Kusakurira Tsika dzechiKristu Munyika Isina Tsika
“Tarirai, kunaka kwazvo nokufadza kwazvo kana hama dzichigara pamwe chete norugare.”—PISAREMA 133:1.
1. Chii chakaitika kutsika dzakanaka?
“TSIKA dzakaderera aya makore 25 apfuura,” anodaro munyori wenhau Ann Landers. “Hakusati kuchingova chete kuti varume havasiri kuzarurira vakadzi masuo emotokari kana kuti kuvapa zvigaro muzvitima zvinofamba napasi pevhu kana kuti mabhazi. Kunopfuura ikoko.” Zvamazvirokwazvo, munzvimbo iri yose matinotarira, tinogona kuona hufakazi hwokuti tiri kurarama munyika isina tsika nenzira inowedzera. Vanhu vanopindira mumitsetse, vanosvutira muzvikwidzo zvakazara vanhu, vanoridzisa nziyo munzvimbo dzavose, zvichingodaro. Chinoitika chezuva nezuva chinotiudza kuti pasinei zvapo namabanza edzidzo akavandudzwa nomupimo wokurarama, zvikurukuru redu izera umo Mazviita uye Ndapota azova mashoko echienzi, uye kupfava nenyasha zvavose zvazokanganwiwa zvikuru.
2. Neiko kushaikwa kwetsika dzakanaka nhasi kusingashamisi?
2 Kwose ikoku kunoshamisa here? Kwete chaizvoizvo. Kunongofungisa zvako izvo muapostora Pauro akafuridzirwa kutaura pamusoro pomufambiro wavanhu mu“mazuva okupedzisira” apo ‘nguva dzinotambudza dzakaoma kubata nadzo dzaizosvika.’ Pakati pezvimwe zvinhu, Pauro akadeya kutaura kuti vanhu vaizova “vanozvida vamene, . . . vanozvirumbidza, vanozvikudza, . . . vasingaongi, . . . vasina chidakadaka chomuzvarirwo, . . . vasina kuzvidzora.” (2 Timotio 3:1-3, NW) Kunyange kungocherechedzawo zvako kuchazivisa kuti mufambiro wakadaro wakapararira nhasi pakati pavanhu vezera riri rose, boka, uye rudzi. Neiko ikoku kwakadaro? Zviiko zviri zvisakiso zvinoparira kushaikwa kwakapararira kwetsika dzakanaka?
Zvisakiso Zvetsika Dzakaipa
3. “Mweya” wetsika ino unosimudzira sei tsika dzakashata?
3 Kutaura kwokuti “vanozvida vamene” kunosanorondedzera “chizvarwa chaini,” uko kunonongedzera kuavo vakarerwa vane simbiso paukono, udyire, uye madiro. Uyu mudzimu, uyo wakazadza “mweya” wakatipoteredza, unopesana zvakananga nezano reBhaibheri rokuti maKristu “ngaarege kutarira [zvawo], asi ngaatarire zvavamwewo.” (VaEfeso 2:2, 3; VaFiripi 2:4) Muuyo wacho? Chizvarwa chinorerwa chine pfungwa yokuti ‘ita chinhu chako umene’ zvirokwazvo hachisati chichizoitira hanya zvikuru pamusoro pokuti mufambiro wavo uchatapura sei vamwe.
4. Avo vanozvidza mipimo inogamuchirwa vanorangarirwa sei nhasi, uye ndoupi unofanira kuva murangariro womuKristu wenhau yacho?
