Ganhuro 6
Manenji—Akaitika Chaizvoizvo Here?
Rimwe zuva muna 31 N.V., Jesu navadzidzi vake vakanga vachienda kuNaini, guta riri kuchamhembe kweParestina. Zvavakaswedera pedyo nesuo reguta, vakasangana nomudungwe wamariro. Nyakufa rakanga riri jaya. Amai varo vakanga vari chirikadzi, iro rakanga riri mwanakomana wavo bedzi, naizvozvo zvino vakanga vava voga bedzi. Mukuwirirana nechinyorwa, Jesu “akavanzwira tsitsi, uye iye akati kwavari: ‘Regai kuchema.’ Pana ikoko iye akasvika ndokubata hwanyanza, uye vatakuri vakamira, uye iye akati: ‘Jaya, ndinoti kwauri, Muka!’ Ipapo munhu akanga akafa akagara ndokutanga kutaura.”—Ruka 7:11-15.
1. (Batanidza sumo.) (a) Jesu akaita nenjii pedyo neguta reNaini? (b) Manenji anokosha zvakadini muBhaibheri, bva vanhu vose vanodavira kuti iwo akaitika zvomenemene here?
INHAU inofadza, asika ndeyechokwadi here? Vazhinji vanokuwana kwakaoma kudavira kuti zvinhu zvakadaro zvakamboitika zvomenemene. Kunyanguvezvo, manenji rutivi rukuru rwechinyorwa cheBhaibheri. Kudavira Bhaibheri kunoreva kudavira kuti manenji akaitika. Chokwadika, mutoo wose wezvokwadi yeBhaibheri unotsamira panenji rimwe rinokosha zvikuru: rumuko rwaJesu Kristu.
Chikonzero Nei Vamwe Vasingadaviri
2, 3. Ndeipi iri imwe nzira yokurangarira nayo iyo muzivi weScotland David Hume akashandisa munhamburiko yokubvumikisa kuti manenji haaitiki?
2 Unodavira manenji here? Kana kuti unorangarira here kuti muzera rino resayenzi, hakusati kuri kune mufungo kudavira manenji—ndiko kuti, muzvinoitika zvechienzi zvinopa ufakazi hwokupindira kunopfuura simba rohunhu? Kana usati uchidavira, hausati uri wokutanga. Mazana maviri amakore akapfuura, muzivi weScotland David Hume akanga ane chinetso chimwe chetecho. Kungava kuti zvikonzero zvako zvokusadavira zvakafanana nezvake.
3 Zvirambidzo zvaHume zvomufungo wamanenji zvakabatanidza mapfundo matatu akatanhamara.1 Kutanga, iye anonyora, kuti: “Nenji kuputswa kwemitemo yomusikirwo.” Munhu akatsamira kubvira kunguva isingayeukiki pamitemo yomusikirwo. Iye akaziva kuti chinhu chichawa kana chikadonheswa, kuti zuva richabuda mangwanani mamwe namamwe ndokuvira madeko mamwe namamwe, zvichingunodaro. Nomutoo wekarukano zvaitika, iye anoziva kuti zvinoitika zvichagarotevera mitoo yakadaro yakarovedzeka. Hakuna chinhu chichazomboitika chisati chichitsinhirana nemitemo yomusikirwo. Ichi ‘chibvumikiso,’ chakarangarirwa naHume, “chakakwana sechikonzero chipi nechipi chinobva muruzivo rwokuzviwanira” mukurwisana nebviro yamanenji.
4, 5. Ndezvimwei zvikonzero zviviri zvakaratidzirwa naDavid Hume zvokusabvuma bviro yamanenji?
4 Chikonzero chechipiri chaakapa chakanga chiri chokuti vanhu havatani kunyengedzwa. Vamwe vanoda kudavira zvishamiso namanenji, zvikurukuru apo zvine chokuita norudzidziso, uye mazhinji anonzi manenji akazova nyengedzo. Chikonzero chechitatu chakanga chiri chokuti manenji anowanzoshumwa munguva dzokusaziva. Apo vanhu vanova vakadzidza zvikuru, manenji anoshumwa anova mashomanene zvikuru. Sokutaura kwakaita Hume, “Zvinoitika zvakadaro zvinokatyamadza hazvisati zvichitongoitika mumazuva edu.” Nokudaro, iye akarangarira kuti kwakabvumikisa kuti haana kutongoitika.
5 Kusvikira kuzuva rino, zvikonzero zvizhinjisa zvinorwisana namanenji zvinotevera idzi nheyo dzakarovedzeka, naizvozvo ngatirangarirei zvirambidzo zvaHume, chimwe nechimwe.
Anorwisana Nemitemo Yomusikirwo Here?
