Uri Kudzivisa Mudzimu Wenyika Here?
“Takagamuchira, kwete mudzimu wenyika, asi mudzimu unobva kuna Mwari.”—1 VAKORINTE 2:12, NW.
1, 2. Ingwavairai inobatanidza gasi rine chepfu yakaitika muBhopal, India, asi i“gasi”i rinouraya zvikuru riri kufemwa kupota nyika?
PAUSIKU hunotonhorera hwaDecember muna 1984, chimwe chinhu chinokatyamadza chakaitika muBhopal, India. Muguta iroro, mune nzvimbo inogadzirwa makemikoro, uye pausiku ihwohwo hwaDecember, imwe vharuvhu haina kushanda zvakanaka murimwe ramatangi okuchengetera gasi. Kamwe kamwe, matani emethyl isocyanate akatanga kupinda mumhepo. Richitakurwa nemhepo, iri gasi rinouraya rakafamba richipinda mudzimba napamhuri dzakarara. Avo vakafa vakasvika zviuru, uye vamwe vakawanda vakaremadzwa. Yakanga iri tsaona yakaipa zvikurusa yamabasa okugadzira zvinhu kusvikira panguva iyoyo.
2 Vanhu vakachema apo vakanzwa nezveBhopal. Asi kunyange zvazvo yakauraya, gasi rakabudiswa ipapo rakauraya vanhu vashomanene zvikuru kupfuura vanourawa mumudzimu ne“gasi” iro vanhu kupota nyika yose vanofema zuva riri rose. Bhaibheri rinoridana kuti “mudzimu wenyika.” Imhepo yakapoteredza pasi iyoyo inouraya muapostora Pauro akaisianisa nomudzimu unobva kuna Mwari apo akati: “Zvino takagamuchira, kwete mudzimu wenyika, asi mudzimu unobva kuna Mwari, kuti tigoziva zvinhu zvatakapiwa nomutsa naMwari.”—1 VaKorinte 2:12, NW.
3. Chii chiri “mudzimu wenyika”?
3 Chaizvoizvo chii chiri “mudzimu wenyika”? Mukuwirirana neThe New Thayer’s Greek English Lexicon of the New Testament, revowo zvayo yeshoko rokuti “mudzimu” (chiGiriki, pneuʹma) “chimiro chendangariro kana kuti pesvedzero inozadza uye inodzora mweya womunhu upi noupi.” Munhu anogona kuva nomudzimu wakanaka kana kuti wakaipa, kana kuti chimiro chendangariro. (Pisarema 51:10; 2 Timotio 4:22) Boka ravanhuwo rinogona kuva nomudzimu, kana kuti chimiro chikuru chendangariro. Muapostora Pauro akanyorera shamwari yake Firemoni, kuti: “Nyasha dzaShe Jesu Kristu ngadzive no[mudzimu, NW] wenyu.” (Firemoni 25) Nenzira yakafanana—asi pamwero mukuru zvikuru—nyika yose zvayo ine chimiro chendangariro chikuru, uye uyu ndiwo “mudzimu wenyika” unonongedzerwa kwauri naPauro. Mukuwirirana neWord Studies in the New Testament yaVincent, “chitsama chacho chamashoko chinoreva zvakaipa zvinosunda nyika yakaipa.” Chimiro chendangariro chokutadza chinotekeshera mukufunga kwenyika ino uye chinopesvedzera nesimba nzira iyo vanhu vanoita nayo.
4. Ndiani ari manyuko omudzimu wenyika, uye muuyoi uyu mudzimu unawo pana vanhu?
4 Uyu mudzimu une chepfu. Nemhaka yei? Nemhaka yokuti unobva ku“muchinda wenyika ino,” Satani. Zvamazvirokwazvo, anodanwa kuti “muchinda wesimba re[mweya, mudzimu, NW] unobata zvino muvana vokusateerera.” (Johane 12:31; VaEfeso 2:2) Kwakaoma kupukunyuka uyu “[mweya, NW]” kana kuti “[mudzimu, NW] unobata zvino muvana vokusateerera mutemo.” Uri munzvimbo iri yose muchaunga chavanhu. Kana tikaufema, tinovamba kugamuchira zvimiro zvawo zvendangariro, vavariro dzawo. Mudzimu wenyika unokurudzira ‘kurarama mukuwirirana nenyama’ ndiko kuti, mukuwirirana nokusakwana kwedu kwokutadza. Unouraya, “nokuti kana muchifamba netsika dzenyama, muchafa.”—VaRoma 8:13.