4 Chimwe chinhu icho kare chaiita basa guru mukuchengeta mwero wakati wenyasha pakati pavamwe yakanga iri dzvinyiriro yavaenzani. Kuitira hanya izvo vamwe vangafunga ranguve riri simba rinodzora. Nhasi, zvisinei, kana nzira yechiito ichikatyamadza zvikuru uye neyakashata, sezvingabvira zvikuru ichava yakakurumbira zvikuru kuvanhu vazhinji. Avo vanofuratira mipimo inogamuchirwa havasati vacharangarirwa savane tsika dzakaipa kana kuti vanovirima asi vazvino uno kana kuti vasiri vomuzvarirwo, vanofanira kuyemurwa zvikuru. Yeuka, kunyanguvezvo, kuti “vasiri vomuzvarirwo” kunoreva “chisiri mumugariro womuzvarirwo, wakachena, kana kuti wapakuvamba.” Kunobva mumavambo mamwe chetewo echiGiriki nokutaura kunoshandurwa kuti “kufungwa nenjere” pana 2 Petro 1:16. Zvirokwazvo, maKristu echokwadi achaita zvakanaka kudzivisa chimiro chakadaro.
5. Chii chiri chimwe chinhu chinoparira ruparadziko rwetsika dzakanaka?
5 “Kutongwa zvakusingakurumidzi kuuya pamusoro pebasa rakaipa, mwoyo yavanakomana vavanhu inotsungirira kuita zvakaipa,” inodaro Muparidzi 8:11. Muno mune chimwe chinhu chinoparira kushaikwa kwetsika dzavanhu. Nemhaka yokuti vanhu vanokuwana kuri nyore kwazvo kuita zvinhu vasingarangwi, ivo vanotirivara pamusoro pokupunzwa kwemipimo inogamuchirwa yomufambiro. “Vagari vemo avo vaizokatyamadzwa chose chose nokuziviswa pachena sorutivi rwechikwata chamatsotsi kunyanguvezvo vave vachipunza nomufaro marudzi ose emitemo pachena—mitemo yokufamba mumugwagwa, mitemo yemirimo, mitemo yokurasa marara,” chinodaro chikamu chinonyorwa nomupepeti wenhau cheNew York Times. Somuuyo, “mheremhere, umharadzi nokunyora-nyora mumadziro” zvose zvazova rutivi rusinganzvengeki rwechinoitika chedu chezuva nezuva. Nokudaro, nyasha, pamwe chete nokuremekedza maruramiro avamwe vanhu, zvinhu, uye kuva woga, kunotambura zvimwe zvinodzivisa.
6. Tsika dzavanhu dzinotapurwa sei noupenyu hwavo hwokubatikana, uye Jesu akanga akasiana sei muna ikoku?
6 Sezvo tsika dzakanaka dzichiwanzorangarirwa sedziri pakati pamavara akaisvonaka muupenyu, idzo dzinokanganwiwa nyore nyore apo vanhu vanenge vachikurumidza—uye vanhu vazhinjisa vanoratidzika kuva vanokurumidza nguva zhinji mazuva ano. Somuuyo, ivo vanopfuudzana pasina shoko kana kuti chinjo muchitarisiko. Ivo vanosaidzira kana kuti kusundidzira mumitsetse, kana kuti ivo vanogura-gura nechinya mitsetse yomumugwagwa kuti vangochengetedze chete maminiti mashomanana kana kuti masekondi. Kazhinji kazhinji, vanhu vanova vakabatikana kwazvo nezvinhu zvavo zvomunhu oga, kana kuti marudungwe avo akazadzwa nezvinhu zvakawanda kwazvo zvokuita, zvokuti chinoitika chipi nechipi chisingakarirwi kana kuti mushanyi anova dambudzo kana kuti dzongonyedzo. Rangarira kuti ikoku kwakasiana sei nenzira iyo Jesu akagamuchira nayo vanhu vaiuya kwaari kunyange panguva dzisakakodzera.—Marko 7:24-30; Ruka 9:10, 11; 18:15, 16; Johane 4:5-26.
