“Rambai Muchifamba Savana Vechiedza”
“Pfekai hunhu hutsva hwakasikwa mukuwirirana nokuda kwaMwari mukururama kwechokwadi noruvimbiko.”—VAEFESO 4:24, NW.
1. Vanamati vaJehovha vakakomborerwa nechii? Nemhaka yei?
JEHOVHA MWARI ndi“Baba vezviedza,” uye “hamune rima maari.” (Jakobho 1:17; 1 Johane 1:5) Mwanakomana wake, Jesu Kristu, akati nezvake amene: “Ndini chiedza chenyika; unonditevera haangatongofambi murima, asi uchava nechiedza choupenyu.” (Johane 8:12) Vanamati vechokwadi vaJehovha, vateveri voMwanakomana wake, naizvozvo vakakomborerwa nokuvhenekerwa—mundangariro, mutsika, uye mumudzimu—uye vari “kupenya sezvivheneko munyika.”—VaFiripi 2:15, NW.
2. Musianoi uri pakati pavanhu vaMwari nenyika wakadeya kutaurwa?
2 Kare kare, muporofita Isaya akafuridzirwa kudeya kutaura uyu musiano: “Nokuti, tarira, rima richafukidza nyika, nerima guru marudzi avanhu; asi Jehovha uchabuda pamusoro pako, kubwinya kwake kuchaoneka pamusoro pako.” Kutaura idi, dzinza rose ravanhu rakaparadzaniswa naMwari rinotaurwa nezvaro seriri musimba nepesvedzero zva“madzishe enyika erima rino.”—Isaya 60:2; VaEfeso 6:12.
3. Tinofarira zvikuru zano raPauro rakakodzera nguva nokuda kwezvikonzeroi?
3 Muapostora Pauro aiitira hanya zvikuru kwazvo kuti maKristu biyake arambe akasununguka murima rakadaro. Akavakurudzira kuti “musaramba muchifamba savahedheni” asi kuti “rambai muchifamba savana vechiedza.” (VaEfeso 4:17; 5:8, NW) Akatsanangurawo kuti vaigona sei kubudirira mukuita ikoku. Nhasi, rima nerima guru zvinofukidza marudzi zvakura zvikuru. Nyika yanyura zvakadzama zvikuru mumatope okuparara kwetsika nokwomudzimu. Vanamati vaJehovha vane hondo yakaoma nenzira inowedzera yokurwa. Naizvozvo, tinofarira zvikuru izvo Pauro aifanira kutaura.
Dzidza Pamusoro paKristu
4. Chii icho Pauro airangarira apo akati: “Hamuna kudzidza Kristu saizvozvo”?
4 Pashure pokurondedzera zvirondwa zvisingabetseri nokusachena kwenyika, muapostora Pauro akatendeudzira ngwariro yake kumaKristu biyake omuEfeso. (Tapota rava VaEfeso 4:20, 21.) Pauro akanga apedza anenge makore matatu achiparidzira nokudzidzisa muguta iroro, uye anofanira kuva aiva akarovedzana somunhu oga navazhinji vomuungano yacho. (Mabasa 20:31-35) Nokudaro, apo akati, “Hamuna kudzidza Kristu saizvozvo,” akanga achitaura zivo yake yomunhu oga kuti maKristu eEfeso haana kudzidziswa rudzi rwamadiro, rwakaneteswa rwezvokwadi urwo rwaifuratira marudzi omufambiro wakaipa zvikuru uyo akanga arondedzera mundima 17 kusvikira ku 19. Aiziva kuti vakanga vadzidziswa zvakafanira uye zvakarurama nzira yechokwadi yechiKristu youpenyu sezvakaenzanisirwa naJesu Kristu. Nokuda kwechikonzero ichocho, vakanga vasingachafambi murima sezvaiita marudzi, asi vakanga vari vana vechiedza.
