Vanhu “Vane Kunzwa Kwakafanana Nokwedu”
AKANGA ari mambo uye muporofita asiwo baba vane rudo. Mumwe wevanakomana akakura ndokuva anozvitutumadza. Mukuedza kwokushinga kubvuta chigaro, mwanakomana uyu akatanga hondo yemukati menyika, achivavarira kuuraya baba vake. Asi muhondo yakatevera, mwanakomana wacho ndiye akaurawa. Baba vacho pavakaziva nezvorufu rwemwanakomana wavo, vakaenda voga muimba yepamusoro ndokuchema: “Haiwa, mwana wangu Absaromi, mwana wangu, mwana wangu Absaromi! Ndingadai ndakafa hangu panzvimbo yako, haiwa Absaromi, mwana wangu, mwana wangu!” (2 Samueri 18:33) Baba wacho akanga ari mambo Dhavhidhi. Kufanana nevamwe vaporofita vaJehovha, akanga ari “munhu ane kunzwa kwakafanana nokwedu.”—Jakobho 5:17, NW.
Munguva dzeBhaibheri varume nevakadzi vaimiririra Jehovha vaibva mumararamiro akasiyana-siyana uye vakanga vakafanana nevamwe vanhu. Kufanana nesu, vakanga vane zvinetso uye vaitambura nemhaka yokusakwana. Ndivanaani vakanga vari vamwe veava vaporofita, uye kunzwa kwavo kwakanga kwakafanana nokwedu sei?
Mosesi Akarega Kuzvivimba Zvikuru Asi Akazvininipisa
Mumwe muporofita ane mukurumbira wemunguva dzakatangira chiKristu akanga ari Mosesi. Kunyange pazera remakore 40, zvisinei, akanga asati agadzirira kubatira semumiririri waJehovha. Nei? Apo hama dzake dzakanga dzichidzvinyirirwa naFarao weEgipita, Mosesi akarererwa muimba yaFarao uye “akava nesimba pamashoko napamabasa ake.” Chinyorwa chacho chinotiudza kuti: “Akati, zvimwe hama dzake dzichanzwisisa kuti Mwari wakanga achida kuvaponesa noruoko rwake.” Achizvivimba zvikuru, akaita noukono pakudzivirira mumwe muranda wechiHebheru, achiuraya muEgipita.—Mabasa 7:22-25; Eksodho 2:11-14.
Zvino Mosesi akamanikidzirwa kutiza, uye akapedza makore makumi mana akatevera ari mufudzi muMidhiani iri kure. (Eksodho 2:15) Pamugumo wenguva iyoyo, Mosesi, zvino akanga ava nemakore 80 okukura, akatumwa naJehovha semuporofita. Asi Mosesi akanga asisiri kuzvivimba zvikuru. Akanzwa asingakwanisi zvikuru zvokuti akashamisika pamusoro pokutumwa kwake naJehovha semuporofita, achishandisa kutaura kwakadai sokuti, “Ini ndini aniko, kuti ndiende kuna Farao?” uye, “Ndichatiyi?” (Eksodho 3:11, 13) Nokukurudzira kworudo kwaJehovha uye betsero, Mosesi akapfuurira kuita mugove wake achibudirira zvikuru.
Iwe, kufanana naMosesi, wakambobvumira kuzvivimba zvikuru kukutungamirira kuita kana kutaura zvinhu zvakazoratidza kuva zvisiri zvokuchenjera here? Kana zvakadaro, gamuchira kumwe kurovedzwa uchizvininipisa. Kana kuti wakambonzwa usingakwanisi kuita mamwe mabasa echiKristu here? Panzvimbo pokuramba, gamuchira betsero inopiwa naJehovha nesangano rake. Uyo akabetsera Mosesi anogonawo kukubatsira.
