Kushandisa kwaJehovha “Upenzi” Kuti Aponese Avo Vanotenda
“Nokuti nouchenjeri hwaMwari, nyika nouchenjeri hwayo, zvaisina kuziva Mwari, Mwari wakafadzwa nazvo kuti vanotenda avaponese noupenzi hwokuparidza.”—1 VAKORINTE 1:21.
1. Jehovha aizoshandisa “upenzi” mupfungwai, uye tinoziva sei kuti nyika muuchenjeri hwayo haina kusvika pakuziva Mwari?
CHII? Jehovha angashandisa upenzi here? Kwete chaizvoizvo! Asi anogona uye anoshandisa chinoratidzika kuva upenzi kunyika. Iye anoita saizvozvo kuti aponese vanhu vanomuziva ndokumuda. Kupfurikidza nouchenjeri hwayo, nyika haigoni kusvika pakuziva Mwari. Jesu Kristu akajekesa ikoku apo akati mumunyengetero: “Baba vakarurama, nyika, zvamazvirokwazvo, haina kusvika pakukuzivai.”—Johane 17:25, NW.
2. Kungaratidzika sei kuti nzira dzaJehovha nenzira dzenyika dzinovambirana, asi ndeapi ari maidi?
2 Mashoko aJesu anoratidzira kuti nzira dzaJehovha dzakasiana neidzo dzenyika. Pamusoro kungaratidzika kuti donzo raMwari neiro renyika ino anovambirana. Kungaratidzika kuti vavariro dzenyika ino dzine chikomborero chaMwari. Somuenzaniso, Bhaibheri rinotaura kuti Mwari aizogadza hurumende yakarurama iyo ichaunza upenyu murugare, mufarwa, uye budiriro kurudzi rwomunhu pasi pano. (Isaya 9:6, 7; Mateo 6:10) Nenzira yakafanana, nyika inozivisa donzo rayo rokupa vanhu rugare, budiriro, uye hurumende yakanaka kupfurikidza neinodanwa kunzi nhevedzo yenyika itsva. Asi madonzo aMwari neayo enyika haasati ari mamwe chetewo. Donzo raJehovha nderokuzvireverera amene saChangamire Mukurusa wechisiko chapose pose. Achaita ikoku kupfurikidza nehurumende yokudenga iyo ichaparadza hurumende dzose dzapasi. (Dhanieri 2:44; Zvakazarurwa 4:11; 12:10) Naizvozvo Mwari haana chinhu chakafanana nenyika ino. (Johane 18:36; 1 Johane 2:15-17) Ichocho ndicho chikonzero nei Bhaibheri richitaura nezvamarudzi maviri ouchenjeri—“uchenjeri hwaMwari” no“uchenjeri hwenyika.”—1 VaKorinte 1:20, 21.
Chikanganiso Chikuru Chouchenjeri Hwenyika
3. Kunyange zvazvo uchenjeri hwenyika hungaratidzika kuva hunoorora, neiko nhevedzo yenyika itsva inopikirwa yomunhu yaisazotongova inogutsa?
3 Kuavo vasingatungamirirwi nouchenjeri hwaMwari, uchenjeri hwenyika hunoratidzika kuva hunoorora. Kune uzivi hwenyika hwokuzvitutumadza uhwo hunobata ndangariro. Zviuru zvamasangano edzidzo yapamusoro zvinogovera mashoko anobva mune idzo vakawanda vanorangarira kuva ndangariro hurusa dzorudzi rwomunhu. Maraibhurari makuru akazadzwa nezivo yakaunganidzwa yamazana amakore oruzivo rwokuzviwanira rwavanhu. Pasinei zvapo naikoku, zvisinei, nhevedzo yenyika itsva iyo vatongi venyika vanokarakadza ingagona bedzi kuva kutonga kunoitwa navanhu vasina kukwana, vane chivi, vanofa. Nokudaro, nhevedzo iyoyo yaizova isina kukwana, ichidzokorora zvikanganiso zvakawanda zvomunguva yakapfuura uye isingatongogoveri zvose zvezvinodikanwa zvorudzi rwomunhu.—VaRoma 3:10-12; 5:12.
