-
Zvatingaite Kana Tichifanira Kusarudza ZvekuitaRarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
-
-
5. Fungawo nezvehana dzevamwe
Vanhu havasarudze zvakafanana. Tingaratidze sei kuti tinoremekedza hana dzevamwe? Ona mienzaniso miviri:
Muenzaniso wekutanga: Imwe hanzvadzi inofarira zvekupoda-poda inotamira kuungano ine hanzvadzi dzakawanda dzinoshora nyaya yacho.
Verengai VaRoma 15:1 uye 1 VaKorinde 10:23, 24, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo iyi:
Tichishandisa mavhesi aya, hanzvadzi iyi inogona kuita sei? Ungaita sei paunenge uine munhu ane hana inomurambidza kuita chimwe chinhu chaunoona hana yako ichikubvumira kuita?
Muenzaniso wechipiri: Imwe hama inoziva kuti Bhaibheri harirambidze kunwa doro zvine mwero, asi inosarudza kusanwa. Anokokwa kumabiko oona hama dzichinwa.
Verengai Muparidzi 7:16 uye VaRoma 14:1, 10, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo iyi:
Tichishandisa mavhesi aya, hama iyi inogona kuita sei? Ungaita sei kana ukaona mumwe munhu achiita chimwe chinhu chaunoona hana yako isingakubvumire kuita?
Matanho api atinofanira kutora kuti tizosarudza zvakanaka?
1. Kumbira Jehovha kuti akubatsire kusarudza zvekuita.—Jakobho 1:5.
2. Tsvakurudza muBhaibheri nemumabhuku anotsanangura Bhaibheri kuti unzwe mafungiro aMwari. Unogona kunzwawo pfungwa dzemumwe muKristu ava nenguva achinamata dzinogona kukubatsira pakusarudza.
3. Funga kuti kana wasarudza uchasara uchinzwa sei uye hana dzevamwe dzichanzwawo sei.
-
-
Nei Mapfekero Edu Nekuratidzika Kwedu Zvichikosha?Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
-
-
2. Nei tichifanira kufunga nezvevamwe vedu vatinonamata navo patinosarudza zvekupfeka?
Kunyange zvazvo takasununguka kusarudza zvatinoda kupfeka, tinofanira kufunga kuti kana vamwe vachitiona vachanzwawo sei. Tinoedza zvese zvatinogona kuti tisakanganisa kutenda kwevamwe, asi kuti ‘tifadze muvakidzani wedu muzvinhu zvakanaka, timuvake.’—Verengai VaRoma 15:1, 2.
-