Iri Ndiro Zuva Rokuponeswa!
“Tarirai, zvino inguva yakafanira; tarirai, zvino ndiro zuva rokuponeswa.”—2 VAKORINTE 6:2.
1. Chii chinodiwa kuti tive nezita rakanaka naMwari naKristu?
JEHOVHA akatara zuva rokutonga vanhu. (Mabasa 17:31) Kana richizova zuva rokuponeswa kwatiri, tinofanira kuva nezita rakanaka naye noMutongi wake akagadzwa, Jesu Kristu. (Johane 5:22) Zita rakadaro rinoda kuti tive nemufambiro unowirirana neShoko raMwari nokutenda kunotisunda kubatsira vamwe kuti vave vadzidzi vaJesu vechokwadi.
2. Nei nyika yevanhu yakaparadzaniswa naMwari?
2 Nemhaka yechivi chakagarwa nhaka, nyika yevanhu yakaparadzaniswa naMwari. (VaRoma 5:12; VaEfeso 4:17, 18) Naizvozvo, vaya vatinoparidzira vanogona kuponeswa kana chete vakayananiswa naye. Muapostora Pauro akajekesa izvi paainyorera vaKristu vaiva muKorinte. Ngationgororei 2 VaKorinte 5:10–6:10 kuti tione chakataura Pauro nezverutongeso, kuyananiswa naMwari, uye kuponeswa.
“Tinoramba Tichinyengetedza Vanhu”
3. Pauro aka“ramba achinyengetedza vanhu” sei, uye nei tichifanira kuita izvozvo nhasi?
3 Pauro akabatanidza rutongeso nokuparidza paakanyora kuti: “Isu tose tinofanira kuratidzwa pamberi pechigaro chokutonga chaKristu; kuti mumwe nomumwe apiwe zvaakaita nomuviri, sezvaakaita, kana zvakanaka kana zvakaipa. Naizvozvo zvatinoziva kutya kwaShe, tino[ramba tichinyengetedza, NW] vanhu.” (2 VaKorinte 5:10, 11) Muapostora aka‘ramba achinyengetedza vanhu’ nokuparidza mashoko akanaka. Ko isuwo? Zvatatarisana nokuguma kwegadziriro ino yezvinhu yakaipa, tinofanira kuita zvatinogona kuti tinyengetedze vamwe kuita zvinodiwa kuti vatongwe zvakanaka naJesu nokutenderwa noMuponesi, Jehovha Mwari.
4, 5. (a) Nei tisingafaniri kuzvirumbidzira zvatinoita mubasa raJehovha? (b) Pauro aizvirumbidza “nokuda kwaMwari” sei?
4 Zvisinei, kana Mwari akomborera ushumiri hwedu, hatifaniri kuzvirumbidza. MuKorinte vamwe vakanga vachizvitutumadza ivo pachavo kana kuti pamusana pevamwe vanhu, nokudaro vachikonzera kupesana muungano. (1 VaKorinte 1:10-13; 3:3, 4) Achitaura nezvemugariro uyu, Pauro akanyora kuti: “Hatizvirumbidzizve kwamuri, asi tinokupai nzira yokurumbidza nokuda kwedu, kuti mugone kupindura avo vanovimba nezvinoonekwa, vasingavimbi nezvomwoyo. Nokuti kana tichipenga, takadaro nokuda kwaMwari; kana tiri vanhu kwavo, takadaro nokuda kwenyu.” (2 VaKorinte 5:12, 13) Vaizvikudza vakanga vasingafariri kubatana kweungano nokuita kwayo zvakanaka mumudzimu. Vaitoda havo kuzvirumbidza nechokunze panzvimbo pokubatsira vavaitenda navo kuti vave nemwoyo yakanaka pana Mwari. Ndokusaka Pauro akapa ungano yacho zano ndokuzotaura kuti: “Unozvirumbidza, ngaazvirumbidze munaShe.”—2 VaKorinte 10:17.
