Kutakura Mutoro Wokutarisira Mhuri
“MADZIBABA, regai kutsamwisa vana venyu; asi varerei pakuranga nokurayira kwaShe.” (VaEfeso 6:4) Namashoko iwayo akafuridzirwa, muapostora Pauro nenzira yakajeka akaisa mutoro wokutarisira mhuri panzvimbo yawo—pana baba.
Mumhuri dzakawandisa baba havasi voga mukutarisira vana vavo. Mudzimai wavo, mai vevana vavo, vanogoverana mutoro wacho nomurume wavo nomufaro. Nokudaro, Mambo Soromoni akazivisa kuti: “Mwanakomana wangu, inzwa kurayirira kwababa vako; usarasha kudzidzisa kwamai vako.”—Zvirevo 1:8.
Kutarisira Zvokunyama Nezvomudzimu
Vabereki vanoda vana vavo havavaregeredzi namaune. Zvirokwazvo, kuita kwavaKristu kudaro kungava kwakafanana nokuramba kutenda kwavo, sezvatinogumisa kubva mumashoko aPauro kuna Timotio: “Asi kana munhu asingachengeti vokwake, zvikuru veimba yake, warasha kutenda, wakaipa kukunda usingatendi.” (1 Timotio 5:8) VaKristu vanoziva kuti kurera vana “pakuranga nokurayira kwaShe” kunoda zvinopfuura zvikuru kuvagovera zvokunyama.
Rangarira kurudziro yaMosesi kurudzi rwaIsraeri apo vakanga vari mumusasa pamapani aMoabhi, vasati chaizvo vapinda muNyika Yakapikirwa. Ipapo akadzokorora mitemo yaMwari kwavari ndokuvarayiridza kuti: “Munofanira kuchengeta mashoko angu awa mumwoyo yenyu nomumweya yenyu.” (Dheuteronomio 11:18) Pakuvamba akanga avayeuchidza kuti vanofanira kuda Jehovha nemwoyo wavo wose, mweya, uye simba, achiwedzera kuti: “Zvino mashoko awa andinokurayira nhasi, anofanira kuva mumwoyo mako.” (Dheuteronomio 6:5, 6) Zvakanga zvichikosha kuti vabereki vechiIsraeri vabvumire mashoko oMutemo waMwari kuti apinde mumwoyo yavo. Mwoyo yakazadzwa nokuonga zvinhu zvomudzimu, vabereki vechiIsraeri vaigona kuteerera nomutoo unoshanda mashoko aMosesi anotevera: “Unofanira [kuroverera, NW] [mashoko omutemo waMwari] muvana vako, nokuataura kana ugere mumba mako, kana uchifamba munzira, kana uchivata pasi, kana uchimuka.”—Dheuteronomio 6:7; 11:19; enzanisa naMateo 12:34, 35.
Cherekedza kuti vanababa vaifanira [“kuroverera,” NW] mashoko iwayo muvana vavo uye “kuataura.” Merriam-Webster’s Collegiate Dictionary inorondedzera “kuroverera” so“kudzidzisa uye kusimbisa kupfurikidza nokudzokorora kakawanda kana kuti kurayira.” Apo vabereki vaitaura pamusoro poMutemo waMwari zuva nezuva—mangwanani, masikati, uye usiku—izvozvi zvaipa zvakawanda kuvana vavo. Sezvo vaduku vacho vakaziva rudo urwo vabereki vavo vaiva narwo nokuda kwomutemo waMwari, ivowo vakapesvedzerwa kuti vatange kuva pedyo naJehovha. (Dheuteronomio 6:24, 25) Nenzira inofadza, Mosesi akarayiridza madzibaba nenzira yakananga kuti vadzidzise vana vavo ‘pavaigara mumba mavo.’ Kudzidzisa kwakadaro kwaiva rutivi rwokutarisira mhuri. Asi zvakadini nhasi?
