Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Ndinogona Sei Kudzivisa Kutamba Noutere?
“Ndaiwanzonzwa kuti kwakanga kwakanaka kutsvoda nokupuruzira, kuti kwaiva bedzi nzira yokutaura kunzwa kwangu kukuru norudo. Ndakafunga kuti ndaigona kumira ndisati ndaita chinhu chipi nechipi chakakomba chakadai soufeve. Asi ndakanga ndisina kururama zvikuru.” Akanyora kudaro mukadzi muduku anonzi Valerie uyo akaita utere hwevatano.a
PWERE dzechiKristu dzinoziva kuti Bhaibheri rinoshurikidza vatano yapamberi peroorano. (1 VaKorinte 6:9, 10) Zvisinei, vamwe vangasaziva kuti Bhaibheri rinoshurikidzawo kutamba noutere hwevatano—kupinda mukuva pedyo uko kwakachengeterwa zvakajeka vakaroorana.b (VaGaratia 5:19) Ikoku kunoreva here kuti kwakaipa kuratidzira chidakadaka? Nyangwe napaduku pose hapo.
Bhaibheri rinotaura nhau yomusikana muShuramiti nomukomana mufudzi avo vakanga vakavimbisana. Nyengano yavo yakanga iri yakachena neyakanaka nomutoo usina mhaka. Bva, sezviri pachena vakapana ratidziro dzakati dzechidakadaka vasati varoorana. Rwiyo rwaSoromoni 1:2; 2:6; 8:5) Nhasi, vari kunyengana vanganzwa nomutoo mumwe chetewo kuti kubatana maoko nokumbundirana iratidziro dzakakodzera dzorudo apo roorano inoratidzika kuva yava pedyo.c
Kuri nyore zvikuru kunyange nokuda kwavaviri vane kariro dzinokudzwa kuti vanyandurwe zvikuru ndokuvamba kutamba noutere hwevatano. Vanogona sei kudzivisa kuita kudaro?
“Kuramba Wakarinda”
Pana Pisarema 119:9 (NW), wezvamapisarema akabvunza kuti: “Jaya richachenesa nzira yaro seiko?” Ndeipi iri mhinduro yacho? “Kupfurikidza nokuramba rakarinda mukuwirirana neshoko renyu.” Imwe nzira yokuramba wakarinda ndeyokungwarira avo vari shamwari dzako. “Shamwari dzangu dzinondipesvedzera nguva dzose kuita ufeve,” anodaro mumwe mukomana weAmerica anonzi Nakia. Bhaibheri rinonyevera kuti: “Shamwari yamapenzi inoshatiswa.” (Zvirevo 13:20) Imwe magazini yepwere nokudaro yakapa zano rakanaka apo yakati: “Shandira pakutsvaka shamwari itsva idzo dzinogoverana zvinokosha zvako.”
Imwe nzira yokuramba wakarinda kudzivisa migariro inobvumiranisa pane zvisakafanira. Rangarira chakaitika apo mufudzi anodiwa womusikana muShuramiti akamukoka pakushanya kworudo. Sundo dzake dzakanga dzisina mhaka zvikuru; aida bedzi kufarikanya runako rwechirimo naye. Kunyange zvakadaro, hanzvadzi huru dzomusikana muShuramiti ‘dzakamutsamwira.’ Kwete kuti vakanga vasingavimbi vaviri vacho. Asi vaisanoziva miedzo iyo yaigona kumuka kudai vaviri vacho vakanga vabvumirwa kuva voga mumugariro worudo. Chii chaiva chigadzikiso? Hanzvadzi huru dzakaputsa rangano dzorudo dzavaviri vacho ndokupa hanzvadzi yavo basa rinoraira iro raizomuita kuti arambe akabatikana nguva dzose.—Rwiyo rwaSoromoni 1:6; 2:8-15.
Kuva moga mumugariro worudo kunoramba kuchiparira ngozi nhasi. Mumwe muyaruki watichadana kuti Mary anoyeuka kuti: “Apo taivhakacha, taiwanzova nomuperekedzi.” Pane chimwe chinoitika, kunyanguvezvo, vakazviwana vamene vari voga mufurati. “Takanyandurwa. Hwaingova bedzi upenzi kwatiri kurega ikoko kuchiitika. Taiva nechimiro chendangariro chokuti ‘hakungaitiki kwatiri.’ Eya, zvino ndinoziva kuti unofanira kuva nomuperekedzi nguva dzose, hazvinei kuti mumugariroi. Ita dzimwe gadziriro kana usingagoni kuwana munhu upi noupi wokuenda newe. Takarega kurinda kwedu.”
