamirira vabatiri vaMwari muiyi nzira mubato unokosha womudzimu waMwari nokuda kwenguva yedu.
13, 14. Jesu akashandisei kubata nezvinetso muungano, uye anoita sei zvimwe chetezvo nhasi?
13 Uyezve, mubhuku raZvakazarurwa, Jesu akamutswa akatumira mashoko kuungano nomwe muAsia Minor. (Zvakazarurwa, ganhuro 2 ne 3) Maari akazivisa kuti iye akanga aongorora ungano ndokunzwisisa mugariro wadzo womudzimu. Dzimwe, iye akawana, dzakanga dzichigadza muenzaniso wakaisvonaka wokutenda. Mudzimwe, vakuru vakanga vabvumira masekete, utere, uye kudziya kuti zvishatise boka. Ungano yapaSardhisi, kunze kwemweya mishomanene yakatendeka, yakanga yakafa mumudzimu. (Zvakazarurwa 3:1, 4) Jesu akabata sei izvi zvinetso? Nomudzimu mutsvene. Pakupa zano kuungano nomwe, shoko raJesu rakagumisa muchinoitika chimwe nechimwe nokutaura kwokuti: “Une nzeve, ngaanzwe zvinoreva [mudzimu, NW] kukereke.”—Zvakazarurwa 2:7, 11, 17, 29; 3:6, 13, 22.
14 Nhasiwo, Jesu anoongorora ungano. Uye apo iye anonzwisisa zvinetso, achiri anozvibata kupfurikidza nomudzimu mutsvene. Mudzimu unogona kutibetsera kuziva ndokukurira zvinetso zvakananga kupfurikidza nokurava kwedu Bhaibheri. Betsero inogonawo kuuya kupfurikidza nezvinyorwa zveBhaibheri zvinobudiswa nomuranda akatendeka naakachenjera akazodzwa nomudzimu. Kana kuti inogona kuuya kubva kuvakuru vakagadzwa nomudzimu vari muungano. Chipi kana chipi chiri chinoitika, kana zano riri kuvanhu vamwe navamwe kana kuti kuungano yose, tinoteerera mashoko aJesu here, okuti: “Une nzeve, ngaanzwe zvinoreva [mudzimu, NW]”?
Mudzimu Nebasa Rokuparidzira
15. Mudzimu wakashanda sei kuna Jesu pamusoro pebasa rokuparidzira?
15 Pane imwe nhambo apo Jesu akaparidzira musinagoge muNazareta, iye akaratidza mumwezve mubato womudzimu. Chinyorwa chinotiudza kuti: “[Akazarura mupumburu ndokuwana pakanyorwa, kuti: ‘Mudzimu waJehovha, NW] uri pamusoro pangu, nokuti wakandizodza, kuti ndiparidzire varombo evhangeri; wakandituma kuti ndizivise vakatapwa kusunungurwa kwavo; namapofu kuti vaonezve; ndiregedze vakatsikirirwa.’ Zvino akatanga kuvaudza, achiti: ‘Zvino rugwaro urwu rwaitika munzeve dzenyu.’” (Ruka 4:17, 18, 21; Isaya 61:1, 2) Hungu, Jesu akazodzwa nomudzimu mutsvene kuparidzira mashoko akanaka.
16. Muzana rokutanga ramakore, mudzimu mutsvene wakabatanidzwa zvikuru sei mubasa rokuparidzira mashoko akanaka?
16 Chinguvana pamberi porufu rwake, Jesu akadeya kutaura nhimbe huru yokuparidza yaizoitwa navateveri vake. Iye akati: “Neevhangeri inofanira kutanga kuparidzirwa marudzi ose.” (Marko 13:10) Aya mashoko akava nezadziko yokutanga muzana rokutanga ramakore, uye rutivi rwakaitwa nomudzimu mutsvene rwaikosha zvikuru. Wakanga uri mudzimu mutsvene wakatungamira Firipo kuparidza kungomwa yeEtiopia. Mudzimu mutsvene wakatungamira Petro kuna Kornerio, uye mudzimu mutsvene wakatungamira kuti Pauro naBharnabhasi vatumwe savaapostora kubva Antiokia. Gare gare, apo Pauro aida kuparidzira muAsia neBhitinia, mudzimu mutsvene nenzira yakati wakamudzivisa. Mwari aida kuti basa rokupupurira ripinde muEurope.—Mabasa 8:29; 10:19; 13:2; 16:6, 7.
17. Nhasi, mudzimu mutsvene unobatanidzwa sei mubasa rokuparidzira?
17 Nhasi, mudzimu mutsvene unobatanidzwazve zvikuru mubasa rokuparidzira. Muimwe zadziko yaIsaya 61:1, 2, mudzimu waJehovha wakazodza hama dzaJesu kuparidzira. Muzadziko yokupedzisira yaMarko 13:10, ava vakazodzwa, vachiyamurwa neboka guru, vakaparidzira mashoko akanaka chaizvoizvo mu“marudzi ose.” (Zvakazarurwa 7:9) Uye mudzimu unotsigira vose vavo muna ikoku. Somuzana rokutanga ramakore, unozarura ndima nokutungamirira budiriro yebasa rose zvaro. Unosimbisa vamwe navamwe, uchivabetsera kukurira rutyo uye kukudziridza unyanzvi hwavo hwokudzidzisa. Kupfuurirazve, Jesu akaudza vadzidzi vake, kuti: “Muchaiswawo pamberi pavabati namadzimambo nokuda kwangu, muve zvapupu kwavari nokuvahedheni. Asi kana vachikuisai, musafunganya muchiti muchataura sei, . . . , Nokuti hamuzimi munotaura, asi [mudzimu, NW] waBaba venyu unotaura mukati menyu.”—Mateo 10:18-20.
18, 19. Mudzimu unokumbanira mwenga mukukokera vane mwoyo munyoro ku“tora mvura youpenyu pachena” munzirai?
18 Mubhuku raZvakazarurwa, Bhaibheri zvakare rinosimbisa kubatanidzwa kwomudzimu mutsvene mubasa rokuparidzira. Imomo muapostora Johane anoshuma, kuti: “[Mudzimu, NW] nomwenga vanoti: ‘Uya!’ Naiye unonzwa ngaati: ‘Uya!’ Une nyota ngaauye. Unoda ngaatore mvura youpenyu asingatengi.” (Zvakazarurwa 22:17) Mwenga, anomirirwa navasara ve 144 000 vachiri pasi pano, anokoka vose kutora mvura youpenyu pachena. Asi cherechedza, mudzimu mutsvene unotiwo “Uya!” Munzirai?
19 Mukuti shoko riri kuparidzirwa neboka romwenga—nhasi rinobatsirwa neboka guru ramamwe makwai—rinobva muBhaibheri, rakanyorwa mupesvedzero yakananga yomudzimu mutsvene. Uye mudzimu mumwe chetewo wakazarura mwoyo nendangariro zveboka romwenga kunzwisisa Shoko rakafuridzirwa nokuritsanangura kuvamwe. Avo vanobhapatidzwa savadzidzi vatsva vaJesu Kristu vanofara kutora mvura youpenyu pachena. Uye ivo vanofadzwa nokubatira pamwe nomudzimu nomwenga mukuti “Uya!” kuvamwezve. Nhasi, vanopfuura mamirioni mana vanogoverana nomudzimu muiri basa.
Kurarama Mukuwirirana Norubhapatidzo Rwedu
20, 21. Tinogona sei kurarama mukuwirirana norubhapatidzo rwedu muzita romudzimu mutsvene, uye tinofanira kurangarira sei urwu rubhapatidzo?
20 Rubhapatidzo muzita romudzimu mutsvene iziviso yapachena yokuti tinoziva mudzimu mutsvene uye tinobvuma basa raunoita mumadonzo aJehovha. Runoreva kuti tichabatira pamwe nomudzimu, tisingaiti chinhu chinodzivisa kushanda kwawo pakati pavanhu vaJehovha. Nokudaro, tinoziva uye tinobatira pamwe nomuranda akatendeka naakachenjera. Tinobatira pamwe negadziriro yavakuru muungano. (VaHebheru 13:7, 17; 1 Petro 5:1-4) Tinorarama kupfurikidza nouchenjeri hwomudzimu, kwete hwenyama, uye tinobvumira mudzimu kuumba hunhu hwedu, kuhuita hwakafanana zvikuru nohwaKristu. (VaRoma 13:14) Uye tinobatana nomwoyo wose nomudzimu nomwenga mukuti “Uya!” kumamirioni ayo achagamuchirazve.
21 Chinhu chakakomba zvakadini kubhapatidzwa mu‘zita romudzimu mutsvene’! Bva, zvikomborero zvakadini zvinogona kuvapo somuuyo! Chiverengero chaavo vanodarozvo kubhapatidzwa ngachipfuurire kuwedzera. Uye tose zvedu ngatipfuurire kurarama mukuwirirana nerevo yorubhapatidzo irworwo, sezvo tinobatira Jehovha ndokupfuurira ku“pisa nomudzimu.”—VaRoma 12:11, NW.
Unoyeukei Pamusoro Pomudzimu Mutsvene?
◻ Mudzimu mutsvene wakashingaira paPentekosta 33 N.V. munzirai?
◻ Tinogona sei kubereka zvibereko zvomudzimu?
◻ Vakuru vanogadzwa nomudzimu mutsvene munzirai?
◻ Jesu anobata sei nezvinetso muungano kupfurikidza nomudzimu mutsvene?
◻ Mudzimu unobatanidzwa zvikuru sei mubasa rokuparidzira?
[Mufananidzo uri papeji 15]
Rubhapatidzo rwakaparidzirwa naPetro rwakanga rwuriwo muzita raBaba neromudzimu mutsvene
[Mufananidzo uri papeji 17]
Mudzimu unobatanidzwa zvikuru mukuparidzirwa kwamashoko akanaka