Unogona Kudavira Bhaibheri Here?
KWOSE kwose Bhaibheri riri kuramba richidavirwa, kunyange munyika ino yanhasi. Somuenzaniso, mukuongorora kwakaitwa pavanhu vakasiyana-siyana vokuAmerica, 80 muzana vakataura kuti vanodavira kuti Bhaibheri iShoko raMwari rakafuridzirwa. Kana nhamba yavanodavira yakawandawo kudaro munharaunda yako kana kuti kwete, unogona kunzwisisa kuti vadaviri vakadaro vanokarira kudzidziswa Bhaibheri muchechi. Asi kakawanda havadzidziswi. Somuenzaniso, funga nezvedzidziso yokurangwa kwomweya kana wafa.
Purigatori kana kuti hero yomoto inombodzidziswa muBhaibheri here? Nhasi, nyanzvi dzakawanda dziri muchiKristudhomu dzingapindura kuti kwete. New Catholic Encyclopedia inoti: “Pakupedzisira, dzidziso yechiKaturike yepurigatori inobva mugamuchidzanwa, kwete Rugwaro Rwunoyera.” Pamusoro pehero, A Dictionary of Christian Theology rinotsinhira kuti: “MuT[estamende] I[tsva] hatiwani hero yomoto iri rutivi rwokuparidza kwapakuvamba.”
Chaizvoizvo, boka rinotarisira dzidziso dzeChurch of England nguva pfupi yapfuura rakava musoro wenyaya parakarumbidza kuramba dzidziso yehero yomoto. Dr. Tom Wright, mukuru mukuru weLitchfield Cathedral, anotaura kuti zvaifungidzirwa nezvehero munguva yakapfuura “zvakaita kuti Mwari ave chinhu chinotyisa uye zvakarwadza vakawanda.” Mushumo weboka racho unorondedzera hero se“isipo.”a Nenzira yakafanana, New Catholic Encyclopedia inoti pamusoro pomufungo weKaturike: “Zvitendero nhasi zvinofunga nezvechinetso chehero sechinhu chinoparadzanisa naMwari.”
Chaizvoizvo, zvinodzidziswa neBhaibheri pamusoro pomweya zvinopesana nedzidziso dzepurigatori nehero yomoto. Bhaibheri rinowanzotaura nezvokufa kwemweya. “Mweya unotadza, uchafa.” (Ezekieri 18:4; enzanisa neshanduro dzeKing James neDouay yeKaturike.) Maererano neBhaibheri, vakafa havana chavanoziva, havarwadziwi. “Vapenyu vanoziva kuti vachazofa, asi vakafa havana chavanoziva.” (Muparidzi 9:5) Tariro inopiwa neBhaibheri yavakafa ndeyorumuko rwomunguva yemberi. Pakafa shamwari yaJesu Razaro, Jesu akaenzanisa rufu nokurara. Hanzvadzi yaRazaro Marta yakataura nezvetariro inodzidziswa muBhaibheri payakati: “Ndinoziva kuti uchamukazve pakumuka nezuva rokupedzisira.” Kupfurikidza nokumutsa Razaro kuvakafa, Jesu akasimbisa tariro iyoyo yavanhu.—Johane 5:28, 29; 11:11-14, 24, 44.
Vanyori venhau vanotaura kuti dzidziso yokuti munhu ane mweya wakasiyana, usingafi haina kutanga neBhaibheri asi neuzivi hwechiGiriki. New Catholic Encyclopedia inotaura kuti vaHebheru vakare havana kufunga nezvomunhu seanoumbwa nemuviri wenyama nomweya usingafi. Inotaura pamusoro pezvinodavira vaHebheru: “Chifemo choupenyu pachakapinda mumunhu wokutanga akanga aumbwa naMwari neguruva, akava ‘munhu mupenyu’ (G[enesi] 2.7). Rufu harwuna kuonekwa sekuparadzaniswa kwezvinhu zviviri zvakasiyana mumunhu, sezvinoitwa muuzivi hwechiGiriki; mweya woupenyu unobuda mumunhu uye munhu anova ‘munhu akafa’ (R[evhitiko] 21.11; N[umeri] 6.6; 19.13). Munhau imwe neimwe shoko rokuti ‘munhu’ ringava [neʹphesh] rechiHebheru, rinowanzoshandurwa kuti ‘mweya’ asi, chaizvoizvo, rinenge rinoenzaniswa nomunhu wacho.”
