RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Ita Kuti Kufambira Mberi Kwako Kuonekwe
    Nharireyomurindi—2001 | August 1
    • Ratidza “Zvibereko Zvomudzimu”

      12. Nei kuratidza zvibereko zvomudzimu kuchikosha pakutsvaka kwedu kufambira mberi mumudzimu?

      12 Kuratidza zvibereko zvomudzimu waMwari muzvose zvatinoita muupenyu kwakakosha sezvakangoita kuva “vamwe mukutenda nezivo yakarurama.” Nei? Chikonzero ndechokuti kukura, sezvataona, hachisi chinhu chisingaonekwi kana kuti chakavandika, asi kunoratidzwa nezvinhu zvinonyatsoonekwa izvo zvinogona kubatsira nokuvaka vamwe. Chokwadi kutsvaka kwedu kufambira mberi mumudzimu hakusiri kungoedzawo hedu kuratidza tsika dzakanadziridzwa. Asi, sezvatinokura mumudzimu, tichitevera kutungamirira kwomudzimu waMwari, mafungiro edu nezviito zvedu zvichachinjwa zvinoshamisa. “Rambai muchifamba nomudzimu uye hamuzomboiti kuchiva kwenyama,” akadaro muapostora Pauro.—VaGaratiya 5:16.

      13. Kuchinja kupi kunoratidza pachena kufambira mberi?

      13 Pauro akazotaura “mabasa enyama,” ayo akawanda uye “anooneka.” Munhu asati asvika pakunzwisisa zvinodiwa naMwari, upenyu hwake hwakarongwa maererano nenzira dzenyika uye hungave hwakazadzwa nezvimwe zvezvinhu zvakataurwa naPauro zvokuti: “ufeve, kusachena, unzenza, kunamata zvidhori, tsika yokuita zvemidzimu, kuvengana, kukakavadzana, godo, kufufutirwa nokutsamwa, kukakavara, kupesana, mapoka, shanje, nguva dzokunwira kudhakwa, mitambo yokuzvifadza, nezvinhu zvakaita seizvi.” (VaGaratiya 5:19-21) Asi sezvo munhu anofambira mberi mumudzimu, zvishoma nezvishoma anokunda “mabasa enyama” aya asingadiwi opinza “zvibereko zvomudzimu.” Kuchinja uku kunoonekwa nechokunze chiratidzo chiri pachena chokuti munhu ari kufambira mberi kuti ave muKristu akakura.—VaGaratiya 5:22.

      14. Tsanangura zvinoreva kutaura kuviri kwokuti “mabasa enyama” uye “zvibereko zvomudzimu.”

      14 Tinofanira kucherechedza kutaura kuviri kunoti “mabasa enyama” uye “zvibereko zvomudzimu.” “Mabasa” migumisiro yezvinoitwa nomunhu, zvibereko zvezviito zvomunhu. Nemamwe mashoko, zvinhu zvinotaurwa naPauro semabasa enyama migumisiro yokuzvisarudzira kunoita munhu kana kuti zvinokonzerwa nokusakwana kwevanhu. (VaRoma 1:24, 28; 7:21-25) Kune rimwe divi “zvibereko zvomudzimu” zvinoreva kuti unhu hwakarongwa ipapo migumisiro yokushanda kwomudzimu waMwari pamunhu, kwete kuti anenge aedza kukudziridza zvaari pachake kana kuti kuvandudza unhu hwake sezvinowanzotaurwa. Muti zvaunobereka zvibereko paunotarisirwa zvakanaka, saka munhu acharatidzawo zvibereko zvomudzimu apo mudzimu mutsvene unoshanda zvakasununguka muupenyu hwake.—Pisarema 1:1-3.

      15. Nei zvakakosha kufunga nezve“zvibereko zvomudzimu” zvose?

      15 Chimwe chinhu chokufunga nezvacho kushandisa kwakaita Pauro shoko rokuti “zvibereko” kuti asanganisire unhu hwose hunodiwa hwaakadudza.a Mudzimu haubereki zvibereko zvakasiyana-siyana kuti isu tisarudze chatinofarira. Unhu hwose hwakataurwa naPauro—rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, mutsa, runako, kutenda unyoro, kuzvidzora—hwakakosha zvakaenzana, uye hwose hunoita kuti munhu ave nounhu hutsva hwechiKristu. (VaEfeso 4:24; VaKorose 3:10) Naizvozvo, nepo tingawana kuti humwe hwounhu uhu hunoonekwa kupfuura humwe hwacho muupenyu hwedu nemhaka yezvatiri pachedu uye zvatakarerekera kuita, zvakakosha kuti tifunge nezvezvose zvakataurwa naPauro. Nokuita kudaro, tinogona kuratidza zvizere unhu hwakafanana nohwaKristu muupenyu hwedu.—1 Petro 2:12, 21.

      16. Chinangwa chedu ndechei pakutsvaka kuva vaKristu vakakura, uye tingaita sei izvozvo?

      16 Chidzidzo chinokosha chatingadzidza pane zvakataurwa naPauro ndechokuti pakutsvaka kwedu kuva vaKristu vakakura, chinangwa chedu hachisi chokuti tiwane ruzivo rwakakura nedzidzo kana kuti kuedza kuva nounhu hwakanadziridzwa. Ndechokuita kuti mudzimu waMwari ushande zvakasununguka muupenyu hwedu. Kukura kwedu mumudzimu kunoenderana nokuti kufunga kwedu nezviito zvedu zvinotungamirirwa nomudzimu waMwari zvakadini. Tingasvika sei pakuva vakadaro? Tinofanira kuzarura mwoyo wedu nepfungwa kuti zvidzorwe nomudzimu waMwari. Izvi zvinosanganisira kuramba kwedu tichipinda uye kuva nezvatinoita mumisangano. Tinofanirawo kudzidza nokufungisisa zviri muShoko raMwari nguva dzose, tichibvumira nheyo dzaro kutungamirira kubata kwatinoita nevamwe uye zvisarudzo zvatinoita. Ipapo ndipo pachanyatsoonekwa kufambira mberi kwedu.

  • Ita Kuti Kufambira Mberi Kwako Kuonekwe
    Nharireyomurindi—2001 | August 1
    • a Mumutauro wepakuvamba shoko rokuti “chibereko” rakangonzi “muchero.”—VaGaratiya 5:22, Kingdom Interlinear Translation.

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe