-
Kukwanisa Utsvene Mukutya MwariNharireyomurindi—1989 | June 1
-
-
17 Zvisinei, muKristu anoshuva ku‘kwanisa utsvene mukutya Mwari’ haasati achifanira kunzwa akasununguka kuroora munhu upi noupi uyo iye anoda. Pamberi chaipo pokupa zano maKristu biyake rokuti ‘zvichenesei mumene pasvibiso iri yose yenyama nomudzimu, muchikwanisa utsvene mukutya Mwari,’ muapostora Pauro akanyora, kuti: “Musasungwa zvisina kufanira pajoko pamwe chete navasingatendi; nokuti kururama kungava noukama hweiko nokusarurama? . . . Unotenda ungava nomugove weiko nousingatendi?” (2 VaKorinte 6:14, 15; 7:1) Somutezo wavanhu vaJehovha vakaparadzana navakachena, murume wechiKristu kana kuti mukadzi anoda kuroora achagamuchira ganhuriro yavaapostora yokuita saizvozvo “bedzi munaShe,” ndiko kuti, kupfurikidza nokusarudza mumwe munhu ari mubatiri akazvitsaurira, akabhapatidzwa, uye akatendeka waJehovha. (1 VaKorinte 7:39) Somunguva yakapfuura, naizvozvo nhasi, kwaizova zvamazvirokwazvo kusachenjera kuti mitezo yakazvitsaurira yavanhu vaMwari ifuratire iri zano rapaMagwaro. (Enzanisa naDheuteronomio 7:3, 4; Nehemia 13:23-27.) Hakusati kwaizova kuratidza kutyiwa kwakanaka kwaTenzi wedu Mukuru, Jehovha.—Maraki 1:6.
-
-
Kukwanisa Utsvene Mukutya MwariNharireyomurindi—1989 | June 1
-
-
21. Vabatiri vaJehovha vanofanira kuzvisianisa vamene neboka raSatani sei uye nei, uye chii chichakurukurwa munyaya inotevera?
21 Hungu, vakasarira vakazodzwa vavaIsraeri vomudzimu neshamwari dzavo, mamwe makwai, vanozvisianisa vamene nhasi savanhu vakatsaurwa munyika yaSatani, nokuda kwavo murangariro woutsvene wakarasikirwa nerevo yose. Hakuna chinhu chinoyera kuboka raDhiabhorosi rinofamba mu“nzira yakafara neyakapamhama . . . inotungamirira muruparadziko.” Ivo havasati vari vasina kuchena bedzi mumudzimu nomutsika asi muzvinoitika zvakawanda ivo havana kuchena mumuviri uye chitarisiko chavo chine tsvina, pasina kukatutsira. Bva, muapostora Pauro anoti: “Ngatizvichenesei timene pachinosvibisa chiri chose chenyama nomudzimu, tichikwanisa utsvene mukutya Mwari.” (2 VaKorinte 7:1) Kuti munzirai umo vanhu vaMwari vanofanira kungwarira kuva vakachena mundangariro nomumuviri kucharangarirwa munyaya inotevera.
-
-
Iva Akachena Mundangariro NomuviriNharireyomurindi—1989 | June 1
-
-
1. Mukuwirirana nomuapostora Pauro, neiko rucheno mundangariro nomuviri ruri madikanwa?
MUNHU anoshuva kubatira Mwari mutsvene Jehovha anofanira kuva akachena mumudzimu nomutsika. Nenzira ine mufungo, ikoku kunorevawo kuva akachena mundangariro nomuviri. Tsika yazvino yezvinhu zvairi sezvayakaita, vanhu vanobuda mairi kuti vabatire Jehovha vanofanira kuita chinjo kwete bedzi mutsika dzavo dzokufunga asi kazhinji kazhinji kutsika dzavowo dzomunhu oga. Muapostora Pauro akanyorera maKristu aiva muRoma, kuti: “Naizvozvo ndinokutetererai imi kupfurikidza netsitsi dzaMwari, hama, kuti mupe miviri yenyu sechibariro chipenyu, chitsvene, chinofadza Mwari, basa dzvene namano enyu omufungo. Uye regai kuenzaniswa neiyi tsika yezvinhu, asi shandurwai kupfurikidza nokuvandudza ndangariro yenyu, kuti mugozvibvumikisa mumene kuda kwakanaka nokunofadza uye kwakakwana kwaMwari.” (VaRoma 12:1, 2, NW) Rucheno rwendangariro nomuviri runobatanidzeiko?