5 Iye Pauro wacho haana kuzvirumbidza here? Vamwe vangava vakafunga kudaro nemhaka yezvaakataura nezvekuva muapostora. Asi aifanira kuzvirumbidza “nokuda kwaMwari.” Akazvirumbidzira kuva kwake muapostora, kuitira kuti vaKorinte vasasiye Jehovha. Pauro akazviitira kuti avadzose kuna Mwari nokuti vaapostora venhema vakanga vachivapinza mugwara rakanga risiriro. (2 VaKorinte 11:16-21; 12:11, 12, 19-21; 13:10) Asi, Pauro akanga asiri kuramba achiedza kuorora munhu wose nezvaakanga aita.—Zvirevo 21:4.
Rudo rwaKristu Runokumanikidza Here?
6. Rudo rwaKristu runofanira kutitapura sei?
6 Somuapostora wechokwadi, Pauro akadzidzisa vamwe nezvechibayiro chorudzikinuro chaJesu. Chaiva nezvachaireva muupenyu hwaPauro, nokuti akanyora kuti: “Nokuti rudo rwaKristu runotimanikidza; zvatinoziva chinhu ichi kuti mumwe wakafira vose, zvino vose vakafa; zvino iye wakafira vose, kuti avo vanorarama varege kuzozviraramira ivo, asi uyo wakafa nokumutswa nokuda kwavo.” (2 VaKorinte 5:14, 15) Rudo rwakadini rwakaratidzwa naJesu mukupa upenyu hwake nokuda kwedu! Chokwadi izvozvo zvinofanira kutisunda muupenyu hwedu. Kuonga Jesu nemhaka yokutipa upenyu hwake kunofanira kutisunda kushanda nokushingaira mukuzivisa mashoko akanaka oruponeso rwakagoverwa naJehovha achishandisa Mwanakomana wake anodiwa. (Johane 3:16; enzanisa naPisarema 96:2.) “Rudo rwaKristu” rwuri kukumanikidza kushingaira kuitawo basa rokuparidza Umambo nokuita vadzidzi here?—Mateo 28:19, 20.
7. Zvinorevei kuti “hatitongozivi munhu panyama”?
7 Kupfurikidza nokushandisa upenyu hwavo munzira inoratidza kuonga zvavakaitirwa naKristu, vakazodzwa ‘havachazviraramiri, asi vanoraramira iye.’ “Naizvozvo,” akadaro Pauro, “kubvira zvino hatitongozivi munhu panyama; uye kunyange takaziva Kristu panyama, kubvira zvino hatichamuzivi saizvozvo.” (2 VaKorinte 5:16) VaKristu havafaniri kuona vanhu nenzira yenyama, zvimwe vachida vaJudha kupfuura Vemamwe Marudzi kana kuti vakapfuma kupfuura varombo. Vakazodzwa “ha[va]tongozivi munhu panyama,” nokuti ukama hwavo hwomudzimu nevavanotenda navo ndihwo hunokosha. Avo vai‘ziva Kristu panyama’ vakanga vasiri chete vanhu vaya vakaona Jesu paakanga ari pasi pano. Kunyange zvazvo kana vamwe vaitarisira Mesiya vakanga vambofunga nezvaKristu somunhuwo zvake wenyama, vakanga vasingachafaniri kuita kudaro. Akapa muviri wake serudzikinuro uye akamutswa somudzimu unopa upenyu. Vamwe vanomutsirwa kuupenyu hwokudenga vangapa miviri yavo yenyama vasina kutomboona Jesu Kristu ari munhu wenyama.—1 VaKorinte 15:45, 50; 2 VaKorinte 5:1-5.
