Mvura Inotubuka Kuti Ipe Upenyu Husingaperi
“Munhu wose anonwa mvura yandichamupa haazombovizve nenyota, asi mvura yandichamupa ichava maari tsime remvura inotubuka kuti ipe upenyu husingaperi.”—JOHANI 4:14.
“TIRI pamwedzi takangoerekana tava kuona nyika yedu, . . . yaiva yakaita bhora, iri yebhuruu, yakajeka iine mavara machena, ichisimuka zvishoma nezvishoma sezvinoita parera duku rinobwinya riri pane rima.”—Edgar Mitchell, anoenda muchadenga kunoongorora, achitsanangura nyika kana uchiiona uri muchadenga.
Chii chinoita kuti nyika yedu ipenye zvakadaro zvokuti zvakaita kuti munhu uyu adetembe saizvozvo? Imvura iri pachikamu chakakura zvikuru chepasi redu. Chaizvoizvo, mvura haingoiti kuti nyika yedu iratidzike zvakanaka; asi inobatsirawo kuti zvisikwa zviri panyika zvirarame. Kutaura zvazviri, muviri womunhu unoumbwa neinenge 65 muzana yemvura. Saka richitaura nezvemvura, bhuku rinonzi Encyclopædia Britannica rinoti: “Ndiyo inoraramisa, inobatsira pazvose zvinoitika kuzvinomera uye kumhuka.”
Tsime remvura yepanyika haripwi nokuti rinogara richizvichenesa. Bhuku rinonzi The World Book Encyclopedia rinoti: “Rinenge donhwe roga roga remvura yatinoshandisa rinodzokera kumakungwa. Ikoko inopiswa nezuva yokukwira mudenga. Inozodzokazve pasi yava kunaya. Mvura inogara ichishandiswa. Haimboperi.” Makore anenge 3 000 akapfuura, uku kutenderera kwemvura kunoshamisa kwakatsanangurwa muBhaibheri, kuti: “Hova dzose dzomuchando dzinoenda kugungwa, asi gungwa harizari. Kunobva hova dzomuchando, ndiko kwadzinodzokerazve.” Chokwadi uhwu unyanzvi hwokusika hunoonekwa pakutenderera kunoita mvura!—Muparidzi 1:7.
Tichifunga nezvokukosha kunoita mvura muupenyu uye nzira inoshamisa yatinoiwana nayo, hatifaniri kushamiswa patinoona ichitaurwa nezvayo kanopfuura ka700 muBhaibheri. Bhaibheri rinowanzotaura zvinokwanisa kuitwa nemvura, kunyanya simba rayo rokuchenesa uye kutsigira upenyu, zvichimiririra kunamata kwatinoita Jehovha uye ukama hwedu naye.—Isaya 58:11; Johani 4:14.
Simba reBhaibheri Rokuchenesa
VaIsraeri vaizivikanwa nokushambidzika nokuti vaigara vachigeza uye kuwacha nemvura. Vaiva netsika yokuti munhu ageze tsoka dzake paanopinda mumba kuti anodya. (Ruka 7:44) Kuwedzera pakuzvichenesa uye kuchenesa zvinhu zvavo, vaIsraeri vaishandisawo mvura kuzvichenesa mutsika. Vapristi vaishanda patebhenekeri vaifanira kugara vachigeza uye kuwacha nguo dzavo. (Eksodho 30:18-21) Gare gare, patemberi muJerusarema, Soromoni akagadzira “dziva resimbi” rendarira raigara richitakura marita zviuru 44 emvura, yaikwana kuita zvose zvaidiwa pakuchenesa kwainzi noMutemo waMwari kuitwe. (2 Makoronike 4:2, 6) Kushandiswa kwemvura saizvozvo kunorevei kuvaKristu nhasi?
