Zvirevo
22 Zita rakanaka* rinofanira* kusarudzwa panzvimbo pepfuma zhinji;+
Kuremekedzwa* kunopfuura kuva nesirivha negoridhe.
2 Mupfumi nemurombo vakafanana pakuti:*
Jehovha ndiye akavasika vese.+
3 Munhu akangwara anoona njodzi ohwanda,
Asi asina ruzivo anoramba achienda ozosangana nedambudziko.*
5 Minzwa nemisungo zviri munzira yemunhu asina kururama,
Asi munhu wese anokoshesa upenyu hwake* anoramba ari kure nazvo.+
13 Simbe inoti: “Panze pane shumba!
Ndingaurayiwa mumusika!”+
14 Miromo yevakadzi vasingazvibati* igomba rakadzika.+
Munhu anowanirwa mhosva naJehovha achawira mariri.
16 Munhu anobiridzira murombo kuti awedzere pfuma yake+
Neuya anopa mupfumi zvipo
Vachapedzisira vava kutambura.
17 Rereka nzeve yako uteerere mashoko evakachenjera,+
Kuti mwoyo wako uzive nezvangu,+
18 Nekuti zvinofadza kuti uachengete mukatikati mako,+
Kuti ese azogara ari pamiromo yako.+
19 Kuti uve nechivimbo muna Jehovha,
Ndiri kukupa ruzivo nhasi.
20 Handiti ndatokunyorera,
Ndichikupa mazano neruzivo,
21 Kuti ndikudzidzise mashoko echokwadi uye akavimbika,
Kuti ukwanise kudzokera nemashoko akarurama kumunhu akutuma?
22 Usabira murombo nekuti murombo,+
Uye usadzvinyirira munhu akaderera pagedhi reguta,+
23 Nekuti Jehovha pachake achavamiririra panyaya dzavo+
Uye achapfuudza upenyu hwevaya* vanovabiridzira.
24 Usashamwaridzana nemunhu asingatani kutsamwa
Kana kufambidzana nemunhu anokurumidza kushatirwa,
25 Kuti usafa wakadzidza nzira dzake
26 Usava mumwe wevaya vanobatana maoko vachiita chibvumirano,
Vanobvumira vamwe kupiwa zvikwereti muzita ravo.+
27 Kana usina chekubhadhara nacho,
Uchatorerwa mubhedha wako chaiwo wawakarara pauri!
29 Unoona munhu anoziva basa rake here?
Achamira pamberi pemadzimambo;+
Haazomiri pamberi pevanhuwo zvavo.