6. Neiko kuri kusina mufungo kuramba pfungwa yamanenji pachikonzero chokuti iwo ‘kuputswa kwemitemo yomusikirwo’?
6 Zvakadiniko nechirambidzo chokuti manenji ‘kuputswa kwemitemo yomusikirwo’ nokudaro haangagoni kuva echokwadi? Nechapamusoro, ikoku kungaratidzika kuva kunodavirika; asi nzvera chiri kutaurwa chaichoicho. Kazhinji kazhinji, nenji rinogona kuva rinorondedzerwa sechimwe chinhu chinoitika kunze kwemitemo yenguva dzose yomusikirwo.a Ndichinoitika chisingakarirwi zvikuru zvokuti vacherekedzi vanopwiswa kuti vaona chinoitika chinopfuura simba rohunhu. Nokudaro, icho chirambidzo chinoreva chaizvoizvo ndeichi: ‘Manenji haabviri nokuti anoshamisa!’ Huregererei kurangarira ufakazi usati wasarudza mhedziso yakadaro nokukurumidza?
7, 8. (a) Pakureva nezvemitemo yomusikirwo sezvatinoiziva, nyanzvi dzesayenzi dzakava nemirangariro inoregeredza munzirai mumurangariro wavo wechiri chinobvira nechisati? (b) Kana tichidavira Mwari, tinofanirawo kudavirei pamusoro pesimba rake rokuita zvinhu zvechienzi?
7 Zvokwadi ndeiyi, vanhu vakadzidza nhasi havana kutongogadzirira sezvakanga zvakaita David Hume kuomerera pakuti mitemo yakarovedzeka yomusikirwo ndeyechokwadi kunzvimbo iri yose uye panguva dzose. Nyanzvi dzesayenzi dzinodisisa kufungidzira kana, panzvimbo yamativi matatu akarovedzeka ourefu, upamhi, uye ukwiriri, pangava namamwe mativi mazhinji okuwedzera muchisiko chapose pose.2 Dzinorangarira pamusoro pokuvapo kwemwena mitema, nyeredzi hombe dzinoputikira madziri kutozosvikira kuumbana kwadzo kwava chose chose kusina ganhuriro. Munzvimbo yadzo chimiro chechadenga chinotaurwa kuva chinoshatswa zvikuru kwazvo zvokuti nguva iyo imene inomira.3 Nyanzvi dzesayenzi dzakatokwikwidzana kana, mumigariro yakati kuti, nguva yaizodzokera shure munzvimbo mokuenda mberi!4
8 Stephen W. Hawking, Purofesa Wamasvomhu (Lucasian) paCambridge University, pakukurukura mavambiro akaita chisiko chapose pose, akati: “Murondedzero inogamuchirika yewirirano yose . . . mavambo echisiko chapose pose aitofanira kuva chinhu chimwe chokuumbana kusina ganhuriro newirirano yenzvimbo nenguva. Mumigariro yakadaro, mitemo yose inozivikanwa yesayenzi yomusikirwo yaizoputsanyika.”5 Naizvozvo, nyanzvi dzesayenzi dzazvino uno hadzibvumi kuti nemhaka yokuti chimwe chinhu chakasiana nemitemo yenguva dzose yomusikirwo hachingagoni kutongoitika. Mumigariro yechienzi, zvinhu zvechienzi zvingaitika. Zvamazvirokwazvo, kana tichidavira muna Mwari wamasimba ose, tinofanira kubvuma kuti iye ane simba rokuparira zvinoitika zvechienzi—zvenenji—kuti zviitike apo kunokodzera donzo rake.—Eksodho 15:6-10; Isaya 40:13, 15.
Zvakadiniko Nenyengedzo?
9. Ichokwadi here kuti mamwe manenji inyengedzo? Tsanangura mhinduro yako.
9 Hakuna munhu ane mufungo angaramba kuti kune manenji enyengedzo. Somuenzaniso, vamwe vanotaura kuti vane simba rokuporesa varwere kupfurikidza nokuporesa kwenenji kwokutenda. Chiremba wezvokurapa, William A. Nolan, akakuita basa rake chairo kufeyafeya kuporesa kwakadaro. Akanzvera kuporesa kunotaurwa kusingaverengeki pakati pavose vari vaviri vaporesi veevhangeri vokutenda vomuUnited States navanonzi vanachiremba vokurumika vomuAsia. Chii chakava muuyo? Akangowana bedzi mienzaniso yokuodzwa mwoyo nenyengedzo.6
10. Ko iwe unorangarira kuti idi rokuti mamwe manenji akaratidzirwa kuva nyengedzo rinobvumikisa kuti manenji ose inyengedzo here?