Rucheno Rwendangariro
2. Meso edu nomwoyo zvingagona sei kutiparira mufambiro wokusazvibata, uye chii chiri madikanwa kudzivisa ikoku?
2 Kunyange Mutemo usati wapiwa, Jobho akatendeka akaratidza kuti meso edu nomwoyo zvinogona kusakisa kuita mufambiro wakashata kana tisingazvidzori. Iye akati: “Ndakaita sungano nameso angu, zvino ndingatarira musikana seiko? Kana mwoyo wangu uchinge wanyengerwa nomukadzi, . . . nokuti chinhu icho chivi chakashata, zvirokwazvo, chinhu chakaipa chinofanira kurohwa navatongi.” (Jobho 31:1, 9-11) Kana isu tine meso anoringa-ringa nomwoyo usakatendeka, tinoda chirango chendangariro, “chirango chinopa nzwisiso.”—Zvirevo 1:3, NW.
3, 4. (a) Chii chinoratidza muenzaniso waDhavhidhi naBhati-shebha, uye chiri chiri madikanwa kuti tichinje tsika dzokufunga dzakashata? (b) Neiko vakuru vechiKristu vachifanira kuva vanongwarira zvikuru?
3 Meso aMambo Dhavhidhi akamutungamirira kukuita upombwe naBhati-shebha. (2 Samueri 11:2, 4) Uyu muenzaniso unoratidza kuti kunyange varume vanoshandiswa zvakatanhamara naJehovha vanogona kuwira muchivi kana vasingarangi ndangariro dzavo. Kungada nhamburiko yakasimba kuti tichinje tsika dzedu dzokufunga. Nhamburiko yakadaro inofanira kuperekedzwa nomunyengetero wakasimba webetsero yaJehovha. Pashure pokunge apfidza chivi chake naBhati-shebha, Dhavhidhi akanyengetera, achiti: “Sikai mukati mangu mwoyo wakachena, Mwari; vandudzai mukati mangu mweya wakarurama.”—Pisarema 51:10.
4 Vakuru vechiKristu vanofanira kungwarira zvikuru kusachengeta zvishuvo zvakaipa zvingagona kuvatungamirira kukupinda muchivi chakakomba. (Jakobho 1:14, 15) Kumukuru wechiKristu Timotio, Pauro akanyora, achiti: “Asi chinovavarirwa nomurairo ndirwo rudo runobva pamwoyo wakachena napahana yakanaka, napakutenda kusinganyengeri.” (1 Timotio 1:5) Zvamazvirokwazvo kwaizova kunyengera kuti mukuru aite mabasa ake omudzimu achibvumira ziso rinoringa-ringa kunyandura mumwoyo make mifungo yokuita kusachena.
5. Chii chinofanira kudziviswa kuti tichengete rucheno rwendangariro?
5 Tose zvedu samaKristu tinofanira kuita unani hwedu kuti tive vakachena mundangariro. Ikoku kunoreva kudzivisa mabhaisikopo api naapi, purogiramu dzeTV, kana kuti mashoko okurava izvo zvingagona kuva nepesvedzero inoshatisa pakufunga kwedu. Rucheno rwendangariro runobatanidza nhamburiko yokungwarira yokufungisisa zvinhu zviri “zvechokwadi, . . . zvakarurama, . . . zvakachena.” Muapostora Pauro anowedzera, kuti: “Kunaka kupi kana kupi kuripo nechinhu chinorumbidzwa chipi kana chipi chiripo, pfuurirai kurangarira zvinhu izvozvi.”—VaFiripi 4:8, NW.
Utsanana Hwomunhu Oga
6. (a) Ipai mienzaniso inobva mubhuku raRevhitiko inoratidza kuti utsanana hwomunhu oga pamwe chete nowavazhinji waidikanwa muna Israeri. (b) Chii chakanga chiri donzo remitemo yakadaro?
