“Muedzo Wouchokwadi Hworudo Rwedu”
CHII icho mashoko ari pamusoro apa anounza kundangariro yako? Chitambudzo nenhamo here? Kufira kutendeka here? Mashoko iwayo akanyorwa pakuvamba nomuapostora Pauro mutsamba yokumaKristu aiva muKorinte yakare. Iwo ndeoukoshi hukuru kuvanhu vaJehovha nhasi mukuti ‘uchokwadi hworudo rwavo’ huri kuedzwa zvakafanana. Asi seiko? Mumhinduro, ngatinzverei mugariro wamashoko aPauro.
Hwaro Hwomuedzo
Makore ana makumi maviri pashure pokuvambwa kwechiKristu, ungano yomuJerusarema yaiva mumigariro yakaoma yemari. Achigara mumusimboti iwoyo wechishoro nokufungira mano zvechiJudha, maKristu mumakore akanga apfuura akanga “atsungirira kurwa kukuru mukutambura,” kunyange kutambura ‘kupambwa kwezvinhu zvavo.’ (VaHebheru 10:32-34, NW) Betsero yokunze yakanga yava iri madikanwa.
Zvamazvirokwazvo, hama dzavo dzaVamarudzi dzinofanira kuva dzakasundwa kuita chimwe chinhu kumugariro wavo wakashata. Pashure pokurangarira zvose, idzo dzaiva ne“chikwereti” chaicho kumaKristu omuJerusarema. Mashoko akanaka akanga asina kupararira achienda kuVamarudzi achibva muJerusarema here? Pauro akati: “Kana maKristu echiJudha akagoverana pfuma yawo yomudzimu naVamarudzi, Vamarudzi vane mutoro wakajeka wokugovera kuzvinodikanwa zvavo zvokunyama.”—VaRoma 15:27, The New English Bible.
Kuronga Chipo
Pauro akanga arairwa nomutumbi unodzora ku“rangarira [maKristu] varombo.” (VaGaratia 2:10, NW) Naizvozvo akatumira shoko kumaKristu aiva muEurope neAsia Minor pamusoro pomugariro womuJerusarema. Heino miraidzo yaPauro: “Zvino, kana zviri zvipo zvakaunganidzirwa vatsvene, sezvandakaraira kereke dzeGaratia, itai nemiwo saizvozvo. Nomusi wokutanga wevhiki, mumwe nomumwe ngaakamure zvimwe kumba kwake, aunganidze, paakawana napo, kuti zvipo zvirege kuunganidzwa, kana ndichisvika.”—1 VaKorinte 16:1, 2.
Kupfurikidza nokuronga mari yavo neiyi nzira, hakuna munhu aizonzwa achimanikidzirwa kana kuti kudzvinyirirwa apo chipo chakatorwa chaizvoizvo. Hama dzakanga dzisina rutyo rupi norupi rwokuti mari yadzo yaizobiwa kana kuti kupambadzwa. ‘Varume vanotenderwa’ bedzi vaizobvumidzwa kuendesa mari yakaunganidzwa, Pauro amene achivaperekedza kana kwakarangarirwa kuva kwakafanira.—1 VaKorinte 16:3-5.
Kuita kwavaKorinte? Kunyange zvazvo hama sezviri pachena dzakaita zvakanaka kuzano raPauro, chipo hachina kutongotumirwa. (2 VaKorinte 8:6, 10, 11) Zvichida vakuru vakava vakabatikana nokubvisa muungano kakavadzano, utere, uye zvimwe zvinetso Pauro akanga avanyorera pamusoro pazvo.
‘Wanzai Mukupa Kwomutsa’
Zvisinei hazvo, Pauro akavanyorera imwe tsamba achiti: “Zvino tinokuzivisai, hama dzangu, nyasha dzaMwari dzakapiwa pakereke dzeMakedhonia; kuti pakati pokuidzwa kukuru kwokutambudzika, mufaro wavo mukuru, pamwe chete nourombo hwavo hukuru, zvakawanza zvikuru kusanyima kwavo. Nokuti ndinopupura, kuti vakapa nokuda kwavo pavakagona napo, kunyange kupfuura pavanogona napo; vakakumbira nokunyengetera kukuru kwatiri kuti tivatendere kuita basa iri renyasha nokusongana pakushumira vatsvene; havana kuita sezvandakafunga bedzi, asi ivo vakatanga kuzvipa kuna Ishe, nokwatiri, nokuda kwaMwari. Naizvozvo takakumbira zvikuru kuna Tito, kuti sezvaakanga atanga, apedzise basa iri renyasha pakati penyuwo. Zvino sezvamakapfuurira pazvinhu zvose, pakutenda, napakutaura, napakuziva, napakushingaira kwose, naparudo rwenyu kwatiri, tarirai kuti mupfuure pabasa iri renyashawo.”—2 VaKorinte 8:1-7.
