Ruponeso
Tsanangudzo: Kununurwa kana kuti kuchengetedzwa kubva pangozi kana pakuparadzwa. Kungava kununurwa kubva pavadzvinyiriri kana vanhu vanotambudza. Jehovha anonunura vaKristu vose vechokwadi kubva pamamiriro ezvinhu akaipa epanguva ino uye anovanunura kubva muchivi norufu kuburikidza noMwanakomana wake. Kuponeswa kweboka guru revashumiri vakatendeka vaJehovha vari kurarama mu“mazuva okupedzisira” kuchasanganisira kuchengetedzwa pakutambudzika kukuru.
Mwari achazongonunura vanhu vose here, nokuti ane ngoni huru?
Pana 2 Petro 3:9 panoratidza here kuti vanhu vose vachaponeswa? Panoti: “Mwari haanonoki kuita izvo anenge akatsidza sokufunga kunoita vamwe. Asi kutoti tenzi anokuregai muchiita zvamunoda haadi kuti mumwe munhu aparadzwe, asi anoda kuti vanhu vose vatendeuke pazvitadzo zvavo.” (BR) Nokuti Mwari ane ngoni, anoda kuti vana vose vaAdhamu vapfidze, uye akaita urongwa hwokukanganwira zvivi zvevaya vanopfidza. Asi haana waanomanikidza kugamuchira urongwa hwacho. (Enzanisa naDheuteronomio 30:15-20.) Vakawanda vanoramba urongwa hwacho. Vakafanana nemunhu ari kunyura anorasira kure chinhu chinogona kumuponesa chaanenge akandirwa nemumwe munhu ane chido chokumubatsira. Zvisinei, tinofanira kuziva kuti munhu akasapfidza hazvirevi kuti anoenda kuhero yomoto nokusingaperi. Sezvinoratidzwa pana 2 Petro 3:9, vaya vasingapfidzi vachaparara, kana kuti ‘vachaparadzwa.’ 2Pe 3 Ndima 7 (BR) inotaurawo nezve‘kuparadzwa kwevanhu vanoramba Mwari.’ Pano hapambotauri nezvokuponeswa kwevanhu vose.—Onawo musoro mukuru unoti “Hero.”
Pana 1 VaKorinde 15:22 panoratidza here kuti vanhu vose vachazongoponeswa? Panoti: “Nokuti vanhu vose vanofa muna Adhamu, saizvozvowo vanhu vose vanomutswawo muna Kristu vachiva vapenyu.” (RS) Sezvinoratidzwa nendima dzakapoteredza, pano pari kutaura nezvorumuko. Ndivanaani vachamutswa? Vose vakafa pamusana pechivi chaAdhamu (ona 1VaK 15 ndima 21) asi vasina kuita zvivi nemaune zvinotaurwa pana VaHebheru 10:26-29. Sokumutswa kwakaitwa Jesu kubva kuHadhesi (Mab. 2:31), saizvozvowo vamwe vose vari muHadhesi ‘vachaitwa vapenyu’ norumuko. (Zvak. 1:18; 20:13) Vose ivava vachaponeswa nokusingaperi here? Vachapiwa mukana iwoyo, asi havasi vose vachaubatisisa, sezvinoratidzwa pana Johani 5:28, 29, inoratidza kuti vamwe ‘vachatongwa.’
Zvakadini nemagwaro akaita saTito 2:11, inotaura nezve“ruponeso rwavanhu vose,” maererano neBR? Mamwe magwaro akaita saJohani 12:32, VaRoma 5:18 uye 1 Timoti 2:3, 4 anobudisa pfungwa yakafanana muRS, KJ, NE, TEV, zvichingodaro. Mashoko echiGiriki anoshandurwa kuti “vose” uye “vanhu vose” mundima idzi anobva pashoko rokuti pas. Sezvinoratidzwa muVine’s Expository Dictionary of New Testament Words (London, 1962, Vol. I, peji 46), shoko rokuti pas rinogonawo kureva “marudzi ose kana kuti vakasiyana-siyana.” Saka mundima dziri pamusoro apa, pane kushandisa “vose,” mashoko okuti “marudzi ose” anogona kushandiswa sezvakaitwa muNW. Ndezvipi zvakarurama—kuti “vose” kana kuti pfungwa inobudiswa nokuti “marudzi ose”? Ndeapi mashoko anowiriranawo nemamwe mashoko ose ari muBhaibheri? Okupedzisira. Funga nezvaMabasa 10:34, 35; Zvakazarurwa 7:9, 10; 2 VaTesaronika 1:9. (Onai kuti: Vamwe vashanduri vanoonawo pfungwa yeshoko racho rechiGiriki, sezvinoratidzwa neshanduro dzavo pana Mateu 5:11—“marudzi ose,” RS, TEV.)