10 Ko nyengedzo dzakadaro dzinoreva kuti manenji echokwadi haana kutongoitika here? Hakusati hako kwakadaro. Padzimwe nguva tinonzwa nezvemari yamapepa yokunyengedza yebhangi ichiva ichiparadzirwa, asika ikoko hakusati kuchireva kuti mari yose inoitwa mukunyengedza. Vamwe vanhu vanorwara vanoisa kutenda kukuru mun’anga dzokunyepedzera, vanachiremba venyengedzo, ndokupa mari yakawanda kwavari. Asika ikoko hakusati kuchireva kuti vanachiremba vose vanonyengedza. Dzimwe nyanzvi dzokunyora mifananidzo dzave dziri nyanzvi pakuita mifananidzo yokunyepedzera yemifananidzo ye“nyanzvi yekare.” Asika ikoko hakusati kuchireva kuti mifananidzo yose ndeyokuita mukunyepedzera. Idi rokuti mamwe manenji anotaurwa nomutoo wakajeka inyengedzo harisati richireva kuti manenji chaiwoiwo haangatongogoni kuitika.
‘Manenji Haaitiki Zvino’
11. Chii chakanga chiri chikonzero chechitatu chaDavid Hume kupfungwa yamanenji?
11 Chikonzero chechitatu chakapetwa mukutaura, kwokuti: “Zvinoitika zvakadaro zvinokatyamadza hazvitongoitiki mumazuva edu.” Hume akanga asati amboona nenji, naizvozvo akaramba kudavira kuti manenji anogona kuitika. Zvisinei, urwu rudzi rwokurangarira harubvumirani. Munhu upi noupi anofunga anotofanira kubvuma kuti, pamberi pamazuva omuzivi weScotland, “zvinoitika zvinokatyamadza” zvakaitika zvisina kudzokororwa mukati menduramo yake. Ndizvinoitikai?
12. Ndezvinoitikai zvinoshamisa zvakaitika munguva yakapfuura zvisingagoni kutsanangurwa nemitemo yomusikirwo inoshanda zvino?
12 Kutanga, upenyu hwakavamba pasi pano. Tevere, zvimwe zvimiro zvoupenyu zvakapiwa kuziva. Pakupedzisira, munhu akaoneka, akapiwa uchenjeri, mufungo, simba rokuda, uye simba rehana. Hakuna nyanzvi yesayenzi inogona kutsanangura pahwaro hwemitemo yomusikirwo inoshanda nhasi kuti zvinhu zvakadaro zvechienzi zvakaitika sei. Asika tine ufakazi chaihwoihwo hwokuti izvo zvakaitika chaizvo.
13, 14. Ndizvinhui zvinozivikanwa nhasi zvaizodai zvakaratidzika kuva manenji kuna David Hume?
13 Asika zvakadiniko ne“zvinoitika zvinokatyamadza” zvakaitika chifo chezuva raDavid Hume? Ngatitii taikwanisa kufamba rwendo kudzokera shure munguvayo ndokumuudza pamusoro penyika yanhasi. Fungidzira uchiedza kutsanangura kuti muzvinabhizimisi ari muHamburg anogona kutaura kune mumwe munhu ari kure namakiromita ane zviuru muTokyo asingasimudzi kunyange inzwi rake; kuti mutambo wenhabvu womuSpain unogona kuonwa mupasi rose kunyange panguva yauri kutambwa; kuti midziyo yakakura zvikuru kupinda ngarava dzaifamba pagungwa dzomuzuva raHume inogona kusimuka pamusoro papasi uye inotakura vanhu 500 nomumhepo kwamakiromita ane zviuru munhambo yamaawa mashomanene. Ungagona here kufungidzira mhinduro yake? ‘Hakubviri! Zvinoitika zvakadaro zvinokatyamadza hazvitongoitiki mumazuva edu!’
14 Asika ‘zvikatyamadzo’ zvakadaro zvinoitika chaizvoizvo mumazuva edu. Neiko? Nokuti munhu, achishandisa nheyo dzesayenzi idzo Hume akanga asina mufungo wadzo, akadzidza kugadzira nhare, terevhizheni, uye ndege. Ko zvino, kwakaoma zvikuru here kudavira kuti pane imwe nhambo munguva yakapfuura Mwari aigona kuve, munzira dzatichigere kunzwisisa, akaita zvinhu izvo zviri zvamanenji kwatiri?
Tinogona Sei Kuziva?
15, 16. Kana manenji akaitika zvomenemene, ndeipi iri nzira bedzi yataigona kuziva nayo pamusoro pawo? Enzanisira mhinduro yako.
