-
Unoitawo Chimwe Chinhu Pamisangano yechiKristu Kuti Ivake Here?Nharireyomurindi—2010 | October 15
-
-
Misangano Ine Chinangwa ‘Chokuvaka Nokukurudzira Nokunyaradza’
13. (a) Misangano yedu inofanira kuita sei vanenge varipo? (b) Mubvunzo upi unokosha kuvakuru?
13 Pauro anoti chinangwa chikuru chemisangano yeungano ‘ndechokuvaka, kukurudzira uye kunyaradza’ vanenge varipo.c (1 VaK. 14:3) Vakuru vechiKristu nhasi vangava sei nechokwadi kuti hurukuro dzavanopa pamisangano dzinokurudzira uye dzinonyaradza hama dzavo nehanzvadzi? Kuti tipindure mubvunzo uyu, ngatifungei nezvomusangano wakaitiswa naJesu achangomutswa.
14. (a) Zvii zvakanga zvaitika Jesu asati aronga mumwe musangano? (b) Chii chingave chakaita kuti vaapostora vazorodzwe apo “Jesu akaswedera pedyo, akataura navo”?
14 Kutanga, cherechedza zvakanga zvaitika asati aita musangano wacho. Jesu ava pedyo kuurayiwa, vaapostora “vakamusiya, vakatiza,” uye sezvakanga zvagara zvataurwa ‘vakapararira mumwe nomumwe kumba kwake.’ (Mako 14:50; Joh. 16:32) Paakazomutswa, Jesu akakoka vaapostora vake vakanga vakasuruvara kuti vazovapo pamusangano uyu unokosha.d Pavakazvinzwa, “vadzidzi vane gumi nomumwe chete vakaenda kuGarireya kugomo uko Jesu akanga arangana navo.” Pavakasvika, “Jesu akaswedera pedyo, akataura navo.” (Mat. 28:10, 16, 18) Imbofungidzira kuti vaapostora vanofanira kunge vakatura mafemo sei Jesu paakatanga iye kutaura navo! Jesu akakurukura nezvei?
15. (a) Jesu akakurukura nezvei, asi chii chaasina kutaura nezvacho? (b) Musangano iwoyo wakaita kuti vaapostora vanzwe sei?
15 Jesu akatanga nokuzivisa kuti: “Ndakapiwa simba rose kudenga nepanyika.” Adaro akabva avapa basa achiti: “Naizvozvo endai munoita kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi.” Akazopedzisa nokuvasimbaradza norudo achiti: “Ndinemi mazuva ose.” (Mat. 28:18-20) Asi wacherechedza here zvisina kuitwa naJesu? Haana kupopotera vaapostora vake; haanawo kushandisa musangano wacho kuvaongorora kana vaiva nevavariro dzakanaka kana kuvaita kuti vawedzere kunzwa vaine mhosva yokumusiya kwavakanga vamboita. Panzvimbo paizvozvo Jesu akavapa chivimbo chokuti iye naBaba vake vaivada saka vakavapa basa rakakura zvikuru. Zvakaitwa naJesu izvi zvakaita kuti vaapostora vanzwe sei? Vakavakwa, vakakurudzirwa, uye vakanyaradzwa zvokuti pashure pemazuva akati kuti vakatangazve ku“dzidzisa nokuzivisa mashoko akanaka.”—Mab. 5:42.
16. Vakuru vechiKristu vanotevedzera Jesu sei pakuitisa misangano inozorodza?
16 Vakuru nhasi uno vanotevedzera Jesu nokuona misangano semikana yokupa vavanonamata vano chivimbo chokuti Jehovha anoda vanhu vake. (VaR. 8:38, 39) Saka kana vaine hurukuro, vakuru vanofanira kuisa pfungwa dzavo pazvakanaka zviri kuitwa nehama dzavo kwete zvadziri kukundikana. Havadi kuona hama kunge dzine vavariro dzakaipa. Panzvimbo pokudaro mashoko avo anoratidza kuti vanoona hama dzavo sevanhu vanoda Jehovha uye vanoda kuita zvakarurama. (1 VaT. 4:1, 9-12) Ichokwadi kuti vakuru vane imwe nguva havo yavanofanira kupa zano rokugadzirisa zvinhu kuungano yose, asi kana vari vanhu vashomanana vari kukanganisa, zvinowanzova zvakanaka kupa zano rakadaro vanhu vacho vari voga. (VaG. 6:1; 2 Tim. 2:24-26) Pavanenge vachitaura neungano yose, vakuru vanofanira kuvavarira kurumbidza zvakanaka zvinenge zvichiitwa. (Isa. 32:2) Vanoedza kutaura zvokuti munhu wose aripo anonzwa azorodzwa uye asimbaradzwa panopera musangano wacho.—Mat. 11:28; Mab. 15:32.
-
-
Unoitawo Chimwe Chinhu Pamisangano yechiKristu Kuti Ivake Here?Nharireyomurindi—2010 | October 15
-
-
c Vine’s Expository Dictionary of Old and New Testament Words rinotsanangura nezvokusiyana kwakaita shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “kurudzira” nerakashandurwa kuti “nyaradza” richiti “nyaradza” rinopa “pfungwa younyoro kupfuura [kurudzira].—Enzanisa naJohani 11:19.
-