“Kana Ugere Mumba Mako”
“Hazvisi nyore,” anotsanangura kudaro Janet, amai vechiKristu vevana vana.a “Unoda kupfuurira,” anobvuma kudaro Paul, murume wake. Kufanana navamwe vabereki vakawanda vari Zvapupu, Paul naJanet vanoedza kudzidza Bhaibheri navana vavo kanenge kamwe chete pavhiki. “Tinoedza kuva nekurukurirano yedu yeBhaibheri yemhuri manheru oMuvhuro woga woga panguva yakagadzwa,” Paul anotsanangura kudaro, achibvuma kuti: “Asi hazvishandi nguva dzose.” Somukuru akagadzwa muungano yake, pane dzimwe nguva akadanwa kundobata nenhau dzekukurumidzira. Vana vake vakuru vaviri vanobatira savashumiri venguva yakazara. Vanowana kuti manheru inguva dzinobudirira dzokuonana navanhu muushumiri. Nokudaro, semhuri, vakagadziridza nguva yefundo yavo yemhuri. “Pane dzimwe nguva tinova nefundo yedu nokukurumidza pashure pechirariro chedu,” Paul anotsanangura kudaro.
Kunyange zvazvo vabereki vachiratidzira nokuchenjera kuchinjika munguva yefundo yavo yemhuri, vanoedza kuchengeta kuva kwayo yenguva dzose. “Kana nguva yefundo yedu ichifanira kuchinjwa,” anotsinhira kudaro mwanasikana Clare, “nguva dzose Baba vanoisa nguva itsva pasuo refiriji, kuitira kuti tose tizive kuti ichava panguvai.”
Kuunganira fundo yeBhaibheri yemhuri yenguva dzose kunogoverawo mukana wakaisvonaka wokuti mitezo miduku yemhuri yacho igoverane zvainoitira hanya nezvinetso navabereki vayo. Fundo yakadaro inounza migumisiro yakanaka painenge isina kunyanyooma zvokuti vaduku vanongorava bedzi mhinduro dzemibvunzo inobvunzwa mubhuku reBhaibheri ravanoshandisa. “Fundo yedu yemhuri chirongwa chekurukurirano,” anotsanangura kudaro Martin uyo ane vanakomana vaviri. “Pamunova pamwe chete kamwe pavhiki kuzokurukura nhau yomuMagwaro, munowana kuti mhuri yenyu iri kuita sei mumudzimu,” anotsinhira kudaro. “Zvinhu zvakawanda zvakasiyana-siyana zvinowanwa mukurukurirano yacho. Munoziva zviri kuitika kuchikoro, uye zvinofadza zvikuru, munowana kuti vana venyu vari kutanga mirangariroi.” Mudzimai wake, Sandra, anobvuma uye anonzwa kuti iyewo anowana zvakawanda mufundo yemhuri yacho. “Apo murume wangu anenge achiitisa fundo yacho,” anorondedzera kudaro, “ndinodzidza zvakawanda kupfurikidza nokuteerera mapinduriro anoita vanakomana vangu mibvunzo yake.” Ipapo Sandra anokodzeranisa tsinhiro dzake kuti abetsere vakomana vake. Anofarikanya fundo yacho zvikuru nokuti anobatanidzwa nenzira yokushingaira. Hungu, nhambo dzefundo yemhuri dzinopa vabereki nzwisiso mukufunga kwavana vavo.—Zvirevo 16:23; 20:5.
Iva Anochinjika uye Pfuurira
Apo nguva inosvika yefundo yenyu yemhuri, mungawana kuti mwana mumwe angava akangwarira uye achifarira, nepo mumwe achida kunyengetedzwa kuti ape ngwariro ndokubetserekana. Vamwe mai vechiKristu vanotsinhira kuti: “Ndizvo zvakaita upenyu hwemhuri! Unoziva zvaunofanira kuita somubereki. Nokudaro pamunopfuurira nayo, Jehovha anobetsera ndokuunza migumisiro.”
