Kuparadzwa Kunogona Kuitwa Guhwa
“Jehovha, isai murindi pamberi pomuromo wangu; chengetai mukova wemiromo yangu.”—PISAREMA 141:3.
1. Uropi hwedu hwakapiwa naMwari hune simbai?
JEHOVHA akatipa uropi, uye ihwo hunoshamisa sei! Bhuku rinonzi The Incredible Machine rinoti: “Kunyange makomupiyuta akaoma kunzwisisa zvikurusa ayo tinogona kuisa muchiono ndeechinyakare akaenzaniswa nokuoma kunzwisisa kunodokuva kusingagumi nokuchinjika zvouropi hwomunhu . . . Mamirioni ezviratidzo zvinopfuura nomuuropi panguva ipi neipi anotakura mutoro wechienzi wamashoko. Iwo anounza mashoko pamusoro pemhoteredzo dzomuviri wako dzomukati nokunze . . . Sezvo zvimwe zviratidzo zvinoita nokukamuranisa mashoko, izvo zvinoparira mirangariro yakati, yeuko, mifungo, kana kuti gadziriro izvo zvinotungamirira kuchisarudzo. Panodokuva pakarepo, zviratidzo zvinobva muuropi hwako zvinoudza mamwe mativi omuviri wako chokuita . . . Munguvayo uropi hwako huri kutarisirawo kufema kwako, kemesitiri yeropa, tembiricha, uye mimwe miitiro inokosha yausingazivi.”—Peji 326.
2. Mubvunzoi zvino unofanirwa nerangariro?
2 Zvirokwazvo, chipo chinoshamisa chakadaro chinobva kuna Mwari hachifaniri kutongoshandiswa sebhini ramarara kana kuti dhodhibhokisi. Bva, tinogona kushandisa zvisakafanira uropi kupfurikidza nokuteerera uye kuparadzira guhwa. Tinogona sei kudzivisa kutaura kwakadaro ndokubetsera vamwe kurega kupinda mariri?
Onga Ndangariro Yako Yakapiwa naMwari
3. Neiko muKristu wechokwadi asati aizopinda mukutaura kunokuvadza?
3 Kuonga ndangariro yedu yakapiwa naMwari kuchatidzivisa kuteerera guhwa nokuriparadzira. Mudzimu waJehovha haungasundi munhu upi noupi kuzadza ndangariro yake nepfungwa dzakadaro ndokushandisa rurimi rwake kukuvadza munhu upi noupi. Panzvimbo pezvo, Shoko raMwari rinoti: “Wakaipa ngaasiye nzira yake, nomunhu usakarurama mirangariro yake.” (Isaya 55:7) Ndangariro yomunhu akaipa yakazadzwa nepfungwa dzakaipa, uye iye anokurumidza kuchera vakarurama. Asi hatisati taizotongokarira kutaura kwakadaro kuavo vanoonga ndangariro yavo yakapiwa naMwari.
4. Kana tichionga uropi hwedu nesimba redu rokutaura, tichashandisa sei ndangariro yedu norurimi rwedu?
4 Kuonga kwakafanira kuchatibetsera kudzivisa kushandisa ndangariro yedu norurimi rwedu kugutsa nyama yedu inotadza. Panzvimbo pezvo, tichachengeta kufunga kwedu nokutaura zviri pamwero wakakwirira. Tinogona kudzivisa guhwa kupfurikidza norutsamiro rwapachokwadi pane Uyo ane mifungo yakakwirira zvikuru kupfuura yedu. Muapostora Pauro akapa zano, achiti: “Zvinhu zvipi kana zvipi zviri zvechokwadi [kwete zvenhema kana kuti zvokuchera], zvinhu zvipi kana zvipi zviri zvezvinoitirwa hanya zvikuru [kwete zvenhando], zvinhu zvipi kana zvipi zviri zvakarurama [kwete zvakaipa nezvinokuvadza], zvinhu zvipi kana zvipi zviri zvakachena [kwete kuchera kusina kuchena kana kuti nyumwiro dzakaipa], zvinhu zvipi kana zvipi zviri zvinodikanwa [kwete zvinokuvadza nezvinozvidza], zvinhu zvipi kana zvipi zviri zvinotaurwa zvakanaka pamusoro pazvo [kwete zvokuzvidza], kunaka kupi nokupi [kwete kushata] kuripo nechinhu chipi kana chipi chinorumbidzwa chiripo [kwete chinoshurikidzwa], pfuurirai kurangarira zvinhu izvozvi.”—VaFiripi 4:8, NW.
