Ganhuro 6
Kuzarura Chakavanzika Chinoyera
1. Ko tinofanira kuita sei kumufananidzo unopenya wakanyorwa pana Zvakazarurwa 1:10-17?
CHINOTYISA zvamazvirokwazvo ndicho chiono chaJesu akasimudzirwa! Pasina panikiro, kudai takanga tiri vaoni ipapo pamwe chete nomuapostora Johane, isuwo taizodai takakurirwa nembiri inon’aima, tichizviwisira pasi timene sezvaakaita. (Zvakazarurwa 1:10-17) Ichi chiono chakafuridzirwa chisingaenzanisirwi chakachengeterwa kutikuchidzirira kuchiito nhasi. SaJohane, tinofanira kuratidzira nzwisiso yokuzvininipisa nokuda kwezvose izvo chiono chinoreva. Isu nguva dzose ngativei noruremekedzo rwamatyira nokuda kwenzvimbo yaJesu saMambo akagadzwa pachigaro choumambo, Muprista Mukuru, noMutongi.—VaFiripi 2:5-11.
“Wokutanga Nowokupedzisira”
2. (a) Ko Jesu anozviratidzira iye amene nezitai rechiratidzo? (b) Chii chinorehwa apo Jehovha anoti: “Ini ndini wokutanga uye ini ndini wokupedzisira”? (c) Ko zita rechiratidzo raJesu rokuti “Wokutanga Nowokupedzisira” rinozivisei?
2 Kunyanguvezvo, kutya kwedu hakuzati kuchidikanirwa kudziurira rutyo rwakashata. Jesu akasimbisirazve Johane, sezvo muapostora anotevera kurondedzerazve. “Uye iye akaisa ruoko rwake rworudyi pamusoro pangu ndokuti: ‘Usatya. Ini ndini Wokutanga Nowokupedzisira, uye mupenyu.’” (Zvakazarurwa 1:17b, 18a) Muna Isaya 44:6, Jehovha nomutoo wakarurama anorondedzera nzvimbo yake amene saMwari mumwe nowamasimba ose bedzi, achiti: “Ini ndini iye wokutanga uye ini ndini iye wokupedzisira, uye kunze kwangu hakuna Mwari.”a Apo Jesu anozviratidzira iye amene nezita rechiratidzo rokuti “Wokutanga Nowokupedzisira,” iye haazati ari kukambira huenzani naJehovha, Musiki Mukuru. Iye ari kushandisa zita rechiratidzo rakapiwa nomutoo wakakodzera paari naMwari. Muna Isaya, Jehovha akanga achiita kutaura pamusoro penzvimbo Yake yechienzi saMwari wechokwadi. Iye ndiMwari wokusingagumi, uye kunze kwake hakuna zvamazvirokwazvo Mwari. (1 Timotio 1:17) Muna Zvakazarurwa, Jesu ari kutaura pamusoro pezita rake rechiratidzo rakapiwa, achizivisa rumuko rwake rwechienzi.
3. (a) Ko Jesu akanga ari “Wokutanga Nowokupedzisira” munzirai? (b) Chii chinorehwa nokuva kwaJesu na“makiyi orufu neHadhesi”?
3 Zvamazvirokwazvo Jesu akanga ari munhu “Wokutanga” kumutsirwa kuupenyu husingafi hwomudzimu. (VaKorose 1:18) Zvakare, iye ndiye “Wokupedzisira” anomutswa kudaro naJehovha pachake amene. Nokudaro, iye anova “mupenyu . . . anorarama nokusingaperi-peri.” Iye anofarikanya kusafa. Muna ikoku, iye akafanana naBaba vake vasingafi, avo vanonzi “Mwari mupenyu.” (Zvakazarurwa 7:2; Pisarema 42:2) Nokuda kwavamwe vose vavanhu, Jesu iye amene ndiye “rumuko noupenyu.” (Johane 11:25) Mutsinhirano naikoku, iye anoti kuna Johane: “Ini ndakafa, asi, tarirai! Ndinorarama nokusingaperi-peri, uye ndine kiyi dzorufu neHadhesi.” (Zvakazarurwa 1:18b) Jehovha akamupa chiremera chokumutsa vakafa. Ndokusaka Jesu achigona kutaura kuti iye ane kiyi dzokuzarura masuo nokuda kwaavo vakasungwa norufu neHadhesi (guva).—Enzanisa naMateo 16:18.