Muenzaniso wavaMakedhonia vanozvibaira wakapa vaKorinte zvokufunga zvakawanda. Korinte yakanga ichisanozivikanwa nokuda kwepfuma yayo, umbozha, uye kutengeserana. Dzimwe dzehama imomo dzingava dzaiva varombo zvikuru, bva, vose zvavo, ungano pasina panikiro yakanga iri nani kupfuura maKristu eMakedhonia ayo akanga ari mu“urombo hukuru.” Bva, vaMakedhonia vakanga vagovera “kupfuura pavakagona napo.” Ivo vakanga vasina kuda kusunda kwakabva kuna Pauro kwokupa. Chokwadi ivo ‘vakakumbira’ Pauro ‘nechikumbiro’ kuti vave nomugove weichi chipo! Uhwu hwakanga huri hufakazi hwokuti maKristu eMakedhonia zvirokwazvo aka“zvipa kunaShe [mutsauriro yachose chose] nokuna [Pauro navafambidzani vake],” vachibvuma nhungamiro yake youbati ushe hwaMwari.
Vakaedzwa Pamusoro Porudo Rwavo Norupo
Ko vaKorinte vaizosundwa zvakafanana ku‘wanza mukupa kwomutsa’ here? Pakutanga kushanyira Korinte, Pauro akanga amanikidzirwa kuzvitsigira amene somugadziri wamatende. (Mabasa 18:1-3) Iye akapfuuridzira uyu muitiro wokuzvitsigira kunyange sezvo ungano yakatanga imomo, achirega kushandisa “simba” rake somuparidzi weevhangeri wenguva yakazara kuti agamuchire tsigiro yemari.—1 VaKorinte 9:3-12.
Mutsinhiri weBhaibheri Thomas Scott anoti: “Zvimwe, iye akanga apupurira zvinhu zvakati muchimiro chendangariro chamaKristu eKorinte, uko kwakatanga kumupesvedzera kuramba kugamuchira tsigiro ipi neipi yakabva kwavari.” Zvichida apesvedzerwa nokudisa zvenyika kwoudyire kwakanga kwakavapoteredza, maKristu akapfuma zvikuru angave zvawo akanga asingadi kuva norupo. Pauro angave akatyawo kuti vaKorinte vairangarira zvokutengeserana vaizopanikira vavariro yake kana iye akagamuchira tsigiro yemari. Kungava kwaitova naavo, kufanana navamwe vaiva muTesaronika, vaiva nyope uye vaida pembedzo yokurarama namaKristu biyavo.—2 VaTesaronika 3:7-12.
Chipi kana chipi chaiva chinoitika chacho, Pauro navafambidzani vake vakasarudza kuzvitsigira vamene, “kuti tigorega kupa mhinganidzo ipi neipi kumashoko akanaka pamusoro paKristu.” (1 VaKorinte 9:12, NW) Pashure penguva yakati, kunyanguvezvo, Pauro akapinda mumigariro yakaipa yemari, shoko rako rakasvika hama dzaiva varombo dzaigara muFiripi. Pauro akaudza vaKorinte, kuti: “Dzimwe kereke ndakadzitorera, ndichireva mubairo, kuti ndikushumirei imi. Uye, panguva yandakanga ndiri kwamuri, ndichishaiwa, handina kuremedza munhu; nokuti zvandakashaiwa ndakapiwa nehama dzakabva Makedhonia [sezviri pachena Firipi]; pazvinhu zvose ndakachenjera kuti ndirege kukuremedzai, ndicharamba ndichichenjera.”—2 VaKorinte 11:8, 9; enzanisa naVaFiripi 4:15, 16.
