Ridhia Munamati Aiva Nomutsa waMwari
UBVIRA munguva dzakare, vabatiri vaMwari wechokwadi vakazvisiyanisa vamene nokuda kwomutsa wavo. (Genesi 18:1-8; 19:1-3) Uchirondedzerwa se“kuda, kushuva, kana kuti mutsa kuvaenzi,” mutsa unobva mumwoyo wepachokwadi kunyange nhasi chiratidzo chechiKristu chechokwadi. Kutaura idi, iwo ndichinodikanwa nokuda kwavose vanganamata Mwari zvinogamuchirika.—VaHebheru 13:2; 1 Petro 4:9.
Mumwe munhu akaratidzira mutsa nomutoo womuenzaniso akanga ari Ridhia. Aka“tendisa” vafundisi vechiKristu vaishanyira Firipi kuti vagare mumba make. (Mabasa 16:15) Kunyange zvazvo Ridhia achidudzwa nokupfupikisa bedzi muMagwaro, zvishoma zvinotaurwa pamusoro pake zvinogona kuva zvekurudziro kwatiri. Munzirai? Ndiani akanga ari Ridhia? Chii chatinoziva pamusoro pake?
“Mutengesi Wenguvo Tsvuku”
Ridhia aigara muFiripi, guta guru reMakedhonia. Zvisinei, aibva kuTiatira, guta renharaunda yeRidhia, kumadokero kweAsia Minor. Nokuda kweichi chikonzero vamwe vanokarakadza kuti “Ridhia” raiva zita rokunemera raakapiwa muFiripi. Namamwe mashoko, aiva “wokuRidhia,” seizvo zvikuru mukadzi uyo Jesu Kristu akapupura kwaari aigona kunzi “mukadzi muSamaria.” (Johane 4:9) Ridhia aitengesa “nguvo tsvuku” kana kuti zvinhu zvakadhayiwa neiyi dhayi. (Mabasa 16:12, 14) Kuvapo kwavagadziri vedhayi mose muri muviri muTiatira nemuFiripi kunopupurirwa nemanyoro akacherwa navacheri vamatongo. Kunobvira kuti Ridhia akanga atama nemhaka yebasa rake, kuti aite bhizimisi romunhu oga kana kuti somumiriri wekambani yavagadziri vedhayi veTiatira.
Dhayi tsvuku yaigona kuwanwa kubva mumanyuko akasiyana-siyana. Yaidhura zvikurusa yaitorwa mumarudzi akati ezvisikwa zvomumvura. Maererano nomudetembi womuzana rokutanga ramakore weRoma Martial, chipfeko chitsvuku chakanakisisa cheTire (imwe nzvimbo uko chinhu ichi chaigadzirwa) chaikosha masesterce 10 000, kana kuti madhenari 2 500, yakaenzana nomubhadharo womushandi nokuda kwamazuva 2 500. Nenzira yakajeka, zvipfeko zvakadaro zvakanga zviri zvinhu zvoumbozha izvo vashomanene bedzi vaigona kutenga. Naizvozvo Ridhia angave akanga akapfuma. Muchiitiko chipi nechipi, aigona kugovera mutsa kumuapostora Pauro navakumbaniri vake—Ruka, Sirasi, Timotio, uye zvichida vamwe.
Kuparidza kwaPauro muFiripi
Munenge mugore ra50 C.E, Pauro akaita rwendo rwake rwokutanga kuEurope uye akavamba kuparidza muFiripi.a Apo akasvika muguta idzva, wakanga uri muitiro waPauro kushanyira sinagoge kunoparidza kuvaJudha pakutanga uye vapuroserite vaiungana imomo. (Enzanisa naMabasa 13:4, 5, 13, 14; 14:1.) Maererano navamwe, zvisinei, mutemo weRoma waidzivisa vaJudha kushandisa rudzidziso rwavo mukati me“nzvimbo dzinoyera” dzomuFiripi. Naizvozvo, pashure pokupedza “mamwe mazuva” imomo, pazuva reSabata vafundisi vacho vakawana nzvimbo parutivi porwizi kunze kweguta ‘apo vakafunga kuti paiva nenzvimbo yokunyengetera.’ (Mabasa 16:12, 13) Sezviri pachena urwu rwaiva Rwizi Gangitesi. Ipapo vafundisi vacho vakawana vakadzi bedzi, mumwe wavo akanga ari Ridhia.
“Munamati waMwari”
Ridhia akanga ari “munamati waMwari,” asi zvimwe akanga ari mupuroserite kuchiJudha aitsvaka zvokwadi yorudzidziso. Kunyange zvazvo akanga ane basa rakanaka, Ridhia akanga asingadisi zvenyika. Panzvimbo pezvo, aichengeta nguva yezvinhu zvomudzimu. “Ishe akazarura mwoyo wake, kuti ateerere zvaitaurwa naPauro,” uye Ridhia akagamuchira zvokwadi. Kutaura idi, waka“bhapatidzwa, iye naveimba yake.”—Mabasa 16:14, 15.
