Pfuma Yedu, Ushumiri Hwomuzuva Razvino Uno Hwembiri
“Asi fuma iyi tinayo mumidziyo yevhu, kuti ukuru hwesimba huve hwaMwari, hurege kuva hwedu.”—2 VAKORINTE 4:7.
1. (a) Ipfumai ine mbiri yatingava nayo, uye nei? (b) Bhaibheri rinorondedzera sei kupiwa kwoMutemo waMosesi?
USHUMIRI hwokuparidzira “aya mashoko akanaka oumambo” mukati memhedziso yetsika yezvinhu zvamazvirokwazvo ipfuma, pfuma inokosha zvikurusa. Nemhaka yokuti Jehovha ndiMwari wembiri, basa kuna Mwari ushumiri hwembiri, nokudaro ipfuma. (Mateo 24:14, NW; 2 VaKorinte 3:18–4:1) Pamusoro pokupiwa kune mbiri kwoMutemo waMosesi, kwakanyorwa pana Eksodho 34:29, 30, kuti: “Zvino Mosesi wakati achiburuka paGomo reSinai, Mosesi wakabata mahwendefa maviri echipupuriro mumaoko ake, Mosesi wakanga asingazivi, achiburuka pagomo, kuti ganda rechiso chake rakanga richibwinya zvaakanga achitaura na[Jehovha]. Zvino Aroni navana vaIsraeri vose vakati vachiona Mosesi, vakaona ganda rechiso chake richibwinya, vakatya kuswedera kwaari.”
2. Chii chakadeya kufananidzirwa nebasa roMutemo waMosesi, uye nei ushumiri hwapashure hune mbiri zvikuru?
2 Eks 34 Ndima 32 kusvikira ku 34 dzinowedzera, kuti: “Pashure vana vaIsraeri vose vakaswedera, iye akavaraira zvose zvaakanga audzwa naJehovha paGomo reSinai. Zvino Mosesi wakati apedza kutaura navo akaisa chifukidzo pachiso chake. Asi kana Mosesi opinda pamberi paJehovha kundotaura naye, waibvisa chifukidzo kusvikira achibuda.” Basa roMutemo waMosesi rakadeya kufananidzira ushumiri hwesungano itsva yakaitwa noMurevereri, Jesu Kristu. Nokudaro, kana ushumiri hwekare hwakanga hune mbiri, ndoda hwapashure, “kushumira kwomudzimu,” kuno hunopfuura mumbiri! (2 VaKorinte 3:7-11, NW) Hune mbiri zvikuru nemhaka yokuti hune mbiri inogara, uye vateveri vaJesu Kristu vanogoverana mahuri.—VaRoma 12:11.
3. (a) Chii chinofanira kuva chechokwadi pamusoro poushumiri hweZvapupu zvaJehovha, asi nei ikoku kusiri pachena kuna vanhu vazhinji? (b) Chii chakabvumikisa kuti Mosesi akanga ari pamberi pane mbiri paJehovha?
3 Naizvozvo, kunobva kwakadaro kuti ushumiri hweZvapupu zvaJehovha ndohuya hune mbiri. Ikoku, zvisinei, hakusati kuri pachena kuna vanhu vazhinji avo vakapofumadzwa norudzidziso rwenhema. Kunyange zvazvo vazhinji vane Bhaibheri uye vangarirava, havana ‘maziso anoona.’ (2 Petro 1:5-9) Kuita kuti chifukidziro chibviswe pamberi pamaziso avo, vanofanira kutendeukira kuna Jehovha Mwari mukutenda, nokuti apo Mosesi akaenda pamberi paJehovha, iye akabvisa chifukidziro chakavanza chiso chake kuna vaJudha. (2 VaKorinte 3:16) VaIsraeri vakanga vachitya kuona mbiri yaMwari muchiso chomurevereri wavo ndokukumbira kuti ibviswe mumaziso avo. Kungofanana nechinhu chinobwinya chakaiswa pachiedza chinobudisa kupenya kwapashure murima, naizvozvo Mosesi, murevereri wavo, akaratidzira mbiri yaJehovha, kuchibvumikisa kuti akanga ave ari pamberi paJehovha.
