CHITSAUKO 14
Unogona Kubatsirwa Nesungano Itsva
1. Jeremiya akazadzisa basa ripi raiva nezvikamu zviviri?
JEHOVHA akapa Jeremiya basa raiva nezvikamu zviviri. Chimwe chikamu chaiva ‘chokudzura nokukoromora nokuparadza nokuputsa.’ Chimwe chaiva ‘chokuvaka nokudyara.’ Muprofita wacho akazadzisa chikamu chokutanga nokufumura uipi hwevaJudha vaidada, achitaura nezvokutongwa kwavaizoitwa naMwari uye kwaizoitwa Bhabhironi. Asi uprofita hwaJeremiya hwaisanganisira tariro yeramangwana. Akafanotaura nezvekuvakwa kwezvakanga zvarongwa naMwari kuti zvivakwe uye kudyarwa kwezvaakanga aronga. Somuenzaniso, Jeremiya aizadzisa chikamu chechipiri chebasa rake paakataura nezvokudzorerwa kwevaJudha kunyika yavo.—Jer. 1:10; 30:17, 18.
2. Nei Jehovha akatonga vanhu vake uye akazviita kusvika papi?
2 Jeremiya paakataura nezvokudzorerwa hazvina kureva kuti Mwari aizotanga akomborera vanhu vake kana kuita zvinhu zvaipesana nekururamisira kwake. Kwete, aizotonga vaJudha vaipanduka. (Verenga Jeremiya 16:17, 18.) Munguva yakararama Jeremiya muJerusarema maiva nevashomanana ‘vairuramisira’ kana “kutsvaka kutendeka,” uye mwoyo murefu waJehovha wakanga wasvika paunoperera. Akati: “Ndaneta nokuzvidemba.” (Jer. 5:1; 15:6, 7) VaJudha ivavo vakanga ‘vadzokera kuzvikanganiso zvemadzitateguru avo okutanga, ayo akaramba kuteerera’ mashoko aJehovha. Uyewo vakatsamwisa Mwari nokuita upombwe navanamwari venhema. (Jer. 11:10; 34:18) Jehovha aizoruramisa vanhu vake, kunyange kuvaranga “zvakakodzera.” Nokudaro vamwe vaizopengenuka vodzoka kwaari.—Jer. 30:11; 46:28.
3. Nei uchifanira kufunga nezvouprofita hunotaura nezvesungano itsva?
3 Mwari akashandisa Jeremiya kuti afanotaura nezvechimwe chinhu chaizobatsira zvikuru uye kwenguva refu—sungano itsva. Pakufunga nezvouprofita hwakanyorwa naJeremiya, tine chikonzero chakanaka chokuisa pfungwa pachinhu ichi chinopa tariro: sungano itsva. Yaifanira kutsiva sungano iyo Jehovha akanga aita nevaIsraeri pashure poKubuda kwavo, Mosesi ari murevereri wayo. (Verenga Jeremiya 31:31, 32.) Paakatanga Kudya kwaShe Kwemanheru, Jesu Kristu akataura nezvesungano itsva iyi, saka inokosha zvechokwadi kwatiri. (Ruka 22:20) Muapostora Pauro akataura nezvesungano iyi paainyorera vaHebheru. Akadzokorora uprofita hwaJeremiya uye akasimbisa kukosha kwesungano yacho itsva. (VaH. 8:7-9) Asi sungano itsva chii chaizvoizvo? Nei yaidiwa? Ndivanaani vanobatanidzwa, uye iwe pachako ungabatsirwa sei? Ngationei.
NEI SUNGANO ITSVA YAIDIWA?