8. Vanhu vakava sei “muna Kristu”?
8 Achiri kutaura nevakazodzwa, Pauro anowedzera kuti: “Kana munhu ari muna Kristu, wava chisikwa chitsva; zvinhu zvakare zvapfuura; tarirai, zvose zvava zvitsva.” (2 VaKorinte 5:17) Kuva “muna Kristu” zvinoreva kuva mumwe naye. (Johane 17:21) Ukama uhwu hwakavapo kumunhu wacho apo Jehovha akamukwevera kuMwanakomana wake ndokubereka munhu iyeye nomudzimu mutsvene. Somwanakomana waMwari wakaberekwa nomudzimu, akanga ari “chisikwa chitsva” chine kariro yokutongawo naKristu muUmambo hwokudenga. (Johane 3:3-8; 6:44; VaGaratia 4:6, 7) VaKristu vakazodzwa vakadaro vakapiwa ropafadzo huru yebasa.
“Yananiswai naMwari”
9. Mwari akaitei kuti aite kuti kuyananiswa naye kubvire?
9 Jehovha akaitira nyasha sei “chisikwa chitsva”! Pauro anoti: “Zvinhu zvose zvakabva kuna Mwari, wakatiyananisa naye naKristu, akatipa kushumira kwokuyananisa; ndiko kuti Mwari wakanga achiyananisa nyika naye muna Kristu, akasavaverengera kudarika kwavo, akatipa isu shoko rokuyananisa.” (2 VaKorinte 5:18, 19) Vanhu vakaparadzaniswa naMwari kubva pakatadza Adhama. Asi Jehovha nenzira yorudo akatanga kuzarura nzira yokuyananiswa kupfurikidza nechibayiro chaJesu.—VaRoma 5:6-12.
10. Jehovha akapa ushumiri hwokuyananisa kuna vanaani, uye chii chavakaita kuti vahuite?
10 Jehovha akapa vakazodzwa ushumiri hwokuyananisa, saka Pauro aigona kuti: “Naizvozvo tiri nhume nokuda kwaKristu, Mwari saanenge achikumbira zvikuru nesu; tinokumbira nokuda kwaKristu, tichiti: Yananiswai naMwari.” (2 VaKorinte 5:20) Munguva dzekare, nhume dzaitumwa kunyanyanyanya munguva dzokurwisana kundoona kana hondo yaigona kudziviswa. (Ruka 14:31, 32) Nyika inotadza zvayakaparadzana naMwari, akatuma nhume dzake dzakazodzwa kuti dzindozivisa vanhu zvaanoda kuti vayananiswe. Sevanotsiva Kristu, vakazodzwa vanokumbira kuti: “Yananiswai naMwari.” Chikumbiro ichi kukurudzira kwengoni kutsvaka rugare naMwari ndokugamuchira ruponeso rwaanopa kupfurikidza naKristu.
11. Nokutenda murudzikinuro, ndivanaani vachapedzisira vava nezita rakanaka naMwari?
11 Vanhu vose vanotenda murudzikinuro vanogona kuyananiswa naMwari. (Johane 3:36) Pauro anoti: “Uyo, [Jesu] wakanga asingazivi zvivi, [Jehovha] wakamuita kuti ave zvivi nokuda kwedu; kuti isu tive kururama kwaMwari maari.” (2 VaKorinte 5:21) Munhu akakwana Jesu akanga ari chibayiro chezvivi chevana vose vaAdhama vanonunurwa muchivi chakagarwa nhaka. Vanova “kururama kwaMwari” kupfurikidza naJesu. Uku kururama, kana kuti zita rakanaka naMwari, kunotanga kuuya kune vanodya nhaka pamwe chete naKristu vane 144 000. Mukutonga kwake kweMakore Ane Chiuru, zita rakanaka sevanhu vakakwana richauya kuvana vepasi vaBaba Vokusingaperi, Jesu Kristu. Achavasimudzira kuti vave nezita rakarurama mukukwana kuitira kuti varatidze kuti vakavimbika kuna Mwari ndokugamuchira chipo choupenyu husingaperi.—Isaya 9:6; Zvakazarurwa 14:1; 20:4-6, 11-15.
