Murangariro weBhaibheri
Kushatirwa Kwakaipa Here Nguva Dzose?
“HASHA kupenga kwechinguvana.” Nokudaro mudetembi weRoma wekare Horace akataura murangariro unozivikanwa wemimwe yakasimba zvikurusa yemirangariro yose. Nepo asati ari wose anobvuma kuti hasha rudzi rwokupenga kwechinguvana, vazhinji vanokurangarira sekwakashata nomutoo womuzvarirwo. Sapakuvamba pezana rechitanhatu ramakore N.V., mamongi eKaturike akanyora ndaza yakakurumbira ye“zvivi zvinomwe zvorudado.” Hasha, nomutoo usingashamisi, dzakawanika pandaza iyoyo.
Kuri nyore kuona chikonzero nei vakanzwa neiyi nzira. Bhaibheri rinotaura kuti: “Rega kutsamwa, urashe hasha.” (Pisarema 37:8) Uye muapostora Pauro akapangira ungano paEfeso kuti: “Shungu dzose, nokutsamwa, nehasha, nokupopota, nokutuka, nezvakaipa zvose, ngazvibviswe kwamuri.”—VaEfeso 4:31.
Ungashamisikawo zvikuru, kunyanguvezvo, ‘Ndizvo bedzi zviripo kumurangariro weBhaibheri pahasha here? Pashure pokurangarira zvose, Pauro haana kuporofitawo here kuti aya “mazuva okupedzisira” umo tinorarama aizova “nguva dzokutambudzika [dzakaoma kubata nadzo, NW]”?’ (2 Timotio 3:1-5) Mwari anotikarira zvomenemene here kurarama muidzi nguva apo vanhu vane ‘hasha, vasingadi zvinhu zvakanaka, vasina rudo chairwo’—uye ndokusatongoshatirwa kunyange zvishoma?
Murangariro Wakadzikama
Kubata kweBhaibheri iyi nhau hakuna kupfava zvikuru. Cherekedza, somuenzaniso, mashoko aPauro pana VaEfeso 4:26: “Tsamwai, musingatadzi.” Iyi ndima yaizova yakaoma zvikuru kunzwisisa kudai hasha dzaiva chose chose “chivi chorudado,” chiya chakakodzera chirango chisingagumi.
Pauro akanga achinokora mashoko kubva muPisarema 4:4 (NW), iro rinorava kuti: “Shatirwai, asi musatadza.” Mukuwirirana neVine’s Expository Dictionary of Biblical Words, shoko rechiHebheru rinoshandurwa pano kuti “shatirwa,” ra·ghazʹ, rinoreva ku“dedera nomurangariro wakasimba.” Asi murangariro wakasimba here? Wakanga uri hasha here? Mushanduro yeSeptuagint yePisarema 4:4, ra·ghazʹ rakashandurwa muchiGiriki sa“tsamwai,” uye izvozvo ndizvo izvo nomutoo wakajeka Pauro airangarira pano.
Neiko Bhaibheri raizobvumira nzvimbo nokuda kwehasha? Nemhaka yokuti hadzisi hasha dzose dzakashata. Murangariro wokuti, seizvo mumwe mutsinhiri weBhaibheri akataura, “hasha dzomunhu hadzitongovi madziri dzimene dzakarurama uye dzinobvumirwa” hausi wapaMagwaro. Nyanzvi yeBhaibheri R. C. H. Lenski akatsinhira nomutoo wakarurama VaEfeso 4:26, kuti: “Tsika dzinorambidza hasha dzose ndokuraira kudzikama kusingadzongonyedzwi mumugariro uri wose ndedzechiStoic uye kwete dzechiKristu.” Purofesa William Barclay nomutoo wakafanana akati: “Munofanira kuva nehasha muupenyu hwechiKristu, asi runofanira kuva rudzi rwakarurama rwehasha.” Asi chii chiri “rudzi rwakanaka rwehasha”?
Hasha Dzakarurama
Nepo hasha dzisati dziri rimwe ramavara makuru ake, Jehovha anorondedzerwa arondedzerwazve muMagwaro saanonzwa uye anoratidzira hasha dzake. Nokuda kwezvikonzero zviviri, kunyanguvezvo, hasha dzake dzakarurama nguva dzose. Kutanga, haatongotsamwi pasina hwaro hwakafanira. Uye chechipiri, anoratidzira hasha dzake munzira yeruramiso uye yakarurama, asingatongorasikirwi nokuzvidzora.—Eksodho 34:6; Pisarema 85:3.