4. Sungano yoMutemo yakapedzei?
4 Kuti tinzwisise sungano itsva, tinofanira kutanga tanzwisisa chinangwa cheyokutanga, sungano yoMutemo. Yaizozadzisa zvinangwa zvakanaka zvinoverengeka nokuda kwerudzi rwacho rwaimirira Mwana akapikirwa, aizoshandiswa pakukomborera vazhinji. (Gen. 22:17, 18) VaIsraeri pavakabvuma sungano yoMutemo, vakava ‘pfuma chaiyo’ yaMwari. Pasi pesungano iyoyo, mudzinza revaRevhi ndimo maibva vapristi verudzi rwacho. Pakuita sungano iyoyo pakati pake nevaIsraeri paGomo reSinai, Jehovha akataura nezve“umambo hwevapristi norudzi rutsvene” asi haana kuzivisa kuti izvozvo zvaizoitika rini uye sei. (Eks. 19:5-8) Kusvikira izvozvo zvaitika, sungano iyoyo yakabudisa pachena kuti vaIsraeri vaisagona kuchengeta Mutemo muzvinhu zvose. Saka yakaita kuti zvivi zvavo zvibude pachena. Saka pasi peMutemo, vaIsraeri vaifanira kugara vachipa zvibayiro zvokufukidza zvivi zvavo. Asi zviri pachena kuti paiva nezvimwe zvaidiwa, chibayiro chakakwana chaisazodzokororwa. Chokwadi, paidiwa chaizvo kuti zvivi zvikanganwirwe nokusingaperi.—VaG. 3:19-22.
5. Nei Jehovha akafanotaura nezvesungano itsva?
5 Nokudaro, tinogona kutanga kuona kuti nei Mwari akaita kuti Jeremiya ataure nezveimwe sungano, sungano itsva, kunyange sungano yoMutemo payakanga ichiri kushanda. Pamusana perudo rwake nemutsa, Jehovha aida kuti pave nerubatsiro rusingaperi kumarudzi akawanda. Achishandisa Jeremiya, Mwari akataura nezvevaya vaizova musungano iyi yomunguva yemberi achiti: “Ndichakanganwira kukanganisa kwavo, uye handizoyeukizve chivi chavo.” (Jer. 31:34) Kunyange zvazvo vimbiso iyoyo yakapiwa munguva yaJeremiya, inopa tariro inoshamisa kumarudzi ose evanhu. Sei?
6, 7. (a) Vamwe vanonzwa sei nezvekuva kwavo nezvivi? (b) Nei kufunga nezvesungano itsva kungakukurudzira?
6 Tichiri vanhu vasina kukwana uye kazhinji tinoziva chokwadi ichi. Izvi zvinooneka pane zvakaitika kune imwe hama yairwisana nedambudziko rakakura. Yakati: “Pandakatangazve kuita zvandainge ndamborega, ndakanetseka zvikuru. Ndakafunga kuti ndaisazombofa ndakakwanisa kubhadhara zvandakanga ndaita. Ndaiomerwa nokunyengetera. Ndaitanga nokuti, ‘Jehovha handizivi kana muchanzwa munyengetero uno asi . . . ’” Vamwe vakatangazve kuita zvavainge vamborega kana kuti vakaita chivi vakanzwa sokuti “gore gobvu” raivhara minyengetero yavo kuti isasvika kuna Mwari. (Mari. 3:44) Vamwe vakatambura nokufunga zvavakakanganisa, makore akawanda pashure pokunge zvaitika. Kunyange vamwe vaKristu vanoita zvakanaka vangataura zvinhu zvavanozodemba.—Jak. 3:5-10.
7 Hapana mumwe wedu anofanira kufunga kuti hatimbofi takaita zvinhu zvisina kukodzera. (1 VaK. 10:12) Kunyange muapostora Pauro aiziva kuti aitadza. (Verenga VaRoma 7:21-25.) Panyaya iyi tinofanira kufunga nezvesungano itsva. Mwari akavimbisa kuti chimwe chinhu chinokosha pasungano itsva chaizova chokuti haazoyeukizve zvivi. Chokwadi ichi chikomborero chisingaenzaniswi! Kufanotaura izvi kunofanira kunge kwakafadza Jeremiya, uye tinogona kufadzwawo patinodzidza zvakawanda nezvesungano itsva toona kubatsirwa kwatinoitwa nayo.
Nei Mwari akaita kuti pave nesungano itsva?
CHII CHINONZI SUNGANO ITSVA?
8, 9. Jehovha akarasikirwa nei kuti kukanganwirwa kwezvivi kuvepo?