“Nguva Yakafanira”
12. Ibasa ripi rinokosha riri kuitwa nenhume dzaJehovha nevamiririri?
12 Kuti tiponeswe, tinofanira kuita maererano nemashoko aPauro anoti: “Zvino zvatinobatsirana naye [Jehovha], tinokumbira zvikuru kuti murege kugamuchira nyasha dzaMwari pasina. (Nokuti iye unoti: Ndakakunzwa iwe nenguva yakafanira, ndakakubatsira pazuva rokuponeswa; tarirai, zvino inguva yakafanira; tarirai, zvino ndiro zuva rokuponeswa.)” (2 VaKorinte 6:1, 2) Nhume dzaJehovha dzakazodzwa nevamiririri vake, “mamwe makwai,” havagamuchiri mutsa waBaba vavo vokudenga ndokurasikirwa nechinangwa chawo. (Johane 10:16) Kupfurikidza nomufambiro wavo wakarurama neushumiri hwokushingaira mu“nguva yakafanira” ino, vanotsvaka nyasha dzaMwari uye vari kuzivisa vanogara munyika kuti rino ndiro “zuva rokuponeswa.”
13. Ndeipi pfungwa huru yaIsaya 49:8, uye yakatanga kuzadzikwa sei?
13 Pauro anotaura mashoko ari pana Isaya 49:8, anoti: “Zvanzi naJehovha: Ndakakupindura nenguva yakafanira, ndakakubatsira nezuva rokuponeswa; ndichakuchengeta, nokukuita sungano yavanhu, kuti umutse nyika, nokuvagarisa nhaka dzakanga dzaparadzwa.” Uporofita uhwu hwakatanga kuzadzika pakasunungurwa vanhu vaIsraeri muusungwa muBhabhironi ndokuzodzoka kunyika yokwavo yakanga yava dongo.—Isaya 49:3, 9.
14. Isaya 49:8 yakazadzika sei muna Jesu?
14 Mukuzadzikwazve kwouporofita hwaIsaya, Jehovha akapa “muranda” wake Jesu se“chiedza chavahedheni, kuti kuponesa kwa[Mwari] kusvikire kumugumo wenyika.” (Isaya 49:6, 8; enzanisa naIsaya 42:1-4, 6, 7; Mateo 12:18-21.) Zviri pachena kuti “nguva yakafanira” yakashanda kuna Jesu paakanga ari pasi pano. Akanyengetera, uye Mwari akamu“pindura.” Iroro rakava “zuva rokuponeswa” kuna Jesu nokuti akaramba akatendeseka zvakakwana uye nokudaro “akazova muvambi wokuponeswa kuna vose vanomuteerera.”—VaHebheru 5:7, 9; Johane 12:27, 28.
15. VaIsraeri vomudzimu vakaedza kuratidza kuti vakafanirwa nemutsa usina kufanirwa waMwari kubva rini, uye nechinangwa chipi?
15 Pauro anoshandisa mashoko aIsaya 49:8 kuvaKristu vakazodzwa, achivakumbira kuti ‘vasarasikirwe nechinangwa chemutsa waMwari usina kufanirwa’ kupfurikidza nokutadza kutsvaka nyasha dzake mu“nguva yakafanira” ne“zuva rokuponeswa” raanopa. Pauro anowedzera kuti: “Tarirai, zvino inguva yakafanira; tarirai, zvino izuva rokuponeswa.” (2 VaKorinte 6:2) Kubvira paPendekosti ya33 C.E., vaIsraeri vomudzimu vakaedza kuratidza kuti vakafanirwa nemutsa usina kufanirwa waMwari kuitira kuti “nguva yakafanira” izove “zuva rokuponeswa” kwavari.