5. Chii icho vatendi biyake vakanga vaona nokunzwa pamusoro paPauro?
5 Pauro akawedzera, kuti: “Zvinhu zvamakadzidza uyewo zvamakagamuchira ndokunzwa ndokuona pamusoro pangu, itai izvozvi; uye Mwari worugare achava nemi.” (VaFiripi 4:9, NW) Chii icho vamwe vakanga vaona nokunzwa pamusoro paPauro? Zvinhu zvakanga zvakachena nezvinovaka mumudzimu. Iye haana kuzadza nzeve dzavo neguhwa razvino uno pamusoro paRidhia kana kuti Timotio. Iwe unogona kuva nechokwadi chokuti Pauro haana kuteerera uye kuparadzira runyerekupe pamusoro pavarume vakuru muJerusarema.a Sezvingabvira, kuremekedza ndangariro yake yakapiwa naMwari kwakabetsera Pauro kudzivisa kubatanidzwa muguhwa. Isu tichatevera muenzaniso wake kana tikaonga chaizvoizvo ndangariro norurimi Jehovha akatipa.
Remekedza Mwari neShoko Rake
6, 7. (a) Jakobho akaratidza sei miuyo yorurimi rusingadzorwi? (b) Chii chisati chichizoitika kana tikaremekedza Mwari neShoko rake?
6 Kuremekedzwa kwechokwadi kwaMwari neShoko rake Rinoyera zvichatibetserawo kuparadza guhwa. Zvamazvirokwazvo, ruremekedzo rwakadaro ruchatisunda kuteerera zano romudzidzi Jakobho, uyo akashora rurimi. (Jakobho 3:2-12) Kana munhu angagona kudzora rurimi, iye aizokwanisa kudzora muviri wake wose, kunyange sezvo chikachikiro chiri mumuromo mebhiza chichigona kutungamirira mhuka iyoyo. Sezvo pfarivari zvayo ichigona kupisa sango, naizvozvo rurimi ruduku runogona kuva mwoto unopisa upenyu. Munhu anogona kupingudza zvikara, shiri, zvinhu zvinonanaira, uye zvisikwa zvegungwa, “asi rurimi, hakuna mumwe worudzi rwomunhu anogona kurupingudza,” akadaro Jakobho. Bva, ikoko hakusi pembedzo yokusaita nhamburiko yokuparadza guhwa.
7 Jakobho akataurawo kuti rurimi runobudisa chikomborero nokutuka mumuromo mumwe chetewo. Ikoku hakuna kufanira, nokuti tsime haribudisi mvura dzose dziri mbiri inonaka neinovava. Muonde haugoni kubereka maorivhi, uye mvura ine munyu haibudisi mvura inonaka. Chokwadika, chero bedzi maKristu asina kukwana, rurimi ruchatadzwa kudzorwa nenzira yakakwana. Ikoku kunofanira kutiita vane ngoni kuvatadzi vanopfidza, bva hakupembedzi guhwa. Chero kuchitsamira patiri, kushandiswa kusakafanira kwakaipa kwakadaro kworurimi hakusati kuchizopfuurira kuitika kana tikaremekedza kwazvo Mwari neShoko rake.
