Kuremekedza Vakadzi Muupenyu Hwezuva Riri Rose
KANA vakadzi vachizoremekedzwa zvikuru kupfuura panguva ino, chinjo inofanira kutanga rini uye kupi? Eya, zvikanganiso nokufungira mano akaipa zvinowanzoumbika rini uye kupi? Pamusha uye kuchikoro, mukati mamakore okudzidzisika. Tinokudziridza zvimiro zvedu zvendangariro kusvikira kutambanuko huru mupesvedzero yavabereki. Naizvozvo, nomutoo une mufungo, ndiani anogona kuva netapuro ine simba pazvimiro zvendangariro zvomunguva yemberi zvamajaya kuvakadzi? Sezvinooneka, baba naamai. Naizvozvo chimwe chezvinhu zvinokosha zvechinetso ndiyo dzidzo yakafanira inogona kupinda mumisha ndokupesvedzera vabereki.
Nzira Iyo Vakadzi Vanorangarirwa Nayo
Kuti kufungira mano akaipa kunovakirwa pamusha kunoenzanisirwa naJenny, munyori akaroorwa, musikana mukurusa wavanasikana vana, uyo akati: “Somukadzi muduku, taiziva nguva dzose nezveidi rokuti muUnited States, muna vakadzi vakawanda kupfuura varume. Naizvozvo kana uchida kuroorwa, unotofanira kuita zvinhu nenzira yokuti varume vade kukuroora.
“Ipapowo, vakadzi vane mugariro wokufunga kuti ivo zvisikwa zvakaderera zvikuru. Padzimwe nguva kunyange vabereki venyu vanokuitai kuti mufunge kuti hamuna maturo kupfuura vakomana. Apo mumwe murume anova muupenyu hwenyu, anotumira shoko rimwe chetero, rokuti imi makaderera kuna varume.
“Uye neiko kuzviremekedza kwedu kuchitofanira kuvakirwa zvikurukuru pamwero namativi omuviri kana kuti pakushaikwa kwawo? Ko varume vanosarudzwa nenzira iyeyo here?”
Betty, ave akaroorwa kwamakore 32, aichimbova mutarisiri wechitoro, akasimbisa rimwe pfundo: “Neiko vakadzi vachisarudzwa nohukadzi hwavo panzvimbo poruzivo rwokuzviwanira rwavo, mano, uye ungwaru? Zvose zvandinokumbira ndezvokuti varume vateerere ndangariro yangu. Musandizvidza pahwaro hwokuva mukadzi kwangu!
“Kazhinji kazhinji zvikuru varume vanorangarira vakadzi sokunge kuti isu tose tiri mafuza namapenzi—mafuza zvikuru zvokusagona kuita chisarudzo chakarurama. Imi munoziva zvandinotaura here? Ngavatibate sezvavaizoda kubatwa. Ikoko kuchakurumidza kuchinja murangariro wavo!” Zvose zvaanokumbira ndezvokuti varume vashandise Chindiro Chinopfumba Kunobva Chimwe, ‘Itirai vamwe sezvamaizoda kuti vakuitireiwo.’—Mateo 7:12.
Ava vakadzi vanoita mapfundo anokosha. Faniro yechokwadi yomukadzi haimbofaniri kuvakirwa pachitarisiko chokunyama chisina kudzama namavara anokwezva kana kuti pafungira mano akaipa etsika. Chirevo cheSpain chinorondedzera neiyi nzira: “Mukadzi akatsvinda anofadza meso; mukadzi akanaka anofadza mwoyo. Kana wokutanga ari ibwe rinokosha, wapashure ipfuma.”
Bhaibheri rinosimbisa pfundo rimwe chetero munzira yakasiana: “Rutsvindo rwako harufaniri kutsamira pachifukidziro chomusoro chamaoresa, kana kuti kushongwa kwechishongo kana kuti zvipfeko zvakaisvonaka, asi pamunhu womukatikati—runako rusingasvavi rwomudzimu wakaterama nomunyoro, chinhu chinokosha zvikuru mumeso aMwari.” Uye sezvo tisingafaniri kusarudza bhuku kupfurikidza nebutiro raro, saizvozvowo hatifaniri kusarudza vanhu kupfurikidza nohukadzi.—1 Petro 3:3, 4, Phillips.