Musarega kurinda kwenyu! Kana uchinyenga mumwe munhu, ronga misi yokuvhakacha yako nokungwarira. Kana kuchibvira, vhakachayi mumapoka, kana kuti omererai pakuva nomuperekedzi. Dzivisai migariro ine ngozi, yakadai sokuva moga mumotokari yakapakwa kana kuti mufurati. Kufarikanya ushamwari hwomumwe nomumwe pashanyo kumamuyuziyemu, tumahotera, maskating rink, zvichingunodaro zviri kazhinji kazhinji zvakakotsekana. Nomutoo wakafanana, ungarangarirawo mashoko aHosea 4:11: “Waini newaini itsva zvinobvisa njere.” Sezvo doro richirerekera kuderedza kuzvidzora, kunoita mufungo wakanaka kuva anongwarira zvikuru kana toreva nezvokushandiswa kwaro kunyange kana wakura zvapamutemo zvakakwana.
Kugadza Miganho
Zvirevo 13:10 inopa chimwe chikamu chinokosha chezano apo inoti: “Uchenjeri huri kuna vanotenda kurairirwa.” Usamira kusvikira wava mumugariro worudo unokuchidzirwa nemirangariro yokunyanyisa kugadza mitemo yehwaro. Vaviri vari kunyengana vanochenjera kugadza miganho pachine nguva mberi, vachikurukura nomutoo wokutendeseka ratidziro dzechidakadaka dziri dzakakodzera. Vose vari vaviri, zvisinei, vanofanira kutevera nheyo iri pana VaEfeso 4:25: “Mutaure zvokwadi, mumwe nomumwe kuno wokwake.”
Ngatitii, somuenzaniso, mukadzi muduku anonzwa kuti ukama hwake nomurume muduku hwasvika papfundo apo kutsvoda kwakanaka kuri kwakakodzera. Murume muduku wacho anganzwa, zvisinei, kuti achirangarira mamiriro emirangariro yake, kutsvoda kwaizova bedzi muedzo wakanyanyisa. Achitya kurambwa kana kuti zvimwe kunzwa musengwa wokumufadza, angarwisana nechisarudzo chake chiri nani. Asi sezvakungaratidzika sokunokwenudza kwaari, anofanira kutaura chokwadi ndokutaura kunzwa kwake kwechokwadi muna ikoku. Sezvo rudo rwechiKristu ru“singazvitsvakiri zvarwo,” mumwe nomumwe anofanira kuremekedza kunzwa kwomumwe—uye hana—muiyi nhau. (1 VaKorinte 13:5; 1 Petro 3:16) Sezvinobvumwa, kutaura pamusoro penhau inotapura yakadaro kunogona kuva kwakaoma nokunokwenudza, zvikurukuru munhanho dzapakuvamba dzenyengano. Asi kunogona kuita zvakawanda kudzivisa zvinetso zvakakomba kubva mukuitika gare gare. Nomutoo unofadza, kukwanisa kwenyu kukurukurirana ndokuedza kusvika mhedziso nekurukurirano muidzi nhau kungabatirawo sechiratidzo chokuti ukama hwacho hune bviro yakadini nokuda kweroorano yakasimba.
‘Waizokuita Kudai Waindida’
Pane dzimwe nguva, kunyanguvezvo, pasinei zvapo nekariro dzakanakisisa, mugariro unovamba kuva unonyandura zvikuru. Zvino ndiyo nguva yokuti utaure! Nomutsa asi nokutsiga bopa mabhureki, sokunge zvakadaro. Ibva kana kuri madikanwa. (Enzanisa naZvirevo 23:2.) Zvakadiniko kana munhu wauri kunyenga akaramba kuremekedza miganho ine mifungo ndokupfuurira kukumanikidzira kunyanyisa? Kunosuruvarisa, kuti dzimwe pwere dzakanyengerwa nokutaura kunonyengedza zvakadai sokuti, ‘Waizokuita kudai waindida’ kana kuti, ‘Munhu ari wose ari kukuita’ kana kuti kunyange kuti, ‘Tiri kuroorana nokukurumidza, naizvozvo chii chakashata?’ Somunguva dzeBhaibheri, kune avo vanoedza kunyengedza ‘nokubata kumeso kwemiromo yavo.’ (Zvirevo 7:21; enzanisa nePisarema 5:9.) Usabvumirana nokutaura kwepesvedzero yetyisidziro!