4. Vanhu vasingatendi nhasi vanotevedzera sei vaJudha vekare, asi chii icho vateveri vaMosesi Mukuru vasati vachitya?
4 Mosesi akadeya kufananidzira muporofita Mukuru waMwari, Jesu Kristu. Kufanana nomuenzaniso wake, uyu Mosesi Mukuru haatyi kuona mbiri yaJehovha zvakananga. Kusvikira kuzuva rino, zvisinei, vanhu vasingatendi vakapofumadzwa naDhiabhorosi norudzidziso rwake rwechiBhabhironi vanotevedzera vaJudha ivavo vekare ndokuramba kuona, kana kuti kunzwisisa, mbiri yaMosesi Mukuru, Jesu Kristu. (2 VaKorinte 3:12-15) Bva, vateveri vake vechokwadi havasati vachitya kutarisa chadzera chembiri yaJehovha chinopenyeswa chichibva pachiso chaJesu Kristu. Vasunungurwa mupesvedzero yechiBhabhironi, vanokurudzirwa kuratidza mbiri yaMwari. “Naizvozvo,” akanyora kudaro Pauro, “zvatine tariro yakadai, tinotaura tisingatyi napaduku.”—2 VaKorinte 3:12.
Varatidziri Vembiri yaMwari
5. Tinogona sei kuratidzira mbiri yaMwari ndokuva vakafanana naMosesi ari pamusoro pegomo pamberi paJehovha?
5 Jesu Kristu akabvisa chifukidziro kupfurikidza nokuwadzanyura nokuzivisa Jehovha Mwari kwatiri. (Johane 1:14, 17, 18) Naizvozvo tinofanira kupenya, uye nokudaro mbiri yaMwari inopenya kupfurikidza ne“chiedza cheevhangeri yokubwinya kwaKristu uri mufananidzo waMwari,” uko tinofanira kuzivisa. Kujeka kwayo i“zivo ine mbiri yaMwari kupfurikidza nechiso chaKristu.” Tinofanira kuratidzira iyi mbiri kupfurikidza nokutaura nezvembiri yaJehovha nembiri yoUmambo hwake hunodzorwa noMwanakomana wake. (2 VaKorinte 4:4-6) Kufanana naMosesi ari pamusoro pegomo pamberi paJehovha, Zvapupu zvake pasi pano hazvifukidzi mwoyo yazvo kumbiri yaJehovha. Zvinoyemura mbiri inoratidzirwa muchiso choMwanakomana waJehovha naMambo, Jesu Kristu. Nokudaro, zvinofanira kupenyera kuna vamwe chiedza pamusoro pembiri yaMwari.
6. Pauro anorondedzera sei ushumiri hwedu hwembiri pana 2 VaKorinte 3:18, uye munzirai nokudaro matino“shandurwa”?
6 Kuzvapupu biyake zvose zvembiri yaJehovha, muapostora Pauro anokurondedzera muaya mashoko: “Zvino isu tose, tinoti tinotaura nechiso chisina kufukidzirwa kubwinya kwa[Jehovha, NW] sapachionioni, tinoshandurwa tichifanana nomufananidzo iwoyo tichibva pakubwinya kumwe tichienda kuno kumwe, sezvichibva kuna [Jehovha Mudzimu, NW].” (2 VaKorinte 3:18) Kana tikagamuchira mbiri huru yechiedza ichi, tinofanira kuiratidzira zvikuru, uye nokudaro tinoshandurwa zvikuru. Ndangariro dzinovandudzwa ndokumutsiridzwa, kunyange zvazvo pasina chinjo dzomuviri kana kuti dzechiso dzingacherekedzwa. Ndicho chiedza cheshoko rine mbiri chatinopenyesa icho chinoparira musiano matiri. Upenyu hwedu hunoshandurwa kuva hwakafanana naKristu, sezvatinozvigadzirira timene kuita basa rakaropafadzwa rokuparadzira chiedza ichi chine mbiri kwakafara kuna vamwe.—VaHebheru 13:15.