Kuratidza Ruremekedzo Mumusha
Chinyunyuto chakafanira chavakadzi vazhinji, zvikurukuru vadzimai vanoshanda navanamai, ndechokuti varume vanokundikana kuziva mabasa apamba sebasa romuraudzo, uye vanowanzosaita mugove wavo. Susan Faludi, anokorwa mashoko kare, anoti: “Uyewo vakadzi havafarikanyi kuenzana mumisha yavo vamene, umo vachiri kutakura 70 muzana yamabasa apamba.” Chii chiri chigadzikiso kune uku kusaruramisira?
Nepo zvichida chisati chichifadza kuvarume vazhinji mune dzimwe tsika, gadziriro yomumba isina rusaruro inofanira kurongwa, zvikurukuru kana mudzimaiwo achifanira kundoshanda. Chokwadika, kugoveranwa kupi nokupi kwemitoro kungarangarirawo nzvimbo yemibato iya inowanzova mutoro womunhurume—kutarisira motokari, kutarisira chivanze nebindu, kugadzira mapombi, basa ramagetsi, uye zvichingodaro—izvo, zvisinei, zvinowanzokodzerana nenguva inopedzerwa nomudzimai mumabasa apamba. Mune dzimwe nyika varume vanotokarira mudzimai kuita kuti motokari irambe ichigezwa nokucheneswa, sokunge kuti yaiva futunuko yomusha!
Nenzira yakati, ichi chikarakadzo chokugoverana mabasa apamba chinowirirana nezano romuapostora Petro rakapiwa varume rokuti vagare navadzimai vavo “mukuwirirana nezivo.” (1 Petro 3:7, NW) Pakati pezvimwe zvinhu, ikoku kunoreva kuti murume anofanira kusangova mukwanyina wekamuri asingaiti chinhu, asingatapuriki kana kuti mukwanyina weimba. Anofanira kuremekedza ungwaru noruzivo rwokuzviwanira zvomudzimai wake. Anofanirawo kunzwisisa zvinodikanwa zvake somukadzi, mudzimai, uye amai. Ikoku kunobatanidza zvinopfuura chinodikanwa chomuriritiri chokuunza kumba cheki yomubhadharo; vakadzi vazhinji vanoshanda vanoitawo kudaro. Anotofanira kunzwisisa zvinodikanwa zvake zvokunyama, zvokunzwa kwomukati, zvendangariro, zvevatano, uye, kupfuura zvose, zvomudzimu.
Kumurume anotaura kuti anotevera nheyo dzechiKristu, kune mutoro mukuru zvikuru unobatanidzwa—uya wokutevedzera muenzaniso waKristu. Iye akatambanudzira kokero yakaisvonaka kuna vose avo vakanga “vakaneta navakaremerwa,” achiti: “Ini ndichakuzorodzai. . . . ndiri munyoro, ndine mwoyo unozvininipisa, kuti muwane zororo pamweya yenyu.” (Mateo 11:28, 29) Idenho yakadini kuvarume vechiKristu navanababa! Mumwe nomumwe anofanira kuzvibvunza amene kuti: ‘Ndinozorodza mudzimai wangu kana kuti ndinomudzvinyirira here? Ndine mutsa naanosvikika here, kana kuti ndinokombamira kukuva mushushi, mupfurutsi, kana kuti mudzvinyiriri? Ndinoratidza “chidakadaka chouhama” pamisangano yechiKristu dzokonokei ndova asingashiviriri kumba here?’ Muungano yechiKristu hamufaniri kuva navarume vane hunhu huviri.—1 Petro 3:8, 9.
Naizvozvo, hapagoni kuva neruramisiro nokuda kwerondedzerwo yomurume yakapiwa nomumwe mukadzi wechiKristu akabatwa zvisina kufanira: “Musoro wechiKristu ane utsinye akanaka zvikuru paHoro yoUmambo uye anotengera zvipo vamwe asi anobata mudzimai wake noruzvidzo.” Ruremekedzo rwakafanira nokuda kwomudzimai runosiya nzvimbo nokuda kwoudzori nokuzvininipisa. Chokwadika, pane mativi maviri panhau iyi; mudzimai anofanira kuratidzawo ruremekedzo rwakafanira nokuda kwomurume wake.—VaEfeso 5:33; 1 Petro 3:1, 2.