Eria Akanga Ane Kunzwa Kwakafanana Nokwedu Munguva Yokuranga
“Eria akanga ari munhu ane kunzwa kwakafanana nokwedu, asi mumunyengetero akanyengetera kuti kurege kunaya; uye hakuna kunaya panyika kwemakore matatu nemwedzi mitanhatu.” (Jakobho 5:17, NW) Munyengetero waEria wakanga uchitsinhirana nokuda kwaMwari kwokuranga rudzi rwakanga rwaMuramba. Asi, Eria aiziva kuti kusanaya kwemvura kwaakanga achinyengeterera kwaizoparira kutambura kwavanhu. Israeri zvikurukuru yakanga iri nyika yokurima; dova nemvura zvaiva upenyu hwevanhu. Kusanaya kwemvura kunopfuurira kwaizoparira nhamo huru. Zvirimwa zvaizooma; zvirimwa zvaisazokura. Zvipfuyo zvaishandiswa mubasa uye sezvokudya zvaizofa, uye dzimwe mhuri dzaizova mungozi yekuziya nenzara. Ndivanaani vaizotambura zvikurusa? Vanhuwo zvavo. Gare gare imwe chirikadzi yakaudza Eria kuti yakanga yangosarirwa noupfu ushomanene nemafuta mashomanene. Yaikarira zvizere kuti nokukurumidza iyo nemwanakomana wayo vaizoziya nenzara kusvikira vafa. (1 Madzimambo 17:12) Kuti Eria anyengeterere sezvaakaita, aifanira kuva nokutenda kwakasimba kwokuti Jehovha aizotarisira vabatiri Vake—vakapfuma kana kuti varombo—vakanga vasina kurega kunamata kwechokwadi. Sezvinoratidza chinyorwa chacho, Eria haana kuodzwa mwoyo.—1 Madzimambo 17:13-16; 18:3-5.
Makore matatu gare gare, apo Jehovha akaratidzira kuti aizokurumidza kunayisa mvura, chishuvo chemwoyo wose chaEria chokuona kusanaya kwemvura kuchiguma chinoonekwa muminyengetero yake inodzokororwa, yakakomba paakanga achi“gwadamira pasi, akaisa chiso chake pakati pamabvi ake.” (1 Madzimambo 18:42) Kakawanda, aikurudzira murindiri wake kuti: “Chikwira zvino, utarire kurutivi rwegungwa” nokuda kwechiratidzo chokuti Jehovha akanzwa minyengetero yake. (1 Madzimambo 18:43) Anofanira kuve akafara zvakadini apo pakupedzisira, mukupindura minyengetero yake, “denga rikanisa mvura, nyika ikabereka zvibereko zvayo”!—Jakobho 5:18.
Kana uri mubereki kana kuti mukuru muungano yechiKristu, ungafanira kurwisana nemirangariro yakakomba pakupa chirango. Zvisinei, kunzwa kwakadaro kwounhu kunofanira kudzikamiswa nokupwiswa kwokuti kuranga kuri madikanwa padzimwe nguva uye kuti pakunoitwa norudo, ku“noberekera ivo vakadzidziswa nako, zvibereko zvorugare, ndizvo zvibereko zvokururama.” (VaHebheru 12:11) Migumisiro yokuteerera mitemo yaJehovha yakanaka nguva dzose. Kufanana naEria, tinonyengetera zvinobva mumwoyo kuti iitwe.
Jeremia Akaratidza Ushingi Pasinei Zvapo Nokuodzwa Mwoyo
Pavanyori vose veBhaibheri, zvimwe Jeremia akanga ari uyo akanyora zvakawanda zvikurusa pamusoro pokunzwa kwake kwemunhu oga. Sejaya, akanga achizengurira kugamuchira basa rake. (Jeremia 1:6) Kunyange zvakadaro akapfuurira noushingi hukuru kuti azivise shoko raMwari, achisangana bedzi nokushora kwakaipa zvikuru kwaibva kuvaIsraeri biyake—kubva kuna mambo kusvika kumunhuwo zvake. Kushora ikoko dzimwe nguva kwaimushatirisa uye kwaimuchemedza. (Jeremia 9:3; 18:20-23; 20:7-18) Panhambo dzakasiyana-siyana akamomoterwa, akarohwa, akasungirirwa pabango, akaiswa mutorongo, akatyisidzirwa norufu, uye akasiyiwa kuti afire mumatope egomba rakanga risina chinhu. Padzimwe nguva kunyange shoko raJehovha raimurwadza, sezvinoratidzwa nemashoko ake okuti: “Maiwe! ura hwangu, ura hwangu! Ndinorwadziwa mumwoyo mangu.”—Jeremia 4:19.
Kunyange zvakadaro, aida shoko raJehovha, achiti: “Mashoko enyu akava mufaro wangu nokufadzwa kwemwoyo wangu.” (Jeremia 15:16) Panguva imwe cheteyo, kuneteswa kwakamuita kuti acheme kuna Jehovha: “Muchava kwandiri zvirokwazvo sorukova runonyengera, semvura inopwa here,” iyo yemukarukova kasingatani kuoma. (Jeremia 15:18) Kunyange zvakadaro, Jehovha akanzwisisa kunzwa kwake kwairwisana uye akapfuurira kumutsigira kuitira kuti agone kuita basa rake.—Jeremia 15:20; onawo 20:7-9.
Ko iwe, kufanana naJeremia, unoneteswa kana kuti kushorwa paunoita ushumiri hwako here? Tarira kuna Jehovha. Pfuurira kutevera nhungamiro yake, uye Jehovha achatusawo nhamburiko dzako.