Pane magwaro anonyatsoratidza kuti vamwe havazomboponeswi here?
2 VaT. 1:9, BR: “Ivo vachatambura vachizopinda mukurangwa kusingaperi. Vachabviswa pedyo naTenzi vachigara vari kure kwazvo nembiri yake.” (Tatsveyamisa mabhii.)
Zvak. 21:8, BR: “Asi kana vari vaya vanotya, vasingatendi, vaya vakan’oreswa, vaurayi nemhombwe, navanonamata mifananidzo, navanoreva nhema, nzvimbo yavo ndiro dziva riya rinopfuta moto une sarufa, ndirwo rwuchava rufu rwechipiri.”
Mat. 7:13, 14, BR: “Pindai nomusuo wakamanikana nokuti musuo wakapamhama, nomugwagwa wacho unosvitsa kumoto usingadzimi uri nyore kwazvo, saka vanhu vanofamba nomugwagwa iwoyu vazhinji. Asi musuo wakamanikana, nomugwagwa usina kufara ndiwo unoenda kuupenyu, saka vanhu vanouwana vashoma kwazvo.”
Kana munhu angoponeswa, anenge atoponeswa zvachose here?
Jud. 5, BR: “Kunyange muchizviziva henyu regai ndimbokuyeuchidzai nokumboponeswa kwakaitwa vaIsraeri naTenzi munyika yeIjipiti, achizobva ouraya vaya vakanga vasingatendi mushure menguva ndefu.” (Tatsveyamisa mabhii.)
Mat. 24:13, BR: “Munhu uya anozotsungirira kusvikira pakuguma ndiye achaponeswa.” (Saka kutanga kunoita munhu kutenda muna Jesu hakurevi kuti achazoponeswa pakuguma.)
VaF. 2:12, BR: “Sezvamakagara muchingoteerera nguva dzose, kwete paya pandainge ndiripo chete asi kunyanya iye zvino pandisipo. Chipedzisai zvoruponeso rwenyu muchitya muchidedera.” (Mashoko aya aitaurwa ku“vasande,” kana kuti vatsvene vaiva kuFiripi, sezviri pana VaFiripi 1:1. Pauro akavakurudzira kuti vasanyanyozvivimba asi kuti vazive kuti kuponeswa kwavo pakupedzisira kwakanga kusati kwasimbiswa.)
VaH. 10:26, 27, BR: “Kana tichiramba tichitadza hedu maune, isu takambogamuchira ruzivo rwechokwadi, hakuchinazve chimwe chibayiro chinobvisa zvitadzo kwete. Asi chinhu chatasarirwa nacho kuti tiite, ndechokuti titye zvinhu zvichaitika: zvokutonga kwaMwari nezvemoto unotyisa uchazoparadza vanhu vese vasingadi Mwari.” (Saka Bhaibheri haribvumirani nepfungwa yokuti pasinei nokuti munhu anoita zvivi zvakadini pashure pokunge “aponeswa” anozongowana ruponeso pakupedzisira. Rinokurudzira kutendeseka. Onawo VaHebheru 6:4-6, inoratidza kuti kunyange munhu akazodzwa nomudzimu mutsvene anogona kurasikirwa netariro yake yoruponeso.)
Panodiwa chimwe chinhu chinopfuura kutenda here kuti munhu aponeswe?
VaEf. 2:8, 9, BR: “Imi makaponeswa nenyasha [‘mutsa usina kukodzera kuwanwa,’ NW] dzaMwari pamusoro pokutenda kwenyu. Hamusimi makaita izvi kwete, asi chaive chipo chaMwari. Saka regai kuzvikudza henyu nokuti izvi hazvina kuitwa nesimba renyu kwete.” (Urongwa hworuponeso kuratidzwa kwomutsa waMwari usina kukodzera kuwanwa. Vanhu vakabva kuna Adhamu havagoni kuwana ruponeso pachavo, pasinei nokuti mabasa avo akanaka sei. Ruponeso chipo chinobva kuna Mwari chinopiwa vaya vanotenda kukosha kwechibayiro cheMwanakomana wake chinoyananisa zvivi.)
VaH. 5:9, BR: “[Jesu] akazova mavambo oruponeso rwuya rusingaperi kuna vanhu vose vanomuteerera.” (Tatsveyamisa mabhii.) (Izvi zvinopesana here nemashoko okuti vaKristu vano‘poneswa pamusana pokutenda’? Kwete. Kuteerera kunongoratidza kuti kutenda kwavo ndekwechokwadi.)