7. Mbiri yechokwadi inobva mumanyukoi, uye tingaratidzira sei mbiri yakadaro?
7 Kushandurwa kwose kwakadaro kuri nemhaka yomudzimu, kana kuti simba rinobate basa, raMwari. Vakuru vechiKristudhomu havaratidziri mbiri yaJehovha Mwari asi vanofanira kutendeukira kukuratidzira kuti vaparire chiono. Mbiri haisati iri mbiri yedu, uye hatifaniri kuzvipfekedza timene zvipfeko zvakaisvonaka zvikuru zvavafundisi zvesirika, ndarama, uye mabwe anokosha anon’aima. Mbiri yechokwadi inowanwa kumudzimu waMwari uye inoratidzirwa mukupa uchapupu hune mbiri pamusoro paJehovha Mudzimu.
Vose Vatakuri Vechiedza Vakaropafadzwa
8, 9. Ikurudziroi iyo Pauro anotipa pana 2 VaKorinte 4:1, 2, uye iyo inoraira kutsungai kwatiri?
8 Pana 2 VaKorinte 4:1, 2, tinorava, kuti: “Saka, zvatinako kushumira uku patakanzwirwa ngoni napo, hatineti; asi takaramba zvinhu zvakavanzika zvinonyadza, tisingafambi nokunyengera, tisingashatisi shoko raMwari, asi pakuratidza kwedu zvokwadi tinozvitendisa kuhana dzavanhu vose pamberi paMwari.” Mwari akava nengoni patiri kuti atigovere ushumiri uhwu. Irori izano rokutikurudzira kupfuurira noushingi, uye tichaita ikoku! Sezvo takaratidzirwa nyasha nechiedza chinobva muShoko raMwari, tine musengwa wokuchiratidzira vamwe.—Enzanisa naMateo 5:14-16.
9 Zvinhu izvo vanhu vanonyadziswa nazvo, zvakadai sokunyengera, vanovanza nokunyengedzera noujarijari. Asi isu hatina chisakiso chokunyadziswa nemhaka yokuti shoko redu nebasa hazvisi zvokunyengera asi zvakarurama uye ndezvazvokwadi. Nokudaro, tingaratidzira mbiri yakazara yechiedza. Hatibati Shoko raMwari nokunyengera. Kuita kudaro kwaizoreva kuribata noudyire nokuda kwemhindu yomunhu oga, mbiri, chimuko, uye simba renyika uye kunzvenga chishoro nechitambudzo zvinobva munyika. Avo vasati vachitya kusvika kuna Jehovha nezviso zvisina kufukidzwa uye kutarira muchiedza chine mbiri chezvokwadi nenzira yakafanana havasati vachizotya kutarisa mutoro wavo. Vacharega chiedza chichiratidzirwa chichibva kwavari.
10. Neiko isati iri mhaka yeZvapupu zvaJehovha kana mashoko akanaka oUmambo achifukidzwa kuvanhu?
10 Kana vapi navapi vachiita kuti mashoko akanaka oUmambo afukidzwe kwavari, haisati iri mhaka yeZvapupu zvaJehovha asi imhaka yavo vamene. Mashoko akanaka oUmambo haasati ari kuvanzwa. Basa rokuparidzira munyika yose reZvapupu zvaJehovha rinosanozivikanwa. Nokudaro, zvinogona kutaura sezvakaita muapostora Pauro, kuti: “Chinhu ichi hachina kuitwa pakavanda.” Zvamazvirokwazvo, sezvaakanyora, mashoko akanaka “akaparidzirwa muchisiko chose chiri pasi pedenga.”—Mabasa 26:26; VaKorose 1:23, NW.
