Zvirevo
9 Uchenjeri hwechokwadi hwakavaka imba yahwo;
Hwakaveza mbiru dzahwo nomwe.
4 “Munhu wese asina ruzivo, ngaauye kuno.”
Hunoti kumunhu asina pfungwa:*
5 “Uya udye zvekudya zvangu
Nekunwa waini yandasanganisa.
8 Usatsiura museki, nekuti achakuvenga.+
Tsiura munhu akachenjera, uye achakuda.+
9 Ipa ruzivo kumunhu akachenjera, uye achawedzera kuchenjera.+
Dzidzisa munhu akarurama, uye achawedzera kudzidza.
12 Kana ukava akachenjera, kuchenjera kwako kuchabatsira iwe pachako,
Asi kana uchituka, zvichakuwana iwe wacho.
13 Mukadzi benzi anotaura nenzwi riri pamusoro.+
Haana pfungwa uye haana kana chaanoziva.
14 Anogara pachigaro, pasuo remba yake
Munzvimbo dzakakwirira dzeguta,+
15 Achishevedzera kuvanhu vari kupfuura,
Vaya vari kufamba zvavo nenzira, achiti:
16 “Munhu wese asina ruzivo ngaauye kuno.”