Muapostora Pauro akatsanangura kuti Jesu akanga achenesa ungano yechiKristu “nemvura achishandisa shoko.” Chokwadi cheShoko raMwari chine simba rokuchenesa mutsika uye mune zvokunamata, sokuchenesa kunoita mvura. Kuchenesa uku kunoita kuti vateveri vaJesu vasare vari ‘vatsvene vasina gwapa.’ (VaEfeso 5:25-27) Saka, vose vanoda kufarirwa naMwari vanofanira kurwisa kuti varambe ‘vasina ruvara uye vasina gwapa’ mutsika uye mune zvokunamata. (2 Petro 3:11, 14) Shoko raMwari rinovabatsira sei kuti vaite izvi?
Vaya vanoda kufadza Jehovha Mwari vanowana zivo, inofananidzwa nemvura, nokugara vachidzidza Bhaibheri. Kana zivo iyoyo yapinda mupfungwa uye yagara pamwoyo, inoita kuti vanhu vacho vave nechido chakasimba chokuita zvinotaurwa neBhaibheri, kuti: “Shandurwai nokuchinja pfungwa dzenyu, kuti muedze, muzive zvinodiwa naMwari zvakanaka, zvinogamuchirika uye zvakakwana.”—VaRoma 12:2.
Zivo yakarurama yezvinodiwa naMwari inoita kuti vanhu vakadaro vazive mavane gwapa uye ruvara mune zvavanoita uye mumafungiro avo. Pavanoshandisa zvinotaurwa neBhaibheri muupenyu hwavo kwenguva yakati, Shoko raMwari richavabatsira ‘kugezwa kuti vachene’ kunyange pazvivi zvakakomba, sezvinoita mvura.—1 VaKorinde 6:9-11.
Rimwe jaya rokuSpain rakachinja sezvinotevera. Alfonso anotsanangura kuti: “Pandaiva nemakore 18, ndaivenga upenyu hwangu.” Zvinodhaka zvakanga zvamupinda muropa uye akanga ava tsotsi remakoko. “Ndainzwa ndisina kuchena nemhaka yemabatiro andaizviita uye mabatiro andaiita vamwe vanhu.
“Kuchikoro kwaiva nomumwe musikana wezera rangu aive netsika dzakanaka uye akadzikama zvaimusiyanisa nevamwe vana vechikoro. Muenzaniso wake wakaita kuti ndidewo kurarama upenyu hwakachena sohwake. Ndakatanga kupinda misangano yeZvapupu zvaJehovha sezvaakanga andiudza. Pasina nguva ndakatanga kudzidza Bhaibheri uye kuumba ushamwari naMwari. Mugore rimwe chete ndakachenesa upenyu hwangu uye ndakava Chapupu chakabhabhatidzwa. Kuchinja kunoshamisa uku kwakaita kuti vabereki vakawanda vokwandaigara vauye ndokundikumbira kuti ndibatsire vana vavo vachiri kuyaruka vaiva vapindwa muropa nezvinodhaka.”
Mvura Inopa Upenyu Husingaperi
Jesu akamboudza mukadzi wokuSamariya aichera mvura patsime raJakobho nezve“mvura mhenyu.” Akati: “Munhu wose anonwa mvura yandichamupa haazombovizve nenyota, asi mvura yandichamupa ichava maari tsime remvura inotubuka kuti ipe upenyu husingaperi.” (Johani 4:10, 14) Mashoko aJesu anoratidza kuti “mvura mhenyu” inomiririra zvatinopiwa naMwari kuti tirarame sezvinotsanangurwa muShoko rake, Bhaibheri. Zvatinopiwa izvi zvinoita kuti vanhu vararame nokusingaperi. Chimwe chinokosha pamvura yokufananidzira iyi chibayiro chorudzikinuro chaKristu Jesu. Jesu akatsanangura kuti: “Mwari akada nyika kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga, kuti munhu wose anotenda maari arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.”—Johani 3:16.