Kubetsera Kunogona Kuita Munyengetero
8. Munyengetero unogona sei kutibetsera kuparadza guhwa?
8 Muedzo wokuteerera guhwa uye ipapo kuriparadzira unogona kuva wakasimba zvikuru. Naizvozvo kana iwe wakatera kumuedzo wakadaro munguva yakapfuura, haufaniri here kukumbira Mwari nokuda kwekanganwiro nebetsero? Jesu akatidzidzisa kunyengetera, kuti: “Musatipinza mumuedzo, asi tinunurei pane wakaipa.” (Mateo 6:13, NW) MaKristu anonyengetera zvapachokwadi kuti Mwari asavasiye kukuedza kwakadaro asi kutaura kwakaipa hakusati kuchizotera kuichi chishandiswo chaSatani; achanunurwa mumucheri mukuru.
9. Kana tikaedzwa kuchera munhu upi noupi, tinganyengetera sei?
9 Kana isu tikaedzwa kuchera munhu upi noupi, tinganyengetera, kuti: “Jehovha, isai murindi pamberi pomuromo wangu, chengetai mikova yemiromo yangu.” (Pisarema 141:3) Tingagona kuparadza kariro dzedu dzoupenyu husingagumi kupfurikidza nokutera kumuedzo nokutevedzera Dhiabhorosi somucheri anovenga, anoreva nhema, anoponda. (Johane 8:44) Muapostora Johane akanyora, kuti: “Mumwe nomumwe anovenga hama yake, muurayi; munoziva kuti hakuna muurayi uno upenyu husingaperi ugere maari.”—1 Johane 3:15.
Rudo Runodzinga Guhwa
10. Panzvimbo pokutaura guhwa pamusoro pavamwe, chii chatine ngava navo?
10 Tose zvedu tine mungava wechimwe chinhu kuvamwe, asi hatina mungava woruvengo runonyandura guhwa. “Musava nechikwereti nomunhu, asi chokudana,” akanyora kudaro Pauro. (VaRoma 13:8) Tinofanira kuva tichibhadhara pachikwereti ichocho zuva nezuva panzvimbo pokutuka vamwe nokukuvadza mukurumbira wavo. Kana tichiti tinoda Jehovha, hatigoni kuva tichichera munamati biyedu, “nokuti usingadi hama yake yaakaona, ungada seiko Mwari waasina kumuona?”—1 Johane 4:20.
11. Mufananidzo waJesu wamakwai nembudzi ungatipa sei zvokufunga nezvazvo pamusoro peguhwa?
11 Rangarira mufananidzo waJesu wamakwai nembudzi. Vakafanana nembudzi vakaudzwa kuti izvo vakaita kuhama dzaKristu zvakarangarirwa sezvakaitwa kwaari. Iwe ungataura guhwa pamusoro paKristu here? Kana usati waizotuka Ishe wako naTenzi, usabata hama dzake dzakazodzwa nenzira iyeyo. Usaita chikanganiso sezvakaita mbudzi, idzo “dzichapinda mukuparadzanywa kusingaperi.” Kana uchida hama dzaJesu, kuratidze neizvo unotaura pamusoro padzo.—Mateo 25:31-46, NW.
12. Chii chiri pfundo guru raZvirevo 16:2, uye rinofanira kutapura sei mifungo yedu, zviito, uye mutauro?
12 Sezvo tose zvedu tiri vatadzi uye tichida chibairo chorudzikinuro chaJesu, kana mumwe munhu achida kuita tsinhiro dzakashata pamusoro pedu, angagona kuwana zvakawanda zvokutaura. (1 Johane 2:1, 2) Chokwadika, tingafunga kuti tiri kuita zvakanaka zvikuru. “Njere dzose dzomunhu unoti dzakanaka pakuona kwake, asi Jehovha unoyera mweya.” Zviyero zvaMwari hazvizendengutswi nechizivano kana kuti rusaruro. (Zvirevo 16:2; Mabasa 10:34, 35) Iye anoyera mudzimu wedu, achicherechedza chimiro chedu nesundo dzinotisunda kufunga, kuita, uye kutaura. Zvirokwazvo, ipapoka, tingasada Mwari kuwana kuti tinozvirangarira timene nenzira yakaipa kuva vakachena uye vamwe vakaipiswa uye vakafanirwa netsinhiro dzinokuvadza. Kufanana naJehovha, tinofanira kuva vasina rusaruro, vane ngoni, uye vane rudo.