4. Nhevedzo yenyika itsva inokarakadzwa inodzorwa nei, uye nomuuyoi?
4 Nhevedzo yenyika itsva yomunhu inokarakadzwa inodzorwa kwete bedzi noutera hwavanhu asiwo nepesvedzero yezvisikwa zvomudzimu zvakaipa—hungu, Satani Dhiabhorosi namadhemoni ake. Satani akapofumadza ndangariro dzavanhu zvokuti havatendi “mashoko akanaka ane mbiri pamusoro paKristu.” (2 VaKorinte 4:3, 4, NW; VaEfeso 6:12) Somuuyo, nyika inotambura vhiringidziko imwe pashure peimwe. Inorwisa ndokutambura mukuedza kwayo kune ngwavaira kuzvidzora imene isina betsero yaMwari uye isingarangariri kuda kwoumwari. (Jeremia 10:23; Jakobho 3:15, 16) Nokudaro, sokutaura kwakaita muapostora Pauro, “nyika kupfurikidza nouchenjeri hwayo haina kusvika pakuziva Mwari.”—1 VaKorinte 1:21, NW.
5. Ndechipi chiri chikanganiso chikuru chouchenjeri hwenyika ino?
5 Ndechipiko, ipapoka, chiri chikanganiso chikuru chouchenjeri hwenyika ino, kubatanidza rongedzero dzayo dzenhevedzo yenyika itsva? Ndechokuti nyika inofuratira chisingatongogoni kufuratirwa nenzira inobudirira—uchangamire hukurusa hwaJehovha Mwari. Inoramba nokuzvitutumadza kuziva uchangamire hwoumwari. Nyika inosiya namaune Jehovha ari kunze kwerongedzero dzayo dzose uye inotsamira pamano ayo imene namazano. (Enzanisa naDhanieri 4:31-34; Johane 18:37.) Bhaibheri rinokujekesa kuti “kuvamba kwouchenjeri ndiko kutya Jehovha.” (Zvirevo 9:10; Pisarema 111:10) Bva, nyika haina kunyange kudzidza ichi chinodikanwa chikuru chouchenjeri. Pasina tsigiro youmwari, naizvozvo, inogona sei kubudirira?—Pisarema 127:1.
Kuparidzira Umambo—Ndokwoupenzi Kana Kuti Kune Mufungo Here?
6, 7. (a) Avo vanotungamirirwa nouchenjeri hwaMwari vari kuparidzirei, asi nyika inovarangarira sei? (b) Vafundisi vechiKristudhomu vanoparidzira mukuwirirana nouchenjeri hwaani, uye nomuuyoi?
6 Pane rumwe rutivi, avo vanoziva Mwari vanoratidzira uchenjeri hwaMwari uye vanosarudza kutungamirirwa nahwo. Sokudeya kutaura kwakaita Jesu, vari kuparidzira “aya mashoko akanaka oumambo . . . mupasi rose rinogarwa.” (Mateo 24:14, NW; Mat. 28:19, 20) Kuparidzira kwakadaro kune mufungo zvino here, apo pasi redu rakazadzwa nekakavadzano, shatiso, urombo, uye kutambura kwavanhu? Kune vakachenjera mune zvenyika kuparidzira kwakadaro pamusoro poUmambo hwaMwari kunoratidzika kuva upenzi zvahwo, kusina mufungo. Vanorangarira vaparidziri voUmambo hwaMwari savanetsi vanodzivisa Hurumende ndokunonozetsa fambiro mberi yayo kuhurumende chaiyoiyo yezvamatongerwe enyika. Muna ikoku vanotsigirwa navafundisi vechiKristudhomu, avo vanoparidzira mukuwirirana nouchenjeri hwenyika ino uye havaudzi vanhu zvavanofanira kuziva pamusoro penyika itsva yaMwari nehurumende yayo yoUmambo, kunyange zvazvo iyoyi yakanga iri dzidziso huru yaKristu.—Mateo 4:17; Marko 1:14, 15.
7 Wezvenhau H. G. Wells akadanira ngwariro kuuku kukundikana kwavafundisi vechiKristudhomu. Iye akanyora, kuti: “Hunoshamisa hutanhamari hukuru hwakapiwa naJesu kukudzidziswa kweicho iye akadana kuti Umambo hwoKudenga, uye kusakosha kwahwo kukuru mumuitiro nokudzidzisa kwamazhinjisa amachechi echiKristu.” Bva, kana vanhu vechizvarwa chino vachizowana upenyu, vanofanira kutanga kunzwa pamusoro poUmambo hwaMwari hwakagadzwa, uye nedonzo iroro mumwe munhu anofanira kuparidzira mashoko akanaka pamusoro pahwo.—VaRoma 10:14, 15.
