Rusununguko Rune Mbiri Nokukurumidza Nokuda Kwavana vaMwari
“Zvisikwa zvakaiswa pasi pezvisingagari, . . . zvichitarira kuti zvisikwa zvimene zvisunungurwewo pauranda hwokuora, zviiswe pakusunungurwa [kune mbiri, NW] kwavana vaMwari.”—VAROMA 8:20, 21.
1. Chibayiro chaJesu chakafananidzirwa sei paZuva Reyananiso?
JEHOVHA akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi sechibayiro chorudzikinuro chakazarura nzira youpenyu hwokudenga kuvanhu 144 000 uye kariro dzisingagumi dzapasi kuvanhu vose vasara. (1 Johane 2:1, 2) Sezvataurwa munyaya yapfuura, chibayiro chaJesu nokuda kwevaKristu vakaberekwa nomudzimu chakafananidzirwa apo muprista mukuru waIsraeri aibayira nzombe sechipiriso chezvivi nokuda kwake pachake, mhuri yake, uye rudzi rwaRevhi paZuva Reyananiso regore negore. Pazuva rimwe chetero, aibayira mbudzi sechipiriso chezvivi nokuda kwavamwe vaIsraeri vose, kungofanana nechibayiro chaKristu chichabetsera vanhu vose. Mbudzi mhenyu yokufananidzira yaitakura zvivi zvose zvevanhu zvegore rainge rapfuura, ichinyangarika murenje.a—Revhitiko 16:7-15, 20-22, 26.
2, 3. Chii chinorehwa nokutaura kwaPauro kwakanyorwa pana VaRoma 8:20, 21?
2 Pashure pokurondedzera tariro yevanhu vaizova “vana vaMwari” vokudenga, muapostora Pauro akati: “Zvisikwa zvinotarisisa zvikuru zvichimirira kuratidzwa kwavanakomana vaMwari. Nokuti zvisikwa zvose zvakaiswa pasi pezvisingagari, zvisingadi hazvo, asi nokuda kwaiye wakazviisa pasi pazvo, zvichitarira kuti zvisikwa zvimene zvisunungurwe pauranda hwokuora, zviiswe pakusunungurwa [kune mbiri, NW] kwavana vaMwari.” (VaRoma 8:14, 17, 19-21) Kutaura uku kunorevei?
3 Apo tateguru wedu Adhama akasikwa semunhu akakwana, akanga ari “mwanakomana [kana kuti, mwana] waMwari.” (Ruka 3:38) Nemhaka yokutadza, akapinda mu“uranda hwokuora” uye akapfuudza mugariro uyu kumhuri yevanhu. (VaRoma 5:12) Mwari akabvumira vanhu kuberekwa vane kariro ye“zvisingagari” nemhaka yokusakwana kwavo kwakagarwa nhaka, asi akapa tariro kupfurikidza ne“mbeu,” Jesu Kristu. (Genesi 3:15; 22:18; VaGaratia 3:16, NW) Zvakazarurwa 21:1-4 inotaura nezvenguva apo ‘rufu, kuchema, kurira, uye kurwadziwa zvichave zvisisipo.’ Sezvo ichi chiri chipikirwa ku“vanhu,” chinotivimbisa kuti nzanga itsva yevanhu yepasi vanorarama mukutonga kwoUmambo ichadzorerwa kuutano hwakakwana hwendangariro nomuviri uye kuupenyu husingaperi se“vana vaMwari” vapasi. MuKutonga Kwamakore Ane Chiuru kwaKristu, vanhu vanoteerera “[vachasunungurwa, NW] pauranda hwokuora.” Pashure pokubvumikisa kuva vakavimbika kuna Jehovha mukuedzwa kwokupedzisira, vachasununguka nokusingaperi muchivi norufu zvakagarwa nhaka. (Zvakazarurwa 20:7-10) Avo vari pasi pano panguva iyoyo vachava no“kusunungurwa [kune mbiri, NW] kwavana vaMwari.”
Vari Kuti “Uya!”