6 Kwakataurwa kuti “rucheno rwuri pedyo noumwari.” Chokwadi, munhu akachena mutsika nomumuviri angasava noumwari. Asi munhu woumwari anofanira, chaizvoizvo, kuva akachena mutsika nomumuviri. Mutemo waMosesi wakapa miraidzo chaiyo pamusoro pokucheneswa kwedzimba dzakasvibiswa uye pamusoro pokushamba kwomunhu muzvinoitika zvakasiana-siana zvorucheno. (Ona Revhitiko, ganhuro 14 ne 15.) VaIsraeri vose vaidikanirwa kuzvibvumikisa vamene kuva vatsvene. (Revhitiko 19:2) Chinyorwa chinonzi Insight on the Scriptures chinoti: “Mitemo yezvokudya, youtsanana, uye yetsika iyo Mwari akapa [vaIsraeri] yakanga iri zviyeuchidzo zvenguva dzose kwavari zvokuparadzana kwavo noutsvene kuna Mwari.”—Voriyamu 1, peji 1128.
7. Chii chiri chechokwadi nezveZvapupu zvaJehovha savanhu, asi chii chakashuma vamwe vatariri vanofambira?
7 Nepo Zvapupu zvaJehovha savanhu zvakachena pasvibiso ipi neipi inoitwa norudzidziso rwenhema rwechiBhabhironi uye zvisingafuratiri kusachena kwetsika pakati pazvo, mishumo inobva kuvatariri vanofambira inoratidzira kuti vamwe vanhu vanoregeredza utsanana hwomunhu oga norutsvindo. Tinogona sei kuva nechokwadi chokuti takachena muna ikokuwo? Muenzaniso wakanaka wemisha yose yechiKristu iBheteri, riri zita rinoreva kuti “Imba yaMwari.”
8, 9. (a) Izanoi rinopiwa kumitezo mitsva yose yemhuri yeBheteri? (b) Inheyoi dzinoteverwa muMisha yeBheteri dzinofanira kudzora mhuri iri yose yechiKristu?
8 Apo mumwe munhu anova mutezo wemhuri yeBheteri padzimbahwe reWatch Tower Society kana kuti weipi neipi yamapazu ayo munyika yose, iye anopiwa bhurocha rakagadzirwa noMutumbi Unodzora. Ichi chinyorwa chinotsanangura chinokarirwa kwaari mutsika dzebasa netsika dzomunhu oga. Pasi pomusoro unoti “Kutarisirwa Kwekamuri Norucheno,” icho chinoti: “Upenyu hwapaBheteri hunoraira kuchengeta mipimo yakakwirira yomuviri, yetsika uye yomudzimu. Munhu ari wose ari paBheteri anofanira kuitira hanya kuzvichengeta amene nekamuri rake rakachena. Ikoku kunogovera kuutano hwakanaka. Hapana chikonzero chokuti munhu upi noupi ave netsvina. Muitiro wakanaka kushamba zuva nezuva. . . . Kugeza pamberi penguva yokudya kunokosha uye kunokarirwa kuvose. Mukurangarirwa kwovomukamuri biyako nomuchengeti wemba, chishambiro kana kuti shambiro zvinofanira kucheneswa pashure pokushandiswa kumwe nokumwe.”
9 MuMisha yeBheteri, zvimbudzi zvinochengetwa zvakachena chose chose, uye gadziriro inoitwa yokugonesa avo vanozvishandisa kugeza maoko avo nokukurumidza. Mitezo yemhuri inokarirwa kusiya chimbudzi chakachena pashure pokushandisa, uko kunoreva kunzvera kuona kuti chimbudzi chagojwa zvakafanira. Ikoku kunoratidza kurangarirwa kwomushandisi anotevera kana kuti kwomuchengeti wemba. Ko nheyo dzakadaro dzakaisvonaka, dzorudo hadzifaniri here kudzora mhuri imwe neimwe yechiKristu?
10. (a) Neiko kamuri rokushambira rakasanoshongedzerwa risiri madikanwa nokuda kwokuzvichengeta umene navana vako vakachena? (b) Mitemoi muna Israeri yaipira kuutano hwakanaka, uye chidzidzoi icho vanhu vaJehovha vanogona kudzidza nhasi muna ikoku?
