Tarira Seri Kwezvinhu Zvaunoona!
KUONA kwakanaka kwomuzvarirwo chikomborero. Kutaura idi, vanhu vazhinjisa vangataura kuti zvinhu zvishoma zvavanazvo zvakakosha zvikuru. Nokuda kwavaKristu, zvisinei, kune rudzi rwakati rwokuona rwakataurwa nezvarwo nomuapostora Pauro urwo rwuri rwoukoshi zvikuru kupfuura kunyange kuona kwakanaka kwomuzvarirwo. “Tisingatariri zvinoonekwa, asi zvisingaonekwi,” akanyora kudaro Pauro. (2 VaKorinte 4:18) Runofanira kuva rudzi chairwo zvikuru rwechiono zvirokwazvo runogonesa munhu kuona zvinhu zvisingaonekwi! Tingachidana nezita rokuti chiono chakaisvonaka chorudzi rwomudzimu.
Neiko Pane Dikanwo?
VaKristu vezana rokutanga ramakore vaifanira chaizvoizvo kuva nourwu rudzi rwekuona kwomudzimu. Vaiita ushumiri hwavo hwechiKristu vari munhamo huru. Pauro akataura neiyi nzira: “Tinotambudzika pamativi ose, asi hatimanikidzwi; tinokanganiswa, asi hatina kurasha mwoyo; tinotambudzwa, asi hatina kusiyiwa; takawisirwa pasi, asi hatina kuparadzwa.”—2 VaKorinte 4:8, 9.
Pasinei zvapo namamiriro ezvinhu akadaro, vadzidzi vakatendeka vakamira vakasimba. Nokutenda kwakasimba muna Mwari, vaigona kutaura seizvo Pauro akaita: “Saka hatineti, asi kunyange munhu wedu wokunze uchipera hawo, munhu womukati unovandudzwa zuva rimwe nerimwe.” Chii, kunyange zvazvo zvakadaro, chakaparira uku kuvandudzwa kwezuva nezuva? Pauro akapfuurira kuti: “Nokuti kutambudzika kwedu, kwakareruka, kuripo chinguva chiduku, kunotiitira kubwinya kukuru kwakaisvonaka kusingaperi; tisingatariri zvinoonekwa, asi zvisingaonekwi; nokuti zvinoonekwa zvinopfuura, asi zvisingaonekwi ndezvokusingaperi.”—2 VaKorinte 4:16-18.
Pauro akanga achikurudzira hama dzake dzomudzimu kuti dzisabvumire zvinetso, nhamo, zvitambudzo—matambudziko orudzi rupi kana rupi—kudzikatidza chiono chadzo chetuso ine mbiri yakaiswa pamberi padzo. Dzaifanira kutarira zviri seri kwemamiriro ezvinhu aivapo, dzichichengeta maziso adzo akanangidzirwa pamugumisiro unofadza wemuraramiro wechiKristu. Izvozvo ndizvo zvakadzibetsera kuvandudza pahwaro hwezuva nezuva chisarudzo chadzo chokupfuurira mberi muhondo. VaKristu nhasi vane nzira yakaenzana yokuva nekuona kwakanaka kwomudzimu kwakadaro.
Rangarira Matambudziko Azvino Uno Seechinguvana!
Nenzira isingadzivisiki, tinoona zuva nezuva zvinhu zvataizoda kusaona. Apo tinoringa muchionioni hapana chatinogona kuita asi kucherechedza mavara asingadikani nokuipa kwomuviri womuzvarirwo wenyama, zviratidzo zvokusakwana kwomuzvarirwo. Apo tinotarira muchionioni cheShoko raMwari, tinoona zvikanganiso zvomudzimu nokuipa, mose muri muviri matiri timene nomuna vamwe. (Jakobho 1:22-25) Uye apo tinotarira mupepanhau rezuva nezuva kana kuti terevhizheni, nhoroondo dzokusaruramisira, utsinye, uye ngwavaira zvinokurumidza kuunzwa kungwariro yedu ndokutiparira nhamo.