8. Neiko kuparidzira mashoko akanaka aMwari kuri chinhu chine mufungo zvikurusa chokuita nhasi, asi chiitoi chingava chisina betsero inogarisa?
8 Kuparidzira mashoko akanaka aMwari, ipapoka, ndicho chinhu chine mufungo zvikurusa chokuita nhasi. Ikoku kwakadaro nemhaka yokuti shoko roUmambo rinogovera tariro yapachokwadi iyo inozadza mwoyo yavanhu nokufara mukati maaya mazuva okupedzisira apo ‘nguva dzinotambudza dzakaoma kubata nadzo dzasvika.’ (2 Timotio 3:1-5; VaRoma 12:12; Tito 2:13) Nepo upenyu munyika ino husina chokwadi uye hwakapfupika, upenyu munyika itsva yaMwari huchava husingaperi, pakati pomufaro, zvakawanda, uye rugare pano chaipo pasi pano. (Pisarema 37:3, 4, 11) Sokutaura kwakaita Jesu Kristu, “munhu uchabatsirweiko kana awana nyika yose, akarasikirwa noupenyu hwake?” Kana munhu akarasikirwa namaruramiro oupenyu munyika itsva yaMwari, nyika ino iyo iri kupfuura inobetsereiko? Kufarikanya zvinhu zvokunyama kwazvino kwomunhu akadaro kwave kuri kusingabetseri, kusina maturo, uye kwechinguvana.—Mateo 16:26; Muparidzi 1:14; Marko 10:29, 30.
9. (a) Apo mumwe murume uyo akakokwa kuva muteveri waJesu akakumbira kusundira mberi, Jesu akamupangira kuitei? (b) Mhinduro yaJesu inofanira kutitapura sei?
9 Murume mumwe uyo Jesu akakoka kuti ave muteveri wake akati: “Nditenderei henyu ndimbondoviga baba vangu.” Jesu akamupangira kuitei? Achiziva kuti murume wacho aizova achisundira mberi basa rinokosha zvikurusa kuti angomirirawo zvake kusvikira vabereki vake vafa, Jesu akapindura, kuti: “Rega, vakafa ngavavige vakafa vavo; asi iwe, enda undoparidza ushe hwaMwari.” (Ruka 9:59, 60) Avo vanoratidza uchenjeri kupfurikidza nokuteerera Kristu havagoni kurega kuita basa ravo rokuparidzira shoko roUmambo. Uchenjeri hwoumwari hunovaita kuti vazive kuti nyika ino navatongi vayo zvakashurikidzwa. (1 VaKorinte 2:6; 1 Johane 2:17) Vatsigiri vouchangamire hwaMwari vanoziva kuti tariro bedzi yechokwadi nokuda kworudzi rwomunhu iri mukupindira kwoumwari nokutonga. (Zekaria 9:10) Naizvozvo nepo avo vane uchenjeri hwenyika ino vasingadaviri muUmambo hwaMwari uye vasingadi hurumende yokudenga iyoyo, vanhu vanotungamirirwa nouchenjeri hwoumwari vanoita zvinounza betsero chaiyoiyo kuvanhu biyavo, vachivagadzirira nokuda kwoupenyu husingaperi munyika itsva yaJehovha yakapikirwa.—Johane 3:16; 2 Petro 3:13.
“Upenzi Kune Vanoparadzwa”
10. (a) Apo Sauro weTarso akatendeutswa, ibasai raakatora, uye akarirangarira sei? (b) VaGiriki vakare vakanga vakakurumbira nokuda kwei, asi Mwari akarangarira sei uchenjeri hwavo?