‘Kuzvirumbidza Savashumiri vaMwari’
16. Pauro akazvirumbidza somushumiri waMwari mumigariro ipi inoedza?
16 Vamwe varume vaisonganirana neungano yeKorinte vakanga vasingaratidzi kuti vakafanirwa nemutsa usina kufanirwa waMwari. Vakarevera Pauro nhema dzakaipa vachiedza kuparadza chiremera chake chouapostora, kunyange zvazvo akadzivisa ku“gumbus[a] vamwe.” Akazvirumbidza somushumiri waMwari “pakutsungirira kukuru, panhamo, pakushayiwa, pamadambudziko, pakurohwa, pakusungwa, pakunyonganiswa, pamabasa, pakusavata, pakuzvinyima zvokudya.” (2 VaKorinte 6:3-5) Gare gare, Pauro akafunga kuti kana vapikisi vake vakanga vari vashumiri, iye aitova “akatanhamara zvikuru” nemhaka yokuva mujeri, kurohwa, kuva mungozi, uye kushayiwa kakawanda.—2 VaKorinte 11:23-27, NW.
17. (a) Tinogona kuzviratidza sevashumiri vaMwari kupfurikidza nokuratidza mavara api? (b) “Nhumbi dzokurwa dzokururama” chii?
17 Kufanana naPauro nevamwe vake, tinogona kuzvirumbidza sevashumiri vaMwari. Sei? No“kuchena,” uye nokuita maererano nezivo yakarurama yeBhaibheri. Tinogona kuzvirumbidza ne“mwoyo murefu,” tichitsungirira nokushivirira zvakashata kana kuti kutsamwiswa, uye ne“mutsa, (NW)” sezvatinoita zvinhu zvinobatsira vamwe. Uyezve, tinogona kuzvirumbidza sevashumiri vaMwari kupfurikidza nokubvuma kutungamirirwa nemudzimu wake, tichiratidza “rudo rusinganyengeri,” tichitaura chokwadi, uye tichivimba naye kuti atipe simba rokuita ushumiri. Zvinofadza kuti Pauro akaratidzawo nzvimbo yake somushumiri “nenhumbi dzokurwa dzokururama, kurudyi nokuruboshwe.” Muhondo dzekare, ruoko rworudyi ndirwo rwaiwanzobata munondo nepo ruoko rworuboshwe rwaitakura nhoo. Pakurwa hondo yomudzimu nevadzidzisi venhema, Pauro haana kushandisa zvombo zvenyama inotadza—kutsauka, kunyengedzera, kunyepa. (2 VaKorinte 6:6, 7; 11:12-14; Zvirevo 3:32) Akashandisa “nhumbi dzokurwa nadzo” dzakarurama, kana kuti mitoo, kuti afambisire mberi kunamata kwechokwadi. Nesuwo tinofanira kudaro.
18. Kana tiri vashumiri vaMwari, tichazvibata sei?
18 Kana tiri vashumiri vaMwari, tichazvinyaradza sezvakaita Pauro nevaaishanda navo. Tichaita sevaKristu kunyange tichiremekedzwa kana kusaremekedzwa. Mishumo isingatifadzi inotaurwa pamusoro pedu haizomisi basa redu rokuparidza, uye hatizombozvikudzi kana tikarumbidzwa. Tichataura chokwadi uye tingazivikanwa pamusana pemabasa aMwari. Patinenge tiri pangozi dzinouraya patinonetswa nomuvengi, tichavimba naJehovha. Uye tichabvuma chirango tichionga.—2 VaKorinte 6:8, 9.
