Tikiko—Muranda Pamwe Chete Naye Anovimbwa
PANHAMBO dzakasiyana-siyana, Tikiko akafamba nomuapostora Pauro ndokuita somutumwa wake. Akanga ari mumiriri aigona kupiwa mari uye nemitoro yokutarisira. Sezvo Magwaro achisimbisa kuvimbika kwake—vara rinokosha nokuda kwavaKristu vose—zvichida ungada kuziva zvakawanda pamusoro pake.
Pauro akarondedzera Tikiko se“hama [yake] inodikanwa, mushumiri wakatendeka, nomuranda pamwe chete neni munaShe.” (VaKorose 4:7) Nei muapostora akamurangarira nenzira iyoyo?
Rwendo rwokuJerusarema Rwokunoyamura
Kushayiwa zvokunyama kwakatanga pakati pavaKristu vomuJudhea munenge muna 55 C.E. Achibetserwa neungano dzomuEurope neAsia Minor, Pauro akaronga mupiro wokuvabatsira. Tikiko, akanga achibva kuruwa rweAsia, akaita basa murwendo rwokundoyamura.
Pashure pokupa mirayiridzo pamusoro penzira yokubata nayo mupiro uyu, Pauro akakarakadza kuti varume vakavimbika vatumirwe kuJerusarema kana kuti vaendeko naye, vakatakura mipiro yacho. (1 VaKorinte 16:1-4) Paakatanga rwendo rurefu kubva kuGirisi kuenda kuJerusarema, akaperekedzwa navarume vanoverengeka, mumwe wavo sezviri pachena akanga ari Tikiko. (Mabasa 20:4) Vaperekedzi vakawanda kudaro vangava vakadikanwa nemhaka yokuti vakanga vakatakura mari yavakanga vapiwa neungano dzinoverengeka. Kudikanwa kwechengeteko kungava kwakava chinhu chinokosha, sezvo matsotsi aiva munzira aityisidzira kupfuura kwakakotsekana.—2 VaKorinte 11:26.
Sezvo Aristako naTrofimo vakaperekedza Pauro kuJerusarema, vamwe vanofunga kuti Tikiko navamwe vangangodaro vakadarowo. (Mabasa 21:29; 24:17; 27:1, 2) Nemhaka yokuti Tikiko aibatanidzwa mugadziriro iyi yokuyamura, ndiye mumwe wavanoverengeka vakakarakadzwa savaiva “hama” yakashanda naTito muGirisi kuti vagadzirire mupiro uye kuti ndiani aka“sanangurwawo nekereke kuti atiperekedze [kuperekedza Pauro] pabasa iri renyasha.” (2 VaKorinte 8:18, 19; 12:18) Kana basa rokutanga rakaitwa naTikiko rakanga riri rinokosha, rechipiri rakanga rakadarowo.
Kubva kuRoma Kuenda kuKorose
Makore mashanu kana kuti matanhatu gare gare (60-61 C.E.), Pauro akanga achikarira kusunungurwa pakuiswa kwake mujeri kwokutanga muRoma. Tikiko akanga anaye, mazana amakiromita kubva kumba. Zvino Tikiko akanga ava kudzokera kuAsia. Izvi zvakagonesa Pauro kutumira tsamba kuungano dzechiKristu dzaiva munharaunda iyoyo uye kutumira muranda akatiza waFiremoni, Onesimo, kuti adzokere kuKorose. Tikiko naOnesimo vakatakura dzinenge tsamba nhatu zvino dzinobatanidzwa mundaza yamanyoro matsvene yeBhaibheri—imwe kuvaEfeso, imwe kuvaKorose, uye imwe kuna Firemoni. Tsamba ingadai yakaendeswawo kuungano yomuRaodhikia, guta riri makiromita anenge 18 kubva kuKorose.—VaEfeso 6:21; VaKorose 4:7-9, 16; Firemoni 10-12.