Jak. 2:14, 26, BR: “Zvino hama dzangu zvinobatsirei kana munhu ati, ‘Ini ndinotenda,’ kana mabasa ake asingaratidzi izvozvo? Ko zvino imi munofunga kuti kutenda kwakadaro kungagona kumuponesa here? Sezvo muviri usina mweya uchinzi wakafa, naizvozvowo rutendo rusinawo mabasa runonzi rwakafa.” (Munhu haawani ruponeso pamusana pemabasa ake. Asi ani naani ane kutenda kwechokwadi achavawo nemabasa anoenderana nokutenda kwake—mabasa okuteerera mirayiro yaMwari naKristu, mabasa anoratidza kutenda uye rudo. Kutenda kwake kunenge kwakafa kana pasina mabasa akadaro.)
Mab. 16:30, 31, BR: “‘Nhai madzishe, ko ndodinikowo ini kuti ndigoponeswa?’ Ivo [Pauro naSirasi] vakati kwaari, ‘Tenda kuna Tenzi Jesu kuti ugoponeswa iwe pamwe chete nemhuri yako.’” (Kudai murume iyeye nemhuri yake vaitenda zvechokwadi, vaisazoita maererano nezvavaidavira here? Ndizvo chaizvo zvavaizoita.)
Kana Mumwe Munhu Akati—
‘Ndakaponeswa’
Ungapindura kuti: ‘Ndinofara kuziva izvozvo, nokuti zvinoita kuti ndione kuti munodavira muna Jesu Kristu. Basa randiri kuita, Jesu akaripa vateveri vake kuti vaite, rokuudza vamwe nezvokugadzwa kwoUmambo hwake. (Mat. 24:14)’ Ungawedzerawo kuti: (1) ‘Umambo ihwohwo chii? Kuuya kwahwo kucharevei panyika? (Dhan. 2:44)’ (2) ‘Zvinhu zvichange zvakamira sei panyika pano hurumende iyoyo yokudenga painenge ichitonga? (Pis. 37:11; Zvak. 21:3, 4)’
Kana kuti ungati: ‘Saka munonzwisisa zvakataurwa nomuapostora Petro pano pana Mabasa 4:12, handiti? . . . Makambozvibvunza here kuti zita raJesu rakapiwa naani kuti tive nokutenda mariri?’ Ungawedzerawo kuti: (1) ‘Jesu pachake anotiudza. (Joh. 17:3)’ (2) ‘Onai kuti Jesu akati akaita kuti zita raBaba vake rizivikanwe. (Joh. 17:6) Zita ravo nderokuti ani? Rinoita kuti mufunge nezvechii? (Eks. 3:15; 34:5-7)’
‘Makaponeswa here?’
Ungapindura kuti: ‘Parizvino ndakaponeswa. Ndinodaro nokuti ndinozivawo zano remuBhaibheri rokuti tisanyanyozvivimba. Munoziva here zvinotaurwa nerugwaro urwu? (1 VaK. 10:12)’ Ungawedzerawo kuti: ‘Nei zvakadaro? Kune vanhu vakaberekwazve uye vane tariro youpenyu hwokudenga (VaH. 3:1), muapostora Pauro akanyora kuti . . . (VaH. 3:12-14) Tinosimbisa kutenda kwedu nokuwedzera zivo yedu pamusoro peShoko raMwari.’
Kana kuti ungati: ‘Ndingapindura nokungoti, Hungu. Asi maiziva here kuti Bhaibheri haringotauri nezvokuponeswa kumwe chete? Somuenzaniso makambofunga here zvinorehwa naZvakazarurwa 7:9, 10, 14? . . . Saka, pane vanhu vachapona pakutambudzika kukuru kuri kuuya, kuti vazorarama pasi pano chaipo. (Mat. 5:5)’
‘Munogamuchira Jesu soMuponesi wenyu here?’
Ona peji 104, pasi pemusoro unoti “Jesu Kristu.”
‘Imi munoti vanhu 144 000 chete ndivo vachaponeswa’
Ungapindura kuti: ‘Ndafara kuti mataura izvozvo saka ndinogona kukuudzai zvatinonyatsodavira. Vanhu vakawanda vanotenda zvechokwadi muurongwa hwakaitwa naMwari kuburikidza naJesu vanogona kuponeswa. Asi Bhaibheri rinoti vanhu 144 000 chete ndivo vachaenda kudenga kuti vanova naKristu. Makambozviona here izvozvo muBhaibheri? . . . Zvakanyorwa pano pana Zvakazarurwa 14:1, 3.’ Ungawedzerawo kuti: (1) ‘Vachanoitei kudenga? (Zvak. 20:6)’ (2) ‘Zviri pachena kuti vanenge vachitonga vamwe vanhu. Vangava vanaani ivavo? . . . (Mat. 5:5; 6:10)’