4. Ku“tor[a] mvura youpenyu [u]singatengi” kunorevei?
4 Itariro inoshamisa zvakadini iri pamberi pevanhu! Hazvishamisi kuti vaKristu vakaberekwa nomudzimu vachiri pasi pano vari kutungamirira nokushingaira mukuudza vamwe pamusoro payo! Seavo vachava rutivi rwe“mwenga” weGwayana rakapiwa mbiri, Jesu Kristu, vakasarira vakazodzwa vari kubatanidzwa mukuzadzika uporofita hwemashoko aya: “Mweya nomwenga vanoti: Uya! Naiye unonzwa ngaati: Uya! Une nyota ngaauye. Unoda ngaatore mvura youpenyu husingaperi asingatengi.” (Zvakazarurwa 21:2, 9; 22:1, 2, 17) Aiwa, betsero dzechibayiro chorudzikinuro chaJesu hadzina kuganhurirwa kuvakazodzwa vane 144 000. Mudzimu waMwari unoramba uchishanda kupfurikidza nevakasarira veboka romwenga vari pasi mukuti “Uya.” Munhu upi noupi anonzwa ane nyota yokururama anokokwa kuzotaura kuti “Uya,” achizvibetsera negadziriro yorupo yaJehovha yorudzikinuro.
5. Zvapupu zvaJehovha zvinofara kuva navanaani pakati pazvo?
5 Zvapupu zvaJehovha zvinotenda gadziriro yaMwari youpenyu kupfurikidza naJesu Kristu. (Mabasa 4:12) Zvinofara kuva nevakatendeseka pakati pazvo vanoshuva kudzidza pamusoro pezvinangwa zvaMwari ndokuita kuda kwake. Horo dzazvo dzoUmambo dzakazaruka kuvose vanoshuva ‘kuuya ndokunwa mvura youpenyu pachena’ mu“nguva [ino] yokupedzisira.”—Dhanieri 12:4.
Kuchinja Kwakaitika Mukufamba Kwenguva
6. Mudzimu waMwari wakashanda sei pavabatiri vaJehovha munhambo dzenguva dzakasiyana-siyana?
6 Mwari ane nguva yokuita zvinangwa zvake, uye izvi zvinotapura kubata kwake nevanhu. (Muparidzi 3:1; Mabasa 1:7) Kunyange zvazvo mudzimu waMwari wakauya pavabatiri vake nguva dzechiKristu dzisati dzasvika, havana kuberekwa sevanakomana vake vomudzimu. Kutanga naJesu, zvisinei, nguva yaJehovha yakanga yasvika yokuti ashandise mudzimu mutsvene kubereka varume nevakadzi vakazvitsaurira kunhaka yokudenga. Uye zvakadini nezuva redu? Mudzimu mumwe chetewo uri kushanda pa“mamwe makwai” aJesu, asi hausi kunyandura mavari tariro nechishuvo choupenyu hwokudenga. (Johane 10:16) Vane upenyu husingaperi muparadhiso yapasi setariro yavo yavakapiwa naMwari, nomufaro vanotsigira vakasarira vakazodzwa mukupa uchapupu munguva ino yokuchinja kubva munyika yekare kuenda kunyika itsva yaMwari yakarurama.—2 Petro 3:5-13.
