Mibvunzo Inobva Kuvaravi
Kutaura kwokuti “ndiri wo[mudzimu, NW]” kunowanikwa pana 1 VaKorinte 14:37, kunoreva here kuti munhu akagamuchira mudzimu mutsvene mupfungwa yokuva akazodzwa, kana kuti kunoreva kuti ane chipo chenenji chinobva kumudzimu?
MuNew World Translation of the Holy Scriptures, iyi ndima inorava, kuti: “Kana munhu upi noupi achifunga kuti muporofita kana kuti ane mudzimu, ngaabvume zvinhu zvandiri kukunyorerai, nemhaka yokuti murairo waShe.”—1 VaKorinte 14:37.
Muravi angagona kurangarira chitsama chamashoko chinoti “ane mudzimu” senongedzero kuidi rokuti maKristu omuzana ramakore rokutanga akanga akaberekwa nomudzimu ndokuva vanakomana vomudzimu vaMwari. Kana kuti chitsama chacho chamashoko chingagona kunzwisiswa kushanda kune munhu akanga agamuchira chipo chaicho chomudzimu mutsvene. Iyi revo yapashure ndiyo ingabvira, seizvo mugariro unobetsera kuratidza.
Muapostora Pauro pano akashandisa shoko rechiGiriki pneu·ma·ti·kosʹ, rine pfungwa huru ye“zvine chokuita nomudzimu, zvomudzimu.” Zvimiro zvaro zvinoshandiswa murondedzero “muviri wo[mudzimu, NW]” “zvikomborero [zvomudzimu, NW]” “kunzwisisa kwo[mudzimu, NW]” uye “imba [yomudzimu, NW].”—1 VaKorinte 15:44; VaEfeso 1:3; VaKorose 1:9; 1 Petro 2:5.
Muzvinoitika izvozvo, Bhaibheri rinotaura nhau yacho (muviri, chikomborero, nzwisiso, imba) izvo “zvomudzimu” anorondedzera. Asi mune zvimwe zvinoitika, pfungwa nokushandurwa kwakafanira kwe“zvomudzimu” kunofanira kusarudzwa mumashoko akapoteredza. Somuenzaniso, 1 VaKorinte 2:14, 15 inosianisa chimiro chendangariro chomunhu wenyama neicho cheho pneu·ma·ti·kosʹ, icho nomutoo une mufungo chinoreva “munhu womudzimu.”
VaKorinte Vokutanga maganhuro 12 kusvikira ku 14 anonangidzira ngwariro pazvipo zvenenji zvomudzimu mutsvene. Mwari akapa izvozvi kumaKristu apakuvamba kuratidzira kuti akanga asisiri kushandisa Israeri wokunyama asi zvino akanga achikomborera “Israeri [wa]Mwari” wechiKristu. (VaGaratia 6:16) Pamusoro peizvi zvipo, Pauro akanyora, kuti: “Zvino marudzi mazhinji ezvipo aripo, asi [mudzimu, NW] ndomumwe.” (1 VaKorinte 12:4) Uchenjeri chaihwo, zivo, uye kutenda zvakanga zvakaita pakati pezvipo zvomudzimu, sezvakanga zviri kuporofita, kutaura nendimi, uye kududzirwa kwendimi.—1 VaKorinte 12:8-11.
MaKristu omuKorinte ayo Pauro akanyorera akazodzwa nomudzimu mutsvene waMwari. Pauro akati: “Asi makashambidzwa, asi makaitwa vatsvene, asi makaruramiswa nezita raShe Jesu Kristu no[mudzimu, NW] waMwari wedu.” (1 VaKorinte 6:11; 12:13) Hungu, vose vakanga vagamuchira “chiratidzo chezvinouya, ndiko kuti, mudzimu.” (2 VaKorinte 5:5, NW) Zvisinei, havasati vari vose vakagamuchira chipo chaicho kupfurikidza nomudzimu mutsvene. Uye kunoratidzika kuti vakawanda vakashamiswa nokutaura nendimi, vachiisa ukoshi husakafanira kuichi chipo. Pauro akanyora kuti aruramise kufunga kwavo ndokuonesa kuti ndimi hadzizati dzaizobetsera vanhu vakawanda sezvaizoita chipo chokuporofita. Pamugumo weganhuro 12, Pauro akapa zano vaKorinte, kuti: “Asi shingairirai zvipo zvikuru.”—1 VaKorinte 12:28-31.
Ipapo, pakutanga kweganhuro 14, akakurudzira, kuti: “Teverai rudo; shingairirai [ta pneu·ma·ti·kaʹ], asi zvikuru kuti muporofite.” Kutsvaka chiiko? MaKristu iwayo akanga asingafaniri kutsvaka kuzodzwa nomudzimu, nokuti akanga achitova nako. Nomutoo une mufungo Pauro aireva “zvipo” zvomudzimu, izvo iye, pamugumo weganhuro 12, akaakurudzira kutsvaka. Nokudaro, New World Translation of the Holy Scriptures inoshandura 1 VaKorinte 14:1, kuti: “Rambai muchitsvaka nokushingaira zvipo zvomudzimu.” Dzimwe shanduro dzeBhaibheri pano dzinoshandura ta pneu·ma·ti·kaʹ “zvipo zvomudzimu” kana kuti “zvipo zvoMudzimu.”
Nomugariro iwoyo, tinocherechedza kuti pedyo nomugumo weganhuro 14, Pauro anobatanidza kuporofita napneu·ma·ti·kosʹ. Somundima 1, mashoko akapoteredza anokarakadza kuti aireva kuva nomudzimu. The New Testament in Modern Speech, rakanyorwa naR. F. Weymouth, rinogamuchira kushandura, kwokuti: “Kana munhu upi noupi achizvirangarira amene somuporofita kana kuti munhu ane zvipo zvomudzimu, ngaazive somurairo waShe zvandiri kunyora zvino.”
Hungu, maKristu ose, kana akanga ane chipo chokuporofita kana kuti chimwe chipo chipi nechipi chomudzimu, aifanira kugamuchira ndokutevera zano iro Pauro akanyora pamusoro pokuti zvinhu zvinofanira kuitika sei muungano.