19. Zvinobvira sei ku‘pfumisa vazhinji’ mumudzimu?
19 Achigumisa kukurukura kwake nezveushumiri hwokuyananisa, Pauro akataura nezvake nevamwe vake “savanochema, asi tichigara tichifara hedu; savarombo, asi tichipfumisa vazhinji hedu; savasina chinhu, asi tinazvo zvose hedu.” (2 VaKorinte 6:10) Nepo vashumiri ivavo vakanga vane chikonzero chokuchema nhamo dzavo, vaifara nechemukati. Vakanga vari varombo kune zvokunyama, asi ‘vakapfumisa vazhinji’ kumudzimu. Chokwadi, vakanga ‘vanazvo zvose’ nokuti kutenda kwavo kwakavaunzira pfuma yokumudzimu—kunyange tariro yokuva vanakomana vokudenga vaMwari. Uye vakanga vane upenyu hunogutsa nehunofadza sevashumiri vechiKristu. (Mabasa 20:35) Kufanana navo, tinogona ‘kupfumisa vazhinji’ kupfurikidza nokuitawo ushumiri hwokuyananisa iko zvino chaiye—muzuva rino rokuponeswa!
Vimba Nokuponesa kwaJehovha
20. (a) Chii chaidiwa nemwoyo wose naPauro, uye nei pakanga pasina nguva yokutambisa? (b) Chii chinoratidza zuva rokuponeswa ratiri kurarama mariri zvino?
20 Pauro paakanyora tsamba yake yechipiri kuvaKorinte munenge muna 55 C.E., gadziriro yezvinhu yechiJudha yakanga yangosarirwa nemakore 15 chete. Muapostora wacho akanga achida nemwoyo wose kuti vaJudha neVemamwe Marudzi vayananiswe naMwari kupfurikidza naKristu. Iroro rakanga riri zuva rokuponeswa, uye pakanga pasina nguva yokutambisa. Zvisinei, tave tiri mumhedziso yegadziriro yezvinhu inowirirana kubva muna 1914. Basa renyika yose rokuparidza Umambo rava kuitwa zvino rinoratidza iri sezuva rokuponeswa.
21. (a) Rugwaro rwegore rwupi rwakasarudzirwa 1999? (b) Chii chatinofanira kunge tichiita muzuva rino rokuponeswa?
21 Vanhu vamarudzi ose vanofanira kunzwa nezvegadziriro yaMwari yoruponeso kupfurikidza naJesu Kristu. Hapana nguva yokunonoka. Pauro akanyora kuti: “Tarirai, zvino ndiro zuva rokuponeswa.” Mashoko iwayo a2 VaKorinte 6:2 ndiwo achava rugwaro rwegore rweZvapupu zvaJehovha rwa1999. Rwakakodzera sei, nokuti tinotarisana nechimwe chinhu chakatoipa zvikuru kupfuura kuparadzwa kweJerusarema netemberi yaro! Kuguma kwegadziriro ino yose yezvinhu, kunobatanidza munhu wose ari panyika kuri pamberi apa chaipo. Iko zvino—kwete mangwana—ndiyo nguva yokuona zvokuita. Kana tichidavira kuti ruponeso runobva kuna Jehovha, kana tichimuda, uye kana tichikoshesa upenyu husingaperi, hatizorasikirwi nechinangwa chemutsa usina kufanirwa waMwari. Nechishuvo chomwoyo wose chokukudza Jehovha, ticharatidza neshoko nechiito kuti tinenge tichirevesa patinodanidzira kuti: “Tarirai, zvino ndiro zuva rokuponeswa.”
Ungapindura Sei?
◻ Nei kuyananiswa naMwari kuchikosha zvikuru?
◻ Ndivanaani nhume nevamiririri vari muushumiri hwokuyananisa?
◻ Tingazvirumbidza sei sevashumiri vaMwari?
◻ Rugwaro rwegore rweZvapupu zvaJehovha rwa1999 runorevei kwauri?
[Mifananidzo iri papeji 17]
Kufanana naPauro, uri kushingaira kuparidza nokubatsira vamwe kuti vayananiswe naMwari here?
United States
France
Côte d’Ivoire
[Mufananidzo uri papeji 18]
Muzuva rino rokuponeswa, uri pakati pevakawanda vari kuyananiswa naJehovha Mwari here?