7. Ibasai rokukohwa raiitirwa hanya neVadzidzi veBhaibheri, asi vakazivei pamusoro peparadhiso?
7 Mwari akatanga ‘kupa mbiri vanakomana vakawanda’ nokudururwa kwomudzimu mutsvene paPendekosti ya33 C.E., uye sezviri pachena akagadza nguva yokupedza “Israeri waMwari” womudzimu ane hwerengedzo ye144 000. (VaHebheru 2:10; VaGaratia 6:16, NW; Zvakazarurwa 7:1-8) Kuvambira muna 1879, basa rokukohwa raibatanidza vaKristu vakazodzwa kazhinji kazhinji raidudzwa mumagazini ino. Asi Vadzidzi veBhaibheri (zvino vanonzi Zvapupu zvaJehovha) vaizivawo kuti Magwaro anopa tariro youpenyu husingaperi muparadhiso yapasi. Somuenzaniso, chinyorwa cheWatch Tower chaJuly 1883 chakati: “Apo Jesu anenge agadza umambo hwake, aparadza uipi, zvichingodaro, pasi rino richava paradhiso, . . . uye vose vari mumakuva avo vachapinda mairi. Uye kupfurikidza nokuteerera mitemo yahwo vangararama nokusingaperi mairi.” Sezvo nguva yakapfuura, kukohwewa kwevakazodzwa kwakaderera, uye pashoma napashoma vanhu vakanga vasina tariro yokudenga vakaunganidzirwa musangano raJehovha. Munguvayi, Mwari akapa vabatiri vake vakazodzwa, vaKristu vakaberekwazve, nzwisiso inoshamisa.—Dhanieri 12:3; VaFiripi 2:15; Zvakazarurwa 14:15, 16.
8. Kunzwisisa tariro yapasi kwakatanga sei mukuvamba kwama1930?
8 Zvikurukuru kubva muna 1931 avo vane tariro yapasi vakatanga kusonganirana neungano yechiKristu. Mugore iroro, Jehovha akavhenekera vakasarira vevaKristu vakaberekwa nomudzimu kuti vaone kuti Ezekieri ganhuro 9 inonongedzera kuboka iri rapasi, avo vari kuiswa chiratidzo chokupukunyuka vachipinda munyika itsva yaMwari. Muna 1932 zvakagumiswa kuti vakafanana nemakwai vomuzuva razvino uno vakadaro vakafananidzirwa nemusonganiri waJehu Jonadabhi (Jehonadabhi). (2 Madzimambo 10:15-17) Muna 1934 zvakajekeswa kuti “vanaJonadabhi” vaifanira ku“zvipa,” kana kuti kuzvitsaurira, kuna Mwari. Muna 1935 “vazhinjizhinji,” kana kuti “boka guru”—vaimborangarirwa kuva boka romudzimu rechipiri raizova “shamwari” dzemwenga waKristu mudenga—vakazivikanwa semamwe makwai ane tariro yapasi. (Zvakazarurwa 7:4-15; 21:2, 9; Pisarema 45:14, 15) Uye zvikurukuru kubva muna 1935 vakazodzwa vave vachitungamirira mukutsvaka vanhu vakarurama vanoshuva kurarama nokusingaperi muparadhiso yapasi.
9. Pashure pa1935, nei vamwe vaKristu vakarega kudya zviratidzo paChirairo chaShe?
9 Pashure pa1935 vamwe vaKristu vaidya chingwa newaini paChirairo chaShe vakarega kudya. Nei? Nokuti vakaziva kuti tariro yavo yakanga iri yapasi, kwete yokudenga. Mumwe mukadzi akabhabhatidzwa muna 1930 akati: “Kunyange zvazvo [kudya] kwairangarirwa kuva chinhu chakarurama chokuita, zvikurukuru kuvashumiri venguva yakazara vanoshingaira, handina kumbopwiswa kuti ndakanga ndine tariro yokudenga. Ipapo, muna 1935, zvakajekeswa kwatiri kuti kwakanga kuchiunganidzwa boka guru rine tariro yokurarama nokusingaperi pasi pano. Vakawanda vedu takafara kunzwisisa kuti takanga tiri rutivi rweboka guru iroro, uye takarega kudya zviratidzo.” Kunyange zvinyorwa zvechiKristu zvakachinja munhau. Nepo izvo zvemakore ekare zvakanga zvakagadzirirwa zvikurukuru vateveri vakaberekwa nomudzimu vaJesu, kubva muna 1935 zvichienda mberi Nharireyomurindi nemamwe mabhuku e‘muranda akatendeka’ zvakagovera zvokudya zvomudzimu zvaikodzera zvinodikanwa zvavose vari vaviri vakazodzwa uye vasonganiri vavo vane tariro yapasi.—Mateo 24:45-47.