4. Ko Jesu anodzokorora murairoi, uye nokuda kwebetserwo yaani?
4 Jesu pano anodzokorora murairo wake wokunyora chiono, achiudza Johane, kuti: “Nyora zvinhu zvawaona, nezvinhu zviripo nezvinhu zvichaitika pashure paizvozvi.” (Zvakazarurwa 1:19) Zvinhuiko zvinofadza zvaizoziviswazve naJohane nokuda kwomuraidzo wedu?
Nyeredzi Nezvigadziko Zvemwenje
5. Ko Jesu anotsanangura sei “nyeredzi nomwe” uye “zvigadziko zvemwenje zvinomwe”?
5 Johane aona Jesu ari pakati pezvigadziko zvemwenje zvinomwe zvendarama aine nyeredzi nomwe muruoko rwake rworudyi. (Zvakazarurwa 1:12, 13, 16) Zvino Jesu anotsanangura ikoku: “Kana chiri chakavanzika chinoyera chenyeredzi nomwe dzawaona muruoko rwangu rworudyi, nechezvigadziko zvemwenje zvinomwe zvendarama: Nyeredzi nomwe dzinoreva ngirozi dzeungano nomwe, uye zvigadziko zvemwenje zvinomwe zvinoreva ungano nomwe.”—Zvakazarurwa 1:20.
6. Chii chinomirirwa nenyeredzi nomwe, uye nei mashoko akanyorerwa chaizvoizvo kuna idzodzi?
6 “Nyeredzi” i“ngirozi dzeungano nomwe.” Muna Zvakazarurwa, nyeredzi padzimwe nguva dzinofananidzira ngirozi chaidzoidzo, asika Jesu haazati aizotongoshandisa munyori wohunhu kunyorera zvisikwa zvisingaoneki zvomudzimu. Naizvozvo “nyeredzi” dzinofanira kuva vatariri vohunhu, kana kuti vakuru, vari muungano, vanorangarirwa senhume dzaJesu.b Mashoko anoendeswa kunyeredzi, nokuti idzodzi dzine mutoro nokuda kwokutarisirwa kweboka raJehovha.—Mabasa 20:28.
7. (a) Chii chinoratidza kuti kutaura kwaJesu kungirozi imwe bedzi iri muungano imwe neimwe hakuzati kuchireva kuti ungano imwe neimwe inongova bedzi nomukuru mumwe? (b) Ndivanaani, chaizvoizvo, vanomirirwa nenyeredzi nomwe dziri muruoko rworudyi rwaJesu?
7 Sezvo Jesu achitaura bedzi ku“ngirozi” imwe iri muungano imwe neimwe, ikoku kunoreva here kuti ungano imwe neimwe ine mukuru mumwe bedzi? Aiwa. Pakuvamba sapazuva raPauro, ungano yeEfeso yakanga ine chiverengero chavakuru, kwete bedzi mumwe. (Zvakazarurwa 2:1; Mabasa 20:17) Naizvozvo muzuva raJohane, apo mashoko aitumirwa kunyeredzi nomwe kuti aravirwe ungano (kubatanidza neimwe iri muEfeso), nyeredzi dzinofanira kuve dzaimirira vose avo vaibatira mumitumbi yavakuru muungano yakazodzwa yaJehovha. Nomutoo wakafanana, vatariri nhasi vanoravira ungano dzavo tsamba dzinogamuchirwa dzinobva kuMutumbi Unodzora, unoumbwa navatariri vakazodzwa vanobatira muumusoro hwaJesu. Mitumbi yomunzvimbomo yavakuru inotofanira kusimbisira kuti zano raJesu rinoteverwa neungano dzavo. Chokwadi, zanoro riri nokuda kwebetserwo yaavo vose vanosonganirana neungano, kwete bedzi vakuru.—Ona Zvakazarurwa 2:11a.
8. Chii chinoratidzirwa nokuva kwavakuru muruoko rworudyi rwaJesu?
8 Sezvo Jesu ari Musoro weungano, vakuru vanotaurwa nomutoo wakakodzera kuva vari muruoko rwake rworudyi, ndiko kuti, mukudzora kwake nenhungamiro. (VaKorose 1:18) Iye ndiye Mufudzi Mukuru, uye ivo vafudzi vaduku.—1 Petro 5:2-4.
9. (a) Ko zvigadziko zvemwenje zvinomwe zvinomirirei, uye nei zvigadziko zvemwenje zviri chiratidziro chakakodzera nokuda kwaidzodzi? (b) Ko chionocho sezvinobvira chaizoyeuchidza muapostora Johane nezvechii?