Kutanga, mumwe munhu uyo anokuda chaizvoizvo haasati achizotongokumanikidzira kuita chimwe chinhu icho chinoputsa hana yako yechiKristu kana icho chinokuita unzwe zvisina kunaka. (1 VaKorinte 13:5) Chechipiri, kunongova kusiri kwechokwadi kuti ‘munhu ari wose ari kukuita.’ Uye kunyange kudai munhu ari wose aikuita, ikoku hakusati kwaizotongoreva kuti iwe unofanira kukuita. Yeuka nheyo iri pana Eksodho 23:2: “Usatevera vazhinji pakuita zvakaipa.”
Kana dziri vimbisano dzeroorano, hapana apo Magwaro anopa vakavimbisana bvumo yokuita savanhu vakaroorana. Kunze kwezvo, cherekedza zviverengero zvinosuruvarisa zvakashumwa mubhuku rinonzi The Compleat Courtship, rakanyorwa naNancy Van Pelt: “Inopfuura 33 muzana yavasikana vane ruzivo rwokuzviwanira mune zvevatano vanodavira kuti apo vakatanga kuva nevatano vaizoroorwa nomukomana wacho—asi vashoma vavo vakaroorwa. Zvisinei, 7 muzana bedzi yavakomana vanoshingaira mune zvevatano vakanzverwa vaifunga kuti vaizoroora mukadzi muduku wacho. Chimwe chezvinhu zviviri chakanga chichiitika—zvichida aizvinyengedza amene kana kuti akanga asingatauri chokwadi. Ita chisarudzo chako.” Chirevo chokuchenjera chinoti: “Usina mano unotenda mashoko ose; asi wakangwara unongwarira mafambiro ake.”—Zvirevo 14:15.
Apo Unonyandurwa
Pwere yeGerman inonzi Thomas inobvuma, kuti: “Ndakanga ndiine musikana akadzikama, uye takapinda mukubhabhadzira kukuru. Asi nguva dzose tairatidzika kumira pashure penguva yakati. Ikoku kwakandipa kunzwa kwokuti ndaigona kuzvidzora ndimene.” Nyengedzo iyoyo yakatungamirira kukupinda kwake muutere hwevatano. Yeuka nyevero yeBhaibheri: “Naizvozvo, unoti ndinomira, ngaachenjere kuti arege kuwa.”—1 VaKorinte 10:12.
Zvakadini kana vaviri vakawira mumufambiro usina kukodzera? Murume muduku anonzi John anoti: “Apo wandakavimbisa kuroora neni takatanga kunyengana, mufambiro wedu wakanga wakachena uye wakaramba uri pamwero wakakwirira. Asi imwe nguva takatanga kutsvodana nokubhabhadzira—kusvika kunodokuva kupfundo rokuita ufeve. Paiva ipapo apo ndakasarudza kutaura nomumwe wavakuru muungano yangu.” Hungu, apo vaviri vanobvumira zvinhu kusvika kure kwakadaro, vose vanoda betsero! Musazvinyengera mumene mukufunga kuti munogona kupedza chinetso chacho moga. “Ndainyengetera, ‘Tibetserei kusakuita zvakare,’” inobvuma kudaro imwe pwere. “Padzimwe nguva kwaizoshanda, asi kashomanene hakuna kushanda.” Bhaibheri nokudaro rinopa zano rakanaka apo rinoti: “Ngaadane vakuru vekereke.” (Jakobho 5:14) Ava vatariri vechiKristu vanogona kupa betsero ipi neipi, zano, kana kuti tsiuro iri madikanwa kuwana ukama hwako nomumwe nomumwe—uye, zvinokosha zvikuru, naMwari—kudzokera mugwara rakarurama.
Kuri nani zvikuru, kunyanguvezvo, kuita dziviriro dzakakodzera, kugadza miganhu pachine nguva mberi, uye kuva akatsunga kugara wakachena mumeso aMwari. Muiyi nzira unogona kudzivisa ngwavaira.
[Mashoko Omuzasi]
a Mamwe amazita akachinjwa.
b Ona nyaya inoti “Vechiduku Vanobvunza Kuti . . . ‘Kupfuura Ganhuriro’ Kunosvika Papi?” muchinyorwa chedu chaNovember 8, 1993.
c Mune mamwe mativi enyika, ratidziro dzapachena dzechidakadaka pakati pavanhu vamwe navamwe vasina kuroorana dzinorangarirwa kuva dzisina kukodzera uye dzinogumbusa. VaKristu vanoitira hanya kusaita nenzira ipi neipi iyo ingagumbusa vamwe.—2 VaKorinte 6:3.
[Mufananidzo uri papeji 25]
Vaviri vakachenjera vachati aiwa kuratidziro dzisina kukodzera dzechidakadaka