10. Mumwe wevakazodzwa asina kutendeka angatsiviwa sei?
10 Ngatitii mumwe wevakazodzwa anova asina kutendeka. Anotsiviwa here? Pauro akaratidzira zvakati kuti mukukurukura kwake nezvemuti wemuorivhi wokufananidzira. (VaRoma 11:11-32) Kana mumwe wevakazodzwa achida kutsiviwa, zvimwe Mwari angapa kudanwa kwokudenga kumumwe munhu ave ane kutenda kwomuenzaniso mukumuitira basa rinoyera kwemakore akawanda.—Enzanisa naRuka 22:28, 29; 1 Petro 1:6, 7.
Zvikonzero Zvakawanda Zvokuonga
11. Pasinei zvapo norudzi rwetariro yedu, Jakobho 1:17 inotivimbisa chii?
11 Kupi nokupi kwatinobatira Jehovha nokutendeka, achagutsa zvinodikanwa zvedu nezvishuvo zvakarurama. (Pisarema 145:16; Ruka 1:67-74) Tingava tine tariro dzechokwadi dzokudenga kana kuti tariro yedu iri yapasi, tine zvikonzero zvakawanda zvakanaka zvokuonga Mwari. Nguva dzose anoita zvinhu zvakanakira zvikuru avo vanomuda. Mudzidzi Jakobho akataura kuti “zvipo zvose zvakanaka nezvipiwa zvinobva kumusoro, zvichiburuka kuna Baba vezviedza,” Jehovha Mwari. (Jakobho 1:17) Ngaticherekedzei zvishomanene zveizvi zvipo nezvikomborero.
12. Nei tichigona kutaura kuti Jehovha akapa mumwe nomumwe wevabatiri vake vakatendeka tariro yakaisvonaka?
12 Jehovha akapa mumwe nomumwe wevabatiri vake vakatendeka tariro yakaisvonaka. Akadanira vamwe kuupenyu hwokudenga. Kuzvapupu zvake zvomunguva yakatangira chiKristu, Jehovha akapa tariro yakaisvonaka yokumukira kuupenyu husingaperi muparadhiso yapasi. Somuenzaniso, Abrahama aitenda rumuko uye akamirira “guta rine nheyo”—Umambo hwokudenga maachamutsirwa kuti ararame upenyu hwapasi. (VaHebheru 11:10, 17-19) Zvekare, munguva ino yomugumo, Mwari ari kupa mamiriyoni tariro youpenyu husingaperi muparadhiso yapasi. (Ruka 23:43; Johane 17:3) Chokwadi, ani naani akapiwa tariro yakaisvonaka yakadaro naJehovha anofanira kuionga zvikuru.
13. Mudzimu mutsvene waMwari wakashanda sei pavanhu vake?
13 Jehovha anopa mudzimu mutsvene wake sechipo kuvanhu vake. VaKristu vanopiwa tariro yokudenga vanozodzwa nomudzimu mutsvene. (1 Johane 2:20; 5:1-4, 18) Asi, vabatiri vaMwari vane kariro dzapasi vane betsero yomudzimu nenhungamiro. Pakati paivava paiva naMosesi, akanga ane mudzimu waJehovha, uyewo varume 70 vakagadzwa kuti vamubetsere. (Numeri 11:24, 25) Mupesvedzero yemudzimu mutsvene, Bhezareri akashanda semhizha ine unyanzvi mukugadzira tabhernakeri yaIsraeri. (Eksodho 31:1-11) Mudzimu waMwari wakauya pana Gidheoni, Jefta, Samsoni, Eria, Erisha, nevamwe. Kunyange zvazvo ava vanhu vomunguva dzekare vasati vachizopiwa mbiri yokudenga, vakatungamirirwa nokubetserwa nomudzimu mutsvene, sezvinoitwa mamwe makwai aJesu nhasi. Naizvozvo, ipapoka, kuva nomudzimu waMwari hakurevi kuti somugumisiro takadanwa kudenga. Zvisinei, mudzimu waJehovha unopa nhungamiro, unotibetsera kuparidza ndokuita mimwe migove yatakapiwa naMwari, unotipa simba rinopfuura renguva dzose, uye unobereka matiri zvibereko zvorudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, mutsa, kunaka, kutenda, unyoro, uye kuzvidzora. (Johane 16:13; Mabasa 1:8; 2 VaKorinte 4:7-10; VaGaratia 5:22, 23) Hatifaniri kuonga here ichi chipo chenyasha chinobva kuna Mwari?