9 Zvigadziko zvemwenje zvinomwe iungano nomwe idzo Johane anonangidzira bhuku raZvakazarurwa: Efeso, Smirna, Pergamo, Tiatira, Sardhisi, Firadherfia, neRaodhikia. Neiko ungano dzichifananidzirwa nezvigadziko zvemwenje? Nokuti maKristu, kunyange somunhu mumwe nomumwe kana kuti savazhinji seungano, vanotofanira ku‘ita kuti chiedza chao chipenye pamberi pavanhu’ munyika ino ine rima. (Mateo 5:14-16) Mukuwedzera, zvigadziko zvemwenje zvaiva pakati pamafenicha etembere yaSoromoni. Mukuidza ungano zvigadziko zvemwenje sezvingabvira kwaizoyeuchidza Johane kuti, mupfungwa yokuenzanisira, ungano imwe neimwe yomunzvimbomo yavakazodzwa i“tembere yaMwari,” nzvimbo yokugara yomudzimu waMwari. (1 VaKorinte 3:16) Zvakare, mugadziriro yetembere yechiJudha yokufananidzirwa, mitezo yeungano yavakazodzwa inobatira so“uprista hwoumambo” mugadziriro huru yetembere yomudzimu yaJehovha, iyo Jesu ari Muprista Mukuru wayo uye umo Jehovha anogara iye pachake munzvimbo Tsvene Tsvene yokudenga.—1 Petro 2:4, 5, 9; VaHebheru 3:1; 6:20; 9:9-14, 24.
Kutsauka Kukuru Pakutenda
10. Chii chakaitika kutsika yechiJudha navatsigiri vayo vasingapfidzi muna 70 C.E.?
10 Apo Johane akanyora Zvakazarurwa, chiKristu chakanga chichipfuura makore 60 okuvapo. Pakutanga, chakanga chararama makore 40 echishoro chinopfuurira chinobva kuchiJudha. Tevere tsika yechiJudha yakaparadzwa muna 70 C.E. apo vaJudha vasingapfidzi vakarashikirwa nokuzivikanwa kwazvo kworudzi nechakanga chiri kwavari chinenge chidhori—tembere muJerusarema.
11. Neiko kwakanga kuchiwirirana nomusi kuti Mufudzi Mukuru anyevere ungano nezvekombamiro dzinokudziridzika?
11 Hunyanguvezvo, muapostora Pauro akanga adeya kuzivisa kuti kwaizova nokutsauka pakutenda pakati pamaKristu akazodzwa, uye mashoko aJesu anoratidzira kuti muukweguru hwaJohane uku kutsauka pakutenda kwakanga kuchitokura. Johane akanga ari wokupedzisira waavo vakaita sechidziviso pano uku kutamburira chose chose kwaiitwa naSatani kushatsa mbeu yomukadzi. (2 VaTesaronika 2:3-12; 2 Petro 2:1-3; 2 Johane 7-11) Naizvozvo yakanga iri nguva yakakodzera yokuti Mufudzi Mukuru waJehovha anyorere vakuru vari muungano, achivanyevera nezvekombamiro dzinokura nokukurudzira vane mwoyo yakarurama kumira vakatsiga nokuda kwokururama.
12. (a) Ko kutsauka pakutenda kwakatanga sei mumazana amakore pashure pezuva raJohane? (b) Ko chiKristudhomu chakavapo sei?
12 Kuti ungano muna 96 C.E. dzakaita sei kumashoko aJesu hatizivi. Asi tinoziva kuti kutsauka pakutenda kwakakudziridzika nokukurumidza pashure porufu rwaJohane. “MaKristu” akarega kushandisa zita raJehovha ndokutsiva na“Ishe” kana kuti “Mwari” nokuda kwaro mumanyoro eBhaibheri. Pakuzosvika pazana ramakore rechina, dzidziso yenhema yoUtatu yakanga yapinda muungano. Mukati meiyi nhambo imwe cheteyo, pfungwa yomweya usingafi yakanga ichigamuchirwa. Pakupedzisira, Constantine Mambo weRoma akapa rudzidziso “rwechiKristu,” mvumo yehurumende uye izvi zvakaita kuti chiKristudhomu chitange kuvapo, umo Chechi neNyika zvakakumbanidza masimba mukubata ushe kwamakore ane chiuru. Kwakanga kuri nyore kuva “muKristu” worudzi rutsva. Ndudzi dzose dzakatsinhiranisa zvitendero zvadzo zvapakuvamba-vamba zvechihedheni nezvimiro zvourwu rudzidziso. Vazhinji vavatungamiriri muchiKristudhomu vakava vashushi vanodzvinyirira vezvamatongerwe enyika, vachigombedzera mirangariro yawo yokutsauka pakutenda kupfurikidza nomunondo.