5. Chii chiri musiano uri pakati pokuva muzvokwadi nechapamusoro nokuva nezvokwadi matiri?
5 Kunokosha sei, ipapoka, ku“dzidza Kristu” nomutoo wakafanira! Pane nzira dzakaipa dzokudzidza nadzo Kristu here? Hungu, zvamazvirokwazvo. Pakuvamba, pana VaEfeso 4:14, Pauro akanga anyevera hama, kuti: “Tirege kuramba tichingova vacheche, tichizununguswa nokudzingwa nemhepo ipi neipi yokudzidzisa nokunyengera kwavanhu, namano, kuti vatsause nokunyengera.” Sezviri pachena kwakanga kune vamwe vakanga vadzidza pamusoro paKristu asi vaingofamba munzira dzenyika uye vakatoedza kunyengetedza vamwe kuita kudaro. Ikoku kunotiratidza ngozi yokungova chete muzvokwadi, sokushandisa kunoita vamwe kutaura kwacho, mukusiana nokuva nezvokwadi matiri here? Muzuva raPauro avo vaiva nenzwisiso yapamusoro bedzi vakapesvedzerwa zviri nyore uye nokukurumidza navamwe, uye zvimwe chetezvo ndezvechokwadi nhasi. Kudzivisa ikoku, Pauro akapfuurira kutaura kuti VaEfeso vaidikanirwa kuva ‘vakanzwa Kristu uye kuve vakanga vadzidziswa kupfurikidza naJesu.’—VaEfeso 4:21.
6. Tinogona sei kudzidza, kunzwa, uye kudzidziswa naKristu nhasi?
6 Kutaura kwokuti “kudzidza,” “kunzwa,” uye “kudzidziswa” kwakashandiswa naPauro kwose kunoreva mutoo wefundo nomuraidzo, somuchikoro. Chokwadika, hatigoni kunzwa, kudzidza kuna, kana kuti kudzidziswa nenzira yakananga naJesu amene nhasi. Asi ari kuitisa nhimbe yedzidzo yeBhaibheri yapasi pose kupfurikidza no“muranda wakatendeka, wakangwara” wake. (Mateo 24:45-47; 28:19, 20) Tinogona “kudzidza Kristu” zvakafanira uye zvakarurama kana tikapinza nguva dzose zvokudya zvomudzimu zvakakodzera nguva zvinogoverwa neboka romuranda, kuzvifunda nokushingaira kungava somunhu oga kana kuti muungano, kufungisisa pazviri, uye kushandisa zvatinodzidza. Ngativei nechokwadi chokuti tinoshandisa zvizere gadziriro dzose zvokuti tinogona nenzira yechokwadi kuti taka“munzwa uye takadzidziswa kupfurikidza naye.”—NW.
7. Irevoi ingaonwa mumashoko aPauro, okuti “zvokwadi iri muna Jesu”?
7 Kunofadza kuti pana VaEfeso 4:21, pashure pokusimbisa mutoo wokudzidza, Pauro akawedzera, kuti: “Seiri zvokwadi muna Jesu.” Vamwe vatsinhiri veBhaibheri vanodanira ngwariro kuidi rokuti Pauro akashandisa zvishoma zita chairo rokuti Jesu riri roga mumanyoro ake. Zvamazvirokwazvo, ichi ndicho chinoitika bedzi chokushandisa kwakadaro mutsamba kuvaEfeso. Pane revo chaiyo ipi neipi kuna ikoku here? Zvichida Pauro akanga achidanira ngwariro kumuenzaniso wakagadzwa naJesu somunhu. Yeuka kuti Jesu akamboti nezvake amene: “Ndini nzira, nezvokwadi, noupenyu.” (Johane 14:6; VaKorose 2:3) Jesu akati: “Ndini . . . zvokwadi” nemhaka yokuti haana kungoitaura chete nokuidzidzisa asi akararama mukuwirirana nayo uye akairatidzira. Hungu, uKristu hwechokwadi hausi pfungwawo chete asi nzira youpenyu. Ku“dzidza Kristu” kunobatanidza kudzidza kumutevedzera mukurarama mukuwirirana nezvokwadi. Unoumba upenyu hwako mukutevedzera Jesu here? Uri kusanotevera nhano dzake zuva nezuva here? Kupfurikidza nokuita kudaro bedzi tinogona kuramba tichifamba savana vechiedza.
“Kubvisa Hunhu Hwekare”
8. Muenzanisiroi uyo Pauro akashandisa pana VaEfeso 4:22, 24, uye nei wakakodzera?
8 Kuratidza kuti tinogona sei norubudiriro “kudzidza Kristu” uye kufamba savana vechiedza, Pauro akapfuurira kutaura, pana VaEfeso 4:22-24, kuti pane nhano nhatu dzakajeka dzatinofanira kutevera. Yokutanga yaidzodzi ndeiyi: “Munofanira kubvisa hunhu hwekare hunowirirana neyaichimbova nzira yenyu yomufambiro uye uhwo huri kushatiswa mukuwirirana nezvishuvo zvahwo zvinonyengera.” (VaEfeso 4:22, NW) Kutaura kwokuti “kubvisa” (“kupfekenura,” Kingdom Interlinear) uye “pfekai” (ndima 24, NW) kunopa mufanikiso wendangariro wokupfekenura uye kupfeka chipfeko. Uyu mutauro wokufananidzira uyo Pauro akashandisa kazhinji zvikuru, uye unoshanda. (VaRoma 13:12, 14; VaEfeso 6:11-17; VaKorose 3:8-12; 1 VaTesaronika 5:8) Apo chipfeko chedu chinosvibiswa kana kuti kushatiswa, zvakadai somukati mezvokudya, tinochichinja banza rokutanga ratinova naro. Hatifaniri kuitira hanya zvakaenzana pamusoro pokusvibiswa kupi nokupi kwomugariro wedu womudzimu here?