7. MaKristu echokwadi anofanira kudzivisa chii pamusoro petsika?
7 Kunyange zvazvo tichigara munyika yechimbichimbi, uye zvinodikanwa panguva yedu nesimba zvichiwedzera nguva dzose, kubvumira dzvinyiriro dzakadaro kutiparira kuita nokuvirima zvamazvirokwazvo hakusati kuchizoita kuti zvinhu zvive zviri nani. Mukupesana, nzira yakadaro inotungamirira kuakawanda kwazvo amasimba masimba asina mufungo atinonzwa nezvawo—nharo, kurwa, gakava, kunyange kuponda—kuchibva mukudzorera kwavanhu kuvirima nokuvirima. Kwose ikoku rutivi rwomudzimu wenyika uyo maKristu echokwadi asingafaniri kuva rutivi rwayo.—Johane 17:14; Jakobho 3:14-16.
Mienzaniso Mikuru Yetsika Dzakanaka
8. Kunyange zvazvo akapoteredzwa navanhu vasina tsika, maKristu anokurudzirwa kuitei?
8 Sezvatakapoteredzwa navanhu vanoratidza ruremekedzo ruduku nokuda kwavamwe, kuri nyore kutera kudzvinyiriro dzacho ndokurega tsika dzakanaka dzichitinzvenga. Zvisinei, tichirangarira pangiro yeBhaibheri yokuti “regai kuenzaniswa netsika ino yezvinhu,” tinogona kutarira kumienzaniso yakatanhamara yakawanda iri muBhaibheri ndokuedza kutsigira mipimo yakakwirira yetsika dzechiKristu munyika nhasi isina tsika. (VaRoma 12:2, 21, NW; Mateo 5:16) Zviito zvedu zvinofanira kuratidza kuti tinobvumirana nomwoyo wose nowezvamapisarema uyo akazivisa, kuti: “Tarirai, kunaka kwazvo nokufadza kwazvo kana hama dzichigara pamwe chete norugare.”—Pisarema 133:1.
9. Chii chinozivisa Magwaro pamusoro penzira yaJehovha yokubata nayo navanhu?
9 Muenzaniso mukurusa mukuratidza tsika dzakaisvonaka ndiye Musiki naBaba wavose, Jehovha Mwari amene. Ndokwenguva dzose kuti avo vane nzvimbo dzakakwirira kana kuti vanoshandisa simba pavamwe va‘nyanyise’ ndokuraira kuti zvido zvavo zvikudzwe. Bva, Munhu mukurusa muchisiko chose, Jehovha Mwari, ane tsika nguva dzose pakubata naavo vari pasi pake. Pakupa shamwari yake Abrahama chikomborero, iye akati: “Simudza meso ako, ndapota, uye tarira uri panzvimbo yauri.” Uye zvakare: “Tarira kudenga, ndapota, kumatenga uye verenga nyeredzi.” (Genesi 13:14; 15:5, NW) Pakupa Mosesi chiratidzo chesimba Rake, Mwari akati: “Isa ruoko rwako, ndapota, muchifuva chako.” (Eksodho 4:6, NW) Makore akawanda gare gare, Jehovha, kupfurikidza nomuporofita wake Mika, akati kunyange kuvanhu vake vakasindimara: “Inzwai, ndapota, imi misoro yaJakobho nemi vatungamiriri veimba yaIsraeri. . . . Inzwai, ndapota, izvi, imi misoro.” (Mika 3:1, 9, NW) Muna ikoku, isu taka“va vatevedzeri vaMwari” here mukuti “Ndapota” pakubata navamwe?—VaEfeso 5:1, NW.
10, 11. (a) Chii chinogona kutaurwa pamusoro penzira dzaJesu netsika? (b) Tinogona sei kutevedzera Jesu mukuva vane tsika dzakanaka kuvanhu vose?