Enisaikoropidhia imwe cheteyo inotaura kuti nyanzvi dzeKaturike nguva pfupi yapfuura “dzakaramba dzichiti T[estamende] I[tsva] haidzidzisi kusafa kwomweya mupfungwa yechiGiriki.” Inogumisa ichiti: “Chinhu chikuru chinopedza chinetso chacho chinowanwa kwete mukufungidzira kwevazivi asi muchipo chesimba guru reRumuko.”
Bhaibheri Kana Kuti Tsika?
Kunyange zvakadaro, pfungwa dzisiri dzeBhaibheri dzakava rutivi rwedzidziso dzechechi sei? Machechi akawanda anotaura kuti Bhaibheri ndiro chiremera chavo chikurusa. Somuenzaniso, munguva pfupi yapfuura Pope John Paul II akataura nezvekudikanwa kwokuti Magwaro a“gamuchirwe navakatendeka seechokwadi zvakakwana uye somutemo mukuru wokutenda kwedu.” Zvisinei, zvinowanzogamuchirwa, kuti dzidziso dzechiKristudhomu nhasi hadzina kufanana neidzo dzavaKristu vomuzana rokutanga ramakore. Machechi akawanda anoona kuchinja kwacho sorutivi rwokukura kwedzidziso yechechi zvishoma nezvishoma. Uyezve, Chechi yeKaturike inofunga kuti tsika dzine chiremera chakafanana neMagwaro. New Catholic Encyclopedia inotaura kuti chechi “haifungi nezvechokwadi ichivakira paRugwaro rwoga, isina chokuita netsika, kana kuti patsika dzoga, isina chokuita neRugwaro.”
Munhau dzakapfuura, machechi akatsiva dzidziso dzaMagwaro neidzo dzakavakirwa patsika bedzi. Chaizvoizvo, machechi akawanda zvino anodavira kuti dzidziso dzeBhaibheri hadzina kururama. Somuenzaniso, New Catholic Encyclopedia inoti zviri “pachena kuti zvinotaurwa neBhaibheri zvakawanda hazvisi zvechokwadi pazvinoenzaniswa nezivo yamazuva ano yesayenzi nenhau.” Ichitaura nezvedzidziso yeBhaibheri yokuti vakafa havana chavanoziva, inowedzera kuti: “Kunyange munhau dzechitendero, T[estamende] Y[ekare] inopupurira zivo isina kukwana yo. . . upenyu kana wafa.” Enisaikoropidhia yacho inoratidza Pisarema 6:5 (ndima 6 mune mamwe maBhaibheri) somuenzaniso weizvi: “Parufu hapana uchakurangarirai, ndiani uchakuongai paSheori [kana kuti Hadhesi]?” Zvimwe zvikoro zvechiPurotesitendi nemakoreji zvava kudzidzisa kuti Bhaibheri rine mhosho. Ukuwo Chechi yeKaturike, inodavira kuti ine chiremera chikuru, kana kuti chiremera chokudzidzisa, chainotsanangura nacho zvinodzidziswa muBhaibheri. Kunyange zvakadaro, ungashamisika kuti, ‘Zvakadini kana tsanangudzo dzakadaro dzichipesana neMagwaro?’
Kukosha kwaMagwaro
Jesu akataura ataurazve nezveMagwaro seane chiremera, achiwanzotanga mifungo yake nokuti: “Kwakanyorwa kuchinzi.” (Mateo 4:4, 7, 10; Ruka 19:46) Zvirokwazvo, Jesu paakataura nezvenhau yokuroora kwavanhu, akashandisa nhoroondo yaGenesi yechisiko, kwete kuwirirana kweuzivi hwechiGiriki. (Genesi 1:27; 2:24; Mateo 19:3-9) Zvakajeka kuti Jesu aiona Magwaro seakafuridzirwa naMwari uye ane chokwadi. Achinyengetera kuna Mwari, akati: “Shoko renyu izvokwadi.”—Johane 17:17.b
Bhaibheri rinonyora nezvokutonga kwaJesu vatungamiriri vezvitendero vomuzuva rake: “Munosiya mirayiro yaMwari, muchichengeta tsika dzavanhu. . . .Muchitorera shoko raMwari simba netsika dzenyu.” (Marko 7:6-13) Nenzira yakafanana, muapostora Pauro akaramba kumanikidzwa kubatanidza uzivi hwechiGiriki kana kuti tsika dzisina kunaka mukudzidzisa kwake. Akanyevera kuti: “Chenjerai, kuti murege kutapwa nomunhu nouchenjeri, nokunyengera kusina maturo, achitevera tsika dzavanhu.” (VaKorose 2:8; 1 VaKorinte 1:22, 23; 2:1-13) Pakanga pane dzimwe tsika, kana kuti dzidziso, izvo Pauro akakurudzira vaKristu kuti vachengete, asi izvozvi zvakanga zvakavakirwa paMagwaro uye zvainyatsowirirana nawo. (2 VaTesaronika 2:13-15) “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari, runobatsira” Pauro akanyora kudaro, “kuti munhu waMwari akwane, agadzirirwa kwazvo mabasa ose akanaka.”—2 Timotio 3:16, 17.