8 Paunosvika pakuziva Jehovha zviri nani, unowedzera kuziva kuti ane mutsa nengoni zvakadini kuvanhu vasina kukwana. (Pis. 103:13, 14) Pakufanotaura nezvesungano itsva, Jeremiya akazivisa kuti Jehovha ‘aizokanganwira kukanganisa kwavo’ uye aisazoyeuka zvivi. (Jer. 31:34) Unogona kufungidzira kuti Jeremiya anofanira kunge akanetseka kuti Mwari aizokanganwira sei zvakadaro. Asi aigona kunzwisisa kuti pakutaura nezvesungano itsva, Mwari aireva kuti paizova nechibvumirano pakati pake nevanhu. Neimwe nzira, kuburikidza nesungano itsva, Jehovha aizozadzisa zvaakafuridzira Jeremiya kuti ataure, kusanganisira kukanganwira. Zvimwe zvaizobuda Mwari paaizowedzera kuzivisa chinangwa chake, kusanganisira zvaizoitwa naMesiya.
9 Ungadaro wakaona vabereki vanotunhidza vana vavo, vasingavarangi. Waizotarisira Jehovha kuti adaro here? Kwete! Izvi zvinonyatsooneka pakushanda kwakaita sungano itsva. Pane kungodzima zvivi chete, Mwari akaita zvinoenderana nokururamisira kwake nokupa nzira yepamutemo yokuti zvivi zvikanganwirwe, achirasikirwa zvikuru nokuita izvozvo. Unogona kunzwisisa izvi nokuona zvakanyorwa naPauro paaikurukura nezvesungano itsva. (Verenga VaHebheru 9:15, 22, 28.) Pauro akataura nezve‘kusunungurwa norudzikinuro’ uye akati “kana ropa rikasadururwa hapana kukanganwirwa kunovapo.” Musungano itsva, izvi zvaisareva ropa rechibayiro renzombe kana mbudzi seraipiwa pasi peMutemo. Kwete, sungano itsva yakaitwa kuti ishande kuburikidza neropa raJesu. Nemhaka yechibayiro ichocho chakakwana, Jehovha aigona ‘kukanganwira kukanganisa nechivi’ zvachose. (Mab. 2:38; 3:19) Asi ndivanaani vaizova musungano itsva iyi vokanganwirwa? Rwaisava rudzi rwevaJudha. Jesu akati Mwari aizoramba vaJudha, vaya vaipa zvibayiro zvemhuka pasi peMutemo, uye aizotsvaka rumwe rudzi. (Mat. 21:43; Mab. 3:13-15) Irworwo rwakaratidza kuva “Israeri waMwari” anoumbwa nevaKristu vakazodzwa nemudzimu mutsvene. Kutaura zvazviri, sungano yeMutemo yaiva pakati paMwari naIsraeri chaiye, uye sungano itsva iri pakati paJehovha Mwari naIsraeri womudzimu, Jesu ari Murevereri wayo.—VaG. 6:16; VaR. 9:6.
10. (a) Ndiani “nhungirwa” yaDhavhidhi? (b) Vanhu vangabatsirwa sei ne“nhungirwa” yacho?
10 Jeremiya akataura nezveaiuya, Mesiya, se“nhungirwa” yaDhavhidhi. Izvozvo zvakakodzera. Kunyange paiprofita Jeremiya, muti wemhuri yaDhavhidhi youmambo wakatemwa. Zvisinei, chigutsa chacho chakanga chisina kufa. Nokufamba kwenguva, Jesu akaberekwa mudzinza raMambo Dhavhidhi. Aigona kunzi “Jehovha Ndiye Kururama Kwedu,” kuratidza kuti Mwari anoda chaizvo unhu ihwohwo. (Verenga Jeremiya 23:5, 6.) Jehovha akabvumira kuti Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga atambure pasi pano uye kuti afe. Maererano nekururamisira, Mwari aigona kubva ashandisa kukosha kwechibayiro chorudzikinuro che“nhungirwa” yaDhavhidhi sechinhu chaizoita kuti zvivi zvikanganwirwe. (Jer. 33:15) Izvi zvakaita kuti vamwe vanhu vanzi “vakarurama nokuda kwoupenyu” uye kuti vazodzwe nemudzimu mutsvene, vachiva musungano itsva. Sehumwe uchapupu hunoratidza kuti Mwari anoda kururamisira, vamwe vasiri musungano iyoyo zvakananga vanogona kubatsirwa nayo, sezvatichaona.—VaR. 5:18.
11. (a) Mutemo wesungano itsva wakanyorwa pai? (b) Nei “mamwe makwai” achifarira mutemo wesungano itsva?