15 Chokwadika, kutaura kuti manenji aigona kuve akaitika hakusati kuchireva kuti iwo akaitika. Tinogona sei kuziva, muzana rino ramakore rechi 20, kana shure munguva dzeBhaibheri Mwari akaita manenji chaiwoiwo kupfurikidza navabatiri vake pasi pano kana kuti haana? Rudzii rwoufakazi rwawaizokarira nokuda kwezvinhu zvakadaro? Fungidzira munhu womumaruwa asina kudzidza uyo atorwa mumusha wake womumasango kuti ashanyire guta guru. Paanodzoka, anogona sei kurondedzerera vanhu vokwake zvishamiso zvepepuko? Iye haangagoni kurondedzera kuti motokari inoshanda sei kana kuti nei rwiyo rwuchinzwika ruchibva munhepfenyuro inotakurika. Iye haangagoni kugadzira komupiyuta kuti abvumikise kuti chinhu chakadaro chiripo. Zvaanongona bedzi kuita ndezvokutaura zvaaona.
16 Isu tiri mumugariro mumwe chetewo savanhu biyake vomumaruwa vomunhu iyeyo. Kana Mwari zvomenemene akaita manenji, nzira bedzi yatinogona kuziva nayo pamusoro pawo inobva muzvapupu zvakaona. Zvapupu zvakaona hazvingagoni kutsanangura kuti manenji akaitika sei, kana kuti izvo hazvigoni kuaitawo. Zvinongogona bedzi kutiudza zvazvakaona. Sezviri pachena, zvapupu zvakaona zvinogona kunyengedzwa. Zvinogonawo kukatutsira ndokuzivisa zvisizvo. Kana, ipapoka, tichizodavira chipupuriro chazvo, tinodikanirwa kuziva kuti izvi zvapupu zvakaona ndezvechokwadi, ndezvevara rakakwirira, uye zvakabvumikisa kuti izvo zvine vavariro dzakanaka.
Nenji Rakapupurirwa Zvikurusa Kupinda Ose
17. (a) Nderipi riri nenji rakabvumikiswa zvikurusa muBhaibheri? (b) Ndeipi yakanga iri migariro yakaparira rufu rwaJesu?
17 Nenji rakapupurirwa zvikurusa kupinda ose riri muBhaibheri nderorumuko rwaJesu Kristu, naizvozvo huregererei kushandisa irori sechibvumikiso, sokunge zvakadaro. Kutanga, rangarira maidi akashumwa: Jesu akasungwa pausiku hwaNisani 14—uhwo hwakava paChina usiku munzira yazvino uno yokuverenga mazuva evhiki.b Iye akamira pamberi pavatungamiriri vechiJudha avo vakamupomera kumhura ndokusarudza kuti iye aitofanira kufa. Vatungamiriri vechiJudha vakatungamirira Jesu kundomira pamberi pomudzori weRoma Pontio Pirato, uyo akakurirwa nedzvinyiriro yavo ndokumugamuchidza nokuda kwokuurawa. Zuva rakatevera racho, Chishanu—achiri Nisani 14 pakarenda rechiJudha—iye akaroverwa padanda rokutambudzira uye mumaawa mashomanene akanga afa.—Marko 14:43-65; 15:1-39.
18. Mukuwirirana neBhaibheri, ko mushumo worumuko rwaJesu wakavamba kupararira sei?
18 Pashure pokunge murwi weRoma abaya parutivi paJesu nepfumo kuva nechokwadi chokuti akanga afa zvomenemene, mutumbi waJesu wakavigwa muhwiro hutsva. Zuva rakatevera racho, Nisani 15 (Chishanu/Chitanhatu), rakanga riri sabata. Asi pamangwanani aNisani 16—Svondo mangwanani—vamwe vadzidzi vakaenda kuhwiro ndokuhuwana husina chinhu. Nokukurumidza, nhau dzakavamba kupararira kuti Jesu akanga aonwa ari mupenyu. Kuita kwokutanga kune idzi nhau kwakaita chaizvoizvo sezvakwaizoita nhasi—kusadavira. Kunyange vaapostora vakaramba kudavira. Asi apo ivo vamene vakaona Jesu mupenyu, vakanga vasina chisarudzo chokuita kunze kwokugamuchira kuti iye zvamazvirokwazvo akanga amutswa muna vakafa.—Johane 19:31–20:29; Ruka 24:11.
Hwiro Husina Chinhu
19-21. (a) Mukuwirirana naJustin Martyr, ko vaJudha vakadzivisa sei kuparidzira kwaiitwa namaKristu pamusoro porumuko rwaJesu? (b) Chii chatinogona kuva nechokwadi nacho kuti chakanga chiri chechokwadi pamusoro pehwiro hwaJesu pana Nisani 16?