10 Sauro weTarso, uyo akava Pauro muapostora waJesu Kristu, akatora iri basa rinoponesa upenyu. Kune mufungo here kufunga kuti apo Jesu Kristu akatendeutsa Sauro, Iye akanga ari kumugovera kupinda mumubato woupenzi? Pauro haana kufunga saizvozvo. (VaFiripi 2:16) Panguva iyoyo vaGiriki vairangarirwa kuva vanhu vakangwara zvikurusa venyika. Vaiganza navazivi vavo vakuru navarume vakachenjera. Kunyange zvazvo Pauro aitaura chiGiriki, iye haana kutevera uzivi hwechiGiriki nokudzidza. Neiko? Nemhaka yokuti uchenjeri hwakadaro hwenyika ino hupenzi naMwari.a Pauro akatsvaka uchenjeri hwoumwari, uhwo hwakamusunda kuparidzira mashoko akanaka paimba neimba. Muparidziri mukurusa wokugara nokugara, Jesu Kristu, akanga agadza muenzaniso uye akanga amurairidza kuita basa rimwe chetero.—Ruka 4:43; Mabasa 20:20, 21; 26:15-20; 1 VaKorinte 9:16.
11. Zvikurukuru, chii icho Pauro akataura pamusoro pebasa rake rokuparidzira nouchenjeri hwenyika?
11 Pauro anotaura izvi pamusoro pebasa rake rokuparidzira: “Kristu [akandituma, NW] . . . kuti ndiparidze evhangeri; ndisingaiti nenjere dzamashoko, kuti [danda rokutambudzira raKristu, NW] rirege kukoneswa. Nokuti shoko re[danda rokutambudzira, NW] [chibairo chorudzikinuro chaJesu] upenzi kune vanoparadzwa; asi kwatiri, isu tinoponeswa, isimba raMwari. Nokuti kwakanyorwa kuchinzi: ‘Ndichaparadza uchenjeri hwavakachenjera, ndichakonesa kuziva kwavanoziva.’ Wakachenjera uripiko [zvakadai somuzivi]? Munyori uripiko? Muiti wenharo wenyika ino uripiko? Mwari haana kuita uchenjeri hwenyika huve upenzi here? Nokuti nouchenjeri hwaMwari, nyika nouchenjeri hwayo, zvaisina kuziva Mwari, Mwari wakafadzwa nazvo kuti vanotenda avaponese noupenzi hwokuparidza.”—1 VaKorinte 1:17-21.
12. Jehovha ari kuitei kupfurikidza no“upenzi hwokuparidza,” uye avo vanoda “uchenjeri hwokumusoro” vanofanira kuita sei?
12 Kunyange zvazvo kungaratidzika kuva kusingadaviriki, vanhu vamene avo nyika inodana kuti mapenzi ndivo avo Jehovha anoshandisa savaparidziri vake. Hungu, kupfurikidza noupenzi hwoushumiri hwavaparidzi ivava, Mwari anoponesa avo vanotenda. Jehovha anoronga zvinhu zvokuti vaparidzi vouhu “upenzi” havagoni kuzvirumbidza vamene, uye vamwe vanhu havagoni kurumbidza zvakarurama avo vakanzwa mashoko akanaka kupfurikidza navo. Ikoku kwakadaro kuti “kurege kuva nenyama ingazvikudza pamberi paMwari.” (1 VaKorinte 1:28-31; 3:6, 7) Chokwadi, muparidziri anoita basa rinokosha, asi shoko raakatumwa kuti aparidzire ndiro rinoparira ruponeso rwomunhu kana achiritenda. Avo vanoda “uchenjeri hwokumusoro” havasati vachizozvidza shoko romuparidziri nemhaka yokuti anoratidzika kuva benzi kana kuti akaderera, anotambudzwa, uye anoenda paimba neimba. Panzvimbo pezvo, vanyoro vacharemekedza muzivisi woUmambo somuparidziri akatumwa naJehovha uye anouya muzita raMwari. Vachapa ukoshi hukuru kushoko iro muparidziri anounza kupfurikidza nokutaura uye kupfurikidza nepeji yakatsikirirwa.—Jakobho 3:17; 1 VaTesaronika 2:13.
13. (a) VaJudha navaGiriki vairangarira sei kuparidzirwa kwaKristu akarovererwa? (b) Vakawanda havana kudanwa kuti vave vateveri vaJesu kubva mumapoka api avanhu, uye nei?