11 Ungada here kuziva zvimwe zvinoita kuti sungano itsva ive yakasiyana? Mumwe musiyano mukuru pakati payo nesungano yoMutemo waMosesi uri padzainge dzakanyorwa. (Verenga Jeremiya 31:33.) Mirayiro Gumi yesungano yoMutemo yakanga yakanyorwa pamahwendefa ematombo, ayo akazotsakatika. Kusiyana naizvozvo, Jeremiya akaprofita kuti mutemo wesungano itsva waizonyorwa mumwoyo yevanhu, uye waizoramba uripo. Vaya vari musungano itsva, vaKristu vakazodzwa vanokoshesa mutemo uyu zvechokwadi. Zvakadini nevaya vasiri musungano itsva zvakananga, ve“mamwe makwai,” vanotarisira kurarama nokusingaperi panyika? (Joh. 10:16) Ava vanofarirawo mutemo waMwari. Mupfungwa yakati, vakaita sevatorwa vaiva muIsraeri, vakabvuma Mutemo waMosesi ndokubatsirwa nawo.—Revh. 24:22; Num. 15:15.
12, 13. (a) Mutemo wesungano itsva chii? (b) Pasi pe“mutemo waKristu,” nei usingafaniri kunzwa uchimanikidzwa kushumira Mwari?
12 Waizopindura sei kana ukabvunzwa kuti, ‘Mutemo uyu wakanyorwa mumwoyo mevaKristu vakazodzwa chii?’ Mutemo uyu unonziwo “mutemo waKristu.” Wakatanga kupiwa kuvaIsraeri vomudzimu, vaya vari musungano itsva. (VaG. 6:2; VaR. 2:28, 29) Unogona kupfupikisa “mutemo waKristu” neshoko rimwe chete: rudo. (Mat. 22:36-39) Vaya vakazodzwa vanoita sei kuti mutemo uyu uve mumwoyo mavo? Nzira mbiri dzinokosha ndiko kudzidza Shoko raMwari uye kunyengetera kuna Jehovha. Saizvozvowo, izvozvo zvine chokuita nokunamata kwechokwadi zvinofanira kugara zvichiitwa nevaKristu vose vechokwadi, kunyange vaya vasiri musungano itsva asi vanoda kubatsirwa nayo.
13 “Mutemo waKristu” unonzi “mutemo wakakwana worusununguko” uye “mutemo wevanhu vakasununguka.” (Jak. 1:25; 2:12) Vazhinji vakaberekerwa pasi peMutemo waMosesi, asi hapana anoberekerwa musungano itsva kana kuti pasi pemutemo waKristu. Hapana anoteerera mutemo waKristu anomanikidzwa kushumira Mwari. Asi vanofara kuziva kuti mutemo waMwari unogona kunyorwa mumwoyo, uye kuti mazuva ano vanhu vanogona kubatsirwa zvechigarire nesungano yakafanotaurwa naJeremiya.
Mwari akaita sei kuti kukanganwirwa kuvepo kuburikidza nesungano itsva? Ungadzidza sei nezvemutemo wakanyorwa mumwoyo?
VANOBATSIRWA NESUNGANO ITSVA
14. Ndivanaani vanobatsirwa zviri pachena nesungano itsva?
14 Vamwe pavakadzidza kuti vane 144 000 ndivo vari musungano itsva, vangadaro vakafunga kuti ava ndivo chete vanobatsirwa nayo. Zvichida vakafunga kudaro nokuti vakazodzwa ndivo chete vanodya zviratidzo paChirangaridzo cherufu rwaKristu gore negore, waini painenge ichimiririra ‘ropa resungano.’ (Mako 14:24) Zvisinei, yeuka kuti vaya vari musungano itsva vanofanira kuva pamwe naJesu se“mwana” waAbrahamu, achashandiswa kukomborera marudzi ose. (VaG. 3:8, 9, 29; Gen. 12:3) Neimwe nzira, Jehovha achazadzisa vimbiso yake yokukomborera vanhu vose kuburikidza ne“mwana” waAbrahamu achishandisa sungano itsva.