13. Pasinei hapo nenyevero yaJesu pamusoro pomudzimu wokuita masekete, maKristu anotsauswa pakutenda akatora nzirai?
13 Mashoko aJesu okuungano nomwe akafuratirwa chose chose namaKristu anotsauka pakutenda. Jesu akanga anyevera vaEfeso kuwanazve rudo rwavakanga vanarwo pakutanga. (Zvakazarurwa 2:4) Hunyanguvezvo, mitezo yechiKristudhomu, isati ichasitongovazve yakabatana murudo nokuda kwaJehovha, yakarwa hondo dzinorura uye yakatambudzana zvakaipisisa. (1 Johane 4:20) Jesu akanga anyevera ungano muPergamo pamusoro pomudzimu wokuita masekete. Asi, masekete akaoneka kunyange muzana rechipiri ramakore, uye nhasi chiKristudhomu chine zviuru zvamasekete anokakavadzana namarudzidziso.—Zvakazarurwa 2:15.
14. (a) Kunyange Jesu akanyevera pamusoro pokuva vakafa mumudzimu, maKristu okuedzesera akatora nzirai? (b) MaKristu okuedzesera akakundikana kutetekera nyevero yaJesu pamusoro pokunamata zvifananidzo noutere munzirai?
14 Jesu akanga anyevera ungano yeSardhisi pamusoro pokuva yakafa mumudzimu. (Zvakazarurwa 3:1) Saavo vari muSardhisi, maKristu okuedzesera akakurumidza kukanganwa pamusoro pamabasa echiKristu uye nokukurumidza akagovera basa rinokosha zvikurukuru rokuparidzira kuboka duku, ravafundisi vanoripirwa mari. Jesu akanga anyevera ungano yomuTiatira pamusoro pokunamata zvifananidzo noupombwe. (Zvakazarurwa 2:20) Asi, chiKristudhomu chakabvumira pachena kushandiswa kwemifananidzo, uyewo kusimudzirwa kwokunamatwa kwezvidhori kwamanomano zvikuru kwourudzi nokudisa zvenyika. Uye utere, kunyange padzimwe nguva hwaiparidzirwa mukurwisana nahwo, nguva dzose hwave huchiregererwa zvakafara.
15. Mashoko aJesu okuungano nomwe anofumura chii pamusoro pamarudzidziso echiKristudhomu, uye vafundisi vechiKristudhomu vakabvumikisa kuvei?
15 Nokuda kwechikonzero ichocho, mashoko aJesu okuungano nomwe anofumura kundikano yachose chose yamarudzidziso ose echiKristudhomu kuva vanhu chaivo vaJehovha. Zvamazvirokwazvo, vafundisi vechiKristudhomu vave vari mitezo yakaisvotanhamara yembeu yaSatani. Achitaura nezvaivava sa‘asingateereri mutemo,’ muapostora Pauro akadeya kuzivisa kuti “kuvapo [kwavo] kuri mukuwirirana nokushanda kwaSatani nebasa riri rose rine simba nezviratidzo nezvishamiso zvokureva nhema uye nenyengedzo iri yose isina kururama.”—2 VaTesaronika 2:9, 10.
16. (a) Vatungamiriri vechiKristudhomu vakaratidzira ruvengo chairwo pana vanaani? (b) Chii chakaitika muchiKristudhomu muMazera Apakati? (c) Rupanduko rwavaPurotesitendi, kana kuti Chinjo Huru, rwakachinja nzira dzokutsauka pakutenda dzechiKristudhomu here?