Satani angada kutisakisa kuora mwoyo nemhaka yezvinhu zvatinoona kana kuti kuva vakatsauswa ndokuvamba kuzununguka mukutenda. Tinogona sei kudzivisa ikoku kuitika? Tinofanira kutevera muenzaniso wakagadzwa naJesu Kristu, sezvakarumbidzwa nomuapostora Petro apo akati: “Nokuti makadanirwa izvozvo, Kristu sezvaakakutambudzikiraiwo, akakusiyirai mufananidzo, kuti mutevere makwara ake.” (1 Petro 2:21) Murutivi rwuri rwose rwokurarama kwechiKristu, Jesu akanga ari muenzaniso wakakwana.
Mukunongedzera kuna Jesu somuenzaniso wedu, Petro akadudza zvikurukuru kuti Jesu akatambura. Zvirokwazvo, Jesu akatambura zvikuru kwazvo apo akanga ari pasi pano. Se“mhizha” yaJehovha yakanga iripo pakusikwa kworudzi rwomunhu, akaziva chaizvoizvo icho Mwari aida kuti vanhu vave. (Zvirevo 8:30, 31) Asi zvino akaona zvakananga izvo chivi nokusakwana zvakanga zvavaparira kuva. Zuva nezuva akaona uye aifanira kubata nokusakwana noutera zvavanhu. Ikoko kwaifanira kuva kunotambudza kwaari.—Mateo 9:36; Marko 6:34.
Kunze kwematambudziko evamwe, Jesu akaonawo ake amene. (VaHebheru 5:7, 8) Asi nokuona kwomudzimu kwakakwana, akatarira seri kwazvo kuti aone tuso yokukwidzwa kuupenyu husingafi nokuda kweperero yake. Ipapo saMambo wouMesiya, aizova neropafadzo yokubvisa rudzi rwomunhu runotambudzika mumugariro warwo wakaipa ruchidzokera shure kukukwana uko Jehovha akaronga pakuvamba. Kuchengeta ziso rake rakanangidzirwa paidzi kariro dzisingaoneki dzeramangwana kwakamubetsera kuchengeta mufaro mubasa roumwari pasinei zvapo nematambudziko ayo akaona zuva nezuva. Pauro akanyora gare gare kuti: “Iye wakatsunga pamuchinjikwa nokuda kwomufaro wakaiswa pamberi pake, akashoora kunyadziswa kwavo, akandogara kurudyi rwechigaro choushe chaMwari.”—VaHebheru 12:2.
Jesu haana kutongobvumira nhamo nemamiriro ezvinhu anonetsa kuti zvimuparire kuora mwoyo, kuti atsauswe, kana kuti kuzununguka mukutenda kwake. Savadzidzi vake, tinofanira kusanotevera muenzaniso wake wakaisvonaka.—Mateo 16:24.
Nangidzira Ngwariro Pazvinhu Zvisingaoneki Zvisingaperi!
Mukutaura pamusoro pechakagonesa Jesu kutsungirira, Pauro akaonesawo nzira nokuda kwedu apo akanyora kuti: “Ngatimhanye nokutsungirira nhangemutange yatakaisirwa, tichitarira kuna Jesu, muvambi nomukwanisi wokutenda kwedu.” (VaHebheru 12:1, 2) Hungu, kumhanya nzira yechiKristu nenzira inobudirira uye inofadza, tinofanira kutarira seri kwezvinhu zviri pamberi pedu chaipo. Asi tino“tarira” sei pana Jesu, uye kuchatiitirei?
Somuenzaniso, muna 1914, Jesu akagadzwa saMambo woUmambo hwaMwari, uye anotonga ari mudenga. Kwose ikoku, chokwadika, hakuoneki kumaziso edu omuzvarirwo. Bva, kana tika“tarira” pana Jesu, kuona kwedu kwomudzimu kuchatibetsera kuona kuti iye zvino agadzirira kuita chiito chokuparira mugumo wetsika iripo yakaipa yezvinhu nokuiswa kwaSatani namapoka ake oudhimoni muzvisungo zvokusaita basa. Tichitarira mberi, chiono chedu chomudzimu chicharatidza nyika itsva yakaisvonaka umo “[musichazovizve norufu], kana kuchema, kana kurira, kana kutambudzika hazvingavipo, nokuti zvokutanga zvapfuura.”—Zvakazarurwa 19:11-16; 20:1-3; 21:4.