10 Nomuzvarirwo, migariro inosiana munyika nenyika. Mudzimwe nzvimbo, misha haina shambiro kana kuti kunyange shawa. Kazhinji kazhinji, zvisinei, varume vechiKristu navakadzi vanogona kuwana sipo yakakwana nemvura zvokuchengeta miviri yavo yakachena uye kuona kuti vana vavo vakachena.a Misha yakawanda munyika yose haina zvimbudzi zvemvura. Asi tsvina inogona kuraswa zvakakotsekana kupfurikidza nokupfutsira, sezvakanga zvichidikanwa pakati pavaIsraeri kunyange mumisasa yehondo. (Dheuteronomio 23:12, 13) Kunze kwaizvozvi, mitemo yaJehovha inodzora upenyu hwomumusasa yairaira kugezwa kwenguva dzose kwezvipfeko nokushamba, kuongororwa kwokukurumidza nokurapwa kwehosha, kubatwa kwakafanira kwemitumbi yakafa, uye kuchengetwa kwemvura yakachena nemigove yezvokudya. Mitemo yose iyoyi yakagovera kuutano hwerudzi. Ko vanhu vaJehovha nhasi vanofanira kumbova noutsanana hushoma mutsika dzavo dzomunhu oga here?—VaRoma 15:4.
Misha Yakatsvinda Nemotokari
11. (a) Chii chinofanira kuva chechokwadi kunyange nezvemisha yakaderera zvikurusa yechiKristu? (b) Ibatira pamwe yakadini inodikanwa yemitezo yose yemhuri yeBheteri?
11 Misha yedu, ingave yakaderera kwazvo, inogona kuva ine nhevedzano neyakachena, asi ikoku kunoda kuronga kwakanaka pamwero wemhuri. Amai vechiKristu vachada kupedzera nguva yakawanda seinobvira pazvinhu zvomudzimu, kubatanidza basa rokuparidzira, naizvozvo havasati vachifanira kupedza nguva zuva riri rose vachitsvindisa pashure pemitezo yemhuri iyo inosiya zvipfeko, mabhuku, mapepa, magazini, uye zvichingodaro, zviri pasi. MuBheteri, kunyange zvazvo mune vachengeti vedzimba vanochenesa, mutezo mumwe nomumwe wemhuri unokarirwa kuwaridza mubhedha wawo ndokusiya kamuri rawo rakatsvinda mangwanani mamwe namamwe. Tose zvedu tinoonga Horo dzoUmambo neHoro dzaMagungano dzedu dzakatsvinda nedzakachena. Misha yeduwo ngaipupurire kuti tiri rutivi rwavanhu vaJehovha vakachena navatsvene!
12, 13. (a) Izanoi rinopiwa pamusoro pemotokari dzinoshandiswa mubasa raJehovha, uye neiko ikoku kusingafaniri kuva kunopedza nguva zvikuru? (b) Chikonzeroi chapamagwaro chiripo chokuramba takachena mumiviri chokuva nemisha nemotokari zvakatsvinda?
12 Vazhinji vavabatiri vaJehovha nhasi vanoshandisa motokari dzokuendesa kumisangano nebasa romumunda. Mudzimwe nyika motokari yazova chinodokuva chisingatsiviki sechinhu chokubatira nacho Jehovha. Seyakadaro, inofanira kuchengetwa yakatsvinda uye yakachena, kunyange sezvinoitwa musha wedu. Chokwadi, maKristu haagoni kupedza nguva yakawanda achinyanyotarisira motokari dzavo nenzira inoita nayo vanhu venyika. Asi pasina kuenda kukunyanyisa kwakadaro, vabatiri vaJehovha vanofanira kuedza kuchengeta motokari dzavo dzakachena zvine mufungo uye dziri mumugariro wakanaka. Mudzimwe nyika kugeza motokari panoisirwa mweya hakudhuri uyewo hakupedzi nguva. Kana muri mukati memotokari, maminiti gumi okuchenesa nokutsvindisa anogona kuita zvishamiso. Vakuru navabatiri vanoshumira, zvikurukuru, vanofanira kuedza kuva mienzaniso muna ikoku, sezvo ivo kazhinji kazhinji vachishandisa motokari dzavo kutakura mapoka avaparidzi mubasa romumunda. Apo muparidzi anotakura munhu anofarira achimuendesa kumusangano, zvamazvirokwazvo hausi uchapupu hwakanaka kana motokari ine tsvina uye isina kutsvinda.
