Bhuku raZvakazarurwa
7 Pashure peizvi, ndakaona ngirozi ina dzakamira pamakona mana enyika, dzakabata zvakasimba mhepo ina dzenyika, kuti parege kuva nemhepo ingavhuvhuta panyika kana mugungwa kana pamuti chero upi zvawo. 2 Ndakaonawo imwe ngirozi ichikwidza ichibva kumabvazuva, iine chisimbiso* chaMwari mupenyu; uye yakashevedzera nenzwi guru kungirozi ina dzakanga dzabvumirwa kukuvadza nyika negungwa, 3 ichiti: “Musakuvadza nyika kana gungwa kana miti, kusvikira taisa zvisimbiso+ pahuma dzevaranda vaMwari wedu.”+
4 Uye ndakanzwa nhamba yevaya vakaiswa chisimbiso, vanokwana 144 000,+ avo vakabva mumadzinza ese evanakomana vaIsraeri:+
5 Mudzinza raJudha makaiswa chisimbiso vanhu 12 000;
mudzinza raRubheni 12 000;
mudzinza raGadhi 12 000;
6 mudzinza raAsheri 12 000;
mudzinza raNaftari 12 000;
mudzinza raManase+ 12 000;
7 mudzinza raSimiyoni 12 000;
mudzinza raRevhi 12 000;
mudzinza raIsakari 12 000;
8 mudzinza raZebhuroni 12 000;
mudzinza raJosefa 12 000;
mudzinza raBhenjamini makaiswa chisimbiso vanokwana 12 000.
9 Pashure peizvi, ndakaona boka guru revanhu vakanga vasingakwanisi kuverengwa nemunhu, vanobva kumarudzi ese nemadzinza nevanhu nendimi,*+ vamire pamberi pechigaro cheumambo nepamberi peGwayana, vakapfeka nguo refu chena,+ uye vakabata mapazi emichindwe.+ 10 Vanoramba vachishevedzera nenzwi guru, vachiti: “Ruponeso rwedu runobva kuna Mwari wedu agere pachigaro cheumambo,+ uye kuGwayana.”+
11 Ngirozi dzese dzainge dzakamira dzakakomberedza chigaro cheumambo nevakuru+ nezvisikwa zvipenyu zvina, uye dzakawira pamberi pechigaro cheumambo nezviso zvadzo dzikanamata Mwari, 12 dzichiti: “Ameni! Kurumbidzwa nekukudzwa neuchenjeri nekuonga nekuremekedzwa nemasimba nesimba ngazvive kuna Mwari wedu nariini nariini.+ Ameni.”
13 Mumwe wevakuru akabva ati kwandiri: “Ko ava vakapfeka nguo refu chena+ ndivanaani uye vakabvepi?” 14 Ndakabva ndangoti kwaari: “Ishe wangu, ndimi munoziva.” Iye akati kwandiri: “Ava ndivo vanobuda mukutambudzika kukuru,+ uye vakageza nguo dzavo refu, vakadziita chena muropa reGwayana.+ 15 Ndokusaka vari pamberi pechigaro cheumambo chaMwari, uye vachimuitira basa dzvene siku nesikati mutemberi yake. Iye agere pachigaro cheumambo+ achatambanudza tende rake pamusoro pavo.+ 16 Havazonzwi nzara kana nyota, uyewo havazopiswi nezuva kana nekumwewo kupisa kukuru,+ 17 nekuti Gwayana,+ iro riri pedyo nechigaro cheumambo,* richavafudza+ uye richavatungamirira kuzvitubu zvemvura yeupenyu.+ Mwari achapukuta misodzi yese pamaziso avo.”+