13. (a) Idi rokuti “rudo rune mwoyo murefu uye rune mutsa” rinogona kubetsera sei mukuparadza guhwa? (b) Chii chichatidzivisa kutuka mumwe munhu anogamuchira ropafadzo yebasa yatisina?
13 Kushandisa izvo Pauro akataura pana 1 VaKorinte 13:4-8 kunogona kutibetsera kuparadza guhwa. Iye akanyora, kuti: “Rudo rune mwoyo murefu uye rune mutsa.” Hanzvadzi iri kutambura chitambudzo mumhuri yakakamuraniswa ingasatikwazisa nomufaro. Kana kuti vamwe vangava vanononoka zvikuru mumuviri, zvichida nemhaka youtano hwakaipa. Rudo harufaniri kutisunda here kuva vanoshivirira navane mutsa kuvanhu vakadaro panzvimbo pokuvaita vanyajambwa weguhwa rokutsoropodza? ‘Rudo haruna godo, haruzvitutumadzi, harufufutirwi nehasha.’ Nokudaro, kana mumwe muKristu akagamuchira ropafadzo yebasa yatisina, rudo ruchatidzivisa kumutuka nokukarakadza kuti iye haana kukodzera basa racho. Rudo ruchatidzivisawo kuganza pamusoro pezviwanwa zvedu, kutaura uko kungagona kuodza mwoyo avo vakaropafadzwa zvishoma.
14. Chiizve chiripo pamusoro porudo chingatapura chatingataura pamusoro pavamwe?
14 Pauro akataurawo kuti ‘rudo haruzvibati zvisakafanira, harutsvaki fariro dzarwo rwumene, harutsamwi, kana kuti harurangariri zvakaipa.’ Panzvimbo pokutaura nenzira isakafanira zvinhu zvisiri zvechiKristu, tinofanira kurega rudo ruchitisunda kutaura zvakanaka nezvavamwe nokurangarira fariro dzavo. Runotidzivisa kutsamwa nokutuka vanhu nokuda kwekuvadziko chaidzoidzo kana kuti dzinofungidzirwa. Sezvo ‘rudo ruchifarira kwete zvisakarurama asi zvokwadi,’ runotidzivisa kupinda muguhwa kunyange pamusoro pavashori vanotambura kusaruramisira.
15. (a) Tinofanira kutapurwa sei neidi rokuti ‘rudo runodavira uye runokarira zvinhu zvose’? (b) Mativii orudo anogona kutibetsera kunamatira kusangano raJehovha kunyange kana vamwe vakarituka?
15 Rudo ‘runodavira uye runokarira zvinhu zvose’ zvinowanwa muShoko raMwari uye runotisunda kuonga zvokudya zvomudzimu zvinogoverwa neboka ro‘muranda akatendeka,’ panzvimbo pokuteerera kutaura kwokuchera kwavawi pakutenda vanoreva nhema. (Mateo 24:45-47; 1 Johane 2:18-21) Sezvo ‘rudo ruchitsungirira zvinhu zvose uye rusingatongokundikani,’ irwo rwunotibetserawo kuramba takavimbika kusangano raMwari kunyange kana “hama dzenhema” kana kuti vamwe vakarituka kana kuti mitezo yaro.—VaGaratia 2:4.
Ruremekedzo Runodzivisa Guhwa
16. Pauro akabatwa sei nehama dzenhema muKorinte?
16 Kuremekedza vatendi biyedu kunobetserawo kuparadza guhwa. Sezvo ivo vachigamuchirika kuna Mwari, zvirokwazvo hatifaniri kuvazvidza. Tisatongove vakafanana ne“hama dzenhema” idzo Pauro akasangana nadzo. Pasina panikiro, ivo vakataura zvinhu zvakaipa pamusoro pake. (2 VaKorinte 11:26) Vawi pakutenda vanofanirawo kuva vakamuzvidza. (Enzanisa naJudhasi 3, 4.) MuKorinte vamwe vanhu vakati: “[Tsamba dzake, NW] dzina mashoko makuru, dzine simba, asi muviri wake kana aripo, une utera, nokutaura kwake kunozvidzwa.” (2 VaKorinte 10:10) Vanhu havaiti tsinhiro dzakadaro pamusoro paavo vanoda.