Chokwadi kusimbisa zviri pamusoro apa, Dr. Susan Forward anonyora, kuti: “Ukama hwakanaka hwakavakirwa paruremekedzo.” Ikoko kunoita kuti vakwanyina vose vari vaviri vave nomutoro nokuda kwokubudirira. Anopfuurira kuti: “Kunobatanidza kuitira hanya uye kutapurika nokuda kwokunzwa nezvinodikanwa zvomumwe nomumwe, pamwe chete nokuongwa kwezvinhu zvinoita kuti mukwanyina mumwe nomumwe ave anokosha zvikuru. . . . Vakwanyina vane rudo vanowana nzira dzinobudirira dzokubata nadzo nezvinetso zvavo; havarangariri chinosanganwa nacho chimwe nechimwe sehondo inofanira kukurirwa kana kuti kukundwa.”—Men Who Hate Women & the Women Who Love Them.
Bhaibheri rinopawo zano rakaisvonaka kuvarume pana VaEfeso 5:28 (NW), richiti: “Varume vanofanira kuda vadzimai vavo semiviri yavo vamene. Iye anoda mudzimai wake anozvida amene.” Neiko kutaura ikoko kuri kwechokwadi? Nemhaka yokuti roorano ibhuku rebhangi romubatanidzwa umo vose vari vaviri vakaisa 50 muzana. Kana murume akashandisa zvisina kufanira ipi neipi yemari iyoyo, anokuvadza mugariro wemari wavose vari vaviri. Nenzira yakafanana, kana murume akakuvadza mudzimai wake munzira ipi neipi, ipapo mukutaura namashoko mapfupi kana kuti marefu, iye anozvikuvadzawo amene. Neiko? Nokuti roorano yake ipfuma inogoveranwa. Kana ukakuvadza pfuma iyeyo, unokuvadza vakwanyina vose vari vaviri vanoishandisa.
Pane rimwe pfundo rinokosha rinofanira kurangarirwa pamusoro poruremekedzo—harufaniri kurairwa. Nepo mukwanyina mumwe nomumwe ane ngava yoruremekedzo kune mumwe, runofanira kuwanwa. Kristu haana kutongowana ruremekedzo kupfurikidza nokuedza kushandisa simba rake kana kuti nzvimbo yakakwirira.a Nenzira yakafanana, muroorano murume nomudzimai vanowana ruremekedzo kupfurikidza nenzira yavo yechiito yokurangarirana, kwete kupfurikidza nokushandisa magwaro eBhaibheri kunyengetedza kururaira.
Kuratidza Ruremekedzo Kubasa
Ko varume vanofanira kurangarira vakadzi setyisidziro kukuzvikudza kwavo kwomunhurume here? Mubhuku rake rinonzi Feminism Without Illusions, Elizabeth Fox-Genovese akanyora, kuti: “Muzvokwadi, vakadzi vazhinji nhasi vanoda icho varume vanoda: kuita kurarama kwakanaka, kuva noupenyu hwomunhu oga hunotusa, uye kupfuurira munyika pasina kunyanyosakisa zvinetso zvizhinji.” Ko chishuvo ichecho kana kuti chinendirini chingatsanangurwa setyisidziro kuvarume here? Akataurawo kuti: “Neiko tisingafaniri kuziva kuti, pasinei hapo nechinjo dzose nyika yedu yakawana kana kuti ingaita, misiano inopfuurira uye inogona kuva inofarikanywa?”
Varume vechiKristu vanobatira savanaforomani kana kuti vatarisiri zvikurukuru vanoda kuremekedza chiremera chavashandibiyavo vechikadzi uye kuyeuka kuti mukadzi akaroorwa anongova bedzi nomurume mumwe so“musoro” wake mupfungwa yeBhaibheri, murume wake. Vamwe vangava munzvimbo dzokutarisira uye vanoremekedzwa nokuda kwaikoko; asi zvakare mupfungwa yakasimba yeBhaibheri, hakuna murume kunze kwomurume wake ari “musoro” womukadzi iyeyo.—VaEfeso 5:22-24.