Jesu Akanga Ane Kunzwa Kwakafanana Nokwedu
Muporofita mukurusa akanga ari Mwanakomana waMwari pachake, Jesu Kristu. Kunyange zvazvo akanga ari munhu akakwana, haana kurega kubudisa kunzwa kwake. Kakawanda tinorava nezvokunzwa kwake kwomukati, kunofanira kuve kwaioneka pachiso chake uye mukupindura kwake vamwe. Kakawanda Jesu ai“nzwira ngoni,” uye aishandisa kutaura kumwe cheteko mukurondedzera vanhu mumienzaniso yake.—Marko 1:41; 6:34; Ruka 10:33.
Anofanira kuve akakwidza inzwi rake paakadzinga vatengesi nemhuka kubva mutembere nemashoko okuti: “Bvisai zvinhu izvozvo muno.” (Johane 2:14-16) Chikarakadzo chaPetro chokuti, “Mwari ngaakunzwirei ngoni, Ishe,” chakanyandura kupindura kune simba kwokuti, “Ibva shure kwangu, Satani!”—Mateo 16:22, 23.
Jesu aida zvikuru vakati kuti vakanga vari pedyo naye zvikuru. Muapostora Johane akarondedzerwa se“mudzidzi uya, waidikanwa zvikuru naJesu.” (Johane 21:7, 20) Uye tinorava kuti: “Jesu wakanga achida Marta, nomunun’una wake, naRazaro.”—Johane 11:5.
Jesu aigonawo kunzwa kurwadza. Achirwadziwa norufu rwaRazaro, “Jesu akachema misodzi.” (Johane 11:32-36) Achiratidza kurwadziwa kwepamwoyo kwakaparirwa nokutengeswa kwake naJudhasi Iskarioti, Jesu akanokora mashoko anorwadza anobva muMapisarema okuti: “Unodya chingwa changu, wakandisimudzira chitsitshinho chake.”—Johane 13:18; Pisarema 41:9.
Kunyange paakanga achitambura zvikuru padanda, Jesu akaratidza kurwadziwa kwake kukuru. Akapa nounyoro amai vake ku“mudzidzi waaida.” (Johane 19:26, 27) Paakaona ufakazi hwokupfidza mumumwe wevaiita zvakaipa vakanga vakarovererwa parutivi pake, achinzwira tsitsi Jesu akati: “Uchava neni muParadhiso.” (Ruka 23:46) Tinogona kunzwa kubuda kukuru kwemirangariro yake mukuchema kwake kwokuti: “Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyireiko?” (Mateo 27:46) Uye mashoko ake okufa anoratidza rudo rwomwoyo wose nechivimbo: “Baba, ndinoisa mweya wangu pamaoko enyu!”—Ruka 23:46.
Izvi zvose zvinotikurudzira zvakadini! “Nokuti hatina muprista mukuru asingagoni kutinzwira tsitsi pautera hwedu, asi [Jesu] wakaidzwa pazvinhu zvose sesu, asina zvivi.”—VaHebheru 4:15.
Chivimbo chaJehovha
Jehovha haana kumbodemba kusarudza kwake vamiririri. Aiziva kuvimbika kwavo kwaari, uye nokunzwira tsitsi aifuratira kuneta kweavo vakanga vasina kukwana. Asi aivakarira kuti vaite basa ravo. Nebetsero yake vakakwanisa kuita saizvozvo.
Nokushivirira ngatiratidzei kuvimba hama dzedu nehanzvadzi dzakavimbika. Nguva dzose vachava vasina kukwana mugadziriro ino yezvinhu, sezvatichaitawo. Kunyange zvakadaro, hatifaniri kurangarira hama dzedu sedzisina kukodzerwa norudo rwedu nengwariro. Pauro akanyora kuti: “Zvino isu, tine simba, tinofanira kutakura utera hwavasina simba, tisingazvifadzi.”—VaRoma 15:1; VaKorose 3:13, 14.
Vaporofita vaJehovha vakava nemirangariro yose yatinonzwa nhasi. Kunyange zvakadaro, vakavimba naJehovha, uye Jehovha akavatsigira. Kupfuura izvozvo, Jehovha akavaparira kufara—hana yakanaka, kuziva nyasha dzake, shamwari dzakavimbika dzaivatsigira, uye vimbiso yenguva yemberi inofadza. (VaHebheru 12:1-3) Isuwo ngatiomerere kuna Jehovha nechivimbo chakazara sezvatinotevedzera kutenda kwevaporofita vekare, vanhu vakanga “vane kunzwa kwakafanana nokwedu.”