17. Dhiotrefe akanga achitaura pamusoro pomuapostora Johane norudzii rwamashoko?
17 Rangarira muapostora Johane, uyo akatukwa naDhiotrefe. “Ndakanyorera kereke,” akadaro Johane, “asi Dhiotrefe, unoda kuva mukuru pakati pavo, unotiramba isu. Naizvozvo, kana ndichiuya, ndichayeudza mabasa ake aanoita, kuti unotiitira makuhwa namashoko akaipa.” (3 Johane 9, 10) Kutaura kwoupenzi kwakadaro yakanga iri nhau yakakomba zvikuru, uye kana isu tiri kuteerera kana kuti kuparadzira kutaura kwakafanana nhasi, tinofanira kurega kuita saizvozvo nokukurumidza.
18. Dhemetrio akasiana sei naDhiotrefe, uye uyu musiano ungatapura sei mufambiro wedu?
18 Achikurudzira ruremekedzo nokuda kwavakarurama, Johane akaudza Gayo, kuti: “Usatevera chakaipa, asi chakanaka. Uyo, unoita zvakanaka, ndowaMwari; unoita zvakaipa, haana kuona Mwari. Dhemetrio unopupurirwa navanhu vose, uye nezvokwadi imene; nesu tinopupurirawo, iwe unoziva kuti kupupura kwedu ndokwazvokwadi.” (3 Johane 1, 11, 12) Mumwe nomumwe wedu angazvibvunza amene, kuti: Ko ini ndiri Dhiotrefe anotaura zvoupenzi kana kuti Dhemetrio akatendeka here? Kana tichiremekedza vatendi biyedu, hatisati tichizoita tsinhiro dzakaipa pamusoro pavo, tichipa vamwe chikonzero chokutirangarira savatauri voupenzi.
19. Hama dzenhema dzakatsvaka sei kushatisa C. T. Russell?
19 Hama dzenhema hadzina kungovapo bedzi muzana rokutanga ramakore. Mukati mama 1890, vanhu vasina kutendeseka vaisonganirana nesangano raMwari vakaedza kudzora Watch Tower Society. Ivo vakarangana pamusoro paCharles Taze Russell, vachitsvaka kuparira mugumo wake sapurezidhendi wokutanga weSosaiti. Pashure pokuronga kwaanenge makore maviri, rangano yacho yaputika muna 1894. Pomero dzenhema dzakanga dzakananga zvikurukuru pakusatendeseka kwaifungidzirwa kwaRussell mubhizimisi. Dzimwe dzepomero dzenhando dzakaratidzira vavariro yavapomeri—kushatiswa kwaC. T. Russell. MaKristu asina rusaruro akaongorora zvinhu ndokumuwana akarurama. Nokudaro, iyi gadziriro yo“kuparadza VaRussell nebasa ravo” yakakundikana. Naizvozvo, kufanana naPauro, Hama Russell akadenhwa nehama dzenhema, asi uku kuedza kwakazivikanwa segadziriro yaSatani. Varangani pashure paikoku vakarangarirwa kuva vasina kukodzera kufarikanya ushamwari hwechiKristu.
Mabasa Akanaka Anodzivisa Kuchera
20. Chikanganisoi chakawana Pauro nechirikadzi duku?
20 Pauro aiziva kuti guhwa kazhinji kazhinji raiva noukama nousimbe, kwete basa rakanaka rakawanda. Iye haana kufadzwa kuti chirikadzi duku dzakanga dzadzidza “kuva simbe dzinofamba-famba mudzimba, uye kwete simbe bedzi asiwo vatauri vamakuhwa uye dzisingaregi zvavamwe, dzichitaura zvadzisingafaniri.” Chii chakanga chiri mushonga wacho? Mubato wakanaka. Nokudaro, Pauro akanyora, achiti: “Naizvozvo ndingaita kuti vaduku varoorwe, vabereke vana, vachengete imba, kwete kupa mushori nzira ipi neipi yokutuka.”—1 Timotio 5:11-14, Byington.