10 Jesu Kristu, iye “uyo uri pachipfuva chaBaba,” ndimumwe muenzaniso wakatanhamara wakafanirwa nokutevedzerwa. (Johane 1:18) Mukubata navanhu, iye akanga ari munyoro naane tsitsi pane rumwe rutivi, ane simba naakatsiga pane rumwe rutivi; bva akanga asati achitongovirima kana kuti asina mutsa kumunhu upi noupi. Richitsinhira pa“chipo chake chechienzi chokuva akasununguka namarudzi ose avanhu,” bhuku rinonzi The Man From Nazareth rinoti: “Zvakafanana pachena uye ari oga iye aisonganirana navarume navakadzi pazvisungo zvakaenzana. Iye aisununguka ane vana vaduku mukusava nemhaka kwavo uye zvinoshamisa zvakakwana akasunungukawo ane vanyengeri vakarohwa nehana vakafanana naZakeo. Vakadzi vanochengeta musha vanoremekedzeka, zvakadai saMaria naMarta, vaigona kutaura naye norusununguko rwomuzvarirwo, asi mhombwe dzaimutsvakawo sokunge dzaiva nechokwadi chokuti aizodzinzwisisa ndokuva shamwari yadzo . . . Kuziva kwake kwechienzi miganhu yaidzivisa vanhuwo zvavo ndirimwe ramavara ake chaiwo zvikurusa.”
11 Kubata munhu ari wose noruremekedzo rwakafanira nerangariro chiratidzo chomunhu ane tsika dzakanaka zvirokwazvo, uye isu taizoita zvakanaka kutevedzera Jesu Kristu muna ikoku. Hungu, vanhu vazhinjisa vanokwanisa kuva vanoremekedza kuvakati, zvikurukuru avo vari munzvimbo dzakakwirira zvikuru kupfuura zvavakaita. Asi kuavo ivo vanorangarira kuva vari pasi kana kuti kunyange pamwero mumwe chetewo navo, ivo vanowanzova vasingasvikiki, vasina ushamwari, uye vanovirima. Nenzira yakati ikoko kunoratidzika kuva kunovapa kunzwa kwoukuru nesimba. Asi kwakasanotaurwa kuti “kuvirima kutevedzera simba kwomunhu asina simba.” Nokudaro, Bhaibheri rinokurudzira, kuti: “Mukuratidzirana rukudzo tungamirai.” (VaRoma 12:10, NW) Kana tikaita unani hwedu kutevera zano iroro, hatisati tichizova kure nokuva vane tsika dzakanaka kuvanhu vose, sezvakanga zvakaita Jesu.
12. Chii chiri revo yedzidziso yaJesu paukama hwavanhu?
12 Iri vara chairoiro, rinosvika kure rinoratidzirwawo mudzidziso dzaJesu, zvikurukuru mukunonzi Kandiro Kanopfumba Kunobva Kamwe: “Zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, muvaitire nemiwo saizvozvo.” (Mateo 7:12) Nenzira inofadza, muAnalects, rimwe reFour Books aConfucius—ranguve richirangarirwa kuva romufambiro wakanakisisa wetsika muMabvazuva—tenzi akabvunzwa nomumwe wavadzidzi vake kana kwakanga kune shoko rimwe raigona kubatira senheyo yomufambiro nokuda kwoupenyu. “Zvichida shoko rokuti ‘kutsinhana’ (shu) richaita,” akapindura kudaro mudzidzisi, uye ipapo akawedzera, kuti: “Usaitira vamwe izvo usingadi vamwe kuti vakuitire.” Mukupesana, tinogona kuona nyore nyore ukuru hwedzidziso yaJesu. Nokuti ukama hwoushamwari, hunofadza, uye hune rugare hunogona kuvapo bedzi apo munhu anotanga ‘kuitira vamwe’ chiri chakanaka.
Tsika dzechiKristu Dzakavakirwa Parudo rwechiKristu
13, 14. (a) Chii chakacherechedzwa misi ichangobva kupfuura iyi pamusoro petsika dzavose? (b) Chii chinosunda fariro yazvino mutsika nemitemo yetsika dzakanaka?