Pauro akafanoona kuti vaizotsauka vachisiya Magwaro. Akanyevera Timotio kuti: “Nguva ichasvika yavacharamba kutendera dzidziso yakarurama, . . . vachifuratidza nzeve dzavo pazvokwadi.” Akakurudzira Timotio kuti: “Asi iwe svinura pazvinhu zvose.” (2 Timotio 4:3-5) Asi sei? Imwe nzira ndeyokuva “akachenjera.” Rimwe duramashoko rechiGiriki rinorondedzera iri shoko reBhaibheri se“kuda kudzidza uye kunzvera chimwe chinhu nomutoo wakafanira.” Ruka akashandisa mashoko aya kuti arondedzere vateereri vaPauro vomuzana rokutanga ramakore vomuBherea. Dzidziso dzaPauro dzaiva itsva kwavari, uye vakanga vasingadi kutsauswa. Achivarumbidza, Ruka akanyora kuti: “[VaBherea] vakanga vakanaka kukunda veTesaronika, vakagamuchira shoko nomwoyo wose, vachinzvera Magwaro zuva rimwe nerimwe, kana zvinhu izvozvo zviri izvo.” Kuva nepfungwa dzakanaka hakuna kuita kuti vaBherea vave vanhu vasina chokwadi, vasingadi kudavira zvinhu zvose. Panzvimbo pezvo, kubvunza kwavo kwakavimbika kwakaguma nokuti “vazhinji vavo vakatenda.”—Mabasa 17:11, 12.
Zvakanakira Kurarama Maererano neBhaibheri
VaKristu vapakuvamba vakazivikanwa nokuda kwokuomerera kwavo paBhaibheri uye nokuda kworudo rwavo rwokuzvipira. Zvisinei, nhasi vanhu vakawanda “vanomufananidzo bedzi wokunamata Mwari, asi vakarasha simba rako.” (2 Timotio 3:5) ChiKristu chipi nechipi nhasi chisingawirirani nechiKristu chapakuvamba hachigoni kuva nesimba rechokwadi rezvakanakira upenyu hwavanhu. Izvi zvingabetsera kutsanangura chikonzero nei here, muchiKristudhomu, tichiona kuwedzera kwamasimba masimba, unzenza, kuparara kwemhuri, uye kudisa pfuma? Mune dzimwe nyika dze“chiKristu,” hondo dzemarudzi dzinotyisa dzinoitwa pakati pemitezo yechitendero chimwe chete.
Pfungwa seyaiva nevaBherea yokuchenjera yakapera here? Pane boka ravanhu vapi navapi nhasi vanodavira uye vanorarama maererano neBhaibheri here?
Encyclopedia Canadiana inotsinhira kuti: “Basa reZvapupu zvaJehovha kumutsiridzwa nokutangwazve kwechiKristu chakare chaiitwa naJesu navadzidzi vake muzana ramakore rokutanga nerechipiri renguva yedu.” Ichitaura nezveZvapupu, New Catholic Encyclopedia inoti: “Vanoona Bhaibheri saimo bedzi munobva zvavanodavira netsika dzavanotevedzera.”
Pasina kupokana ndicho chikonzero chikuru nei Zvapupu zvaJehovha munyika yose zvichizivikanwa nokuda kwokubudirira kwazvo mumudzimu, rugare, uye mufaro. Naizvozvo tinokurudzira varavi vedu kuti vadzidze zvakawanda pamusoro pedzidziso dzeBhaibheri dzakanaka dzomudzimu. Zivo huru inogona kuita kuti uve nechivimbo chikuru muBhaibheri uye kutenda kwakasimba muna Mwari. Zvinhu zvinobetsera zvisingaperi zvokutenda kwakadaro kufira zviripo.
[Mashoko Omuzasi]
a National Public Radio—“Morning Edition”
b Nokuda kwamamwe mashoko pamusoro pokuvimbika kweBhaibheri, ona bhurocha rinonzi A Book for All People, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
[Mufananidzo uri papeji 6]
Muapostora Pauro navamwe vakaparidza mumusika
[Mufananidzo uri papeji 7]
Zvapupu zvaJehovha “zvinoona Bhaibheri saimo bedzi munobva zvavanodavira netsika dzavanotevedzera”