Kudzivisa Mudzimu Wenyika Ino
5. Chapupu chimwe chakaita sei nokuchenjera mukati mengwavaira muBhopal?
5 Mukati mengwavaira muBhopal, Chapupu chimwe chaJehovha chakamutswa nokurira kwenyevero uye nohwema hwakasimba hwegasi rine chepfu. Pasina kunonoka chakamutsa mhuri yacho ndokukurumidza kuvapinza mumugwagwa. Chichimira kwenguva duku chete kuti chinzwe kuri kuenda mhepo, chakarwisa kupfuura nomumapoka avanhu akavhiringidzika ndokutungamirira mhuri yacho kumusoro kwegomo kunze kweguta. Ikoko vakakwanisa kuzadza mapapu avo nemhepo yakanaka, yakachena yaifuridza ichibva munyanza yaiva pedyo.
6. Ndokupi kwatinogona kuenda kuti tipukunyuke mudzimu wenyika?
6 Pane nzvimbo yakakwirira kwatinogona kupotera tichibva mu“[mweya, NW]” une chepfu wenyika ino here? Bhaibheri rinoti iriko. Achitarira mberi kuzuva redu, muporofita Isaya akanyora, kuti: “Pamazuva okupedzisira zvichaitika kuti gomo reimba yaJehovha richasimbiswa pamusoro pamakomo, richakwiridzwa kupfuura zvikomo; marudzi ose achamhanyira kwariri. Vanhu vazhinji vachaendako vachiti: Uyai, ngatikwire kugomo raJehovha, kuimba yaMwari waJakobho; iye uchatidzidzisa nzira dzake, tichafamba mumakwara ake; nokuti murairo uchabva paZioni, shoko raJehovha richabva Jerusarema.” (Isaya 2:2, 3) Nzvimbo yakakwirira yokunamata kwakachena, “gomo reimba yaJehovha” rakakwirira, ndiyo nzvimbo bedzi panyika ino isina mudzimu unokachidza, une chepfu wenyika ino. Ndiko uko mudzimu waJehovha unoyerera zvakasununguka pakati pavaKristu vakatendeka.
7. Vakawanda vakaponeswa sei pamudzimu wenyika?
7 Vazhinji vaichimbofema mudzimu wenyika ino vakafarikanya rusununguko rwakafanana nourwo rwakawanwa neChapupu chiya muBhopal. Pashure pokutaura nezve“vana vokusateerera mutemo” vanofema mweya, kana kuti mudzimu, wenyika ino, muapostora Pauro anoti: “Vataifamba tose pakati pavo kare, mukuchiva kwenyama yedu, tichiita kuda kwenyama nokwokufunga kwedu, napakuzvarwa kwedu isu navamwe vose taiva vana vokutsamwirwa. Zvino Mwari une nyasha zhinji zhinji, nokuda kworudo rwake rukuru, rwaakatida narwo, . . . wakatiraramisa pamwe chete naKristu.” (VaEfeso 2:3-5) Avo vasingafemi chinhu kunze kwomweya une chepfu wetsika ino yezvinhu vakafa mupfungwa yomudzimu. Zvisinei, nemhaka yaJehovha, mamirioni nhasi ari kutizira kunzvimbo yakakwirira yomudzimu uye ari kupukunyuka mugariro iwoyo unouraya.
Kuratidzirwa Kwo“mudzimu Wenyika” (NW)
8, 9. (a) Chii chinoratidza kuti tinofanira kungwarira nguva dzose mudzimu wenyika? (b) Mudzimu waSatani ungatishatisa sei?
8 Mweya unouraya waSatani uchiri kufamba makatipoteredza. Tinofanira kungwarira ndokusatongoburuka, tichidzoka munyika, zvichida kundodzipwa mumudzimu. Ikoku kunoda kungwarira kwenguva dzose. (Ruka 21:36; 1 VaKorinte 16:13) Rangarira, somuenzaniso, iri idi. VaKristu vose vakarovedzana nemipimo yaJehovha yetsika uye havasati vaizotongobvuma kuti miitiro isina kuchena yakadai soupombwe, ufeve, uye kuvatana kwavanhu vane mitezo mimweyo yokubereka nayo inogamuchirika. Bva, gore rimwe nerimwe vanenge vanhu 40 000 vanodzingwa musangano raJehovha. Nemhaka yei? Mune zvinoitika zvakawanda nemhaka yemiitiro mimwe cheteyi zvikuru isina kuchena. Ikoko kunogona sei kuitika?
