Apo Mashoko Anova Zvombo
“Mumwe uriko unotaura nokusarangarira zvinobaya somunondo.”—ZVIREVO 12:18.
“MUKATI mevhiki shomanene pashure pomuchato, zvakatanga,” anodaro Elaine.a “Kutaura kusina mutsa, tsinhiro dzokuzvidza, uye nhamburiko dzokundinyadzisa. Ndakanga ndisingaenzani nomurume wangu. Ndangariro yake inokurumidza norurimi runokurumidza zvaigona kumonyanisa nokushatisa chinhu chiri chose chandaitaura.”
Muroorano yake yose Elaine akarohwa nokurova kunokuvadza zvishoma nezvishoma kusingasiyi mavanga nokupisa tsitsi zvishomanene. Nenzira inosuruvarisa, mamiriro ake ezvinhu haana kunaka nokufamba kwenguva. “Tave takaroorana zvino kweanopfuura makore 12,” anodaro. “Hapana zuva rinopfuura asina kunditsoropodza nokundituka, achishandisa kutaura kwehasha, kwakaora.”
Bhaibheri harisi kukatutsira apo rinotaura kuti rurimi runogona kuva “chinhu chakaipa chinoshanduka-shanduka, chizere nomuti unouraya.” (Jakobho 3:8; enzanisa naPisarema 140:3.) Ikoku ndekwechokwadi zvikuru muroorano. “Upi noupi akati ‘miti nematombo zvinogona kuvhuna mapfupa angu asi mashoko haangatongogoni kundikuvadza’ akanga asina kururama chose chose,” anodaro mudzimai anonzi Lisa.—Zvirevo 15:4.
Varume vanogonawo kuva nyajambwa wokudenhwa nemashoko. “Unoziva zvakwakaita here kugara nomukadzi anogara achikuti uri murevi wenhema, uri benzi kana kuti zvakatoipa zvikuru?” anobvunza kudaro Mike, ane roorano yemakore mana naTracy yakananga kukurambana. “Handigoni kudzokorora pane vanyarikani zvinhu zvaanotaura kwandiri. Ndicho chikonzero nei ndisikutaura kwaari uye nei ndichinonoka kwazvo ndiri kubasa. Kwakakotsekana zvikuru kupfuura kuuya kumba.”—Zvirevo 27:15.
Nechikonzero chakanaka, muapostora Pauro akarayira vaKristu, kuti: “Kupopota, nokutuka, . . . zvose ngazvibviswe kwamuri.” (VaEfeso 4:31) Asi “kutuka” chii? Pauro anokusiyanisa noku“popota” (ChiGiriki krau·geʹ), uko kunoreva kungosimudza inzwi. “Kutuka” (ChiGiriki, bla·sphe·miʹa) kunonongedzera zvikuru kuzviri mukati meshoko racho. Kana kuri kwoutsinye, kworuvengo, kwokuzvidza, kana kuti kunyomba, ipapo kutuka—kana kuchibuda mukupopota kana kuti muzevezeve.
Maronda Emashoko
Tsika yokutaura kwehasha inogona kusekesa roorano, kungofanana nemafungu egugwa anogona kukukura dombo rakaoma. “Kukomba zvikuru nokuitika kwenguva refu,” anonyora kudaro Dr. Daniel Goleman, “ngozi yacho inova huru zvikuru. . . . Kutsoropodza kwomuitiro nokuzvidza kana kuti kushora zviratidzo zvengozi nemhaka yokuti zvinoratidzira kuti murume kana kuti mudzimai aita rutongeso rwechinyararire rwezvakaipa zvikuru pamukwanyina wavo.” Sezvo chidakadaka chinoderera, murume nomudzimai vanova, sezvinotaura rimwe bhuku, “vakaroorana pamutemo, asi kwete mumurangariro.” Pashure penguva yakati, vangava vasisina kutongoroorana.
Kutuka, zvisinei, kunogona kutapura zvinopfuura roorano imene. Chimwe chirevo cheBhaibheri chinoti: “Asi mweya unoputswa nomwoyo une shungu.” (Zvirevo 15:13) Dzvinyiriro inobva mukugarorovanywa nemashoko anokuvadza inogona kukuvadza utano hwomunhu. Somuenzaniso, imwe nzvero yakaitwa neUnivhesiti yeWashington (U.S.A.) yakaratidza kuti mukadzi anogara achitukwa angava asingatani kubatwa nedzihwa, kuva nezvinetso zvedundira, Yeast Infections, uye kurwadza kwomudumbu.
Madzimai mazhinji akatsungirira zvose zviri zviviri kutukwa nokurohwa anotaura kuti mashoko anogona kurwadza zvikuru kupfuura zvibhakera. “Maronda okurova kwake anozopora pakupedzisira oenda,” anodaro Beverly, “asi handisati ndichizotongokanganwa zvinhu zvisingatauriki zvaakataura pamusoro pechitarisiko changu, mabikire angu, matarisire andinoita vana.” Julia anonzwa nenzira imwe cheteyo zvikuru. “Ndinoziva kuti kunonzwika sokupenga,” anodaro, “asi ndingasva ndada hangu kuti andirove zvopera pane kuti nditambure nokufunganya.”
Asi nei vamwe vanhu vachidenha nokutuka mumwe munhu wavakabvuma kuti vanoda? Nyaya inotevera icharangarira mubvunzo uyu.
[Mashoko Omuzasi]
a Mamwe mazita munhevedzano ino yenyaya akachinjwa.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 20]
“Ndingasva ndada hangu kuti andirove zvopera pane kuti nditambure nokufunganya”
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 20]
“Unoziva zvakwakaita here kugara nomukadzi anogara achikuti uri murevi wenhema, uri benzi kana kuti zvakatoipa zvikuru?”