9. Munhu anobvisa hunhu hwekare munzirai?
9 Ipapoka, munhu anobvisa sei hunhu hwekare? Chiito chokuti “kubvisa” mumutauro wapakuvamba chiri muchinonzi chimiro chakapfuura. Chinoratidza chiito chinoitwa kamwe kana kuti kamwe nokusingaperi. Ikoku kunotiudza kuti “hunhu hwekare” (“munhu wekare,” Kingdom Interlinear), pamwe chete “neyaichimbova nzira yomufambiro,” hunofanira kubviswa nechiito chaicho nechakasimba, zvakakwana uye zvachose chose. Hachisati chiri chimwe chinhu icho tinogona kufungisisa zvinobudirira kana kuti kunyange kuzengurira pamusoro pacho. Zvokona nei?
10. Neiko munhu achifanira kutsiga uye kusimba mukubvisa hunhu hwekare?
10 Kutaura kwokuti “huri kushatiswa” kunoratidza kuti “munhu wekare” ari mumuitiro unopfuurira nounofambira mberi wokushata kwetsika, kubva pakuipa kuenda kukuipa zvikuru. Chaizvoizvo, nemhaka yokuramba kuvhenekera kwomudzimu, rudzi rwose rwomunhu rwuri kumonereka rwuchidzika. Uyu ndiwo muuyo wo“ruchiva runonyengera,” Pauro akataura. Zvishuvo zvenyama zvinonyengera nemhaka yokuti zvingaratidzika sezvisingakuvadzi, asi zvinoparadza pakupedzisira. (VaHebheru 3:13) Kana zvikasadzorwa, mugumo uchava kusvibiswa uye rufu. (VaRoma 6:21; 8:13) Ndicho chikonzero nei hunhu hwekare huchifanira kubviswa, kubviswa zvakasimba uye zvakakwana, nzira iyo chipfeko chekare, chakasviba chinobviswa nayo.
“Mudzimu [Mutsva] Wendangariro”
11. Kuvandudzwa kwomudzimu kunofanira kutanga kupi?
11 Munhu anobuda mugahwi ramatope anoda kwete bedzi kungobvisa mbatya dzake dzine tsvina asiwo kuzvishambidza amene zvakakwana asati apfeka chimwe chinhu chakanaka uye chakachena. Ndizvo chaizvo izvo Pauro akaonesa senhano yechipiri kukuvhenekerwa kwomudzimu: “Munofanira kuvandudzwa musimba rinonyandura ndangariro yenyu.” (VaEfeso 4:23, NW) Sezvaakaonesa pakuvamba, mundima 17 ne 18 (NW), marudzi ari kufamba “mukusabetsera kwendangariro dzawo” uye ari “murima mundangariro.” Nenzira ino mufungo, ndangariro, pakati pecherechedzo nenzwisiso, ndiko uko kuvandudza kunofanira kutanga. Ikoku kunogona sei kuitwa? Pauro akatsanangura kuti kuri kupfurikidza nokuvandudza simba rinonyandura ndangariro yedu. Chii chiri simba iroro?
12. Chii chiri simba rinonyandura ndangariro?
12 Simba rinonyandura ndangariro yedu, rinonongedzerwa kwariri naPauro, mudzimu mutsvene here? Aiwa. Chitsama chamashoko chokuti “simba rinonyandura ndangariro yenyu” chinorava chaizvoizvo kuti “mudzimu wendangariro yenyu.” Hapana muBhaibheri apo mudzimu mutsvene waMwari unotaurwa nezvawo sowomunhu kana kuti worutivi rwomunhu. Shoko rokuti “mudzimu” zvikurukuru rinoreva “chifemo,” asi rinoshandiswawo muBhaibheri “kureva simba rinoparira munhu kuratidzira chimiro chendangariro chakati, chimiro, kana kuti murangariro kana kuti kuita chiito chakati kana kuti nzira yakati.” (Insight on the Scriptures, Volume 2, peji 1026) Naizvozvo “mudzimu wendangariro” isimba rinosunda kana kuti rinonyandura ndangariro yedu, kombamiro yendangariro yedu timene nererekero.