13 Nemhaka yokupararira kwetsika dzakashata, pane kutaura nhasi pamusoro pokudzokera kumufambiro wakafanira. “Takava nokupandukirwa kwetsika muma 60,” anodaro Marjabelle Stewart, munyori akakurumbira nomudzidzisi panhau yacho, “asi chinjo itsva iri kudzidzorera. Vanhu vava kuziva ukoshi hwadzo uye vanoda kuziva iri mipimo yenzanga.” Iyi fariro yakamutsidzirwa mutsika inoratidzirwa mukuwanda kwamabhuku, mabhuku pamusoro penhau chaiyo, zvikamu zvezano, uye shoo dzekurukurirano muTV pamusoro pechinhu chiri chose kuvambira pakuti iforokoi yokushandisa pazvokudya zvenguva dzose kusvikira kunzira yokukwazisa nayo mumwe munhu muukama hwenzanga nemhuri hwanhasi hwakaona kunzwisisa nohunochinja nokukurumidza.
14 Neiko, kunyanguvezvo, vamwe vanhu vava kuva vanongwarira zvikuru tsika? “Muchaunga chanhasi chamakwikwi,” anotsanangura kudaro Stewart, “tsika inhau yepukunyuko.” Namamwe mashoko, tsika dzakanaka dziri kurangarirwa somutoo wokubetsera nawo munhu kubudirira nokufambira mberi. Naizvozvo vanhu vanorava mabhuku ndokupinda makirasi emitemo yetsika dzakanaka kuti vadzidze nzira yokupfeka nayo nokuda kwebudiriro, nzira yokuita nayo pesvedzero yakanaka, nzira yokugamuchirwa nayo mukamuri reboka rinodzora, uye zvichingodaro.a Chinetso naikoku kwose ndechokuti tsika dzazova nhau yekodzero, kufanana nechifukidziro icho munhu anopfeka mukati momutambo uye anobvisa paunopera. Hakushamisi, naizvozvo, kuti nguva nenguva tinonzwa pamusoro pemhaka dzinokatyamadza zvikurusa dzomuhofisi dzinoparwa navanhu vo‘rudzi’ rwakanakisisa ne‘boka.’
15, 16. (a) Chii chinotaura imwe nyanzvi pamusoro pe“mitemo yakaisvonakisisa yomufambiro”? (b) Ko 1 VaKorinte 13:4-7 ine chokuita sei netsika dzakanaka dzechiKristu?
15 Ikoko kwakasiana zvikuru neizvo tsika dzakanaka dzinofanira kuva dzakaita. Amy Vanderbilt, nyanzvi inoremekedzwa panhau yacho, anonyora murake New Complete Book of Etiquette: “Mitemo yakanakisisa yomufambiro inofanira kuwanwa muGanhuro 13 yaVaKorinte Vokutanga, ziviso yakaisvonaka pamutsa yakaitwa naSt. Paul. Iyi mitemo haina chokuita namapfundo akaisvonaka omupfekero kana kuti ayo etsika dzapamusoro. Iyo ine chokuita nemirangariro nezvimiro, mutsa, uye kurangarirwa kwavamwe.”
16 Icho Amy Vanderbilt akanongedzera kwachiri, chokwadika, chikamu chiri pana 1 VaKorinte 13:4-7 apo Pauro anorondedzera muudzame mativi akasiana-siana orudo rwechiKristu. Rangarira miuyo yamapfundo mashomanene ayo akaita. Somuenzaniso, munhu “ane mwoyo murefu uye ane mutsa” zvirokwazvo achava anoshivirira naanoremekedza mukubata navamwe. “Haruzvibati zvisakafanira” ndiimwe nzira yokuti ‘runozvibata zvakafanira,’ uye “kufanira” kunorondedzerwa se“wirirano nemipimo yechido, faniro, kana kuti vara.” Nokudaro, seizvo New Testament in Modern English yaJ. B. Phillips inotsanangura ichi chitsama, “Rudo rune tsika dzakanaka.” Kwakaoma kufungidzira munhu upi noupi anoratidzira rudo rwakadaro kuva anorangarirwa saane tsika dzakaipa.