Mwero wengwariro yomuduku ungasiyana zvikuru maererano nezera rake. Mubereki anonzwisisa anorangarira izvozvi. Vamwe vanyakuroorana vane vana vashanu, vane makore anobva pa6 kusvikira kuma20. Baba vacho, Michael, vanoti: “Ipa mudukusa mukana wokutanga kupindura mubvunzo wacho. Ipapo ita kuti vana vati kurei vawedzere udzame hwacho nokutaura mapfundo avakagadzirira.” Iyi nzira yokubata navana vavo nokunzwisisa inogonesa vabereki kudzidzisa ukoshi hwokurangarira vamwe. “Mumwe wavanakomana vedu anganzwisisa,” anotsinhira kudaro Martin, “asi mumwe mukomana anoda betsero yakawanda kuti anzwisise murangariro wacho. Ndinowana kuti rusando rwefundo rwunova nzvimbo yokurovedzera kuratidzira shiviriro yechiKristu nezvimwe zvibereko zvomudzimu.”—VaGaratia 5:22, 23; VaFiripi 2:4.
Iva akagadzirira kuchinjira kumano akasiyana-siyana avana vako nemwero yokukura. Simon naMark, zvino vave vechiduku, vakawana kuti pavakanga vakati dukupei, vaifarikanya chaizvoizvo kufunda bhuku raMunhu Mukurusa Ati Amborarama navabereki vavo. “Baba vedu vaitiita kuti tiite mativi akasiyana-siyana somutambo,” vanoyeuka kudaro. Baba vavo vanoyeuka vachipfugama namabvi avo namagokora kuti vaedzesere mufananidzo womuSamaria ane mutsa navanakomana vavo. (Ruka 10:30-35) “Zvakanga zviri chaizvoizvo uye zvainakidza zvikuru.”
Vana vakawanda vanoshatirirwa muitiro wefundo yemhuri. Izvi zvinofanira kuita kuti vabereki varege kuitisa fundo yacho painenge yakarongwa here? Aiwa, zvirokwazvo kwete. “Upenzi hunonamatira mumwoyo womwana,” inobvuma kudaro Zvirevo 22:15. Vamwe mai vasina murume vakafunga kuti vakanga vachikundikana somuitisi wefundo yemhuri apo, muzvinoitika zvakawanda, zvinotsausa zvakaratidzika sezvinoda kudzongonyedza rusando rwacho. Asi vakapfuurira. Zvino vana vavo vanovaremekedza zvikuru uye vakasvika pakukoshesa rudo nokuitira hanya zvavakaratidzira kupfurikidza nokupfuurira mukuitisa fundo yemhuri yenguva dzose.
Kubetsera Vakomana Navasikana Vari “Nherera”
Vakuru vechiKristu vanonzi “fudzai . . . boka raMwari.” (1 Petro 5:2, 3) Kushanyira mhuri dziri muungano dzavo panhambo nenhambo kunovagovera mikana yokurumbidza vabereki vanotakura mitoro yavo yechiKristu. Mutoro wokudzidzisa vana vomubereki asina mukwanyina unotakurwa naani? Usambokanganwa kuti mutoro wokurayiridza vana ndowomubereki.
Kungwara kwechiKristu kuchabetsera vakuru kudzivisa mamiriro ezvinhu anogona kupinza mungozi nheyo dzechiKristu kudai vaizoita basa romubereki asipo. Kunyange zvazvo hama mbiri dzingakwanisa kushanyira hanzvadzi yechiKristu iri mubereki asina mukwanyina, nguva dzose vachava vanongwarira mune zvavanoronga mukutsigira gadziriro yefundo yemhuri. Panhambo nenhambo, kukoka vana vacho (uye, zvirokwazvo, mubereki asina mukwanyina) kuti vakumbanire fundo yemhuri yomukuru wacho pachake kungabvumikisa kuva kunovaka nokunoshanda. Zvisinei, usambokanganwa kuti Jehovha ndiBaba vedu vakuru vokudenga. Aripo zvechokwadi kuti atungamirire nokubetsera mai vacho pavanoitisa vana vavo fundo, kunyange zvazvo vachiita kudaro vari voga.