9 Nemhaka yokuti tose zvedu hatina kukwana. Nyama yakaneta, uye nguva dzose tinofanira kurwisana nemirangariro yakaipa inooneka mumwoyo yedu. (Muparidzi 7:20; Jeremia 17:9) Zvisinei, mirangariro iyoyo yakaipa inokurudzirwa nomudzimu wenyika. Vakawanda vari munyika ino havaoni chakaipa noutere, uye pfungwa yokuti chinhu chiri chose chinobvumirwa rutivi rwomurangariro wendangariro yetsika yezvinhu yaSatani. Kana tikazviratidzira timene kukufunga kwakadaro, chokwadi, pane bviro yakasimba yokuti tichavamba kufunga senyika. Nokukurumidza, mifungo isina kuchena yakadaro ingabereka zvishuvo zvakaipa zvichaguma nechivi chakakomba. (Jakobho 1:14, 15) Tichava tadzungaira tichibva mugomo rokunamatwa kwakachena kwaJehovha tichiburukira munzvimbo dzakaderera dzakashatiswa dzenyika yaSatani. Hapana munhu anoramba ari imomo nokudisa achagara nhaka upenyu husingaperi.—VaEfeso 5:3-5, 7.
10. Chii chiri kuratidzirwa kumwe kwomweya waSatani, uye nei vaKristu vachifanira kudzivisa ikoku?
10 Mudzimu wenyika unooneka makatipoteredza mose. Somuenzaniso, pane chimiro chendangariro chokuzvidza, chokunyomba icho vakawanda vanosvika nacho upenyu. Vaodzwa mwoyo navezvamatongerwe enyika vakashata kana kuti vasingagoni uye navatungamiriri vorudzidziso vane utere, vana makaro, vanotaura nenzira isina kufanira kunyange pamusoro pezvinhu zvakakomba. VaKristu vanodzivisa ichi chimiro chendangariro. Nepo tingava nepfungwa yakanaka yokusetsa, tinodzivisa kupinza muungano mudzimu wokunyomba wokuzvidza. Mutauro womuKristu unoratidzira kutya Jehovha nokuchena kwomwoyo. (Jakobho 3:10, 11; enzanisa naZvirevo 6:14.) Tingava tiri vaduku kana kuti vakuru, kutaura kwedu kunofanira kuva “nenyasha nguva dzose, kwakarungwa nomunyu, kuti [ti]zive kupindura mumwe nomumwe sezva[ti]nofanira kuita.”—VaKorose 4:6.
11. (a) Chii chiri rutivi rwechipiri rwomudzimu wenyika? (b) Neiko vaKristu vakasiana naavo vanoratidzira urwu rutivi?
11 Chimwe chimiro chendangariro chinozivikanwa navose chinoratidzira mudzimu wenyika ino ruvengo. Nyika yakakamuraniswa noruvengo namagakava zvakavakirwa pamisiano yedzinza, yetsika, yorudzi, uye kunyange yomunhu oga. Zvinhu zviri nani zvikuru sei uko mudzimu waMwari unoshanda! Muapostora Pauro akanyora, kuti: “Musatsiva munhu chakaipa kana akuitirai chakaipa. Tsvakai zvakarurama pamberi pavanhu vose. Kana zvichibvira, pamunogona napo, ivai norugare navanhu vose. Musatsiva, vadikanwa, asi mudziurire kutsamwa; nokuti kwakanyorwa, kuchinzi: Kutsiva ndokwangu, ini ndicharipira ndizvo—zvinoreva [Jehovha, NW]. Asi kana muvengi wako aziya, umupe kudya; kana afa nenyota, umupe kunwa; nokuti kana uchiita izvozvo, uchatutira mazimbe omwoto pamusoro wake. Usakundwa nezvakaipa, asi ukunde zvakaipa nezvakanaka.”—VaRoma 12:17-21.
12. Neiko vaKristu vachidzivisa kudisa zvenyika?
12 Mudzimu wenyika ino unonyandurawo kudisa zvenyika. Vakurudzirwa nenyika yezvokutengeserana, vakawanda vanobatikaniswa nechinhu chitsva chitsva, fashoni yazvino uno, motokari yazvino uno. Vanopinzwa muuranda no“kuchiva kwameso.” (1 Johane 2:16) Vakawanda zvikurusa vanoyera budiriro yavo muupenyu kupfurikidza noukuru hweimba yavo kana kuti akaundi yavo yebhangi. VaKristu, vanofema mweya womudzimu wakachena vari pagomo rakakwirira rokunamatwa kwakachena kwaJehovha, vanodzivisa uyu murangariro. Vanoziva kuti kurondwa kwokutsunga kwezvinhu zvokunyama kunogona kuva kunoparadza. (1 Timotio 6:9, 10) Jesu akayeuchidza vadzidzi vake, kuti: “Nokuti upenyu hwomunhu hauzi pazvinhu zvakawanda zvaanazvo.”—Ruka 12:15.