19 Jesu akanga amutswa here, kana kuti kwose ikoku kwakanga kuri nyengedzo? Chimwe chinhu icho vanhu shure panguva iyeyo vangadai vakabvunza sezvingabvira ndeichi: Ko mutumbi waJesu uchiri muhwiro hwake here? Vateveri vaJesu vaizodai vakanangana nemhinganidzo hombe kudai vavengi vavo vangadai vakanongedzera kumutumbi wake chaiwoiwo uchiri munzvimbo yake yokuvigirwa soufakazi hwokuti iye akanga asina kumutswa. Zvisinei, hapana chinyorwa chokuti vakatongoita kudaro. Panzvimbo pezvo, mukuwirirana neBhaibheri, vakapa mari kuvarwi vakagoverwa kurinda hwirohwo ndokuvaudza, kuti: “Itiyi, ‘Vadzidzi vake vapinda usiku ndokumuba patanga tivete.’” (Mateo 28:11-13) Tinewo ufakazi kunze kweBhaibheri hwokuti vatungamiriri vechiJudha vakaita neiyi nzira.
20 Rinenge zana rimwe ramakore pashure porufu rwaJesu, Justin Martyr akanyora bhuku rinonzi Dialogue With Trypho. Muna irori, iye akati: “Imi [vaJudha] makatuma vanhu vakasarudzwa uye vakagadzwa munyika yose kundoparidzira kuti kutenda kunopesana nokutenda chaiko kusina umwari nokusateerera mutemo kwakanga kwabva muna ainzi Jesu, munyengeri weGarirea, uyo isu takarovera, asi vadzidzi vake vakamuba usiku muhwiro, umo iye akanga akavanzarikwa.”7
21 Zvino, Trypho akanga ari muJudha, uye Dialogue With Trypho rakanyorerwa kudzivirira chiKristu pachiJudha. Nokudaro, hakusati kuchibvira kuti Justin Martyr aizodai akataura zvaakaita—kuti vaJudha vakapomera maKristu nezvokuba mutumbi waJesu muhwiro—kudai vaJudha vakanga vasina kuita pomero yakadaro. Dai zvisizvo, aizodai akazviisa amene mukupomerwa nyore nyore kunosimbisirwa kwokureva nhema. Justin Martyr angadai akataura ikoku kana bedzi vaJudha zvomenemene vakanga vatumira nhume dzakadaro. Uye vangadai vakaita saizvozvo kana bedzi hwiro zvomenemene hwakanga husina chinhu pana Nisani 16, 33 N.V. uye kana ivo vaisagona kunongedzera kumutumbi waJesu muhwiro soufakazi hwokuti iye akanga asina kumutswa. Naizvozvo sezvo hwiro hwakanga husina chinhu, chii chakanga chaitika? Ko vadzidzi vakaba chitunhacho here? Kana kuti chakabviswa nomutoo wenenji soufakazi hwokuti Jesu akanga amutswa zvomenemene here?
Mhedziso yaRuka Chiremba
22, 23. Ndiani akanga ari munhu akanga akadzidza womuzana rokutanga ramakore uyo akanzvera rumuko rwaJesu, uye manyukoi amashoko aiwanikwa kwaari?
22 Mumwe murume akanga akadzidza zvikuru womuzana rokutanga ramakore uyo akasanorangarira ufakazi akanga ari Ruka, chiremba. (VaKorose 4:14) Ruka akanyora mabhuku maviri ayo zvino ari rutivi rweBhaibheri: rimwe rakanga riri Evhangeri, kana kuti nhau youshumiri hwaJesu, uye rimwe racho, rinonzi Mabasa Avaapostora, rakanga riri nhau yokupararira kwechiKristu mumakore apashure porufu rwaJesu.
23 Musumo yeEvhangeri yake, Ruka anotaura nezvoufakazi hwakawanda hwakanga huchiwanikwa kwaari asi uhwo husati huchawanikwazve kwatiri. Iye anotaura nezvamagwaro akanyorwa pamusoro poupenyu hwaJesu ayo iye akanzvera. Iye anonyorawo kuti akataura nezvapupu zvakaona zvoupenyu hwaJesu, rufu, uye rumuko. Ipapo, iye anoti: “Ini ndakaronda zvinhu zvose kubvira pakutanga noururami.” (Ruka 1:1-3) Sezviri pachena, nzvero yaRuka yakanga yakakwana. Ko iye akanga ari wezvenhau akanaka here?
24, 25. Ko vazhinji vanorangarira sei zvikwaniriso zvaRuka sowenhau?
24 Vazhinji vakapupurira kuti akanga akadaro. Shure muna 1913, Sir William Ramsay muhurukuro akatsinhira pamusoro pouchokwadi hwenhau hwamabhuku aRuka. Ndeipi yakava mhedziso yake? “Ruka ndowezvenhau wokutanga; kutaura kwake hakusati kuchingovawo zvakwo kweidi rinovimbwa; iye ane pfungwa yechokwadi yenhau.”8 Vanzveri vakawanda vazvino uno vakasvika pamhedziso imwe cheteyo. The Living World Commentary, pakubudisa mavhoriyamu aro pamusoro paRuka, rinoti: “Ruka akanga ari zvose zviri zviviri wezvenhau (uye akarurama) uye wezvoruzivo rwoumwari.”
