-
Tarira Seri Kwezvinhu Zvaunoona!Nharireyomurindi—1996 | February 15
-
-
Pasinei zvapo namamiriro ezvinhu akadaro, vadzidzi vakatendeka vakamira vakasimba. Nokutenda kwakasimba muna Mwari, vaigona kutaura seizvo Pauro akaita: “Saka hatineti, asi kunyange munhu wedu wokunze uchipera hawo, munhu womukati unovandudzwa zuva rimwe nerimwe.” Chii, kunyange zvazvo zvakadaro, chakaparira uku kuvandudzwa kwezuva nezuva? Pauro akapfuurira kuti: “Nokuti kutambudzika kwedu, kwakareruka, kuripo chinguva chiduku, kunotiitira kubwinya kukuru kwakaisvonaka kusingaperi; tisingatariri zvinoonekwa, asi zvisingaonekwi; nokuti zvinoonekwa zvinopfuura, asi zvisingaonekwi ndezvokusingaperi.”—2 VaKorinte 4:16-18.
-
-
Tarira Seri Kwezvinhu Zvaunoona!Nharireyomurindi—1996 | February 15
-
-
Rangarira Matambudziko Azvino Uno Seechinguvana!
Nenzira isingadzivisiki, tinoona zuva nezuva zvinhu zvataizoda kusaona. Apo tinoringa muchionioni hapana chatinogona kuita asi kucherechedza mavara asingadikani nokuipa kwomuviri womuzvarirwo wenyama, zviratidzo zvokusakwana kwomuzvarirwo. Apo tinotarira muchionioni cheShoko raMwari, tinoona zvikanganiso zvomudzimu nokuipa, mose muri muviri matiri timene nomuna vamwe. (Jakobho 1:22-25) Uye apo tinotarira mupepanhau rezuva nezuva kana kuti terevhizheni, nhoroondo dzokusaruramisira, utsinye, uye ngwavaira zvinokurumidza kuunzwa kungwariro yedu ndokutiparira nhamo.
Satani angada kutisakisa kuora mwoyo nemhaka yezvinhu zvatinoona kana kuti kuva vakatsauswa ndokuvamba kuzununguka mukutenda. Tinogona sei kudzivisa ikoku kuitika? Tinofanira kutevera muenzaniso wakagadzwa naJesu Kristu, sezvakarumbidzwa nomuapostora Petro apo akati: “Nokuti makadanirwa izvozvo, Kristu sezvaakakutambudzikiraiwo, akakusiyirai mufananidzo, kuti mutevere makwara ake.” (1 Petro 2:21) Murutivi rwuri rwose rwokurarama kwechiKristu, Jesu akanga ari muenzaniso wakakwana.
Mukunongedzera kuna Jesu somuenzaniso wedu, Petro akadudza zvikurukuru kuti Jesu akatambura. Zvirokwazvo, Jesu akatambura zvikuru kwazvo apo akanga ari pasi pano. Se“mhizha” yaJehovha yakanga iripo pakusikwa kworudzi rwomunhu, akaziva chaizvoizvo icho Mwari aida kuti vanhu vave. (Zvirevo 8:30, 31) Asi zvino akaona zvakananga izvo chivi nokusakwana zvakanga zvavaparira kuva. Zuva nezuva akaona uye aifanira kubata nokusakwana noutera zvavanhu. Ikoko kwaifanira kuva kunotambudza kwaari.—Mateo 9:36; Marko 6:34.
Kunze kwematambudziko evamwe, Jesu akaonawo ake amene. (VaHebheru 5:7, 8) Asi nokuona kwomudzimu kwakakwana, akatarira seri kwazvo kuti aone tuso yokukwidzwa kuupenyu husingafi nokuda kweperero yake. Ipapo saMambo wouMesiya, aizova neropafadzo yokubvisa rudzi rwomunhu runotambudzika mumugariro warwo wakaipa ruchidzokera shure kukukwana uko Jehovha akaronga pakuvamba. Kuchengeta ziso rake rakanangidzirwa paidzi kariro dzisingaoneki dzeramangwana kwakamubetsera kuchengeta mufaro mubasa roumwari pasinei zvapo nematambudziko ayo akaona zuva nezuva. Pauro akanyora gare gare kuti: “Iye wakatsunga pamuchinjikwa nokuda kwomufaro wakaiswa pamberi pake, akashoora kunyadziswa kwavo, akandogara kurudyi rwechigaro choushe chaMwari.”—VaHebheru 12:2.
Jesu haana kutongobvumira nhamo nemamiriro ezvinhu anonetsa kuti zvimuparire kuora mwoyo, kuti atsauswe, kana kuti kuzununguka mukutenda kwake. Savadzidzi vake, tinofanira kusanotevera muenzaniso wake wakaisvonaka.—Mateo 16:24.
-