13 Nokudaro, kupfurikidza nenhamburiko yedu yokuva vakachena mumuviri nokuda nemisha yakachena neyakatsvinda nemotokari, tinokudza Jehovha semitezo yesangano rake rakachena.
Rucheno Nokuda Kwokupa Zvibairo Zvomudzimu
14. Mitemoi yaidzora rucheno rwetsika muna Israeri, uye mitemo iyoyi inoratidzirei?
14 Rucheno rwetsika nokuda kwokunamata rwaidikanwa muna Israeri, muchirango chorufu. Jehovha akaudza Mosesi naAroni, kuti: “Munofanira kuparadzanisa vana vaIsraeri pakusanaka kwavo, kuti varege kufa pakusanaka kwavo, kana vachisvibisa tarbhenakeri yangu iri pakati pavo.” (Revhitiko 15:31) PaZuva reYananisiro, muprista mukuru aifanira kushambidza nyama yake mumvura. (Revhitiko 16:4, 23, 24) Shambiro rendarira raiva patabernakeri, uye gare gare mudziyo mukuru wendarira wokushambidzira patembere, zvakagovera mvura yokuti vaprista vashambiremo vasati vapa zvibairo kuna Jehovha. (Eksodho 30:17-21; 2 Makoronike 4:6) Zvakadiniko nezvavaIsraeri vose zvavo? Kudai ivo vakava vasina kuchena mutsika nokuda kwechikonzero chipi nechipi, vaidziviswa kutora rutivi kutozosvikira ivo vaita zvinodikanwa zvokuchenesa. (Numeri 19:11-22) Kwose ikoku kwaisimbisa kuti rucheno rwomuviri runodikanwa kuavo vanonamata Mwari mutsvene Jehovha.
15. Neiko zvibairo zvemhuka zvichisiri madikanwa, asi mibvunzoi inomutswa?
15 Chokwadi, vanhu vaJehovha nhasi havadikanirwi kupa zvibairo zvemhuka patembere yapasi. Zvibairo zvomuMutemo zvakatsiviwa ne“chibairo chomuviri waJesu Kristu kamwe kwenguva yose.” (VaHebheru 10:8-10, NW) Isu “tinonamata Baba nomudzimu nezvokwadi.” (Johane 4:23, 24, NW) Asi ikoko kunoreva here kuti hatina zvibairo zvokupa kuna Mwari wedu Jehovha? Uye rucheno ndichinodikanwa chishoma nokuda kwedu kupfuura zvakwakanga kwakaita nokuda kwavaIsraeri here?
16. Uporofita hwaMaraki 3:3, 4 hwakazadzikwa sei pamaKristu akazodzwa chifo cha 1918, uye zvibairoi zvinogamuchirika zvaunogona kupa kuna Jehovha?
16 Uporofita hwaMaraki hunoratidza kuti maKristu akazodzwa ari pasi pano munguva yomugumo aizonatswa, kana kuti kucheneswa, nokuda kwebasa retembere. Nhau inoratidza kuti uku kunatsa kwakavamba muna 1918. Chifo cha 1919 vakasarira vakazodzwa “zvamazvirokwazvo vakava kuna Jehovha vanhu vanopa chipiriso chechipo mukururama,” uye chipiriso chavo chechipo “chinofadza kuna Jehovha.” (Maraki 3:3, 4, NW) Nokudaro, ivo vanokwanisa “kupa zvibairo zvomudzimu zvinofadza kuna Mwari kupfurikidza naJesu Kristu.” (1 Petro 2:5, NW) Muapostora Pauro akanyora, kuti: “Kupfurikidza naye ngatipei nguva dzose kuna Mwari chibairo cherumbidzo, ndiko kuti, chibereko chemiromo inoita ziviso yapachena kuzita rake.”—VaHebheru 13:15, NW.
17. Kunyange zvazvo “boka guru” risati riri rutivi rwouprista hwoumambo, neiko ivo vachifanira kuva vakachena mumuviri, mundangariro, mutsika, uye mumudzimu?