Jehovha anotsamwiswa nokusarurama kwamaune. Somuenzaniso, akaudza vaIsraeri kuti kudai vaizoita vanyajambwa vakadzi navana vasina dziviriro, iye ‘nokusakundikana aizonzwa kuchema’ kwavakadai. Akanyevera kuti: “Kutsamwa kwangu kuchamuka.” (Eksodho 22:22-24; enzanisa naZvirevo 21:13.) Kufanana naBaba vake, Jesu akanga ane kunzwa kwomwoyo wose mumwoyo make nokuda kwavana. Apo vateveri vake vane vavariro dzakanaka vakaedza pane imwe nguva kudzivisa vana kumusvika, “Jesu akatsamwa” ndokuisa vana vacho mumaoko ake. (Marko 10:14-16) Nomutoo wakatanhamara, shoko rechiGiriki nokuda kwa“kutsamwa” pakuvambavamba rainongedzera ku“marwadzo omuviri kana kuti kushatiriswa.” Kunzwa kwakasimba zvamazvirokwazvo!
Kutsamwa kwakarurama nenzira yakafanana kwakanyandurwa mumwoyo waJesu apo akaona kuti vashambadzi navachinji vemari vakanga vachinja imba yaBaba vake yokunamatira kuva “bako ramakororo.” Akawisa matafura avo ndokuakandira panze! (Mateo 21:12, 13; Johane 2:15) Apo vaFarise navanyori vakaratidza itiro hanya huru nokuda kwokuregeredzwa kwemitemo yeSabata kupfuura vanorwara avo vaida betsero, Jesu “akakuvadzwa zvikuru sezvaakarangarira utsinye hwavo” uye “akatarira tarira muhasha pazviso zvakamupoteredza.”—Marko 3:5, Phillips.
Nomutoo wakafanana, Mosesi akatendeka wekare akazadzwa nokutsamwa kwakarurama pavaIsraeri vasina kuvimbika apo akakandira pasi mahwendefa oMutemo waMosesi. (Eksodho 32:19) Uye munyori akarurama Ezra akava akatsamwa zvikuru pamusoro pokusateerera kwavaIsraeri mutemo waMwari pamusoro peroorano zvokuti akabvarura nguvo dzake uye akadzura kunyange rimwe rebvudzi rake!—Ezra 9:3.
Vose avo vano“da zvakanaka” vanovavarira ku“venga zvakaipa.” (Amosi 5:15) Nokudaro, vaKristu nhasi vanganzwa hasha dzakarurama dzichiuya mumwoyo yavo apo vanoona mabasa amaune, okusatendeuka outsinye, unyengeri, kusatendeseka, kusavimbika, kana kuti kusaruramisira.
Kubata Hasha Nomutoo Wakafanira
Hakusi tsaona kuti Bhaibheri kazhinji kazhinji rinofananidza hasha nomwoto. Kufanana nomwoto, dzine nzvimbo yadzo. Asi dzinogonawo kuva dzinoparadza nomutoo wakashata. Kazhinji kazhinji zvikuru, mukusafanana naJehovha naJesu, vanhu vanonzwa hasha pasina hwaro hwakakodzera kana kuti vanoratidzira hasha dzavo munzira isina kururama.—Ona Genesi 4:4-8; 49:5-7; Jona 4:1, 4, 9.
Kuno rumwe rutivi, kungodzvinyirira hasha dzako uye kuedzesera kuti hadzipo kungava kusakaruramawo. Rangarira, Pauro akapa zano kuti: “Zuva ngarirege kuvira muchakatsamwa.” (VaEfeso 4:26) Pane nzira dzapaMagwaro dzokuratidzira nadzo hasha, zvakadai so‘kutaura nechomumwoyo mako,’ kutaura kunzwa kwako nomunhu akura waunovimba, kana kuti kunyange kutarisana nomutoo wakaterama nomuiti wechakaipa.—Pisarema 4:4; Zvirevo 15:22; Mateo 5:23, 24; Jakobho 5:14.
Naizvozvo, kuri kwakajeka zvikurusa kuti hakuna kushata nguva dzose kuva anoshatirwa. Vose vari vaviri Jehovha naJesu vakashatirwa—uye vachadarozve! (Zvakazarurwa 19:15) Kana tichizovatevedzera, tinganangana kunyange nemigariro umo kuri kwakashata kusashatirwa! Chinhu chinokosha chichava kutevera zano reBhaibheri, uchiva nechokwadi kuti tine hwaro hunoshanda nokuda kwokunzwa kwedu uye kuti tinokuratidzira munzira yakarurama, yechiKristu.
[Mufananidzo uri papeji 27]
Kaini naAbheri