25 Dr. David Gooding, aichimbova purofesa wechiGiriki cheTestamente Yekare muNorthern Ireland, anozivisa kuti Ruka akanga ari “wezvenhau wekare mugamuchidzanwa ravezvenhau veTestamente Yekare uye mugamuchidzanwa raThucydides [mumwe wavezvenhau anorangarirwa kuva akakwirira zvikurusa womunyika yekare]. Kufanana navo iye aizove akaita nokungwarira zvikurusa mukunzvera manyuko ake, mukusarudza mashoko ake, nomukubudisa mashoko iwawo. . . . Thucydides akabatanidza uyu mutoo nechishuvo chokururama kwenhau: hapana chikonzero chokufunga kuti Ruka akaita zvishoma.”9
26. (a) Ndeipi yakanga iri mhedziso yaRuka pamusoro porumuko rwaJesu? (b) Chii chingave chakamusimbaradza mune iyi mhedziso?
26 Ndeipi yakanga iri mhedziso youyu murume anokwaniriswa zvikuru pamusoro pechikonzero nei hwiro hwaJesu hwakanga husina chinhu pana Nisani 16? Mose muri muviri muEvhangeri yake nomubhuku raMabasa, Ruka anoshuma seidi kuti Jesu akamutswa muna vakafa. (Ruka 24:1-52; Mabasa 1:3) Iye akanga asitongorina panikiro pamusoro pako. Zvimwe chitendero chake munenji rorumuko chakasimbiswa nezvinoitika zvake amene. Nepo iye sezvinooneka akanga asati ari chapupu chakaona chorumuko rwacho, iye anoshuma chaizvo kuti akaona manenji akaitwa nomuapostora Pauro.—Mabasa 20:7-12; 28:8, 9.
Ivo Vakaona Jesu Akamutswa
27. Ndivanaani vamwe vakataura nezvokuva vakaona Jesu akamutswa?
27 Evhangeri mbiri mugamuchidzanwa dzinonzi dzakanyorwa navarume vaiziva Jesu, vakamuona achifa, uye vakataura kuti vakamuona chaizvoizvo pashure porumuko rwake. Ivava ndimuapostora Mateo, aichimbova muteresi, uye Johane, muapostora anodikanwa waJesu. Mumwe munyori weBhaibheri, muapostora Pauro, anotaurawo kuti akaona Kristu akamuka. Pauro, muwedzero, anoronga namazita vamwe avo vakaona Jesu ari mupenyu pashure porufu rwake, uye iye anotaura kuti pane imwe nguva Jesu akaoneka ku“hama dzinopfuura mazana mashanu.”—1 VaKorinte 15:3-8.
28. Ko rumuko rwaJesu rwakava netapuroi pana Petro?
28 Mumwe uyo Pauro anodudza sechapupu chakaona ndiJakobho, munun’una nokuna mai waJesu, uyo anofanira kuve akaziva Jesu kubvira pahuduku. Mumwe wacho muapostora Petro; Ruka wezvenhau anoshuma kuti iye akapupurira nokusatya pamusoro porumuko rwaJesu mavhiki mashomanene bedzi pashure porufu rwaJesu. (Mabasa 2:23, 24) Tsamba mbiri dzomuBhaibheri mugamuchidzanwa dzinonzi dzakanyorwa naPetro, uye mune yokutanga yaidzodzi Petro anoratidzira kuti chitendero chake murumuko rwaJesu chakanga chichiri sundo ine simba kunyange makore mazhinji pashure pechinoitikacho. Iye akanyora, kuti: “Ngaakudzwe Mwari naBaba vaShe wedu Jesu Kristu, nokuti mukuwirirana nengoni dzake huru iye akatiberekerazve kutariro mhenyu kupfurikidza norumuko rwaJesu Kristu muna vakafa.”—1 Petro 1:3.
29. Kunyange zvazvo tisingagoni kutaura nezvapupu zvakaona zvorumuko rwacho, ufakazii hunoorora kunyanguvezvo hunowanikwa kwatiri?
29 Nokudaro, sezvo Ruka aigona kutaura navanhu vaitaura kuti vakaona uye kuti vakataura naJesu pashure porufu rwake, tinogona kurava mashoko ayo vamwe vaivava vakanyora. Uye tinogona kuzvisarudzira timene kana vanhu ivavo vakanyengedzwa, kana vakanga vachiedza kutinyengedza, kana kuti kana vakaona zvomenemene Kristu akamutswa. Nomutoo wakajeka, hapana nzira yavaigona kuve vakanyengedzwa nayo. Chiverengero chakati kuti chavo chaiva shamwari chaidzoidzo dzaJesu kutozosvikira parufu rwake. Vamwe vavo vakaona kurwadziwa kwake padanda rokutambudzira. Vakaona ropa nemvura zvichiyerera zvichibva paronda repfumo rakaparirwa nomurwi. Murwi aiziva, uye ivo vaiziva, kuti Jesu nomutoo usingapanikiriki akanga afa. Gare gare, ivo vanoti, vakaona Jesu ari mupenyu ndokutaura naye chaizvoizvo. Aiwa, havati vaigona kuve vakanyengedzwa. Ipapoka, ivo vakanga vachiedza kutinyengedza mukutaura kuti Jesu akanga amutswa here?—Johane 19:32-35; 21:4, 15-24.