16 Kunyange vachikambira kuva vafudzi veboka raMwari, vatungamiriri vechiKristudhomu, vorudzidziso navenyika, vakaratidzira ruvengo chairwo nokuda kwomunhu upi noupi aiedza kukurudzira kurava Bhaibheri kana kuti munhu upi noupi aifumura miitiro yavo isati iri yapamagwaro. John Hus nomushanduri weBhaibheri William Tyndale vakatambudzwa ndokuurairwa kutenda. Mukati meMazera Apakati erima, ubati ushe hwokuwa pakutenda hwakasvika pakakwirira zvikurusa Mubvunzurudzo yechiKaturike youdhiabhori. Vapi navapi vaipokanidza dzidziso kana kuti chiremera chechechi vaidzvinyirirwa nomutoo woutsinye, uye zviuru zvisingaverengeki zvavaiidzwa kunzarwo kunzi vatendi vasiri chaivo vaitambudzwa kusvikira kurufu kana kuti kupisirwa padanda rokutambudza. Nokudaro Satani akatamburira kusimbisira kuti mbeu ipi neipi yechokwadi yesangano rakafanana nomudzimai raMwari yaizokurumidza kupwanywa. Apo rupanduko rwavaPurotesitendi, kana kuti Chinjo Huru, rwakaitika (kubvira muna 1517 zvichienda mberi), machechi mazhinji echiPurotesitendi akaratidzira mudzimu mumwe chetewo wokusaregerera. Iwowo akava nemhaka yeropa kupfurikidza nokuuraira kutenda avo vaitamburira kuva vakavimbika kuna Mwari naKristu. Zvamazvirokwazvo, “ropa ravatsvene” rakadururwa norusununguko!—Zvakazarurwa 16:6; enzanisa naMateo 23:33-36.
Mbeu Inotsungirira
17. (a) Ko muenzaniso waJesu wegorosi namasora wakadeya kuzivisei? (b) Chii chakaitika muna 1918, chichiguma nokurambwai uye negadzoi?
17 Mumufananidzo wake wegorosi namasora, Jesu akadeya kuzivisa nguva yerima yaizovapo apo chiKristudhomu chaitonga zvikuru. Hunyanguvezvo, mumazana ose amakore okutsauka pakutenda, paizova namaKristu akafanana negorosi mamwe namamwe, vakazodzwa chaivoivo. (Mateo 13:24-29, 36-43) Nokudaro, apo zuva raShe rakatanga muna October 1914, kwaiva kuchina maKristu echokwadi pasi pano. (Zvakazarurwa 1:10) Kunoratidzika kuti Jehovha akauya kutembere yake yomudzimu nokuda kworutongeso anenge makore matatu nehafu gare gare, muna 1918, achiperekedzwa naJesu se“nhume [yake] yesungano.” (Maraki 3:1; Mateo 13:47-50) Yakanga yavawo nguva yaTenzi yokuramba pakupedzisira maKristu enhema uye kugadza ‘muranda akatendeka nowakachenjera pazvinhu zvake zvose.’—Mateo 7:22, 23; 24:45-47.
18. I“awa”i yakasvika muna 1914, uye yakanga yava nguva yokuti muranda aitei?
18 Yakanga iri nguvawo yokuti uyu muranda ape ngwariro chaiyo kuzvinhu zvakanyorwa mumashoko aJesu okuungano nomwe, sezvatinoona mune zvinotaurwa imomo. Somuenzaniso, Jesu anotaura nezvokuuya kwake kuzotonga ungano, ruri rutongeso rwakavamba muna 1918. (Zvakazarurwa 2:5, 16, 22, 23; 3:3) Iye anotaura nezvokutaviridzira ungano yeFiradherfia pa“awa yomuedzo, yaizouya papasi rose rinogarwa.” (Zvakazarurwa 3:10, 11) Iyi “nguva yomuedzo” inosvika bedzi nokutanga kwezuva raShe muna 1914, pashure payo maKristu akaedzwa pamusoro poruvimbiko rwao kuUmambo hwakagadzwa hwaMwari.—Enzanisa naMateo 24:3, 9-13.
19. (a) Ko ungano nomwe dzinofananidzirei nhasi? (b) Ndivanaani vakabatana muzviverengero zvikuru namaKristu akazodzwa, uye nei zano nemigariro zvaJesu zvaanorondedzera zvichishanda kwavariwo? (c) Tinofanira kurangarira sei mashoko aJesu okuungano nomwe dzomuzana ramakore rokutanga?