Kurukurirano munzvimbo yebasa dzinofanira kuva dzinovaka nguva dzose. Apo varume vanotendeukira kukurukurirano dzinobatanidza revo mbiri kana kuti zvikarakadziro zvevatano, havasati vari kuratidza ruremekedzo nokuda kwavakadzi, uyewo havasiri kukudziridza mukurumbira wavo vamene. Pauro akanyorera maKristu, kuti: “Upombwe nokusachena kworudzi rwuri rwose kana kuti makaro ngazvirege kutongova zvinodudzwa pakati penyu, sezvakakwafanira vanhu vatsvene; uye mufambiro unonyadzisa kana kuti kutaura kwoufuza kana kuti kutaura kwakashata, zvinhu zvisina kunaka, asi kupfuurezvo kupiwa kwokuonga.”—VaEfeso 5:3, 4, NW.
Kuchinja mugove webasa pasina kurangarira kunzwa kwomukadzi ndiimwe nzira yokukundikana kuratidza ruremekedzo. Jean, mukoti, akati: “Kwaizova kwakanaka kudai paizova nokubvunza kwakati kuti chinjo dzisati dzaitwa mumigove yedu yebasa. Zvamazvirokwazvo kwaizova nzira yakanaka yechiito inounza miuyo yakananga. Vakadzi vanoda kunzwira tsitsi uye vanoda kunzwa kuti ndevoukoshi uye vanokudzwa.”
Rumwe rutivi rworukudzo munzvimbo yebasa imhinganidzo iyo vamwe vakadzi vanoidza kuti “denga regirazi.” Ikoku kunoreva “zvikanganiso zvomutemo zvinodzivisa vakadzi kuwana nzvimbo dzokutarisira dzokugara pabasa munzvimbo dzamabasa okugadzirwa kwezvinhu dziri dzoga.” (The New York Times, January 3, 1992) Somuuyo, fundo yazvino uno muUnited States yakaratidza kuti chikamu chakaderera muzana chamabasa omwero wakakwirira zvikuru chine vakadzi, kuvambira mu 14 muzana muHawaii ne 18 muzana muUtah kusvikira ku 39 muzana muLouisiana. Kana ruremekedzo ruchiratidzwa, kusimudzirwa panzvimbo yebasa rokunyika hakusati kuchizotsamidzwa pakuva mukadzi kana kuti murume asi pamano noruzivo rwokuzviwanira. Mutarisiri wokunzvera Sharon Harlan akati: “Kuri kuva kuri nani zvikuru, asi . . . kuchine mativi anoganhurira aripo nokuda kwavakadzi.”
[Mashoko Omuzasi]
a Ona Nharireyomurindi yaMay 15, 1989, mapeji 10-20, “Kuratidza Rudo Noruremekedzo Somurume” uye “ . . . Somudzimai.”
[Bhokisi riri papeji 14]
KUREMEKEDZA—Chii Icho Vakadzi Vanogona Kuita?
● Iva uye chengeta KUZVIREMEKEDZA
● Jekesa chaunobvumira kuti chive chinotaurwa nokuitwa mukuvapo kwako
● Gadza miganhu yakafanira yomufambiro unogamuchirika uye mutauro
● Usaedza kukwikwidzana navarume mumisere yakashata neisina kunaka; inokuita mudzimai akaderera uye haivaiti varume kwavo
● Usapfeka nomutoo unonyandura, pasinei hapo nechingava fashoni yazvino uno; nzira yaunopfeka nayo inoratidza mwero wako umene wokuzviremekedza
● Wana ruremekedzo kupfurikidza nokuzvibata kwako; bata varume noruremekedzo rwaunokarira kwavari
● Usava anotamba zvakaipa
KUREMEKEDZA—Chii Icho Varume Vanogona Kuita?
● Bata vakadzi vose noruremekedzo nechiremera; rega kuva anotyiswa nomukadzi anodenha
● Usanyanyorovedzana nomumwe asiri mudzimai wako, uchishandisa mashoko asingadikanwi echidakadaka
● Dzivisa misere yakashata nokuringa kunokarakadzira
● Rega kunyanyova muringanirisi, uye dzivisa kubata kusina kukodzera
● Usazvidza kana kuti kusekesa basa rake kana kuti hunhu hwake
● Bvunza, teerera, uye kurukura nenzira ine donzo
● Ratidzira kuonga nokuda kwebasa romukadzi
● Betsera mabasa apamba. Kana uchirangarira kuti chiremera chako chinoderedzwa, zvakadiniko nechake?
● Kana uchigara navabereki vako, iva anotapurika nedzvinyiriro dzinotsungirirwa nomudzimai wako. Iye ndiye mutoro wako wokutanga uye anoda tsigiro yako (Mateo 19:5)