13 Achipfuuridzira kurukurirano yake yenzira dzaMwari, Pauro anoti: “VaJudha vanokumbira zviratidzo, navaGiriki vanotsvaka uchenjeri; asi isu tinoparidza Kristu, wakaroverwa pa[danda rokutambudzira, NW], chigumbuso kuvaJudha, noupedzi kuvahedheni; asi kune vakadanwa, vaJudha navaGiriki, Kristu isimba raMwari, nouchenjeri hwaMwari. Nokuti upenzi hwaMwari hunopfuura vanhu nouchenjeri; noutera hwaMwari hunopfuura vanhu nesimba. Nokuti tarirai kudanwa kwenyu, hama dzangu, kuti havasi vazhinji vakachenjera panyama vakadanwa; havasi vazhinji vane simba, havazi vazhinji vanokudzwa; asi Mwari wakatsaura zvinhu zvoupenzi zvenyika, kuti anyadzise vakachenjera; Mwari wakatsaura zvinhu zvisina simba zvenyika, kuti anyadzise izvo zvine simba.”—1 VaKorinte 1:22-27; enzanisa naIsaya 55:8, 9.
14. (a) Kana zvikabvunzwa pamusoro pamagwaro azvo, Zvapupu zvaJehovha zvinonongedzera kuchii? (b) Neiko Pauro akaramba kufadza vaGiriki neratidzirwo ipi neipi youchenjeri hwenyika?
14 Apo Jesu akanga ari pasi pano, vaJudha vakakumbira chiratidzo chinobva kudenga. (Mateo 12:38, 39; 16:1) Asi Jesu akaramba kupa chiratidzo chipi nechipi. Nenzira yakafanana, Zvapupu zvaJehovha nhasi hazviratidziri magwaro akafanana nezviratidzo. Panzvimbo pezvo, zvinonongedzera kubasa razvo rokuparidzira mashoko akanaka, sezvakanyorwa mundima dzeBhaibheri dzakadai saIsaya 61:1, 2; Marko 13:10; uye Zvakazarurwa 22:17. VaGiriki vekare vaitsvaka uchenjeri, dzidzo yapamusoro muzvinhu zvenyika ino. Nepo Pauro akanga akadzidza muuchenjeri hwenyika ino, iye akaramba kufadza vaGiriki kupfurikidza neratidziro ipi neipi yahwo. (Mabasa 22:3) Iye akataura nokunyora muchiGiriki chokutaurawo zvako chavanhuwo zvavo, panzvimbo pechiGiriki chounyanzvi. Pauro akaudza vaKorinte, kuti: “Ini, hama dzangu, pakuuya kwangu kwamuri, handina kuuya ndichikuparidzirai uchapupu hwaMwari nokunaka kwamashoko, kana kwouchenjeri . . . neshoko rangu nokuparidza kwangu hazvizaiva namashoko okugombedzera ouchenjeri; asi nokuratidza kwo[mudzimu, NW] nokwesimba; kuti kutenda kwenyu kurege kuva muuchenjeri hwavanhu, asi musimba raMwari.”—1 VaKorinte 2:1-5.
15. Petro anoyeuchidza vaseki vamashoko akanaka nezvechii, uye mugariro wazvino wakafanana sei nouyo womuzuva raNoa?
15 Muaya mazuva okupedzisira, vaseki vamashoko akanaka enyika itsva iri kuuya yaMwari nomugumo uri kusvika wenyika ino vanoyeuchidzwa nomuapostora Petro kuti nyika yezuva raNoa “yakafukidzwa nemvura ikaparadzwa.” (2 Petro 3:3-7) Achinangana nomugumo une ngwavaira iwoyo, chii icho Noa akaita? Vanhu vakawanda vanofunga nezvake bedzi somuvaki wengarava. Asi Petro anotaura kuti apo Mwari akaunza Boporodzi panyika yakare, Iye “akachengeta Noa, muparidziri wokururama, akakotsekana navamwe vanomwe.” (2 Petro 2:5, NW) Muuchenjeri hwavo hwenyika, vanhu vapamberi paMafashamo vasina umwari ivavo nenzira isingapanikirwi vakanyomba izvo Noa akaparidzira ndokumudana kuti benzi, asina chokwadi, uye asina mufungo. Nhasi, maKristu echokwadi ari kunangana nomugariro wakafanana, sezvo Jesu akaenzanisa chizvarwa chedu neicho chezuva raNoa. Pasinei zvapo navanyombi, zvisinei, kuparidzirwa kwamashoko akanaka oUmambo kunopfuura kungotaurawo zvako. Kufanana nokuparidzira kwakaitwa naNoa, kunoreva ruponeso nokuda kwomuparidziri uye nokuda kwaavo vanomuteerera!—Mateo 24:37-39; 1 Timotio 4:16.