Zvakadiniko namamiriro ezvinhu umo munhu muduku anoitira hanya zvinhu zvomudzimu, asi vabereki vake vachiratidzira kuitira hanya kuduku kana kuti kusaitira hanya mitoro yavo yomudzimu? Vabatiri vakatendeka vaJehovha havafaniri kutongoodzwa mwoyo. “Usina mubatsiri unozviisa kwamuri [Jehovha Mwari],” akaimba kudaro wezvamapisarema. “Makava mubatsiri wenherera.” (Pisarema 10:14) Uyewo, vakuru vane rudo vari muungano vachaita zvavanogona kuti vakurudzire vabereki sezvavanotarisira vana vavo. Vangakarakadza kurukurirano yemhuri ndokuvapo kuti vagovere zvikarakadzo zvinoshanda pamusoro penzira yokufunda nayo pamwe chete. Chokwadika, havasati vachizotora mutoro wavabereki vacho, paunofanira kuva paMagwaro.
Vana vane vabereki vasingagamuchiri kutenda vanoda tsigiro huru. Kuvabatanidza mufundo yenyu yemhuri kungabvumikisa kuva kunobetsera kana izvozvo zvichigamuchirwa navabereki vavo. Robert, zvino munhu akura ane mhuri yake pachake, akapinda misangano yechiKristu navabereki vake apo akanga ane makore matatu bedzi okukura. Akanga achiyeuka zvakanaka zvikuru misangano iyoyo kunyange pashure pokunge vabereki vake varega kusonganirana neungano yechiKristu. Paakanga ava namakore gumi, akasangana nomumwe mukomana ari Chapupu uyo akaenda naye kumisangano. Vabereki vomukomana ari Chapupu nomufaro vakatarisira Robert senherera yomudzimu uye gare gare vakafunda naye. Nemhaka youku kuitira hanya kworudo, akafambira mberi nokukurumidza uye zvino anofarikanya kubatira somukuru muungano yacho.
Kunyange apo vabereki vanoshora kufambira mberi kwavana vavo, vana vacho havasi voga. Jehovha anoramba ari Baba vokudenga vakatendeka. “Baba venherera . . . ndiye Mwari paugaro hwake hutsvene,” rinozivisa kudaro Pisarema 68:5. Vakomana navasikana vari nherera mumudzimu vanoziva kuti vanogona kutendeukira kwaari mumunyengetero, uye iye achavatsigira. (Pisarema 55:22; 146:9) Sangano raJehovha rakafanana namai rinoita nokushingaira mutoro waro wokugadzirira zvokudya zvomudzimu zvinonaka zvinogoverwa kupfurikidza nezvinyorwa zvaro uye pamisangano yeungano dzechiKristu dzinopfuura 85 000 munyika yose. Nokudaro, nebetsero yomudzimu inobva kuna Baba vedu, Jehovha, uye sangano rake rakafanana naamai, kunyange “nherera” dzichafarikanya mwero wakati wefundo yeBhaibheri.
Vabereki vechiKristu vanoitisa vana vavo fundo dzeBhaibheri dzemhuri dzenguva dzose vakafanirwa nekurumbidzwa. Vabereki vasina mukwanyina vanopfuurira mukurovedza vaduku vavo munzira dzaJehovha vanofanirwa nengwariro chaiyo nerumbidzo nokuda kwenhamburiko dzavo. (Zvirevo 22:6) Vose vanoratidzira kuitira hanya vana vasina baba mumudzimu vanoziva kuti izvozvi zvinofadza Baba vedu vokudenga, Jehovha. Kutarisira zvinodikanwa zvomudzimu zvemhuri mutoro unorema. Asi ‘musarega, nokuti munguva yakafanira muchakohwa kana musinganeti.’—VaGaratia 6:9.
[Mashoko Omuzasi]
a Mamwe mazita akachinjwa.
[Mufananidzo uri papeji 23]
Fundo yemhuri inogovera mukana wakaisvonaka wokuti mitezo miduku yemhuri igoverane zvainoitira hanya navabereki vayo
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 20]
Harper’s