11. Nei mashoko akanaka ane mbiri achifukidzwa pakati pavazhinji kwazvo vorudzi rwomunhu?
11 Avo mashoko akanaka oUmambo hwaMwari akavanzwa kwavari vashori, avo vakapofumadzwa naDhiabhorosi. (Enzanisa naMateo 12:30.) Kutoti vakabuda murudzidziso rwenhema nemisungo yaDhiabhorosi, vari mumutsara woruparadziko. Mupesvedzerwo yamadhemoni, vanhu vakadaro vanoisa chifukidziro pamberi pameso avo vamene pamene, nokuti muapostora Pauro anotaura pana 2 VaKorinte 4:3-5, kuti: “Zvino kana evhangeri yedu yakafukidzwa, yakafukidzwa kuna vakarashika, kuna vasingatendi vakapofumadzirwa ndangariro namwari wenyika ino, kuti varege kuvhenekerwa nechiedza cheevhangeri yokubwinya kwaKristu, uri mufananidzo waMwari. Nokuti hatizviparidzi timene, asi Kristu Jesu kuti ndiye Ishe, nesu kuti tiri varanda venyu nokuda kwaJesu.”
12. Mukusiana navanhu vakapofumadzwa mundangariro, Zvapupu zvaJehovha zvinoita sei kumashoko ari pana 2 VaKorinte 4:6?
12 Vanhu vakapofumadzwa mundangariro havasati vachida kutenda. Kusatenda kwavo kunozarurira ndangariro yavo kuvhozhokero inoitwa namadhemoni. (1 Timotio 4:1) Havagoni kuona mbiri yaJehovha kana kuti kuratidzirwa kwayo muchitarisiko chaJesu, Mosesi Mukuru. Vanhu vaJehovha vanobata chiedza chine mbiri chinobva muBhaibheri ndokuchiratidzira kuna vamwe. Naizvozvo vose vavabatiri vaMwari vatakuri vechiedza, uye Mwari anoraira chiedza kupenya. Chiedza chacho chinofanira kupenya chichibva kuvanhu vaMwari ndokupenyera pamusoro pavamwe avo vari murima nomungozi yoruparadziko. Ikoku kwakafanana nokutaura kunoita 2 VaKorinte 4:6, kuti: “Nokuti Mwari wakareva kuti: ‘Chiedza ngachibude parima,’ ndiye wakavhenekera mumwoyo yedu kuti atipe chiedza chokuziva kubwinya kwaMwari kunoonekwa pachiso chaKristu.” Nemhaka yaikoku, Zvapupu zvaJehovha zvinoteerera murairo woumwari ndokurega chiedza chavo chichipenya kuna vamwe, kumbiri yaMwari.
Pfuma Ine Mbiri Mumidziyo Isina Simba
13. Kupa basa rakaropafadzwa rokuva vatakuri vechiedza pazvisikwa zvenyama kunoguma nechii?
13 Muiyi ropafadzo huru isingatauriki yebasa, kunokosha zvikurusa kuti vatakuri vechiedza vabvumikise kuva vakafanirwa nokuva nechiedza kupfurikidza nokuchengeta perero yavo kuna Mwari. Kuti aite iyi ropafadzo inoshamisa yebasa, Mwari haana kushandisa ngirozi tsvene, idzo dzinoshuva kunzvera izvi zvinhu, asi iye akapa iri basa rakakomborerwa zvisikwa zvenyama. (1 Petro 1:12) Ikoku akakuita kukukudzwa kwesimba rake amene pakati poutera hwavanhu. Sokutaura kunoita 2 VaKorinte 4:7 (NW), kuti: “Zvisinei, pfuma iyi tinayo mumidziyo yevhu, kuti simba rinopfuura renguva dzose rigova raMwari ndizvo kwete iro rinobva matiri timene.”
14. (a) Chii chiri “iyi pfuma mumidziyo yevhu”? (b) Nei Mosesi naJesu Kristu vari mienzaniso yokuchenjera nokuda kwedu kana toreva nezvepfuma?