17 Nepo “boka guru” risati richidanwa kubasa rapatembere rouprista kufanana navakasarira vakazodzwa, ivo vari “kupa [Jehovha] basa rinoyera masikati nousiku” muvazhe dzapasi dzetembere yake yomudzimu. (Zvakazarurwa 7:9, 10, 15, NW) Kuchayeukwa kuti vaIsraeri vaisava vouprista vaifanira kuva vakachena mutsika kuti vatore rutivi mukunamata patabhernakeri kana kuti, gare gare, patembere. Nenzira yakafanana, boka guru ramamwe makwai rinofanira kuva rakachena mumuviri, mundangariro, mutsika, uye mumudzimu kana vachida kubatira patembere ndokugoverana navakasarira mu‘kupa kuna Mwari chibairo cherumbidzo’ kupfurikidza nokuita “ziviso yapachena kuzita rake.”
Kuchena Nokutsvinda Nokuda Kwebasa Romumunda Nemisangano
18. Tiri mubasa rokupupurira rapachena nokupinda misangano, chii chinofanira kuva itiro hanya yedu pamusoro porucheno rwomunhu oga, zvipfeko, uye shangu?
18 Ikoku kunoreveiko chaizvoizvo? Kunoreva kuti kwaizova kusina kukodzera zvikurusa nokunozvidza kuna Jehovha kumumirira muushumiri hwapaimba neimba, mumigwagwa, kana kuti mumusha womumwe munhu kana tisina kuchena mumuviri uye tisina kupfeka zvakafanira. Nokudaro, hatifaniri kuva vasingaitiri hanya pamusoro pezvinhu zvakadaro. Tinofanira kuzvipa ngwariro yokungwarira, kuitira kuti tigoita nomutoo wakakodzera vashumiri vakatakura zita raJehovha. Zvipfeko zvedu hazvifaniri kuva zvinodhura, asi zvinofanira kuva zvakachena, zvakanaka, uyewo zvine mwero. Shangu dzedu dzinofanira kuvawo dzakagadzirwa zvakanaka nedzinotarisika zvakanaka. Nenzira yakafanana, pamisangano yose, kubatanidza Fundo yeBhuku yeUngano, miviri yedu inofanira kuva yakachena, uye tinofanira kuva takapfeka zvakatsvinda nezvakafanira.
19. Ibetseroi dzomudzimu dzinobva muchitarisiko chedu chakachena nechakatsvinda savashumiri vechiKristu?
19 Chitarisiko chedu chakachena nechakatsvinda tiri mubasa rokupupurira napamisangano yedu ndiimwe nzira yo“kushongedza [nayo] dzidziso yoMuponesi wedu, Mwari.” (Tito 2:10, NW) Uchapupu makuri kumene. Vanhu vazhinji vakaororwa norucheno rwedu norutsvindo, uye ikoku kwakavasunda kuteerera shoko redu pamusoro pamadonzo anoshamisa aJehovha amatenga matsva akarurama nepasi idzva rakacheneswa.—2 Petro 3:13.
20. Ndichimwe chiberekoi chakanaka chinobva mukuva vakachena mundangariro nomuviri?
20 Sezvo tsika itsva yakachena yaJehovha inoswedera pedyo, tose zvedu tinofanira kuzvinzvera timene kuona kana tichifanira kuita gadziridzo dzakati mukufunga kwedu kana kuti mutsika dzedu dzomunhu oga. Pauro akanyora, kuti: “Ndinotaura nokutaura kwavanhu, nokuda kwokushaiwa simba kwenyama yenyu; nokuti sezvamakapa mitezo yenyu kuti ive varanda vetsvina, navezvisakarurama zvinoisa kune zvisakarurama, saizvozvo ipai mitezo yenyu zvino ive varanda vokururama kunoisa kuutsvene.” (VaRoma 6:19) Rucheno rwomudzimu nerwomuviri runounza chibereko chakanaka kunyange zvino, “chibereko munzira youtsvene, uye mugumo [uchava] upenyu husingaperi.” (VaRoma 6:22) Naizvozvo, ngativei vakachena mundangariro nomuviri sezva‘tinopa miviri yedu sechibairo chipenyu, chitsvene, chinofadza kuna Mwari.’—VaRoma 12:1.
-