30. Neiko kuri kusingabviri kuti zvapupu zvakaona zvapakuvamba zvorumuko rwaJesu zvakanga zvichireva nhema?
30 Kupindura ikoku, tingangoda bedzi kuzvibvunza timene, kuti: Ko ivo vamene vaidavira zvavakanga vachitaura here? Hungu, pasina nepanikiro ipi neipi. Kuna maKristu, kubatanidza avo vakataura kuti zvapupu zvakaona, rumuko rwaJesu rwakanga rwuri hwaro hwose hwechitendero chavo. Muapostora Pauro akati: “Kana Kristu asina kumutswa, kuparidzira kwedu zvamazvirokwazvo hakuna maturo, uye kutenda kwedu hakuna maturo . . . Kana Kristu asina kumutswa, kutenda kwenyu hakubetseri.” (1 VaKorinte 15:14, 17) Ko ikoko kunonzwika samashoko omunhu ari kureva nhema apo iye anoti iye akanga aona Kristu akamutswa here?
31, 32. Kuzvibairai kwakaitwa namaKristu apakuvamba, uye neiko ikoku kuri ufakazi hwakasimba hwokuti aya maKristu apakuvamba akanga achizivisa zvokwadi apo iwo akataura kuti Jesu akanga amutswa?
31 Rangarira chakwakareva kuva muKristu mumazuva iwawo. Pakanga pasina mhindu yomukurumbira, simba, kana kuti upfumi. Zvakapesana zvikuru. Vazhinji vamaKristu apakuvamba ‘vakafarira kupambwa kwezvinhu zvavo’ nokuda kwokutenda kwavo. (VaHebheru 10:34) ChiKristu chaida upenyu hwokuzvibaira uye chitambudzo izvo mune zvinoitika zvizhinji zvaiguma mukufira kutenda kupfurikidza norufu runonyadzisa, runorwadza.
32 Mamwe maKristu akabva mumhuri dzakabudirira, somuapostora Johane uyo baba vake sezvinooneka vakanga vaine bhizimisi rinobudirira rokuredza hove muGarirea. Vazhinji vakanga vane kariro dzakanaka, vakadai saPauro uyo, apo iye akagamuchira chiKristu, akanga ave ari mudzidzi womudzidzisi akakurumbira Gamarieri uye akanga achivamba kuzvitsauranisa iye amene mumeso avabati ushe vechiJudha. (Mabasa 9:1, 2; 22:3; VaGaratia 1:14) Bva, vose vakatendeudzira makotsi avo pane izvo nyika ino yakagovera nokuda kwokuparadzira shoko rakavakirwa paidi rokuti Jesu akanga amutswa muna vakafa. (VaKorose 1:23, 28) Neiko ivo vaizoita kuzvibaira kwakadaro kuti vatamburire chisakiso chavaiziva havo kuti chakanga chakavakirwa panhema? Mhinduro ndeyokuti, ivo havasati vaizodaro. Vakanga vachidisa kutamburira uye kufira chisakiso chavaiziva kuva chakavakirwa pazvokwadi.
Manenji Anoitika Zvomenemene
33, 34. Sezvo rumuko rwakaitika chaizvoizvo, chii chatinogona kutaura pamusoro pamamwe manenji eBhaibheri?
33 Zvamazvirokwazvo, ufakazi hwechipupuriro hunopwisa chose chose. Jesu akamutswa chaizvoizvo muna vakafa pana Nisani 16, 33 N.V. Uye sezvo rumuko irworwo rwakaitika, mamwe manenji ose eBhaibheri anobvira—manenji ayo isuwo tine chipupuriro chawo chakasimba, chechapupu chakaona. Simba rimwe chetero rakamutsa Jesu muna vakafa rakagonesawo Jesu kumutsa mwanakomana wechirikadzi yeNaini. Iye akapawo simba Jesu rokuita manenji maduku zvishoma—asi anoshamisawo—okuporesa. Iye akatsigirawo kudyiswa kwenenji kwavazhinji-zhinji, uye Iye akagonesawo Jesu kufamba pamusoro pemvura.—Ruka 7:11-15; Mateo 11:4-6; 14:14-21, 23-31.