15. Vakazodzwa vakafanotaurwa kuti vaizoita basa ripi?
15 Jesu Kristu, munhu anokosha pambeu yaAbrahamu, anoshumira soMupristi Mukuru, uye akapa chibayiro chakakwana chinoita kuti zvivi nokukanganisa zvigone kukanganwirwa. (Verenga VaHebheru 2:17, 18.) Asi Mwari akafanotaura kare nezve“umambo hwevapristi norudzi rutsvene.” (Eks. 19:6) PavaIsraeri chaivo vapristi vaibva mudzinza rimwe chete uye madzimambo aibva mune rimwe dzinza rakasiyana. Saka urwu rudzi rwakavimbiswa rwemadzimambo nevapristi rwaizovapo sei? Muapostora Petro akanyorera tsamba yake yokutanga vaya vakanga vatsveneswa nomudzimu. (1 Pet. 1:1, 2) Akataura nezvavo se“upristi hwoumambo, rudzi rutsvene, vanhu vake chaivo.” (1 Pet. 2:9) Nokudaro, vaKristu vakazodzwa vari musungano itsva vachashumira sevapristi vari pasi paKristu. Funga kuti izvozvo zvinorevei! Zuva nezuva tinotambura nezvinokonzerwa nechivi, icho chichiri ‘kutonga samambo.’ Vaya vachashumira sevapristi vari pasi paKristu vachange vambotamburawo nacho. (VaR. 5:21) Vachange vachiziva kuti munhu anonzwa sei kana akanganisa otambura nokunzwa aine mhosva. Saka pamwe naKristu, vachakwanisa kutinzwira tsitsi sezvatinokurira pfungwa dzokuda kuita chivi.
16. “Boka guru” rinogona kukurudzirwa sei naZvakazarurwa 7:9, 14?
16 Pana Zvakazarurwa 7:9, 14 panooneka “boka guru revanhu” “vakapfeka nguo refu chena,” zvinoreva kuchena pamberi paMwari. Boka guru iroro riri kuumbwa iye zvino kuti rive netariro yokupona pa“kutambudzika kukuru.” Nokudaro, kunyange iye zvino ava vanonzi vakarurama pamberi paMwari. Vari kunzi vakarurama seshamwari dzaJehovha. (VaR. 4:2, 3; Jak. 2:23) Ichi chikomborero zvechokwadi! Kana uri mumwe weboka guru, unogona kuva nechokwadi chokuti Mwari anoda kushanda newe sezvaunoedza kuramba wakachena mukuona kwake.
17. Jehovha ‘haayeukizve’ zvivi mupfungwa ipi?
17 Chii chinoitika kuzvivi zvevaya vanofarirwa naMwari? Sezvatamboona, Jehovha achishandisa Jeremiya akataura kuti: “Ndichakanganwira kukanganisa kwavo, uye handizoyeukizve chivi chavo.” (Jer. 31:34) Mwari anoita izvi kuvakazodzwa pachishandiswa chibayiro chaJesu. Saizvozvowo, Mwari anogona kukanganwira zvivi zveboka guru pachishandiswa “ropa resungano” iroro. Jeremiya zvaanoti Mwari ‘haazoyeukizve’ zvivi hazvirevi kuti zvinenge zvabuda mupfungwa asingadi, otadza kuyeuka zvivi zvacho. Asi zvinoratidza kuti kana Jehovha angopa chirango chakakodzera okanganwira mutadzi anenge apfidza, Mwari anokanda chivi ichocho chekare shure kwake. Funga zvivi zvakaitwa naMambo Dhavhidhi zvine chokuita naBhatishebha naUriya. Dhavhidhi akarangwa uye akarwadziwa nemigumisiro yezvivi zvake. (2 Sam. 11:4, 15, 27; 12:9-14; Isa. 38:17) Asi Mwari haana kuramba akachengetera Dhavhidhi zvivi izvozvo. (Verenga 2 Makoronike 7:17, 18.) Sezvinoratidzwa musungano itsva, kana Jehovha angokanganwira zvivi pachishandiswa chibayiro chaJesu, haazozviyeukizve.—Ezek. 18:21, 22.
18, 19. Sungano itsva ine chidzidzo chipi chine chokuita nokukanganwira?