Alfonso ambotaurwa nezvake, ava kukoshesa zvikuru “mvura mhenyu” inobva kuna Mwari. Achitaura nezvevaya vakaramba vachiita utsotsi uye vachishandisa zvinodhaka, anoti: “Mukoma wangu nedzaimbova shamwari dzangu dzose vakafa. Kuziva zviri mushoko raMwari kwakandiponesa. Kudai zvisiri zvatinopiwa naJehovha, ndingadai ndakafa.” Uyezve, nemhaka yezvaakadzidza muShoko raMwari, Alfonso ari kutotarisira kurarama nokusingaperi munyika itsva yaMwari yaakapikira.—2 Petro 3:13.
Munhu Wose Anokokwa
Mubhuku rokupedzisira reBhaibheri, munotsanangurwa “rwizi rwemvura youpenyu, inoonekera sekristaro, ichiyerera ichibva pachigaro choumambo chaMwari necheGwayana.” (Zvakazarurwa 22:1) Rwizi rwacho runomiririra zvinhu zvatinopiwa naMwari zvichaita kuti vanhu vave vakakwana sezvakanga zvakaita Adhamu naEvha pakutanga kwenhoroondo yevanhu.
Nhoroondo yacho yapedza kutsanangura rwizi urwu, inopfuurira kukoka ichiti: “Munhu wose anonzwa nyota ngaauye; munhu wose anoda ngaatore mvura youpenyu asingatengi.” (Zvakazarurwa 22:17) Nhasi vanhu pasi rose vari kukokwawo. Gore rimwe nerimwe Zvapupu zvaJehovha munyika dzinopfuura 235 zviri kupedza maawa anopfuura bhiriyoni zvichibatsira vanhu kuwana zivo yeBhaibheri inopa upenyu.
Une nyota here yemvura youpenyu? Kana ukanwa mvura yakachena, kureva kuti ukadzidza uye ukashandisa zvatinopiwa noMusiki wedu, unogona kuvawo mumwe wevanhu vari ku“zvichengetera nheyo yakanaka yenguva yemberi sepfuma yavo, kuti vabatisise upenyu chaihwo.”—1 Timoti 6:19.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 14]
Chokwadi cheBhaibheri chine simba rokuchenesa mutsika uye mune zvokunamata, sokuchenesa kunoita mvura
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 15]
MATSIME EMVURA OMUNGUVA INOTAURWA MUBHAIBHERI
Munguva inotaurwa muBhaibheri, vanhu vaiedza nepavaigona napo kuti vawane matsime emvura akanga asingapwi. Abrahamu naIsaka vakachera matsime pedyo neBheeri-shebha kuti vave nechokwadi chokuti mhuri dzavo uye zvipfuwo zvaizowana mvura yakakwana.—Genesisi 21:30, 31; 26:18.
Matsime asina kudzika aiwanzopwa muchirimo chaitora nguva yakareba. Kuti mvura isazopwa tsime raifanira kunge rakadzika. (Zvirevo 20:5) Rimwe tsime riri kuRakishi rakadzika mamita 44. Rimwe riri kuGibhiyoni rakadzika mamita 25 uye rakafara mamita 11. Kuti vachere tsime rakadaro zvaida kuti vabvise matani 3 000 ematombo. Mukadzi wokuSamariya akauya kuzochera mvura mutsime raJakobho akaudza Jesu kuti: “Tsime racho rakadzika.” Mvura yaiva pasi nemamita 23.—Johani 4:11.
MuMiddle East yekare, vaiwanawo mvura yavo mumigodhi. Migodhi iyi yaizara nemvura yainaya kubva muna October kusvika muna April. Migero yaicherwa mujinga mezvikomo kuitira kuti mvura iyerere ichipinda mumigodhi yacho. VaIsraeri vaichera migodhi yakakura kuti vachengete mvura yakawanda.—2 Makoronike 26:10.
Kuchera mvura mumatsime nomumigodhi raiva basa rakaoma uye richakangooma. Vakadzi vakadai saRibheka uye mwanasikana waJetro vaiita basa rinokosha rokugara vachichera mvura yemhuri yavo uye yezvipfuwo zvavo.—Genesisi 24:15-20; Eksodho 2:16.
[Mufananidzo uri papeji 15]
Alfonso nhasi achiudza vamwe Shoko raMwari