13. Neiko kombamiro yendangariro yedu ichifanira kuvandudzwa?
13 Kombamiro nererekero zvomuzvarirwo zvendangariro isina kukwana yakananga kuzvinhu zvomuviri, zvokunyama, uye zvokudisa zvenyika. (Muparidzi 7:20; 1 VaKorinte 2:14; VaKorose 1:21; 2:18) Kunyange kana munhu akabvisa hunhu hwekare nemiitiro yahwo yakaipa, kombamiro yake yendangariro yokutadza kana ikasachinjwa nokukurumidza ichamusunda kudzokera kune zvaakasiya. Ichi hachisi chinoitika chavazhinji here vakaedza, somuenzaniso, kurega kusvuta, kunwisa, kana kuti mimwe miitiro yakaipa? Kana vasina kuita nhamburiko yokuvandudzwa musimba rinonyandura ndangariro yavo, kudzokera kwakadokuva kusingadzivisiki. Kushanduka chaikoiko kupi nokupi kunofanira kubatanidza kuchinjwa chose chose kwendangariro.—VaRoma 12:2.
14. Simba rinonyandura ndangariro rinogona kuvandudzwa sei?
14 Ipapoka, munhu anoita sei kuti simba iroro rivandudzwe kuti rigorerekeresa ndangariro yomunhu mugwara rakarurama? Chiito chokuti “muvandudzwe” murugwaro rwechiGiriki chiri muchimiro chazvino, richiratidzira chiito chinopfuurira. Naizvozvo kuri kupfurikidza nokupfuurira kufunda Shoko raMwari rezvokwadi uye kupfurikidza nokufungisisa pane zvarinoreva kuti simba rinonyandura rigone kuvandudzwa. Vezvesayenzi vanotiudza kuti muuropi hwedu, mashoko ari muchimiro chezviratidzo zvakarongwa zvamagetsi kana kuti zvamakemikoro zvinofamba kubva kuneuron kuenda kuneuron, zvichiyambuka zvikochekedzo zvizhinji zvinonzi synapses. “Yeuko yorudzi rwakati inosikwa patsinga dzamasynapse apo chiratidzo chakarongwa chinopfuura, chichisiya shure chiratidzo chacho chimene,” rinodaro bhuku rinonzi The Brain. Apo chiratidzo chimwe chetecho chinopfuura nguva inotevera, masero etsinga anochiziva uye anokurumidza zvikuru kudavidza. Mukufamba kwenguva, ikoku kunosika mutoo mutsva wokufunga mumunhu wacho. Sezvatinopfuurira mukupinza mashoko akanaka omudzimu, mutoo mutsva womufungo uri kuvakwa, uye simba rinonyandura ndangariro yedu riri kuvandudzwa.—VaFiripi 4:8.
“Pfekai Hunhu Hutsva”
15. Mupfungwai umo hunhu hutsva huri hutsva?
15 Pakupedzisira, Pauro anoti: “[Imi] pfekai hunhu hutsva hwakasikwa mukuwirirana nokuda kwaMwari mukururama kwechokwadi noruvimbiko.” (VaEfeso 4:24, NW) Hungu, muKristu anopfeka hunhu hutsva. “Hutsva” pano anonongedzera, kwete kunguva, asi kuvara. Ndiko kuti, hahusi hutsva mupfungwa yokuva rudzi rwazvino uno. Hunhu hutsva zvakakwana, hwakanaka “hwakasikwa mukuwirirana nokuda kwaMwari.” Pana VaKorose 3:10 (NW), Pauro akashandisa mutauro wakafanana uye akataura kuti huri “kuvandudzwa mukuwirirana nomufananidzo woUyo akahusika.” Uhwu hunhu hutsva hunovapo sei?
16. Nei kuchigona kutaurwa kuti hunhu hutsva “hwakasikwa mukuwirirana nokuda kwaMwari”?
16 Jehovha Mwari akasika vanhu vaviri vokutanga, Adhama naEvha, mumufananidzo Wake norufanano. Vakapiwa mavara etsika noomudzimu akavaparadzanisa uye pamusoro zvikuru pechisiko chemhuka. (Genesi 1:26, 27) Kunyange zvazvo kupandukira kwavo kwakapinza rudzi rwose rwomunhu muchivi nokusakwana, isu, savazukuru vaAdhama, tichine mano okuratidzira mavara etsika noomudzimu. Kuda kwaMwari ndiko kuti avo vanoshandisa kutenda muchibairo chorudzikinuro vanofanira kubvisa hunhu hwekare ndokufarikanya “kusunungurwa kwokubwinya kwavana vaMwari.”—VaRoma 6:6; 8:19-21; VaGaratia 5:1, 24.