14. Tinobetserwa sei nezvipo zvaMwari zvezivo nouchenjeri?
14 Zivo nouchenjeri zvipo zvinobva kuna Mwari zvatinofanira kuonga, kana tariro yedu iri yokudenga kana kuti yapasi. Zivo yakarurama yaJehovha inotibetsera “[kuidza ndokuziva] kuti zvakanaka ndezvipi” uye kuti ti“fambe sezvinofanira Ishe, [ti]chimufadza pazvinhu zvose.” (VaFiripi 1:9-11; VaKorose 1:9, 10) Uchenjeri hwaMwari hunobatira sedziviriro nenhungamiro muupenyu. (Zvirevo 4:5-7; Muparidzi 7:12) Zivo yechokwadi nouchenjeri zvakavakirwa paShoko raMwari, uye vakasarira vakazodzwa vanokwezverwa zvikurukuru kuzvarinotaura pamusoro petariro yavo yokudenga. Zvisinei, kuda Shoko raMwari nenzwisiso yaro yakanaka hazvisi nzira yaMwari yokuratidza kana takadanirwa kuupenyu hwokudenga. Varume vakadai saMosesi naDhanieri vakatonyora zvikamu zveBhaibheri, asi vachamutsirwa kuupenyu hwapasi pano. Kana tariro yedu iri yokudenga kana kuti yapasi, tose zvedu tinogamuchira zvokudya zvomudzimu kupfurikidza no“muranda wakatendeka, wakangwara” akatenderwa waJehovha. (Mateo 24:45-47) Tose zvedu tinoonga sei zivo yakawanwa somugumisiro!
15. Ndechipi chiri chimwe chezvipo zvikurusa zvaMwari, uye unochirangarira sei?
15 Gadziriro yorudo yechibayiro chorudzikinuro chaJesu chimwe chezvipo zvikurusa zvaMwari, icho chinotibetsera kana tine tariro yokudenga kana kuti tariro yapasi. Mwari akada vanhu “nokudaro, kuti wakapa Mwanakomana wake wakaberekwa mumwe oga, kuti ani naani unotenda kwaari, arege kufa, asi ave noupenyu husingaperi.” (Johane 3:16) Uye rudo rwaJesu rwakamusunda “kupa upenyu hwake ruve rudzikinuro rwavazhinji.” (Mateo 20:28) Sezvakatsanangura muapostora Johane, Jesu Kristu “ndiye mudzikinuri wezvivi zvedu [zvevakazodzwa]; haazi wezvivi zvedu bedzi, asi wezvivi zvenyika yosewo.” (1 Johane 2:1, 2) Nokudaro, tose zvedu tinofanira kuonga zvikuru iyi gadziriro yorudo yokuponeswa kuupenyu husingagumi.b
Uchava Uripo Here?