Naizvozvo, ipapo, panzvimbo pokuva vakaremedzwa nematambudziko echinguvana tingafanira kutarisana nawo zuva nezuva, huregererei kunangidzira kutarisa kwedu pane zvinhu zvisingagumi? Nemaziso okutenda, huregererei kutarira seri kwechirwere uye makaro zviri pasi rino rakashatiswa kuti uone paradhiso yakazadzwa navanhu vakasimba, vanofara, uye vanoitira hanya? Huregererei kutarira seri kwezvakaipa zvedu, zvose zviri zviviri zvomuviri nezvomudzimu, uye ndokuzviona timene tasunungurwa mazviri nokusingaperi kupfurikidza nerunako rwechibayiro chorudzikinuro chaKristu? Huregerereiko kutarira chiri seri kwekuuraya kwakawanda kwakasiyiwa nehondo, utsotsi, masimba masimba ndokuona vachangobva kumutswa vachirairidzwa murugare nokururama zvaJehovha?
Mukuwedzera, kuku“tarira” pana Jesu kungabatanidzawo kunangidzira kuona kwedu kwomudzimu paicho Umambo, kunyange zvazvo husingaoneki, hwakatoita pakati pevanhu vaMwari pasi pano: chinzwano, rugare, rudo, chidakadaka chouhama, uye nerubudiriro rwemudzimu. Mumwe mukadzi wechiKristu muGermany, mushure mokuona vhidhiyo inonzi United by Divine Teaching, akanyora, kuti: “Vhidhiyo yacho ichandibetsera zvikuru kuchengeta kurangarira kuti hama nehanzvadzi dzechiKristu zhinji kwazvo munyika yose panguva ino imene vari kubatira Jehovha mukuvimbika—uye ikoko pasinei zvapo nezvinoitwa nevanhu. Chinzwano chedu chouhama chakakosha sei munyika yemasimba masimba neruvengo!”
Uno“ona”wo Jehovha, Jesu, ngirozi dzakatendeka, uye mamiriyoni evaKristu biyako vamire kurutivi rwako here? Kana zvakadaro, hausati uchizonyanyoitira hanya “funganyo dzetsika ino yezvinhu” iyo ingagona kukuremera mukuora mwoyo ndokukuparira kuti urege “kuva asingabereki zvibereko” mubasa rechiKristu. (Mateo 13:22, NW) Naizvozvo “tarira” kuna Jesu kupfurikidza nokunangidzira maziso ako omudzimu paUmambo hwaMwari hwakagadzwa nezvikomborero zvahwo, zvose zviri zviviri zvazvino uno nezvemunguva yemberi.
Rarama Uone Chiri Chisingaoneki!
Tichiona musiyano mukuru uri pakati penyika itsva yaMwari isingagumi nenyika yanhasi yekare iri kuparadzika, tinofanira kusundwa kuzvibata nenzira yakadaro zvokuti ticharangarirwa kuva vakafanirwa nokurarama kuti tione chaizvoizvo zvatinogona kuona bedzi kupfurikidza namaziso okutenda nhasi. Vazhinji vevanomutswa vachadokusadavira maziso avo apo vanomuka kuti vaone pasi reparadhiso rakarurama rakasiyana kwazvo nenyika yavakaona vasati vafa. Fungidzira mufaro wedu pakuva vapenyu kuzovakwazisa ndokutsanangura kwavari izvo Mwari akaita!—Enzanisa naJoere 2:21-27.
Hungu, kuona kwakanaka kwomudzimu kunokosha sei, uye kunokosha sei kukuchengeta kwakanaka! Ikoku tinogona kukuita kupfurikidza nokuita nguva dzose fundo yeBhaibheri yomunhu oga, kupinda misangano yechiKristu, kutaura kuvamwe pamusoro petariro yedu yakavakirwa paBhaibheri, uye kupfuura zvose, nyengeterera nhungamiro youmwari. Ikoku kuchachengeta chiono chedu chomudzimu chakanaka uye chakajeka, chichitigonesa kutarira seri kwezvinhu zvatinoona!