Chokwadi, Pauro amene akabvuma kuti haasati aizo‘gamuchira mbuva’ dzakabva kuvaKorinte. Asi apo Pauro akanga aedza kuramba mutsa womukadzi weFiripi Ridhia, ‘iye akavaita chete kuti vauye.’ (Mabasa 16:15) VaKorinte vakaratidza itiro hanya imwe cheteyo yenguva dzose nokuda kwegarikano yokunyama yaPauro here? Munhu anoshamisika. Zvisinei hazvo, Pauro akaziva kuti mugariro unobatanidza ungano yeJerusarema wakapa banza rokuedza kana vaKorinte vaiva nekombamiro yokunyima kana kuti kana ivo vakanga vakura murupo. Iye nokudaro akapa zano, achiti:
“Handirevi ndichiraira, asi kuti ndiidze ndizive nokushingaira kwavamwe kana rudo rwenyu ndorwazvokwadiwo. Nokuti handirevi kudaro ndichiti vamwe varerukirwe, imi muremerwe [ndiko kuti, kusati kuri kuti vamwe vaizorerukirwa uye imi maizotambura]; asi kuti muenzane; kuti panguva ino kuwanda kwenyu kubatsire kushaiwa kwavo, kuti kuwanda kwavo kubatsire kushaiwa kwenyuwo; kuti tigova nokuenzana; sezvazvakanyorwa, zvichinzi: ‘Wakaunganidza zvizhinji, haana kusarirwa nechinhu; naiye wakaunganidza zvishoma, haana kushaiwa.’”—2 VaKorinte 8:8, 13-15.
Sezviri pachena, vaKorinte vakapasa muedzo wavo. Nguva yakati gare gare Pauro akashuma, kuti: “Nokuti veMakedhonia naveAkaya [uko kwaiva neKorinte] vakati zvakanaka kuti vagovane navarombo pavatsvene vari paJerusarema.”—VaRoma 15:26.
Kusangana Nomuedzo Wacho Nhasi
Isu, zvisinei, tiri kupasa miedzo yorudo norupo iyo inozvipa imene nhasi here? Tiri kurarama mu“nguva dzinotambudza dzakaoma kubata nadzo.” (2 Timotio 3:1-5, NW) Dzvinyiriro dzezvemari dzinoremera vazhinji vedu. Uye padzimwe nguva “chishuvo chenyama nechishuvo chameso neratidzirwo yokuzvitutumadza yemitoo yomunhu youpenyu” zvinoparira dzvinyiriro yazvo zvimene. (1 Johane 2:16, NW) Kuri nyore sei kuva noudyire, kusaziva zvinodikanwa zvavamwe!
Zvose zvazvo, Zvapupu zvaJehovha nhasi zvakasangana nemiedzo yorudo rwazvo rwouhama nenzira yakatanhamara. Somuenzaniso, pana March 3, 1985, kudengenyeka kwapasi kwakarova Santiago, Chile. Mazana ehama akarasikirwa nemisha yawo nezvinhu. Kamwe kamwe, ungano dzakaronga nhamburiko dzokubetsera. “Mukati mamaawa,” hama dzinoshuma kudaro, “vamwe vakavamba kusvika vane zvokudya, zvipfeko, magumbeza uye zvimwe zvinhu zvinobetsera.” Mipiro yakauyawo ichibva munyika yose. Zvinoitika zvakafanana zvakaitika kakawanda mumakore apfuura.
Asi hatifaniri kumirira ngwavaira kubvumikisa rudo rwedu rwouhama. Kana muKristu biyedu akatambura nhamo yemari, tinogona kuziva zvinodikanwa zvake, tichiita zvinopfuura kuti, “Mudziirwe, mugute.” (Jakobho 2:15, 16) Uye zvakadini nezvaavo vari mubasa renguva yakazara vano“rarama kupfurikidza namashoko akanaka.” Kufanana naPauro, vakadaro havarairi kana kuti kukarira rubatsiro rwemari runobva kuavo vanobatira. Kunyanguvezvo, vazhinji vakasundwa kuratidza rupo kuavo vanobishaira kuku‘dyara zvinhu zvomudzimu’ nokuda kwavo.—1 VaKorinte 9:11, 14.