14 Midziyo munguva dzekare yaishandiswa kazhinji kazhinji semidziyo yezvinokosha. Chii chiri iyi pfuma ine mbiri iyo Zvapupu zvaJehovha zvinayo mumidziyo isina simba, yevhu—izvo zvimene, sezvisikwa zvinoutera zvakabva muguruva rapasi here? Iyi pfuma haisati ichingovawo zvayo chiedza icho chakapenya mumwoyo yavo. Ushumiri hwechiedza ichocho, huri ushumiri, kana kuti basa, rinofanira kuitwa mumiviri yavo yapasi. Ushumiri hwacho kubudiswa kwechiedza icho Mwari akapenyera pamwoyo yavo. Uhwu ushumiri ipfuma yakanaka sezvo iri ropafadzo inokosha yebasa rinogoveranwa mariri nhasi kwete bedzi navakasarira vakazodzwa ve“boka duku” asiwo ne“boka guru” ra“mamwe makwai” oMufudzi Akaisvonaka, Jesu Kristu. (Ruka 12:32; Johane 10:14-16; Zvakazarurwa 7:9, NW) Mosesi nowaakadeya kufananidzira, Jesu Kristu, mienzanisiro yokuchenjera nokuda kwedu, kuti tiroverere mwoyo yedu paiyi pfuma yebasa roumwari, “nokuti pane pfuma yako, nomwoyo wako uchavapowo.”—Mateo 6:19-21; VaHebheru 11:26.
15, 16. (a) Simba rinopfuura renguva dzose rinoratidzwa sei kuva rinobva kuna Mwari uye kwete iro rinobva matiri timene? (b) Neiko kushora kwose kwenyika kuchizokundikana kuputsanya midziyo yaMwari yevhu?
15 Ipapoka, simba rinopfuura renguva dzose rinoratidzwa sei kuva rinobva kuna Mwari uye kwete iro rinobva matiri timene? Neiyi nzira: Midziyo yakadaro isina simba, yevhu sesu tine iri basa rinokosheswa nomugove hatina kufanirwa uye hataigona kuva norukudzo rwakadaro timene. Uyezve, isu Zvapupu zvaJehovha tinopinzwa mumarudzi ose edzvinyiriro yomuvengi kuedza kutiparadza ndokutiita kuti tiputike kutiita vasina kufanira kutakura basa rakabva kuna Mwari. Nokudaro, rinofanira kuva simba roMutumi Mukuru rinotibetsera kutsungirira kusabatwa zvakanaka kukuru kunoitwa nenyika ino nokubatisisa basa racho uye kubvumikisa vakafanirwa nokuchengetwa mubasa rake. Nokudaro, kushora kwose kwenyika kuchakundikana kuputsanya midziyo yevhu yaMwari ndokuvatorera pfuma yavo inokosha, nokuti kwakanyorwa pana 2 VaKorinte 4:8-12, kuti:
16 “Tinotambudzika mumativi ose, asi hatimanikidzwi, asi hatina kurasha mwoyo, tinotambudzwa, asi hatina kusiiwa; takawisirwa pasi asi hatina kuparadzwa. Tinoramba tichitakura nguva dzose mumuviri medu kufa kwaJesu, kuti noupenyuwo hwaJesu huratidzwe mumuviri wedu. Nokuti isu vapenyu tinogara tichingoiswa pakufa nokuda kwaJesu, kuti noupenyuwo hwaJesu huratidzwe munyama yedu inofa. Saizvozvo kufa kunobata matiri, asi upenyu [kupfurikidza nokuparidzirwa kwamashoko akanaka oUmambo] mamuri.”
Boka Guru Rinokoshesa Zvikuru “Pfuma Iyi”
17. Boka guru rinokoshesa sei “iyi pfuma” youshumiri hwembiri?
17 “Kufa kunobata matiri, asi upenyu mamuri.” Uku kutaura kunoshanda kuna maKristu akazodzwa nomudzimu. Bva, kungasanotiita kuti tifunge pamusoro poukama hwavakasarira vakazodzwa vaMwari neboka guru ramamwe makwai. Vakazodzwa vanoziva kuti pakupedzisira vanofanira kupedza nzira yavo yapasi murufu sezvakaita Jesu, asi vane shamwari dzokugoverana nadzo pfuma ine mbiri yebasa, kuvabetsera kupfurikidza nokuita guru rebasa rokuparidzirwa kwamashoko akanaka oUmambo. Kufanana navakasarira vakazodzwa, boka guru ramamwe makwai nhasi rinonzwisisa kuti pfuma bedzi iyo ichapukunyuka hondo inotyisa yeArmagedhoni ndokupfuurira isina kupiswa uye isina kuparadzwa ndokupinda munyika itsva ipfuma iyoyi youshumiri hwakaropafadzwa, basa rinoitirwa Jehovha Mwari naMambo wake ane mbiri, Jesu Kristu. Boka guru richaribatisisa, “richiitira [Mwari] basa rinoyera masikati nousiku mutembere yake.”—Zvakazarurwa 7:15, NW.