‘Kuva Mapenzi Kuti Vave Vakachenjera’
16. Chii chichaitika kuuchenjeri hwenyika ino paArmagedhoni, uye ndivanaani vachapukunyuka ndokupinda munyika itsva yaMwari?
16 Nokukurumidza, paArmagedhoni, Jehovha Mwari achasakisa “uchenjeri [hwose] hwavarume vakachenjera” kuti hupere. Iye achaisa parutivi “uzivi [hwose] hwavarume vane uzivi” avo vakaita ziviso dzapachine nguva mberi dzokuti nhevedzo yenyika itsva yavo yaizounza sei migariro iri nani nokuda kworudzi rwomunhu. “Hondo yezuva guru raMwari Wamasimba ose” ichaparadza kungwara kwose, uzivi, uye uchenjeri zvenyika ino. (1 VaKorinte 1:19; Zvakazarurwa 16:14-16, NW) Avo bedzi vachapukunyuka hondo iyoyo ndokuwana upenyu munyika itsva yaMwari ndaavo vanoteerera icho nyika ino inodana kuti upenzi—hungu, mashoko akanaka oUmambo ane mbiri aJehovha.
17. Zvapupu zvaJehovha zvakava sei ‘mapenzi,’ uye vaparidziri vaMwari vamashoko akanaka vakatsunga kuitei?
17 Zvapupu zvaJehovha, zvichitungamirirwa nomudzimu wake, hazvinyadziswi kuparidzira icho nyika inodana kuti upenzi. Panzvimbo pokuedza kuva zvakachenjera mune zvenyika, zvakava ‘mapenzi.’ Seiko? Kupfurikidza nokuita basa rokuparidzira Umambo kuti zvive zvakachenjera, sokunyora kwakaita Pauro, kuti: “Kana munhu achiti ndakachenjera pakati penyu panyika ino, ngaave benzi, kuti ave wakachenjera.” (1 VaKorinte 3:18-20) Vaparidziri vaJehovha vamashoko akanaka vanoziva ukoshi hunoponesa upenyu hweshoko ravo uye vacharamba vachiriparidzira vasingaregi kutozosvikira pamugumo wenyika ino nouchenjeri hwayo pahondo yeArmagedhoni. Nokukurumidza, Jehovha Mwari achareverera uchangamire hwake hwechisiko chapose pose ndokuunza upenyu husingaperi kune avo vose vanotenda zvino nokuita chiito pamusoro po“upenzi hwokuparidza.”
[Mashoko Omuzasi]
a Pasinei zvapo nehurukuro dzose dzouzivi nenzvero dzavarume vakachenjera veGirisi yakare, manyoro avo anoratidza kuti havana kuwana hwaro hwapachokwadi hwetariro. Mapurofesa J. R. S. Sterrett naSamuel Angus vanoonesa, kuti: “Hakuna mabhuku ane kuchema kunosiririsa pamusoro pezvinosuruvarisa zvoupenyu, kupfuura kworudo, kunyengera kwetariro, uye kuipa kworufu.”—Funk and Wagnalls New “Standard” Bible Dictionary, 1936, peji 313.
Ndedzipi Dziri Mhinduro Dzako?
◻ Marudzii maviri ouchenjeri ariko?
◻ Ndechipi chiri chikanganiso chikuru chouchenjeri hwenyika?
◻ Neiko kuparidzira mashoko akanaka kuri chinhu chine mufungo zvikurusa chokuita?
◻ Chii chichakurumidza kuitika kuuchenjeri hwose hwenyika?
◻ Neiko Zvapupu zvaJehovha zvisinganyadziswi kuparidzira izvo nyika inodana kuti upenzi?
[Mufananidzo uri papeji 23]
VaGiriki vaitsvaka uchenjeri hwenyika uye kazhinji kazhinji vairangarira kuparidzira kwaPauro soupenzi