17. Tsika dzedu iratidziro yechii?
17 Nenzira yakajeka, ipapoka, tsika dzechiKristu dzine ukama zvakananga norudo rwechiKristu. Idzo hadzisati dzichingova chete mutoo wedonzo rakati kana kuti chimwe chinhu chinofanira kupfekwa apo kunenge kune betsero yomunhu yokuita saizvozvo. Panzvimbo pezvo, tsika dzedu—nzira yatinobata nayo navamwe, chimiro chedu, kuzvibata, uye mufambiro wetsika—iratidziro yokuti tinoitira hanya sei pamusoro pavamwe vanhu uye youkuru hworudo rwedu nokuda kwavo. Vaduku kana kuti vakuru, tinofanira kuedza kuteerera zano reBhaibheri: “Munhu ngaarege kuzvitsvakira zvake, asi zvomumwe.” (1 VaKorinte 10:24) Nokudaro, sorutivi rworudo rwechiKristu, tsika dzechiKristu chiratidzo chinozivisa vadzidzi vechokwadi vaJesu Kristu.—Johane 13:35.
Vane Tsika Dzakanaka Panguva Dzose
18. Chii chatinofanira kutsunga kuita pasinei zvapo nezvatinoona makatipoteredza?
18 Pamusoro pechizvarwa chedu, Jesu akadeya kutaura kuti “nemhaka yokuwedzera kwokusateerera mutemo rudo rwechiverengero chikuru ruchatonhora.” (Mateo 24:12, NW) Uku kutonhora kworudo kunoratidzirwa zvakajeka muchimiro chokusaitira hanya nechoudyire chavanhu vazhinji kwazvo nhasi. Panzvimbo pokupesvedzerwa kuita nenzira imwe cheteyo yokusaitira hanya, zvisinei, tinofanira kurangarira zano raPauro: “Musatsiva munhu chakaipa kana akuitirai chakaipa. Tsvakai zvakarurama pamberi pavanhu vose. Kana zvichibvira, pamunogona napo, ivai norugare navanhu vose.” (VaRoma 12:17, 18) Kunofanira kuva chisarudzo chedu kuva vane tsika dzakanaka panguva dzose, kana nhamburiko dzedu dzichiongwa kana kuti kwete.—Mateo 5:43-47.
19. Tsika dzedu dzinotapura sei mativi ose oupenyu?
19 Hungu, tsika dzechiKristu iratidzirwo yokunze yomuzvarirwo yorudo nokuitira hanya vamwe yatinayo mumwoyo medu. Sezvo mutauro wedu uchizivisa zvatiri mukati, naizvozvo tsika dzedu dzinoratidza kuti tinoitira hanya zvikuru sei vamwe kana kuti kana tisingaitiri hanya. (Mateo 12:34, 35) Sezvadzakadaro, tsika dzinofanira kuita basa rinokosha mumativi ose oupenyu hwedu. Idzo dzinofanira kuva nzira youpenyu. Dzinogona sei kushandiswa zvizere zvikuru? Tsika dzakanaka dzechiKristu dzinogona sei kukudziridzwa zvizere zvikuru? Ticharangarira ikoku munyaya inotevera.
[Mashoko Omuzasi]
a Mashoko okuti “mitemo yetsika dzakanaka” anobva mumviromviro yechiFrench inoreva tikiti kana kuti chiratidzo. Bhuku rinonzi Word Origins and Their Romantic Stories, rakanyorwa naWilfred Funk, rinotsanangura, kuti: “Mitemo yokutanga yemitemo yetsika dzakanaka yaiturikwa munzvimbo dziri pachena munzvimbo dzehondo. Ndaza yacho yaipa mitemo yezuva . . . Zvichida tingagona kutaura kuti mitemo yetsika dzakanaka i‘tikiti’ rokuchaunga chakapfava.”
Unogona Kutsanangura Here?
◻ Neiko kusingashamisi kuti tsika dzakanaka dziri kuderera?
◻ Ndezvipi zviri zvisakiso zvetsika dzakashata?
◻ Tsika dzechiKristu dzakasiana sei netsika nemitemo yetsika zvenyika?
◻ Neiko tichifanira kuedza kuva vane tsika dzakanaka panguva dzose?