18. (a) Chii chichakurumidza kuitika kumbiri yenhema yenyika ino? (b) “Imbiri”i iyo Jesu akaramba, uye iye akawana mbiri huru kupfurikidza nokuitei?
18 Nokukurumidza, Mwari achagumisa mbiri yenhema yetsika ino yazvino yakaipa yezvinhu—“mbiri” iyo yakapfuurira chifo chaapo Satani Dhaibhorosi akakwidza Jesu mugomo refu ndokumuratidza umambo hwose hwenyika ne“mbiri yahwo.” (Ruka 4:5, 6, NW) Jesu akaramba kupiwa mbiri inobva kumanyuko akadaro ndokupfuurira kuronda nzira yechiito pasi pano iyo Mwari akatendera. Nokuda kwokuita saizvozvo, iye aizopfekedzwa korona yembiri huru kupfuura kunyange mbiri iyo iye, Mwanakomana akaberekwa ari mumwe bedzi waMwari, akanga afarikanya mudenga pamberi pokuita mugove wake wapasi sezvakarongwa naJehovha.—Johane 5:36; 17:5; VaFiripi 2:9-11.
19. Iropafadzoi inokudzwa yebasa iri kusvika pedyo nomugumo wayo wakazara, uye chii chiri kutsunga kwedu muna ikoku?
19 Mugumo wakadeya kutaurwa wetsika ino yakaipa yezvinhu hausati uchizouya pamberi pokunge uchapupu hwoUmambo hwapiwa mupasi rose somugumo mukuru kumubato wavateveri vaJesu Kristu, Zvapupu zvaJehovha. (Mateo 24:14) Uchapupu hwoUmambo hwapiwa zvino kwezvikamu zvitatu zvezvina zvezana ramakore, uye sezvinoratidzirwa nezvinoitika zvenyika zvenguva dzedu, mugumo iwoyo wakadeya kutaurwa unofanira kuva wava pedyo. Naizvozvo, ropafadzo inokudzwa yokugoverana muushumiri hwehurumende youmambo, tsvene inofanira kuva iri kusvika pedyo nomugumo wayo wakazara. (Mateo, ganhuro 24, 25; Marko, ganhuro 13; Ruka, ganhuro 21) Ropafadzo yedu yokutora rutivi mukupa uchapupu hwapasi pose kuUmambo hwakagadzwa zvamazvirokwazvo ipfuma ine mbiri iyo Zvapupu zvaJehovha, savateveri voMwanakomana wake akagadzwa, Jesu Kristu, zvinokoshesa zvikuru. Zvinoshuva zvapachokwadi kubatirira kwairi kusvikira uchapupu hwoUmambo hwapedzwa uye Mwari Wamasimba ose, Jehovha, agumisa mugariro wechisiko chapose pose nouchapupu hwake amene kuuchangamire hwake hwechisiko chapose pose.—Zefania 3:8.
Ndedzipi Dziri Mhinduro Dzako?
◻ Nei ushumiri hweZvapupu zvaJehovha huri hune mbiri?
◻ Nei mashoko akanaka achifukidzwa pakati pavazhinji kwazvo nhasi?
◻ Chii chiri “iyi pfuma iri mumidziyo yevhu”?
◻ Nei Mwari akashandisa midziyo isina simba, yevhu nokuda kweiri basa rake rinokosheswa?
◻ Vanhu vaJehovha vanokoshesa sei “iyi pfuma,” uye nei?
[Mufananidzo uri papeji 17]
Mbiri yaMwari inoratidzirwa muchitarisiko chaJesu Kristu, Mosesi Mukuru. Zvapupu zvaJehovha zvinoropafadzwa kubata chiedza chine mbiri chinobva muBhaibheri ndokuchiratidzira kuna vamwe