Uye zvakadiniko nezvezvinodikanwa zvesangano renyika yose reZvapupu zvaJehovha? 1989 Yearbook of Jehovah’s Witnesses inoshuma kuti “mukati megore rebasa ra 1988 Watch Tower Society yakashandisa Z$64 144 555,49 mukutarisira mapiona chaiwo, vafundisi, uye vatariri vanofambira mumigove yavo yebasa romumunda.” Ndyiko huru dzakawanwawo mukutarisira nokutenga nzvimbo dzamapazu, midziyo, michina, mapepa—tisingadudzi ndyiko yokurarama yemhuri yeBheteri yenyika yose, iyo zvino inopfuura 9 000! Mukuwedzera, gadziriro 18 dzokuvaka nokuvandudza dziri kuitika panguva ino mumabazu akasiana-siana, uye 19 padzimbahwe redu muBrooklyn, New York. Iwe uri kuva negoverano here mukugovera mari yeiri basa renyika yose?
Somuzana rokutanga ramakore, nhasi vose vanogoverana mukutarisira uyu mutoro, kubatanidza varombo, avo, nemipiro yavo miduku, vakabvumikisa kuva tsigiro huru yemari yeSosaiti. Vamwe vanokuwana kuchibetsera kutevera muenzaniso wakagadzwa pana 1 VaKorinte 16:2 uye nguva dzose vanoronga mari yomunhu oga kuti ipiwe paHoro yoUmambo yomunzvimbomo. Vamwe vangasarudza kupa mari zvakananga kuWatch Tower Society pa 35 Fife Avenue, Harare.
Ivai nechokwadi chokuti Jehovha anocherechedza avo, kupfurikidza norupo rwavo, vanobvumikisa uchokwadi hworudo rwavo. Usazvinyima umene zvikomborero! Pauro akapikira, kuti: “Mwari unogona kukuwanzirai nyasha dzose kuti nguva dzose muve nokuringana kwose pazvose, kuti muwanze mabasa ose akanaka.”—2 VaKorinte 9:8.
[Bhokisi riri papeji 26]
NZIRA IYO VAMWE VANOPA NAYO MIPIRO KUBASA ROUMAMBO
◻ ZVIPO: Mipiro yokuzvidira yemari ingatumirwa zvakananga kuWatch Tower Bible and Tract Society, 35 Fife Avenue, Harare. Zvinhu zvakadai sedzimba nenzvimbo, pamwe chete namabwe anokosha kana kuti zvimwe zvinokosha, zvinogona kupiwawo. Tsamba pfupi inotaura kuti zvakadaro chipo chaicho inofanira kuperekedza iyi mipiro.
◻ GADZIRIRO YEMIPIRO INOTSAMIRA PAMUGARIRO: Mari ingapiwa kuWatch Tower Society kuti ichengetwe zvakachengeteka, negadziriro yokuti muchinoitika chokushaiwa kwomunhu wacho, iyo ichadzorerwa kumupi.
◻ INISHUWARENZI: Watch Tower Society ingadudzwa somugamuchiri wegadziriro yeinishuwarenzi youpenyu kana kuti mugadziriro inopiwa pakurega basa/mudyandigere. Sosaiti inofanira kuziviswa nezvegadziriro dzipi nedzipi dzakadaro.
◻ MATRUST: Mari inochengetwa mubhangi inogona kuiswa mutrust yeSosaiti. Kana ikoku kuchiitwa, tapota zivisai Sosaiti. Masitoko, mabhondi, uye zvinhu zvinogona kupiwawo mugadziriro yokubetsera mupi mukati menduramo yake. Uyu mutoo unobvisa ndyiko nokusava nechokwadi chokunzverwa kworugwaro runotaura zvichaitwa nepfuma yomunhu pashure pokunge afa, nepo ichiita kuti kuve nechokwadi chokuti Sosaiti inogamuchira zvinhu zvacho kana rufu rukaitika.
◻ MAGWARO ANORATIDZA ZVICHAITWA NEZVINHU ZVOMUNHU PASHURE PORUFU: Zvinhu kana kuti mari zvingapiwa kuWatch Tower Society nomutoo worugwaro runoratidza zvichaitwa nezvinhu zvomunhu pashure pokunge afa rwakaitwa nenzira yapamutemo. Kopi inofanira kutumirwa kuSosaiti.
Nokuda kwamashoko akawanda nezano pamusoro penhau dzakadaro, nyorera Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania, 35 Fife Avenue, Harare.