18 Nokudaro, sungano itsva chinhu chinoshamisa chinoitwa naJehovha kuvanhu vane zvivi, vanosanganisira vakazodzwa vari musungano yacho uye vaya vane tariro yepasi. Unogona kuvimba kuti kana Jehovha angokanganwira zvivi zvako, haazotaurizve nezvazvo. Saka zvakavimbiswa naMwari nezvesungano itsva zvine chidzidzo kune mumwe nemumwe wedu. Zvibvunze kuti, ‘Ndinoedza here kutevedzera Jehovha nokusataura mhosva dzevamwe, zvikanganiso zvandakatoti ndakakanganwira?’ (Mat. 6:14, 15) Izvi zvinoshanda kumhosva duku uye dzakakomba zvikuru, dzakadai sokuti murume kana mudzimai womuKristu anoita upombwe. Kana uya asina mhosva akabvuma kukanganwira mhombwe inenge yapfidza, hazvina kururama here ‘kusazoyeukazve chivi chacho’? Ichokwadi kuti kukanganwa zvikanganiso kungasava nyore, asi ndeimwe nzira yatingatevedzera nayo Jehovha.a
19 Tinogona kushandisa chidzidzo ichi chine chokuita nesungano itsva kunyange kumunhu akadzingwa asi akazopfidza ndokudzorerwa. Ko kana munhu iyeye akaita kuti urasikirwe kana kushatisa zita rako neimwe nzira? Iye zvino akadzorerwa muungano. Zvatinoverenga pana Jeremiya 31:34 zvichaita kuti tifunge sei uye tiitei? Tichakanganwira mutadzi wacho torega kuramba tichitaura nezvokukanganisa kwacho here? (2 VaK. 2:6-8) Chokwadi, vaya vanokoshesa sungano itsva vanofanira kuedza kushandisa izvozvo muupenyu hwavo.
Ungashandisa sei chidzidzo chine chokuita nokukanganwira chinoenzanisirwa musungano itsva?
ZVIKOMBORERO ZVESUNGANO ITSVA PARIZVINO UYE MUNGUVA YEMBERI
20. Mafungiro ako akasiyana sei neevakawanda vomunguva yakararama Jeremiya?
20 Kutaura zvazviri, vaJudha vakawanda munguva yakararama Jeremiya vaiti: “Jehovha haazoiti zvakanaka, uye haazoiti zvakaipa.” (Zef. 1:12) Kunyange zvazvo vaiziva kuti Jehovha ndiani uye zvaakaita, vaifunga kuti hapana zvaaizoita; uye aisazotarisira kuti vave nemararamiro avaifanira kuita. Kunyange zvakadaro, iwe unoziva kuti Mwari haana chaasingaoni. Unotya Mwari zvokumuremekedza uye unoda zvechokwadi kudzivisa kuita zvakaipa. (Jer. 16:17) Asi unozivawo kuti Jehovha ndiBaba vane ngoni. Anocherechedza zvakanaka zvatinoita, vamwe vangave vachizviona kana kuti kwete.—2 Mak. 16:9.
21, 22. Nei usingafaniri hako kuramba uchiudzwa kuti: ‘Ziva Jehovha’?
21 Chinhu chinokosha chesungano itsva ndeichi: “Ndichaisa mutemo wangu mavari, uye ndichaunyora mumwoyo mavo. Ndichava Mwari wavo, . . . Mumwe nomumwe haazodzidzisizve shamwari yake uye mumwe nomumwe hama yake, achiti, ‘Zivai Jehovha!’ nokuti vose vachandiziva.” (Jer. 31:33, 34) Vakazodzwa vari panyika mazuva ano vakaratidza kuti vane mutemo waMwari mavari. Vanoda chokwadi chinowanika mauri, pane kuvimba nezvinodzidziswa nemunhu chero upi zvake. Uye nomufaro vakapawo zivo yeBhaibheri kune vaya vanoumba boka guru. Nokudaro, ava vane tariro yepasi vakasvikawo pakuziva uye kuda Jehovha. Vanoda kuteerera zvaanorayira uye vanovimba nezvaakapikira. Ungangodaro uchikodzera tsanangudzo iyoyo. Unomuziva soMunhu uye une ukama hwepedyo naye. Chokwadi ichocho chikomborero!