17. Neiko kururama noruvimbiko ari mavara akatanhamara ohunhu hutsva?
17 Kururama kwechokwadi noruvimbiko ndiwo mavara maviri anotsaurwa naPauro saanoratidzira hunhu hutsva. Ikoku kunosimbisazve kuti hunhu hutsva huri kuvandudzwa mukuwirirana nomufananidzo woUyo akahusika. Pisarema 145:17 rinotiudza, kuti: “Jehovha wakarurama panzira dzake dzose, une nyasha pazvose zvaanoita.” Uye Zvakazarurwa 16:5 inoti pamusoro paJehovha: “Imi, Makarurama, muripo, namakanga muripo, Mutsvene, nokuti makatonga saizvozvo.” Zvirokwazvo, kururama noruvimbiko mavara anokosha kana tichizorarama mukuwirirana nokusikwa mumufananidzo waMwari, tichiratidzira mbiri yake. Ngativei vakafanana naZakaria, baba vaJohane Mubhapatidzi, akasundwa nomudzimu mutsvene kurumbidza Mwari nokuda kwokupa vanhu Vake “ropafadzo yokumuitira nenzira yokusatya basa rinoyera noruvimbiko nokururama.”—Ruka 1:74, 75, NW.
“Rambai Muchifamba Savana Vechiedza”
18. Pauro atibetsera sei kuona nzira dzenyika sezvadziri chaizvoizvo?
18 Takarangarira muudzame mashoko aPauro ari pana VaEfeso 4:17-24, tine zvizhinji zvokufunga pamusoro pazvo. Mundima 17 kusvikira ku 19, Pauro anotibetsera kuona nzira dzenyika sezvadziri chaizvoizvo. Vachiramba zivo yaMwari uye vachiomesa mwoyo yavo kwaari, avo vachiri munyika vakazvigura vamene pamanyuko echokwadi oupenyu. Somuuyo, vasina donzo rechokwadi kana kuti nhungamiro, kuedza kwavo kunogumira muupenzi nokusabetsera. Vari kuramba vachinyura zvikuru mukuparara kwetsika nokwomudzimu. Mugariro unonzwisa tsitsi zvakadini! Uye chikonzero chakasimba zvakadini chokuti titsunge kuramba tichifamba savana vechiedza!
19. Ikurudziroi yokupedzisira yatinayo kubva kuna Pauro yokuramba tichifamba savana vechiedza?
19 Ipapo, mundima 20 ne 21, Pauro anosimbisa ukoshi hwokudzidza zvokwadi muuchokwadi kuti tirege kungobatanidzwa chete nezvokwadi asi kurarama mukuwirirana nayo sezvakaita Jesu. Pakupedzisira, mundima 22 kusvikira ku 24, anotiraira kubvisa hunhu hwekare ndokupfeka hutsva—zvakasimba, zvakatsiga. Munguvayo, tinofanira kuramba tichipinza kombamiro dzedu dzendangariro munzira yakanaka, yomudzimu. Kupfuura zvose, tinofanira kutarira kuna Jehovha nokuda kwebetsero sezvatinoramba tichifamba savana vechiedza. “Nokuti Mwari, wakareva kuti ‘chiedza chibude parima,’ ndiye wakavhenekera mumwoyo yedu, kuti atipe chiedza chokuziva kubwinya kwaMwari kunoonekwa pachiso chaJesu Kristu.”—2 VaKorinte 4:6.
Unoyeuka Here?
◻ Tinogona sei “kudzidza Kristu” nhasi?
◻ Neiko hunhu hwekare huchifanira kubviswa zvakasimba?
◻ Chii chiri simba rinonyandura ndangariro, uye rinovandudzwa sei?
◻ Mavarai anoratidzira hunhu hutsva?
[Mufananidzo uri papeji 15]
Jesu akati: “Ndini nzira, nezvokwadi, noupenyu”
[Mufananidzo uri papeji 16]
“Bvisai hunhu hwekare nemiitiro yahwo”—kutsamwa, hasha, uipi, kutuka, kutaura kwakaipa, uye kureva nhema.—VaKorose 3:8, 9, NW
[Mufananidzo uri papeji 17]
“Pfekai hunhu hutsva . . . hwakasikwa mukuwirirana nokuda kwaMwari mukururama kwechokwadi noruvimbiko.”—VaEfeso 4:24, NW