Bhaibheri haridudzi vamwe avo vakanga vari mitezo yemhuri yaRidhia. Sezvo pasina kududzwa kwomurume, angave akanga asina kuroorwa kana kuti akafirwa nomurume. Zvichida “veimba yake” vaiva hama dzokunyama, asi shoko racho rinogonawo kureva varanda kana kuti vashandi. Muchiitiko chipi nechipi, Ridhia aigoverana nokushingaira zvinhu zvaakanga adzidza naavo vaigara naye. Uye mufaro wakadini waanofanira kuva akava nawo apo ivo vakatenda ndokugamuchira kutenda kwechokwadi!
“Akatitendisa”
Vasati vasangana naRidhia, zvichida vafundisi vacho vaitofanira kugutsikana nepokugara pavaiwana pandyiko yavo vamene. Asi akafara kukwanisa kugovera pamwe pokugara. Kunyange zvakadaro, idi rokuti aifanira kuomerera, rinoratidza kuti Pauro navakumbaniri vake vakashandisa kuramba kwakati. Nei? Pauro aida ‘kupa mashoko akanaka pasina ndyiko, kuti asashandise zvisina kufanira chiremera chake, uye kusava mutoro kumunhu upi noupi. (1 VaKorinte 9:18; 2 VaKorinte 12:14) Asi Ruka anowedzera, kuti: “Wakati abhapatidzwa, iye naveimba yake, akakumbira zvikuru, achiti: Kana muchiti ndakatenda kunaShe, pindai mumba mangu mugare. Akatitendisa.” (Mabasa 16:15) Ridhia akanga achiitira hanya zvikurusa pamusoro pokuva akatendeka kuna Jehovha, uye kugovera mutsa sezvinooneka kwakanga kuri ufakazi hwokutenda kwake. (Enzanisa na1 Petro 4:9.) Muenzaniso wakaisvonaka zvakadini! Isu tinoshandisawo here zvinhu zvedu kusimudzira fariro dzemashoko akanaka?
Hama dzomuFiripi
Apo Pauro naSirasi vakasunungurwa mutorongo pashure pechiitiko chaibatanidza murandasikana aiva nedhemoni, vakadzokera kumba kwaRidhia, uko vakawana dzimwe hama. (Mabasa 16:40) Vakatenda muungano yakanga ichangobva kuumbwa yeFiripi vangave vakashandisa imba yaRidhia senzvimbo yemisangano yenguva dzose. Kune mufungo kudavira kuti imba yake yakapfuurira kuva nzvimbo yemibato youbati ushe muguta racho.
Mutsa wapakuvamba woushamwari wakaratidzwa naRidhia wakabvumikisa kuva vara reungano yose. Pasinei hapo nourombo hwavo, panhambo dzinoverengeka vaFiripi vakatumira Pauro zvaaida, uye muapostora wacho akaonga.—2 VaKorinte 8:1, 2; 11:9; VaFiripi 4:10, 15, 16.
Ridhia haadudzwi mutsamba yakatumirwa naPauro kuvaFiripi munenge muna 60-61 C.E. Magwaro haazivisi chakaitika kwaari pashure pezvinoitika zvinorondedzerwa muna Mabasa ganhuro 16. Kunyange zvazvo zvakadaro, kududzwa kupfupi kwouyu mukadzi anobishaira kunotiita tide ku“tevera nzira yomutsa.” (VaRoma 12:13) Tinoonga sei kuva navaKristu vakafanana naRidhia pakati pedu! Mudzimu wavo unoita zvakawanda kuita ungano dzive nokudziya uye ushamwari, kumbiri yaJehovha Mwari.
[Mashoko Omuzasi]
a Pakati pemaguta anokosha zvikurusa eMakedhonia, Firipi yakanga iri koroni yakabudirira zvikuru mune zvehondo yaitongwa najus italicum. Uhu hudzori hwakavimbisa vaFiripi maruramiro akaenzana neayo aifarikanywa nevagari vemo veRoma.—Mabasa 16:9, 12, 21.
[Bhokisi riri papeji 28]
Upenyu hwechiJudha muFiripi
Upenyu muFiripi hunofanira kuva hwakanga husiri nyore nokuda kwavaJudha uye navapuroserite kuchiJudha. Kungava kwakanga kune mirangariro yakati yairwisana nechiJudha, nokuti nokukurumidza pamberi peshanyo yaPauro, Mambo Kraudio akanga adzinga vaJudha kubva muRoma.—Enzanisa naMabasa 18:2.
Nenzira inokosha, Pauro naSirasi vakanga vazvuzvuridzirwa pamberi pomutongi pashure pokunge vaporesa murandasikana akanga ane mudzimu wokuvuka. Varidzi vake, zvino vanyimwa manyuko anobudirira emari, vakashandisa fungira mano dzevagari vemo biyawo kupfurikidza nokuti: “Vanhu ava vaJudha, vanopesanisa guta redu, vachiparidza tsika dzatisina kutenderwa kugamuchira, kana kuita, isu vaRoma.” Somugumisiro, Pauro naSirasi vakarohwa neshamhu ndokukandirwa mutorongo. (Mabasa 16:16-24) Mumamiriro ezvinhu akadaro, kunamata Jehovha pachena, Mwari wavaJudha, kwaida ushingi. Asi sezviri pachena Ridhia akanga asingatyi kuva akasiyana.
[Mifananidzo iri papeji 27]
Matongo paFiripi