Tsamba kuvaRoma
4 Kana zvakadaro, tichati Abrahamu tateguru vedu panyama vakawanei? 2 Semuenzaniso, kudai Abrahamu akanzi akarurama nekuda kwemabasa, angadai aine chikonzero chekuzvirumbidza, asi kwete pamberi paMwari. 3 Nekuti rugwaro runotii? “Abrahamu akatenda muna Jehovha,* uye akanzi akarurama.”+ 4 Kana munhu achishanda, mubhadharo waanopiwa haunganzi kungonzwirwawo nyasha, asi kuti mubhadharo wakamukodzera. 5 Asi kumunhu asingashandi asi achitenda muna Mwari uyo anoti munhu ane zvivi akarurama, kutenda kwake kunonzi kururama.+ 6 Sekutaura kunoitawo Dhavhidhi nezvemufaro wemunhu anonzi naMwari akarurama zvisingabvi pamabasa achiti: 7 “Vanofara vaya vakaregererwa mabasa avo ekutyora mutemo, uye vane zvivi zvakafukidzwa;* 8 anofara munhu ane chivi chisingazoyeukwi naJehovha.”*+
9 Saka mufaro uyu unouya pavanhu vakachecheudzwa chete here kana kuti unouyawo pavanhu vasina kuchecheudzwa?+ Nekuti tinoti: “Kutenda kwaAbrahamu kwakaita kuti anzi akarurama.”+ 10 Saka akanzi akarurama zvinhu pazvakanga zvakaita sei? Paakanga achecheudzwa here kana kuti asina kuchecheudzwa? Akanga asati achecheudzwa. 11 Uye akapiwa chiratidzo+ chekuchecheudzwa kuti chive chisimbiso chekururama kwakabva pakutenda kwaaiva nako paakanga asati achecheudzwa, kuti ave baba vevaya vese vanotenda+ vasina kuchecheudzwa, kuti vanzi vakarurama; 12 uye kuti ave baba vevakachecheudzwa, kwete baba vevaya vakangochecheudzwa chete, asi vaya vanofambawo zvakanaka mumakwara ekutenda kwaiva nababa vedu Abrahamu+ vasati vachecheudzwa.
13 Nekuti Abrahamu kana vana vake havana kuvimbiswa kuti vaizogara nhaka yenyika+ nekuti vakanga vachengeta mutemo, asi vakavimbiswa nekuti vakanga vanzi vakarurama zvichibva pakutenda.+ 14 Nekuti kana vaya vanotevedzera mutemo vari vagari venhaka, kutenda kunenge kusisabatsiri uye vimbiso yacho inenge isisashandi. 15 Chokwadi ndechekuti Mutemo unounza kuitirwa hasha,+ asi pasina mutemo, hapanawo kutadza.+
16 Ndokusaka vimbiso yakapiwa nekuda kwekutenda, kuti ive maererano nekungonzwirwawo nyasha,+ kuti ive yechokwadi kuvana vake vese,+ kwete chete kune vanochengeta Mutemo asiwo kune vanotenda sezvaiita Abrahamu, baba vedu tese.+ 17 (Izvi zvakangoita sekunyorwa kwazvakaitwa kuti: “Ndakugadza kuti uve baba vemarudzi mazhinji.”)+ Izvi zvaionekwa naMwari, waakanga atenda maari, uyo anoita kuti vakafa vave vapenyu uye anodana zvinhu zvisipo sekunge zviripo.* 18 Kunyange zvazvo akanga asisina tariro, aiva nekutenda kwaibva patariro, kuti aizova baba vemarudzi mazhinji maererano nezvakanga zvataurwa, kuti: “Ndizvo zvichaita vana* vako.”+ 19 Uye kunyange zvazvo asina kupera simba pakutenda, akafunga nezvemuviri wake, uyo wakanga watoita sewakafa (sezvo akanga ava nemakore angasvika 100),+ uyewo kufa kwechibereko chaSara.*+ 20 Asi nezvaakanga avimbiswa naMwari, haana kuzununguka pakutenda; asi akasimbiswa nekutenda kwake, akakudza Mwari 21 aine chokwadi chakazara chekuti Mwari aikwanisa kuita zvaakanga avimbisa.+ 22 Saka “akanzi akarurama.”+
23 Asi shoko rekuti “akanzi” harina kungonyorerwa iye chete;+ 24 rakanyorerwawo isu tichanzi vakarurama, nekuti tinotenda muna iye akamutsa Jesu Ishe wedu kuvakafa.+ 25 Mwari akabvumira kuti aurayiwe nekuda kwezvitadzo zvedu+ uye akamumutsa kuti tinzi takarurama.+