Murangariro weBhaibheri
Kuzviisa Pasi Kwomudzimai Kunorevei?
SHOKO raMwari, Bhaibheri, rinoti pana vaEfeso 5:22: “Imi vakadzi, muzviise pasi pavarume venyu chaivo, sezvamunoita kunaShe.” Ikoku kunorevei chaizvoizvo? Mudzimai anofanira kuzviisa pasi pechinhu chiri chose icho murume anoda here, pasinei zvapo nechipi nechipi? Ko iye haatongogoni kushandisa kutanga kwake amene kuita zvinhu kana kuti kuva nemifungo inosiyana neyake here?
Rangarira nhoroondo yeBhaibheri yaAbhigairi. Akaita nokuchenjera asi zvichipesana nezvido zvemurume wake wakapfuma, Nabhari. Pasinei zvapo nemutsa wakaratidzwa Nabhari navateveri vaDhavhidhi, uyo akanga ari chisarudzo chaMwari kuti ave mambo waIsraeri, Nabhari akanga “avatuka kwazvo.” Dhavhidhi, atsamwiswa nokusaonga kwaNabhari, akanga agadzirira kumuuraya. Abhigairi akaziva kuti imba yake yose yakanga yavamungozi. Akapfavisa Dhavhidhi. Sei?—1 Samueri 25:2-35.
Abhigairi akabvuma kuna Dhavhidhi kuti Nabhari akanga ari “munhu wakaisvoipa kwazvo” uye akapa Dhavhidhi mbuva iyo Nabhari akanga achengeta. Kazhinji kazhinji, kwakaipa kuti murume kana kuti mudzimai azivise mhosho dzomukwanyina. Abhigairi akanga ari mupandukiri here mukutaura nokuita nenzira iyoyi? Aiwa. Iye akanga achiedza kuponesa upenyu hwaNabhari neimba yake. Hapana chinokarakadza kuti iye akaita muitiro wokusaremekedza kana kuti wokuzvimirira. Uyewo Nabhari akanga akaoma kufadza haana kutaura kusagutsikana kupi kana kupi nenzira yaakatarisira nayo pfuma yake huru. Asi muuyu mumirire wezvinhu une njodzi, uchenjeri hwakarayira kuti iye atevere kutanga kwake amene kuita zvinhu. Uyezve, Bhaibheri rinotaura nokutendera izvo Abhigairi akaita.—1 Samueri 25:3, 25, 32, 33.
Kare zuva raAbhigairi risati rasvika, pakanga pane nguva apo vadzimai vemadziteteguru ekare vakataura mirangariro uye vakaita zviito zvakasiyana neizvo varume vavo vaida. Bva, ava “vakadzi vatsvene vaitarira kuna Mwari” vanoratidzwa semienzaniso yokuzviisa pasi kwomudzimai wechiKristu. (1 Petro 3:1-6) Somuenzaniso, apo Sara akafunga kuti mwanakomana waAbrahama Ishmaeri akanga ava tyisidziro kumwanakomana wavo, Isaka, akasarudza kuti Ishmaeri anofanira kudzingwa. Ikoku kwakanga “kusingafadzi Abrahama.” Asi Mwari akati kuna Abrahama: “Ngazvirege hazvo kuva zvakaipa kwauri nokuda kwomwanakomana . . . Uteerere Sara pazvinhu zvose zvaanotaura kwauri.”—Genesi 21:11, 12.
Nzwisiso Inodikanwa
Kwaisazova chinhu chakanaka, ipapoka, kuti mudzimai anzwe achidzvinyirirwa kuita izvo anoziva kuti kusachenjera zvikuru kana kuti kuputswa kwenheyo dzoumwari, muzita rokuzviisa pasi. Uyewo haafaniri kuitwa kuti anzwe ane mhaka nokuda kwokutanga kuita chiito muzvimwe zvinhu zvinokosha, sezvakaita Abhigairi naSara.
Kuzviisa pasi kwomudzimai hakurevi kuti mudzimai anofanira nguva dzose kuwirirana nechinhu chiri chose murume anoda. Chii chinoita musiyano wacho? Apo nheyo dzakarurama dzinenge dziri mungozi, iye angafanira kusabvumirana nomurume wake. Kunyange zvakadaro, iye anofanira kungoratidzira chimiro chendangariro chikuru chokuzviisa pasi kwoumwari.
Chokwadika, mudzimai anofanira kungwarira kuti arege kufuratira zvido zvomurume wake neune, pfini, kana kuti dzimwe vavariro dzakashata. Iye anofanira kunzwisisa, “akanaka,” sezvakanga zviri Abhigairi.—1 Samueri 25:3.
Apo Murume Anodzivisa Basa
Vavariro huru uye mudzimu wokuzviisa pasi kwoumwari kwomudzimai ndeyokufadza Jehovha kupfurikidza nokubatira pamwe nomurume wake uye kutsigira zvisarudzo zvake. Ikoku kuri nyore zvikuru apo murume anenge akakura mumudzimu. Kunogona kuva denho kana asati.