22 Wave uchikwanisa sei kusimbisa ukama hwako naJehovha? Hapana mubvunzo kuti unoyeuka nguva dzawakanzwa kuti akapindura minyengetero yako. Zviitiko zvakadaro zvakaita kuti uwedzere kuonga Mwari nezvaari. Ungadaro wakaona kuti ari kukubatsira pawakayeuka rugwaro rwakakubatsira kutsungirira dambudziko. Koshesa zviitiko zvakadaro. Paunoramba uchidzidza Shoko rake, kumuziva kwaunoita kunoramba kuchiwedzera—chikomborero chinoenderera mberi.
23. Kuziva Jehovha kunogona kukusunungura sei pakuzvidya mwoyo nezvinhu zvakapfuura?
23 Pane chimwe chikomborero chakabatana nesungano itsva chatinogona kuwana iye zvino. Kuziva Jehovha somunhu anokanganwira maererano nesungano iyoyo kunogona kutibatsira kuti tisaramba tichinzwa tiine mhaka. Somuenzaniso, vamwe vakabvisa pamuviri vasati vaziva zvinodiwa naMwari vanganzwa vaine mhaka uye kusuruvara nokuti vakagumisa nemaune upenyu hwemunhu akanga achikura. Vamwe vanganzwa saizvozvo nokuti vakauraya vanhu pavakarwa hondo. Chibayiro chaJesu chorudzikinuro—chinokosha pasungano itsva—chinoita kuti vanopfidza zvechokwadi vakanganwirwe. Kana zvakadaro, hatifaniri kuva nechokwadi here chokuti kana Jehovha akanganwira zvivi zvedu, anoona nyaya yacho seyakatogadziriswa? Hatifaniri hedu kuramba tichinetseka nezvivi izvo Jehovha akatokanganwira zvachose.
24. Ungakurudzirwa sei nenhoroondo iri pana Jeremiya 31:20?
24 Tinoona uchapupu hwakajeka hwokukanganwira kwaMwari pana Jeremiya 31:20. (Verenga.) Makumi emakore Jeremiya asati avapo, Jehovha akaranga umambo hwaIsraeri hwokuchamhembe hwemadzinza gumi (hwaimiririrwa naEfremu, dzinza rakakurumbira) pamusana pokunamata zvidhori. Vakaendeswa kuutapwa. Asi Mwari aida zvikuru vanhu verudzi irworwo. Akanga achiri kuvada se“mwana anodiwa.” Paakafunga nezvavo, ura hwake ‘hwakava husina kugadzikana,’ kureva kuti zvakamusvika kutsi kwemwoyo. Nhoroondo iyi, inowanika panotaurwa nezvesungano itsva, inoratidza kuti Jehovha anokanganwira zvikuru vaya vanopfidza zvavakakanganisa.
25. Nei ungaonga Jehovha nokuda kwesungano itsva?
25 Chipikirwa chaJehovha chokukanganwira zvivi kuburikidza nesungano itsva chichasvika pachinoperera pakuguma kwoKutonga kwaKristu kweMakore Ane Chiuru. Jesu Kristu pamwe chete nevapristi 144 000 vanenge vari pasi pake, vachange vaita kuti vanhu vakavimbika vave vakakwana. Pashure pomuedzo wokupedzisira, vanhu vachabva vavawo nhengo dzakakwana dzemhuri yaJehovha yezvisikwa zviri kudenga nepanyika. (Verenga VaRoma 8:19-22.) Kwemazana emakore, vose vave vachigomera vari pasi pejoko rechivi. Zvisinei, zvisikwa zvaJehovha zviri vanhu zvichabva zvava “norusununguko runobwinya rwevana vaMwari,” kusunungurwa pachivi nerufu. Nokudaro, iva nechokwadi chokuti kuburikidza nourongwa hworudo hwesungano itsva, unogona kuwana zvikomborero zvakawanda. Unogona kubatsirwa iye zvino uye nokusingaperi kuburikidza ne“nhungirwa” yaDhavhidhi wowana “kururamisira nokururama munyika.”—Jer. 33:15.
Ungabatsirwa sei nesungano itsva iye zvino uye munguva yemberi?
a Kuda kunoita Mwari kukanganwira kunoenzanisirwa nezvakaitwa naHosiya kuna Gomeri. Ona zvinotaurwa nezvaHosiya 2:14-16 mubhuku rinonzi Rarama Uchifunga Nezvezuva raJehovha, mapeji 128-130.