34 Nokudaro, idi rokuti Bhaibheri rinotiudza nezvamanenji harisati riri chikonzero chokupanikira uzvokwadi hwaro. Panzvimbo pezvo, idi rokuti manenji akaitika munguva dzeBhaibheri chibvumikiso chine simba chokuti Bhaibheri zvamazvirokwazvo iShoko raMwari. Asi pane imwe pomero inoitirwa Bhaibheri. Vazhinji vanotaura kuti iro rinozvipokanidza rimene nokudaro haringagoni kuva Shoko raMwari. Ikoku ichokwadi here?
[Mashoko Omuzasi]
a Tinotaura kuti “kazhinji kazhinji,” nemhaka yokuti mamwe manenji omuBhaibheri angave akabatanidza chinoitika chomusikirwo, chakadai sokudengenyeka kwapasi kana kuti kukoromoka kwenyika. Zvisinei, achiri kurangarirwa samanenji nokuti akaitika chaizvoizvo panguva yaaidikanirwa nokudaro sezvinooneka akaitika panhungamiro yaMwari.—Joshua 3:15, 16; 6:20.
b Zuva rechiJudha raivamba panenge panguva yechitanhatu mumadekwana ndokupfuurira kusvikira panguva yechitanhatu madekwana anotevera acho.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 81]
Vavengi vechiKristu vanotaura kuti vadzidzi vakaba mutumbi waJesu. Kudai ikoku kwakaitika, neiko maKristu aizofanira kuve achidisisa kufira kutenda kwakavakirwa parumuko rwake?
[Bhokisi riri papeji 85]
Neiko Kusina Manenji Nhasi?
Padzimwe nguva mubvunzo unomutswa: ‘Neiko kusina manenji orudzi rweBhaibheri nhasi?’ Mhinduro ndeyokuti manenji akabatira donzo rawo shure panguva iyeyo, asi nhasi Mwari anokarira kuti tirarame kupfurikidza nokutenda.—Habhakuki 2:2-4; VaHebheru 10:37-39.
Mumazuva aMosesi, manenji akaitika kusimbisa zvipupuriro zvaMosesi. Akaratidzira kuti Jehovha akanga achimushandisa uyewo kuti sungano yoMutemo yakanga iri zvomenemene yemviromviro youmwari uye kuti vaIsraeri kubvira ipapo zvichienda mberi vaiva rudzi rwakasarudzwa rwaMwari.—Eksodho 4:1-9, 30, 31; Dheuteronomio 4:33, 34.
Muzana rokutanga ramakore, manenji akabetsera kusimbisa zvipupuriro zvaJesu uye, pashure pake, zveungano duku yechiKristu. Akabetsera kuratidzira kuti Jesu akanga ari Mesia akapikirwa, kuti pashure porufu rwake Israeri wokunyama akatsiviwa sorudzi chairwo rwaMwari neungano yechiKristu, nokudaro kuti Mutemo waMosesi wakanga usati uchasungirazve.—Mabasa 19:11-20; VaHebheru 2:3, 4.
Pashure pamazuva avaapostora, nguva yamanenji yakanga yapfuura. Muapostora Pauro akatsanangura, kuti: “Kana kune zvipo zvokuporofita, izvo zvichabviswa; kana kune ndimi, idzo dzichaguma; kana kune zivo, iyo ichabviswa. Nokuti tine zivo isina kukwana uye tinoporofita zvisina kukwana; asi apo izvo zviri zvakakwana zvinosvika, icho chisina kukwana chichabviswa.”—1 VaKorinte 13:8-10.
Nhasi, tine Bhaibheri rakakwana, iro rinobatanidza zvakazarurwa zvose nezano raMwari. Tine zadziko youporofita, uye tine nzwisiso inofambira mberi yamadonzo aMwari. Nokudaro, hapana imwe dikanwo yamanenji. Hunyanguvezvo, mudzimu mumwe chetewo waMwari wakaita kuti manenji abvire uchiriko uye unoita miuyo inopa ufakazi hwakasimba nomutoo wakaenzana hwesimba roumwari. Tichaona zvakawanda zvaikoku muganhuro inotevera.
[Mufananidzo uri papeji 75]
Vazhinji vanorangarira ruvimbiko rwemitemo yomusikirwo, yakadai seidi rokuti zuva rinobuda mangwanani ari ose, sechibvumikiso chokuti manenji haagoni kuitika
[Mufananidzo uri papeji 77]
Kusikwa kwapasi somusha wezvinhu zvipenyu kwakanga kuri ‘chinoitika chinokatyamadza’ chakaitika kamwe chete
[Mifananidzo iri papeji 78]
Waizotsanangura sei zvishamiso zvesayenzi yazvino uno kuno mumwe munhu airarama makore 200 akapfuura?