Muchinoitika chino, iye anogona sei kugonana nako? Angamukumbira zvapachokwadi kana kuti kukarakadza zviri zvisarudzo zvichabetsera mhuri zvikurusa. Kana akamurega ‘achitungamirira ngarava,’ iye angava ane unyanzvi pakuri. Kunetsa murume nguva dzose kunoputsa chimiro chendangariro chokuzviisa pasi kwakafanira. (Zvirevo 21:19) Bva, kana garikano yemhuri ichiiswa mungozi nenzira yakajeka nomuitiro wake, iye angasarudza kurumbidza, seizvo Sara akaita, nzira yakaruramiswa.
Kana murume wacho ari asingatendi, denho yacho kumudzimai yakatokura. Zvisinei, iye anofanira kuzviisa pasi chero bedzi asingamukumbiri kuputsa mitemo yeBhaibheri. Kana iye akaita kudaro, chiito chomudzimai wechiKristu chinofanira kuva chakafanana neicho chavadzidzi apo dare rakavarayira kuputsa mirayiro yaMwari: “Tinofanira kuteerera Mwari kupfuura vanhu.”—Mabasa 5:29.
Nemhaka yeshaikwo yoruzivo rwokuzviwanira uye uchenjeri hwakaganhurirwa, zvisinei, kunyange varume vane vavariro dzakanaka nevadzimai vanogona kudarika mabasa avo. Murume angasava nokurangarira; mudzimai angamudzvinyirira zvikuru nokuda kwezvaanoda. Chii chichabetsera? Murangariro une mwero wako umene unokosha nokuda kwavose vari vaviri, sezvo “tinogumburwa tose pazvinhu zvose.”—Jakobho 3:2.
Varume vazhinji vachasvika pakuonga kutanga kuita zvinhu kwokutendeseka kwomudzimai kana iye akakushandisa nokuchenjera. Uye batira pamwe inowedzerwa kana vose vari vaviri vakakumbira ruregerero apo vanoita mhosho. Sezvo Jehovha achikanganwira kudarika kwedu kwezuva nezuva, naizvozvo tinofanira kukanganwira vamwe. “Dai imi Jehovha, mairangarira zvisakarurama, ndianiko airamba amire, Ishe? Asi kukanganwira kuriko kwamuri.” Pisarema 130:3, 4.
“Muchizviisa Mumwe Pasi Pomumwe”
Mufariro dzedu dzakanakisisa, ipapoka, Magwaro anonyevera, kuti: “Muchizviisa mumwe pasi pomumwe muchitya Kristu.” Ipai mumwe nomumwe ruremekedzo rworudo; usadzivisa kana kuti kukwikwidza. Rugwaro rwacho runopfuurira, kuti: “Imi vakadzi, muzviise pasi pavarume venyu chaivo, sezvamunoita kunaShe. Nokuti murume musoro womukadzi, saKristuwo musoro wekereke.”—VaEfeso 5:21-23.
Shoko rechiGiriki rakashandiswa naPauro pana vaEfeso 5:21, 22 rinoreva kuzviisa umene pasi, pasina kumanikidzwa kuzviisa pasi. Uye kuzviisa pasi kwacho kuri nokuda kwaShe, kwete chete netsinhirano yeroorano. Ungano yakazodzwa yaKristu inozviisa imene pasi nokuzvidira, nokufara paKristu. Apo mudzimai anoita zvimwechetezvo nokuda kwomurume wake, ipapo roorano sezvingabvira zvikuru ichava inofara neinobudirira.
Magwaro anotiwo: “Asi imiwo [varume], mumwe nomumwe ngaade mukadzi wake zezvaanozvida iye,” zvikuru. (VaEfeso 5:33; 1 Petro 3:7) Murume anofanira kurangarira kuti iyewo anofanira kuzviisa pasi pomusoro wake, nokuti Bhaibheri rinoti: “Musoro womurume mumwe nomumwe ndiKristu.” Hungu, murume anofanira kuzviisa pasi pedzidziso dzaKristu. Kristuwo, anozviisa pasi pomusoro wake: “Musoro waKristu ndiMwari.” Nokudaro, munhu ari wose kunze kwaJehovha ane musoro. Uye kunyange akaomerera amene kumitemo yake.—1 VaKorinte 11:3; Tito 1:2; VaHebheru 6:18.
Kuzviisa pasi kwechiKristu kwakadzikama uye kunobetsera kuvose vari vaviri vane mitezo yokubereka nayo yakasiyana. Kunounza kuroorano tsinhirano negutsikano izvo Musiki wedu bedzi ane rudo anogona kugovera.—VaFiripi 4:7
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 26]
Leslie’s