21. Ko 1 VaKorinte 15:58 inei chokuita pakudzivisa misungo yeguhwa?
21 Kana vakadzi vakatarisira mhuri, kurovedza vana mukuwirirana nemipimo yaMwari, uye kupinda muzvimwe zvirondwa zvakafanira, ivo vachava nenguva shomanene yokubvotomoka uko kunogona kutungamirira kuguhwa. Varumewo vachava nenguva shomanene yokutaura kwakadaro kana vakabatikana namabasa akanaka. “Nguva dzose muchiva nezvakawanda zvokuita mubasa raShe” kuchatibetsera tose kudzivisa misungo yeguhwa. (1 VaKorinte 15:58, NW) Zvikurukuru kubatanidzwa nomwoyo wose muushumiri hwechiKristu, misangano yeungano, uye zvimwe zvirondwa zvoumwari zvichachengeta ndangariro dzedu dziri pazvinhu zvomudzimu kuti tigorega kuva vatauri vamakuhwa vasina kubatikana navanopindira muzvinhu zvavamwe vanhu.
22. Zvirevo 6:16-19 inotii pamusoro pomurangariro waMwari wavacheri?
22 Kana tikaramba takabatikana mumabasa oumwari ndokutsvaka kukomborera vamwe mumudzimu, tichava shamwari dzakavimbika, kwete vatauri vamakuhwa vasina kuvimbika. (Zvirevo 17:17) Uye kana tikadzivisa guhwa rinokuvadza, tichava neShamwari yakanakisisa yedzose—Jehovha Mwari. Ngatiyeukei kuti zvinhu zvinomwe zvinonyangadza kwaari ndizvo “meso ounozvikudza, rurimi runoreva nhema, maoko anodurura ropa risine mhaka; mwoyo unofunga mano akaipa, tsoka dzinokurumidza kuvangira zvakashata; chapupu chinonyengera chinoreva nhema; uye unokusha kupesana pakati pehama.” (Zvirevo 6:16-19) Vatauri vamakuhwa vanokatutsira uye vanomonyanisa zvinhu, uye vacheri vane ndimi dzenhema. Mashoko avo akafambisa tsoka dzaavo vaidisa kutaura nhau. Kanodokuva nguva dzose, gakava ndiwo muuyo. Asi kana tichivenga icho Mwari anovenga, tichadzivisa guhwa iro rinogona kukuvadza vakarurama ndokuunza mufaro kumucheri mukuru, Satani Dhiabhorosi.
23 Naizvozvo, ngatifadzei mwoyo waJehovha. (Zvirevo 27:11) Ngatidzivisei kutaura kwaanovenga, kuramba kuteerera kuchera, uye kuita unani hwedu kuparadza guhwa. Zvirokwazvo, tinogona kuita saizvozvo nebetsero yaMwari wedu mutsvene, Jehovha.
[Mashoko Omuzasi]
a Kunyange nhasi hakuna mufungo kuteerera ndokuparadzira nhau dzinonyandura (kazhinji kazhinji dzisina kutongovakirwa paidi ripi neripi) pamusoro peizvo mitezo yoMutumbi Unodzora kana kuti vamiriri vayo vanofungidzirwa kuva vakataura kana kuti kuita.
Ungapindura Sei?
◻ Munyengetero unogona sei kutibetsera kudzivisa kuchera vamwe?
◻ Kushandisa 1 VaKorinte 13:4-8 kunogona sei kutibetsera kuparadza guhwa?
◻ Kuzviremekedza kunogona sei kutibetsera kudzivisa muedzo upi noupi wokutaura guhwa pamusoro pavatendi biyedu?
◻ Ko 1 VaKorinte 15:58 inogona kuva nechii chokuita pakudzivisa misungo yeguhwa?
23. Pamusoro pokutaura kwedu, tinogona sei kufadza mwoyo waJehovha?
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 17]
U.S. Forest Service photo