16. Chiitikoi chicharangarirwa pashure pokuvira kwezuva musi waApril 11, 1998, uye ndivanaani vanofanira kuvapo?
16 Kuonga rudzikinuro rwakagoverwa naMwari kupfurikidza neMwanakomana wake kunofanira kutisunda kuva paHoro dzoUmambo kana kuti dzimwe nzvimbo idzo Zvapupu zvaJehovha zvichaungana pashure pokuvira kwezuva musi waApril 11, 1998, kuti zvirangarire rufu rwaKristu. Paakatanga kuchengeta uku nevaapostora vake vakatendeka muusiku hwokupedzisira hwoupenyu hwake hwapasi, Jesu akati: “Itai izvi, mugondirangarira.” (Ruka 22:19, 20; Mateo 26:26-30) Vakasarira vashomanene vakazodzwa vachadya chingwa chisina mbiriso, chinomirira muviri womunhu usina chivi waJesu, uye waini tsvuku isina kuviriswa inoreva ropa rake rakadururwa muchibayiro. VaKristu vakaberekwa nomudzimu bedzi vanofanira kudya nokuti ndivo bedzi vari musungano itsva uye musungano yoUmambo uye vane kupupurirwa kusingarambwi kwomudzimu mutsvene waMwari kwokuti tariro yavo ndeyokudenga. Mamiriyoni evamwe achava aripo sevacherekedzi vanoremekedza vanoonga rudo rwakaratidzwa naMwari naKristu muzvine chokuita nechibayiro chaJesu icho chinoita kuti upenyu husingagumi hubvire.—VaRoma 6:23.
17. Chii chatinofanira kuyeuka pamusoro pokuzodzwa nomudzimu?
17 Zvaichimbova zvitendero zvorudzidziso, mirangariro yakasimba inoparirwa norufu rwemudiwa, zvinetso zvoupenyu hwapasi, kana kuti kufunga kuva vakagamuchira chikomborero chaicho chakati chinobva kuna Jehovha zvingatungamirira vamwe kukanganisa kufunga kuti upenyu hwokudenga ndehwavo. Asi tose zvedu tinofanira kuyeuka kuti Mwagwaro haatirayiri kudya zviratidzo zveChirangaridzo kuti tiratidze kuonga kwedu chibayiro chorudzikinuro chaKristu. Uyezve, kuzodzwa nomudzimu haku“bvi kune anoda, kana kune unomhanya, asi kuna Mwari,” Uyo akabereka Jesu seMwanakomana womudzimu uye uyo anopa mbiri kuvamwe vanakomana 144 000 bedzi.—VaRoma 9:16; Isaya 64:8.
18. Kuvazhinjisa vari kubatira Jehovha nhasi, zvikomboreroi zviri mberi?
18 Upenyu husingaperi muparadhiso yapasi itariro yakapiwa naMwari kuvazhinjisa vavanhu vari kubatira Mwari mumazuva ano okupedzisira. (2 Timotio 3:1-5) Nokukurumidza, vachafarikanya paradhiso iyi yakaisvonaka. Ipapo machinda achatarisira zvinhu zvapasi mukutonga kwokudenga. (Pisarema 45:16) Rugare ruchavapo sezvo vagari vapasi vanotsinhirana nemitemo yaMwari ndokudzidza zvakawanda pamusoro penzira dzaJehovha. (Isaya 9:6, 7; Zvakazarurwa 20:12) Kuchava nebasa rakawanda rokuita, kuvaka misha nokukurira pasi. (Isaya 65:17-25) Uye funga nezvekubatanazve kwemhuri kunofadza sezvo vakafa vanodzoka kuupenyu! (Johane 5:28, 29) Pashure pomuedzo wokupedzisira, uipi hwose huchava hwapera. (Zvakazarurwa 20:7-10) Nokusingaperi pashure pezvo, pasi richazadzwa nevanhu vakakwana vano‘sunungurwa muuranda hwokuora uye vane rusununguko rune mbiri rwevana vaMwari.’
[Mashoko Omuzasi]
a Ona Insight on the Scriptures, Vhoriyamu 1, mapeji 225-6.
Waizopindura Sei?
◻ Ku“tor[a] mvura youpenyu [u]singatengi” kunorevei?
◻ Kana tariro yedu iri yokudenga kana kuti yapasi, zvikonzeroi zvatinazvo zvokuonga Mwari?
◻ Kuchengetwai kwegore negore kwatinofanira kupinda tose zvedu?
◻ Kuvazhinjisa vevanhu vaJehovha, nguva yemberi inei?
[Mufananidzo uri papeji 18]
Mamiriyoni atotanga ku‘tora mvura youpenyu asingatengi.’ Uri pakati pavo here?