13. Chii chiri kumwe kuratidzirwa kwokuwedzera kwomudzimu wenyika ino?
13 Pane kumwe kuratidzirwa kwe“mhepo” isina kunaka yenyika ino. Kumwe mudzimu wokupanduka. (2 Timoitio 3:1-3) Wakacherechedza here kuti vanhu vakawanda havachabatiri pamwe chete nechiremera? Wakacherechedza mubasa rako rokunyika muitiro wakapararira zvikuru wokusashanda kutoti mumwe munhu ari kutarisa zvomenemene here? Vanhu vangani vaunoziva vakatyora mitemo—zvichida vakabira pamitero yavo kana kuti vakaba panzvimbo yebasa? Kana uchiri kuenda kuchikoro, wakamboodzwa mwoyo kuti urege kuita unani hwako nemhaka yokuti vomukirasi biyako vanozvidza avo vanobudirira mune zvedzidzo here? Kwose ikoku kuratidzirwa kwomudzimu wenyika uyo vaKristu vanofanira kudzivisa.
Nzira Yokudzivisa Nayo Mudzimu Wenyika Ino
14. VaKristu vakasiana munzirai navasati vari vaKristu?
14 Kunyanguvezvo, tinogona sei kudzivisa mudzimu wenyika apo tinogara zvomenemene munyika? Tinofanira kuyeuka kuti pasinei zvapo nekwatingava mumuviri, mumudzimu hatisi rutivi rwenyika. (Johane 17:15, 16) Nharidzano dzedu hadzisi nharidzano dzenyika ino. Murangariro wedu wezvinhu wakasiana. Tiri vanhu vomudzimu, vanotaura nokufunga “kwete namashoko anodzidziswa nouchenjeri hwavanhu, asi naayo anodzidziswa nomudzimu, sezvo tinobatanidza zvinhu zvomudzimu namashoko omudzimu.”—1 VaKorinte 2:13, NW.
15. Tinogona sei kudzivisa mudzimu wenyika?
15 Chii icho munhu angagona kuita kana akazviwana amene ari munharaunda yakasvibiswa negasi rine chepfu? Iye angagona zvimwe kupfeka chinodzivisa gasi chakabatanidzwa nomugove womweya wakachena, kana kuti angagona kuzvibvisa amene mumuviri munharaunda yacho. Nzira yokudzivisa nayo mweya waSatani inobatanidza iyi mitoo. Sezvinobvira zvikuru, tinoedza kuzvibvisa timene mumuviri pachinhu chipi nechipi chingagonesa mudzimu wenyika kutapura kufunga kwedu. Nokudaro, tinodzivisa songaniro yakaipa, uye hatizviratidziri timene kurudzi rupi norupi rwevaraidzo runosimudzira masimba masimba, utere, kushandisa midzimu, kupanduka, kana kuti rimwe basa ripi neripi renyama. (VaGaratia 5:19-21) Zvisinei, sezvo tichigara munyika, hatigoni kudzivisa chose chose kuratidzirwa kuizvi zvinhu. Naizvozvo tiri kuita nokuchenjera kana tikabatana nomugove womweya wakanaka womudzimu. Tinozadza mapapu edu omudzimu, sokunge zvakadaro, kupfurikidza nokupinda misangano nguva dzose, fundo yomunhu oga, mubato wechiKristu nesonganiro, uye munyengetero. Mune iyi nzira, kana upi noupi womweya waSatani ukadzudza mumapapu edu omudzimu, mudzimu waMwari unotisimbisa kuti tiurambe.—Pisarema 17:1-3; Zvirevo 9:9; 13:20; 19:20; 22:17.