Tikiko akanga asiri munhu anongofambisawo tsamba. Akanga ari mutumwa womunhu oga aivimbwa naye, nokuti Pauro akanyora kuti: “Muchaziviswa zvangu zvose naTikiko, hama inodikanwa, mushumiri wakatendeka, nomuranda pamwe chete neni munaShe. Ndakamutuma iye kwamuri nemhaka iyi, kuti muzive zvedu, anyaradze mwoyo yenyu.”—VaKorose 4:7, 8.
Nyanzvi E. Randolph Richards inoonesa kuti mutakuri wetsamba “aiwanzova anobatanidza munyori navagamuchiri mukuwedzera kukubatana kwokunyora. . . . [Chikonzero chimwe] chokuda mutakuri akavimbika chakanga chiri [chokuti] aiwanzotaura mashoko okuwedzera. Tsamba ingarondedzera mamiriro ezvinhu nokupfupikisa, kazhinji kazhinji nokunzvera kwomunyori, asi mutakuri anokarirwa kuwedzerera mugamuchiri mashoko ose.” Kunyange zvazvo tsamba ingabata nedzidziso uye nhau dzokukurumidzira, mamwe mashoko aitaurwa nomuromo nomutumwa anovimbwa naye.
Tsamba dzokuvaEfeso, vaKorose, uye Firemoni dzinotaura zvishoma pamusoro penzira iyo Pauro akanga achirarama nayo. Nokudaro Tikiko aifanira kuendesa mashoko omunhu oga, kutsanangura mamiriro ezvinhu aPauro muRoma, uye kunzwisisa mamiriro ezvinhu muungano zvakakwana zvokukwanisa kugovera kurudziro. Mashoko nemitoro zvorudzi urwu zvaipiwa bedzi kune avo vaigona kuvimbwa navo kuti vamirire mutumi nokutendeka. Tikiko akanga ari murume akadaro.
Kutarisira Mumigove Iri Kure
Pashure pokusunungurwa muusungwa hwokugara pamba muRoma, Pauro akarangarira kutumira Tikiko kana kuti zvimwe Artemasi kuna Tito pachitsuwa cheKrete. (Tito 1:5; 3:12) Mukati mokuiswa mujeri kwaPauro kwechipiri muRoma (zvimwe munenge muna 65 C.E.), muapostora akatumazve Tikiko kuEfeso, zvichida kunotora nzvimbo yaTimotio, uyo panguva iyoyo aigona kuenda kunova naPauro.—2 Timotio 4:9, 12.
Kana Tikiko akaenda kwose kuri kuviri kuKrete uye kuEfeso mukati menhambo iyi hazvina kujeka. Kunyange zvakadaro, nongedzero dzakaita seidzi dzinokarakadza kuti akaramba ari mumwe wavasonganiri vaPauro vapedyo kutozosvikira makore okupedzisira oushumiri hwomuapostora. Kana Pauro aifunga nezvokumutuma panzendo dzokuvimbika uye zvichida dzakaoma panzvimbo paTimotio naTito, zviri pachena kuti Tikiko akanga ava mutariri wechiKristu akakura mumudzimu. (Enzanisa na1 Timotio 1:3; Tito 1:10-13.) Kuda kwake kufamba uye kushandiswa mumigove yokure kwakamuita anobetsera kuna Pauro uye kuungano yose yechiKristu.
Nhasi, vaKristu vakazvipira vanobatira Mwari nokudisa muungano dzomunzvimbomo dzeZvapupu zvaJehovha kana kuti vanozviita vanowanika kuti vatsigire fariro dzoUmambo kune imwe nzvimbo. Zviuru zvakagamuchira nomufaro migove savafundisi, vatariri vanofambira, vanoshanda mabasa okuvaka munyika dzakawanda, padzimbahwe renyika reWatch Tower Society, kana kuti mune rimwe ramapazu ayo. Kufanana naTikiko, havana kukurumbira, asi vanoshanda zvakaoma, ‘vashumiri vakatendeka’ vanodiwa naMwari uye vanodiwa navamwe vaKristu sa‘varanda pamwe chete navo muna Ishe’ vakavimbika.