19 Nokuda kweichi chikonzero, mashoko aJesu okuungano akatova nokushanda kwawo kukuru chifo cha1914. Mune iyi gadziriro, ungano nomwe dzinofananidzira ungano dzose dzamaKristu akazodzwa mukati mezuva raShe. Zvakare, mukati mamakore 70 akapfuura naanopfuura, maKristu akazodzwa akafananidzirwa naJohane ave achikumbanirwa nezviverengero zvikuru zvavadaviri avo vane tariro iri yokurarama nokusingaperi muParadhiso pasi pano. Zano raJesu Kristu akapiwa mbiri nemigariro yaakawana muungano nomwe somuuyo wenzvero yake zvinoshanda nesimba rimwe chetero kuna ivava, sezvo kuchingova bedzi nomupimo mumwe wokururama nokutendeka nokuda kwavabatiri vose vaJehovha. (Eksodho 12:49; VaKorose 3:11) Nokudaro, mashoko aJesu okuungano nomwe dzomuzana rokutanga muAsia Minor haasati achingovawo zvawo zvinoshamisa zvenhau. Anoreva upenyu kana kuti rufu kuno mumwe nomumwe wedu. Ipapoka, ngatisanoteererei mashoko aJesu.
[Mashoko Omuzasi]
a MuchiHebheru chapakuvamba pana Isaya 44:6, hapana shoko chairo rine shoko rokuti “wokutanga” uye “wokupedzisira,” nepo mukuzvirondedzera iye amene Jesu muchiGiriki chapakuvamba muna Zvakazarurwa 1:17, shoko chairo rinowanwa. Naizvozvo, mukuwirirana namataurirwe omutauro, Zvakazarurwa 1:17 inoratidzira zita rechiratidzo, nepo Isaya 44:6 ichirondedzera Umwari hwaJehovha.
b Shoko rechiGiriki rokuti agʹge·los (rinodudzwa kuti “anʹge·los”) rinoreva “mutumwa” uyewo “ngirozi.” Pana Maraki 2:7, muprista wechiRevhi anotaurwa nezvake so“mutumwa” (chiHebheru, mal·’akhʹ).—Onawo New World Translation Reference Bible, mashoko omuzasi.
[Bhokisi riri papeji 32]
Nguva Yokuedza Nokutonga
Jesu akabhapatidzwa ndokuzodzwa saMambo Akasarudzwa paRwizi rwaJoridhani panenge pana October 29 C.E. Makore matatu nehafu gare gare, muna 33 C.E., iye akasvika kutembere yeJerusarema ndokudzinga avo vakanga vachiiita bako ramakororo. Ipapo panoratidzika kuva pane enzanirano naikoku munhambo yamakore matatu nehafu kubvira pakagadzwa Jesu pachigaro choumambo muna October 1914 kutozosvikira pakuuya kwake kuzonzvera maKristu okuedzesera sezvo rutongeso rwakavamba neimba yaMwari. (Mateo 21:12, 13; 1 Petro 4:17) Mukuvamba ma1918 mubato woUmambo wavanhu vaJehovha wakanangana nechishoro chikuru. Yakanga iri nguva yokuedza mupasi rose, uye vanotya vakasefiwa. Muna May 1918 vafundisi vechiKristudhomu vakasakisa kupfigirwa mutorongo kwavakuru vakuru veWatch Tower Society, asi mwedzi mipfumbamwe gare gare ivava vakasunungurwa. Gare gare, kupomerwa zvenhema kwavaiitwa kwakabviswa. Kubvira muna 1919 sangano ravanhu vaMwari, rakaedzwa uye rakanatswa, rakaenderera mberi norushingairo kukuparidzira Umambo hwaJehovha hunodzorwa naKristu Jesu setariro yavanhu.—Maraki 3:1-3.
Jesu zvaakavamba nzvero yake muna 1918, vafundisi vechiKristudhomu pasina panikiro vakawana rutongeso rwakashata. Ivo vakanga vasina kungomutsa bedzi chitambudzo mukurwisana navanhu vaMwari asi vakanga vaparawo mhaka huru yeropa kupfurikidza nokutsigira marudzi anorwisana mukati mehondo yenyika yokutanga. (Zvakazarurwa 18:21, 24) Vafundisi ivavo ipapo vakaisa tariro yavo muChinzwano chaMarudzi chakaitwa nomunhu. Pamwe chete noumambo hwenyika hwose hworudzidziso rwenhema, chiKristudhomu chakanga chabva chose chose panyasha dzaMwari pakuzosvika muna 1919.
[Mepu iri papeji 28, 29]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
EFESO
SMIRNA
PERGAMO
TIATIRA
SARDHISI
FIRADHERFIA
RAODHIKIA
[Mifananidzo iri papeji 31]
Rudzidziso rwechiKristudhomu rwakapara mhaka yeropa huru kupfurikidza nokutambudza nokuuraya avo vaishandura, vairava, kana kuti kunyange vaiva neBhaibheri