16. Tinopa sei ufakazi hwokuva nomudzimu waMwari?
16 Mudzimu waMwari unoita kuti muKristu ave munhu akatanhamara seakasiana naavo vari rutivi rwenyika ino. (VaRoma 12:1, 2) Pauro akati: “Zvino chibereko cho[mudzimu, NW] ndirwo rudo, nomufaro, norugare, nomwoyo murefu, nomwoyo munyoro, nokunaka, nokutendeka, nounyoro, nokuzvidzora; hakuno murairo unodzivisa zvinhu zvakadai.” (VaGaratia 5:22, 23) Mudzimu waMwari unopawo muKristu nzwisiso huru zvikuru yezvinhu. Pauro akati: “Hakuno munhu unoziva zvaMwari, asi [mudzimu, NW] waMwari.” (1 VaKorinte 2:11) Kazhinji kazhinji, “zvaMwari” zvinobatanidza zvokwadi dzakadai sechibairo chorudzikinuro, Umambo hwaMwari pasi paJesu Kristu, tariro youpenyu husingaperi, uye kubviswa kwava pedyo kwenyika ino yakaipa. Nebetsero yomudzimu waMwari, vaKristu vanoziva uye vanogamuchira zvinhu izvozvi sezvokwadi, uye ikoku kunoita kuti murangariro wavo woupenyu usiane nouyo wavanhu venyika. Vanogutswa nokuwana mufaro wavo mukubatira Jehovha zvino, nekariro yokumubatira nokusingagumi kunouya.
17. Ndiani akagadza muenzaniso wakaisvonaka mukudzivisa mudzimu wenyika, uye sei?
17 Jesu akanga ari muenzaniso wakaisvonaka waavo vanodzivisa mudzimu wenyika ino. Nokukurumidza pashure porubhapatidzo rwaJesu, Satani akaedza kumubvisa pakubatira Jehovha kupfurikidza nokupa miedzo mitatu. (Mateo 4:1-11) Wokupedzisira wakabatanidza bviro yokuti Jesu aigona kuwana ubati ushe hwenyika yose nokuda kwomutengo wechiito chimwe chete chokunamata kuna Satani. Jesu aigona kuve akarangarira, kuti: ‘Eya, ndichaita chiito chokunamata, uye ipapo pashure pokunge ndawana ubati ushe hwenyika, ndichapfidza ndokudzokera kukunamata Jehovha. Somubati ushe wenyika, ndichakwanisa zviri nani zvikuru kubetsera rudzi rwomunhu kupfuura zvandiri zvino somuvezi weNazareta.’ Jesu haana kurangarira nenzira iyoyo. Akanga achidisa kumirira kusvikira Jehovha amupa ubati ushe hwenyika. (Pisarema 2:8) Panguva iyoyo, uye padzimwe nguva dzose muupenyu hwake, iye akadzivisa pesvedzero ine chepfu yomweya waSatani. Nokudaro, iye akakunda nyika ino yakasvibiswa mumudzimu.—Johane 16:33.
18. Kudzivisa kwedu mudzimu wenyika kunounza sei rumbidzo kuna Mwari?
18 Muapostora Petro akataura kuti tinofanira kusanotevera makwara aJesu. (1 Petro 2:21) Muenzanisoi uri nani watingava nawo? Muano mazuva okupedzisira, vapesvedzerwa nomudzimu wenyika, vanhu vari kunyura zvikuru kwazvo muushati. Chinhu chinoshamisa zvakadini kuti pakati penyika yakadaro, nzvimbo yakakwirira yokunamatwa kwaJehovha yakamira iri tsvene uye yakachena! (Mika 4:1, 2) Zvirokwazvo, simba romudzimu waMwari rinocherechedzwa mukuti mamirioni ari kudirana achikwira kunzvimbo yaMwari yokunamata, achidzivisa mudzimu unoshatisa zvose wenyika ino nokuunza rukudzo nerumbidzo kuna Jehovha! (1 Petro 2:11, 12) Tose zvedu ngatitsunge kuramba tiri munzvimbo iyoyo yakakwirira kusvikira Mambo wakazodzwa waJehovha abvisa nyika ino yakaipa uye akandira mugomba rakadzika-dzika Satani Dhiabhorosi nemadhemoni ake. (Zvakazarurwa 19:19–20:3) Ipapo, mudzimu wenyika ino hausati uchizovapo. Iyoyo ichava nguva yakakomborerwa zvakadini!
Unogona Kutsanangura Here?
◻ Chii chiri mudzimu wenyika?
◻ Mudzimu wenyika ino une muuyoi pana vanhu vamwe navamwe?
◻ Ndokupi kuri kumwe kuratidzirwa kwomudzimu wenyika, uye tinogona sei kuudzivisa?
◻ Tinoratidza sei kuti tine mudzimu waMwari?
◻ Zvikomboreroi zvinouya kuna avo vanodzivisa mudzimu wenyika?
[Mufananidzo uri papeji 16, 17]
Mudzimu wenyika unobva kuna Satani
Kuti udzivise mudzimu wenyika, tizira kunzvimbo yakakwirira yaJehovha yokunamata